NYAYA YEKUDZIDZA 28
Ramba Uchibatsirwa Nekutya Mwari
“Munhu anofamba mukururama anotya Jehovha.”—ZVIR. 14:2.
RWIYO 122 Ivai Vakasimba, Vasingazununguki!
ZVICHADZIDZWA a
1-2. Kufanana naRoti, vaKristu vanosangana nematambudziko api mazuva ano?
PATINOONA kusazvibata kuri kuita vanhu munyika, tinonzwa sezvakaita Roti uyo ainge akarurama. “Aishungurudzika chaizvo netsika dzakafumuka dzevanhu vakanga vasingateereri mutemo,” nekuti aiziva kuti Baba vedu vekudenga vanovenga maitiro akaipa. (2 Pet. 2:7, 8) Kutya Mwari uye kumuda kwakaita kuti Roti avenge kusazvibata kwevanhu vainge vakamupoteredza. Isuwo takapoteredzwa nevanhu vasingaremekedzi zvinodiwa naJehovha panyaya dzekuzvibata. Pasinei naizvozvo, tinogona kuramba tiine tsika dzakachena kana tikaramba tichida Mwari uye tichimutya.—Zvir. 14:2.
2 Jehovha anotibatsira kuti tiite izvozvo nekutikurudzira achishandisa bhuku raZvirevo. VaKristu vese, varume nevakadzi, vakuru nevadiki, vanogona kunyatsobatsirwa nekufungisisa mazano euchenjeri anowanika imomo.
KUTYA MWARI KUNOTIDZIVIRIRA
3. Maererano naZvirevo 17:3, ndechipi chikonzero chinoita kuti tidzivirire mwoyo wedu? (Onawo mufananidzo.)
3 Chikonzero chikuru chekudzivirira mwoyo wedu wekufananidzira ndechekuti Jehovha anoongorora mwoyo wedu. Izvi zvinoreva kuti haangogumiri pakuona zvinoonekwa nevamwe patiri asi anoona zvatiri chaizvo nechemukati. (Verenga Zvirevo 17:3.) Jehovha achatida kana tikazadza pfungwa dzedu neuchenjeri hwake hunopa upenyu. (Joh. 4:14) Patinoita izvozvo hatizokanganiswi neunzenza uye zvinhu zvakaipa zvinobva kuna Satani nenyika yake. (1 Joh. 5:18, 19) Patinowedzera kuswedera pedyo naJehovha, kumuda kwatinoita uye kumuremekedza kuchawedzerawo. Sezvo tisingadi kurwadzisa Baba vedu, tichavenga kunyange pfungwa yekutadza. Patinoedzwa kuti tiite zvakaipa, tichazvibvunza kuti, ‘Ndingaitirei nemaune chinhu chinorwadzisa munhu akandiratidza rudo rwakakura chaizvo?’—1 Joh. 5:18, 19.
4. Kutya Jehovha kwakabatsira sei imwe hanzvadzi kuti isakundwa nemuedzo?
4 Marta, hanzvadzi yekuCroatia iyo yakava pamuedzo wekuita unzenza yakanyora kuti: “Zvainge zvakandiomera kuti ndinyatsofunga uye ndikurire chido chekufadzwa nechivi kwenguva diki. Asi kutya Jehovha kwakandidzivirira.” b Kwakamudzivirira sei? Marta anoti akafungisisa zvinhu zvakaipa zvaizokonzerwa nekuita unzenza. Tinogonawo kufungisisa saizvozvo. Chinhu chakanyanya kuipa chinogona kuitika ndechekuti tichagumbura Jehovha uye tinogona kurasikirwa neropafadzo yekumunamata nekusingaperi.—Gen. 6:5, 6.
5. Unodzidzei pane zvakaitika kuna Leo?
5 Patinotya Jehovha tinongwarira kuti tisashamwaridzana nevaya vanoita zvinhu zvakaipa. Leo, uyo anogara kuCongo, akawana chidzidzo ichocho. Pashure pemakore mana abhabhatidzwa, akatanga kushamwaridzana nevanhu vaiita zvinhu zvakaipa. Akafunga kuti chero bedzi iye aisaita zvinhu zvakaipa, akanga asiri kutadzira Jehovha. Asi pasina nguva, shamwari dzake dzakaita kuti apedzisire ava kudhakwa uye kuita unzenza. Akabva atanga kufungisisa zvaainge adzidziswa nevabereki vake vechiKristu uye nezvemufaro waakanga arasikirwa nawo. Zvakaguma nei? Akapengenuka. Achibatsirwa nevakuru, akadzoka kuna Jehovha. Iye zvino ari kushumira achifara semukuru uye sapiyona chaiye.
6. Vakadzi vapi vaviri vekufananidzira vatava kuda kukurukura nezvavo?
6 Iye zvino ngatikurukurei Zvirevo chitsauko 9, matinoverenga nezveuchenjeri, uye upenzi huchifananidzwa nevakadzi vaviri. c Patinenge tichiita izvozvo, ngatiyeukei kuti nyika yaSatani iri kupengeswa neupombwe uye nezvinhu zvinonyadzisira. (VaEf. 4:19) Saka zvinokosha kuti tirambe tichidzidza kutya Mwari uye kubva pane zvakaipa. (Zvir. 16:6) Tese zvedu tingava vakadzi kana kuti varume, tinogona kubatsirwa nezvinotaurwa muchitsauko ichi. Mumwe nemumwe wevakadzi vaviri ava anotsanangurwa seari kukoka vasina ruzivo kureva vaya “vasina pfungwa.” Mumwe nemumwe ari kuita seari kuti, ‘Uya mumba mangu udye.’ (Zvir. 9:1, 5, 6, 13, 16, 17) Asi pane musiyano wakakura pane zvinozoguma zvaitika.
RAMBA KUKOKWA NEMUKADZI BENZI
7. Maererano naZvirevo 9:13-18, chii chinoitika kune vaya vanobvuma kukokwa nemukadzi benzi? (Onawo mufananidzo.)
7 Funga nezvekukoka kunoitwa ‘nemukadzi benzi.’ (Verenga Zvirevo 9:13-18.) Anoshevedzera asinganyari kune vaya vasina pfungwa achiti, ‘Uya kuno’ udye. Izvozvo zvinoguma nei? “Imba yake ndeyevashakabvu.” Unogona kuyeuka mashoko ekufananidzira akaita seiwayo anowanika muna Zvirevo zvitsauko 2 ne5. Tinoyambirwa ‘nezvemukadzi asingazvibati’ uye “mukadzi nzenza.” Tinoudzwa kuti: “Imba yake inonyura ichipinda murufu.” (Zvir. 2:11-19) Zvirevo 5:3-10 inonyevera ‘nezvemumwe mukadzi’ asingazvibati ane ‘tsoka dzinodzika kurufu.’
8. Chisarudzo chipi chatinofanira kuita?
8 Vaya vanonzwa “mukadzi benzi” vanogona kusarudza kuti vobvuma kukokwa kwacho here kana kuti voramba. Isuwo tingatarisana nechisarudzo chakadaro. Tichaitei kana mumwe munhu akatiedza kuti tiite zveunzenza kana kuti tikaerekana taona mifananidzo inonyadzisira?
9-10. Ndezvipi zvimwe zvikonzero zvekuti tisaita upombwe?
9 Pane zvikonzero zvakawanda zvekuti tisaita upombwe. “Mukadzi benzi” anotsanangurwa seari kuti: “Mvura yekuba inotapira.” Chii chinonzi “mvura yekuba”? Bhaibheri rinofananidza bonde rinoitwa nevakaroorana nemvura inozorodza. (Zvir. 5:15-18) Murume nemudzimai vakachata vanobvumirwa kuita bonde vese. Asi izvi zvakasiyana ‘nemvura yekuba.’ Iyoyo inogona kureva upombwe. Vanhu vanoita upombwe vanoedza kuita kuti zvisazivikanwa, sezvinongoitawo mbavha iyo inoedza kuba isingaonekwi. “Mvura yekuba” ingaita seinotapira kana vaya vari kuita zvinhu izvozvo vachiita sekuti havazobatwi. Ikoko kuzvinyengera chaiko. Jehovha anoona zvese. Kurasikirwa neushamwari naJehovha chinhu chakaipa chaizvo, uyewo hapana chinganzi ‘chinotapira’ kana izvozvo zvikaitika. (1 VaK. 6:9, 10) Asi hazvigumiri ipapo.
10 Upombwe hunogona kukonzera kunyara, kuzviona seusingakoshi, pamuviri pasingadiwi, uye kuparara kwemhuri. Zviri pachena kuti kunenge kuri kuchenjera kusatambira pedyo ‘neimba’ yemukadzi benzi uye nezvekudya zvake. Kuwedzera pakurasikirwa neushamwari naJehovha, vanhu vakawanda vanoita upombwe vanobatwa nezvirwere zvinogona kuita kuti vakurumidze kufa. (Zvir. 7:23, 26) Vhesi 18 yechitsauko 9 inopedzisa ichiti: “Vaenzi vake vari muGuva rakadzika.” Saka nei vanhu vakawanda vachibvuma kukokwa uku kunoguma nemarwadzo?—Zvir. 9:13-18.
11. Nei kuona zvinonyadzisira kuine ngozi zvikuru?
11 Mumwe musungo uri kubata vanhu vakawanda mazuva ano kuona zvinonyadzisira. Vamwe vanofunga kuti kuona zvinonyadzisira hakukuvadzi. Asi zvinonyadzisira zvinokuvadza, zvinoita kuti vanhu vasazviremekedza, uye vasaremekedza vamwe, uyewo zvinopinda muropa. Mifananidzo yeunzenza inoramba iri mupfungwa dzemunhu kwenguva yakareba, uye zvakaoma kuidzima. Kuwedzera pane izvozvo, zvinonyadzisira hazviurayi chido chekuita zvakaipa, asi zvinotochikuchidzira. (VaK. 3:5; Jak. 1:14, 15) Vanhu vakawanda vanoona zvinonyadzisira vanopedzisira vaita upombwe.
12. Tinoratidza sei kuti tinoedza kuita zvese zvatinogona kuti tisaona mifananidzo inomutsa zvishuwo zvebonde?
12 Sezvo tiri vaKristu, tinofanira kuitei kana mufananidzo unonyadzisira ukaerekana wabuda pafoni pedu? Tinofanira kukurumidza kubvisa maziso pauri. Tinogona kukurumidza kuita izvozvo kana tikayeuka kuti chinhu chinonyanya kukosha chatiinacho ushamwari hwedu naJehovha. Kunyange zvazvo mimwe mifananidzo isiri iya inonzi inonyadzisira, inogona kunge ichimutsa zvishuwo zvebonde. Nei tisingafaniri kuitarisa? Nekuti hatidi kutora kunyange danho diki rinoita kuti tiite upombwe mumwoyo medu. (Mat. 5:28, 29) Mumwe mukuru ari kuThailand anonzi David anoti: “Ndinozvibvunza kuti: ‘Kunyange zvazvo mifananidzo yacho ingava isiri iya inonyadzisira, Jehovha achafadzwa nazvo here kana ndikaramba ndakaitarisa?’ Mafungiro akadaro anondibatsira kuti ndiite zvinhu nekuchenjera.”
13. Chii chinotibatsira kuti tiite zvinhu nekuchenjera?
13 Tinobatsirwa kuti tiite zvinhu nekuchenjera kana tikatya kugumbura Jehovha. Kutya Mwari “ndiko kutanga kweuchenjeri.” (Zvir. 9:10) Izvi zvinoenzanisirwa zvakanaka nemashoko ekutanga echitsauko 9 chaZvirevo, patinoverenga ‘nezveuchenjeri hwechokwadi’ hunotaurwa nezvahwo muchiHebheru semukadzi.
BVUMA KUKOKWA ‘NEUCHENJERI HWECHOKWADI’
14. Ndekupi kumwe kukokwa kwatinowana pana Zvirevo 9:1-6?
14 Verenga Zvirevo 9:1-6. Pano tinoverenga nezvekukokwa kunobva kuna Jehovha, Musiki wedu uye Tsime reuchenjeri hwese. (Zvir. 2:6; VaR. 16:27) Mufananidzo unoshandiswa pano unotaura nezveimba yakakura ine mbiru nomwe. Izvi zvinoratidza kuti Jehovha ane rupo uye anogamuchira vese vanoda kushandisa uchenjeri hwake muupenyu hwavo.
15. Mwari anoda kuti tiitei?
15 Jehovha anopa zvikuru. Izvi zvinoratidzwa ‘muuchenjeri hwechokwadi,’ uhwo hunotaurwa nezvahwo semukadzi muna Zvirevo chitsauko 9. Nyaya yacho inotaura nezvemukadzi wekufananidzira uyo avhiya nyama yake, asanganisa waini yake uye aronga tafura mumba make. (Zvir. 9:2) Uyewo maererano nevhesi 4 ne5, mukadzi wacho, kureva uchenjeri hunotaurwa semunhu, anoti kumunhu asina pfungwa: “Uya udye zvekudya zvangu.” Nei tichifanira kubvuma kukokwa nemukadzi uyu? Jehovha anoda kuti vana vake vave vakachenjera uye vakachengeteka. Haadi kuti tiite zvikanganiso zvinotirwadza. Ndosaka ‘achichengetera vanhu vakarurama uchenjeri hunobatsira.’ (Zvir. 2:7) Kana tichitya Jehovha, tichada kumufadza. Tinonzwa mazano ake euchenjeri, uye tinofara kuashandisa.—Jak. 1:25.
16. Kutya Mwari kwakabatsira sei Alain kuti aite chisarudzo chekuchenjera, uye zvakaguma nei?
16 Ona kuti kutya Mwari kwakabatsira sei Alain kuti aite chisarudzo chekuchenjera. Alain mukuru muungano uye anoshanda semudzidzisi. Akati, “Vakawanda vandinoshanda navo vaiona mafirimu ezvinonyadzisira seanodzidzisa bonde.” Asi Alain haana kunyengerwa. Akati, “Kutya Mwari kwakaita kuti ndirambe kuona mafirimu iwayo. Ndakatsanangurirawo vandaishanda navo chikonzero chaiita kuti ndisaone mafirimu iwayo.” Alain aishandisa zano rinobva ‘kuuchenjeri hwechokwadi,’ ‘rekufamba akananga mberi munzira yekunzwisisa.’ (Zvir. 9:6) Vamwe vadzidzisi vakafadzwa nezvakaitwa naAlain, uye iye zvino vava kudzidza Bhaibheri uye kupinda misangano yechiKristu.
17-18. Makomborero api ari kuwanikwa nevaya vanobvuma kukokwa ‘neuchenjeri hwechokwadi,’ uye vanogona kutarisira kuzowanei mune remangwana? (Onawo mufananidzo.)
17 Achishandisa mufananidzo wevakadzi vaviri vekufananidzira, Jehovha anotiratidza zvatingaita kuti tizofara mune remangwana. Vaya vanobvuma kukokwa ‘nemukadzi benzi’ vanoisa pfungwa dzavo pakunakidzwa neunzenza. Kutaura chokwadi, vari kuraramira upenyu huno, vasingafungi nezveramangwana. Vachaguma vava “muGuva rakadzika.”—Zvir. 9:13, 17, 18.
18 Izvi zvakasiyana nevaya vanobvuma kukokwa ‘neuchenjeri hwechokwadi’! Vaenzi vahwo vanowana zvekudya zvakanyatsorongwa uye zvinopa utano, mabiko akanyatsogadzirwa ezvekudya zvekunamata. (Isa. 65:13) Achishandisa muprofita Isaya, Jehovha anoti: “Nyatsonditeererai, mudye zvinhu zvakanaka, uye muchafadzwa chaizvo nezvinhu zvinonyatsovaka muviri.” (Isa. 55:1, 2) Tiri kudzidza kuda zvinodiwa naJehovha uye kuvenga zvaanovenga. (Pis. 97:10) Uye tinofara nekuti tinogona kukoka vamwe kuti vabatsirwe ‘neuchenjeri hwechokwadi.’ Zvinoita sekuti tiri ‘kushevedzera tiri panzvimbo dzakakwirira muguta tichiti: “Munhu wese asina ruzivo, ngaauye kuno.”’ Makomborero atinowana uye anowanikwa nevaya vanobvuma kukokwa haasi epanguva ino chete. Anoramba aripo achitibvumira kuti ‘tirarame’ nekusingaperi ‘sezvatinofamba takananga mberi munzira yekunzwisisa.’—Zvir. 9:3, 4, 6.
19. Maererano naMuparidzi 12:13, 14, tinofanira kuva nechido chekuitei? (Onawo bhokisi rakanzi “ Kutya Mwari Kunotibatsira.”).”)
19 Verenga Muparidzi 12:13, 14. Kutya Mwari ngakurambe kuchichengetedza mwoyo wedu uye ngakutibatsire kuti tirambe tiri vanhu vanozvibata uye vane ushamwari hwakanaka naJehovha mumazuva ano akaipa ekupedzisira. Kutya Mwari ikoko kuchaita kuti tirambe tichikoka vakawanda kuti vatsvage “uchenjeri hwechokwadi” uye vabatsirwe nahwo.
RWIYO 127 Ndinofanira Kuva Munhu Akaita Sei?
a VaKristu vanofanira kudzidza kutya Mwari. Kutya kwakadaro kunogona kuchengetedza mwoyo wedu uye kunotidzivirira kuti tisaita upombwe uye kuona zvinonyadzisira. Munyaya ino tichakurukura Zvirevo chitsauko 9, icho chinonyatsosiyanisa uchenjeri neupenzi, kuburikidza nekutaura nezvevakadzi vaviri vekufananidzira. Tinogona kubatsirwa chaizvo nechikamu ichi iye zvino uye mune ramangwana.
b Mamwe mazita akachinjwa.
c Kuti uone pamwe panotaurwa zvinhu zvichifananidzwa nevanhu muBhaibheri, ona VaRoma 5:14 uye VaGaratiya 4:24.