Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nyaya Dzisiri Dzekudzidza Dziri muNharireyomurindi

Nyaya Dzisiri Dzekudzidza Dziri muNharireyomurindi

Vaparidzi vakawanda vanoshandisa JW Library® pakugadzirira misangano uye vanotenda chaizvo kuti inovabatsira kukurumidza kusvika panyaya yekudzidza imwe neimwe iri muNharireyomurindi. Asi muNharireyomurindi yekudzidza munowanzova nedzimwe nyaya dzisiri dzekudzidza dzinewo zvekudya zvekunamata. Ungawana sei nyaya idzi paJW Library wobatsirwa nadzo?

  • Panoperera nyaya imwe neimwe yekudzidza yemuNharireyomurindi pane pakanzi “Zvimwe Zvekuverenga.” Pasi pemusoro iwoyo, baya pakanzi “Dzimwe nyaya dziri mumagazini ino.” Ukatarisa pakanzi “Zviri Mumagazini ino,” uchaona misoro yenyaya uye nhamba yenyaya yekudzidza imwe neimwe. Baya musoro wenyaya isiri yekudzidza yaunoda kuverenga.

  • Papeji yekutanga yepaJW Library pachikamu chakanzi “What’s New,” dhaunirodha magazini yeNharireyomurindi kana yavapo. Vhura magazini yaunenge wadhaunirodha wotarisa zvirimo kuti uve nechokwadi chekuti wabatsirwa nenyaya dzese dzirimo.