Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 26

Ramba Wakagadzirira Zuva raJehovha

Ramba Wakagadzirira Zuva raJehovha

“Zuva raJehovha riri kuuya sembavha inouya usiku.”—1 VAT. 5:2.

RWIYO 143 Ramba Uchishanda, Wakarinda, Wakamirira

ZVICHADZIDZWA a

1. Tinofanira kuitei kuti tipone pazuva raJehovha?

 BHAIBHERI parinotaura ‘nezvezuva raJehovha,’ rinenge richireva nezvenguva yaachatonga vavengi vake oponesa vanhu vake. Kare, Jehovha akambotonga vanhu. (Isa. 13:1, 6; Ezek. 13:5; Zef. 1:8) Munguva yedu, “zuva raJehovha” richatanga nekurwiswa kweBhabhironi Guru roperera pahondo yeAmagedhoni. Kuti tipone pazuva iroro, tinofanira kugadzirira iye zvino. Jesu akadzidzisa kuti tinofanira kugadzirira “kutambudzika kukuru” uyewo ‘kuramba takagadzirira’ kusvika kwenguva iyoyo.—Mat. 24:21; Ruka 12:40.

2. Nei tichigona kubatsirwa na1 VaTesaronika?

2 Mutsamba yake yakafemerwa yaakanyorera vaTesaronika, muapostora Pauro akashandisa mifananidzo yakasiyana-siyana kuti abatsire vaKristu kuramba vakagadzirira zuva guru raJehovha rekutonga. Pauro aiziva kuti zuva raJehovha raisazouya ipapo ipapo. (2 VaT. 2:1-3) Kunyange zvakadaro, akakurudzira hama dzake kuti dzigadzirire zuva iroro sekunge kuti raizouya mangwana, uye isuwo tinogona kushandisa zano rake. Ngationgororei kuti anotsanangura sei zvinhu zvinotevera: (1) zuva raJehovha richasvika sei, (2) ndivanaani vasiri kuzopona pazuva iroro, uye (3) tingagadzirira sei kuti tizopona?

ZUVA RAJEHOVHA RICHASVIKA SEI?

Paakanyora 1 VaTesaronika, muapostora Pauro akashandisa mifananidzo inogona kutibatsira (Ona ndima 3)

3. Zuva raJehovha rinouya sembavha inouya usiku pakuti kudii? (Onawo mufananidzo.)

3 “Sembavha inouya usiku.” (1 VaT. 5:2) Iyi ndiyo fananidzo yekutanga pafananidzo nhatu dzakashandiswa kutsanangura kusvika kwezuva raJehovha. Mbavha dzinowanzokurumidza kuita zvinhu kunyanya panguva yeusiku vanhu pavanenge vasingatarisiri. Zuva raJehovha richasvikawo nekukurumidza uye zvichashamisa vanhu vakawanda. Kunyange vaKristu vechokwadi vanogona kushamiswa nekukurumidza kuchaita zvinhu. Asi kusiyana nevanhu vakaipa, hatizoparadzwi.

4. Zuva raJehovha rakaita semarwadzo ekusununguka pakuti kudii?

4 “Semauyiro anoita marwadzo emukadzi ane pamuviri ava kusununguka.” (1 VaT. 5:3) Amai vane pamuviri havakwanisi kuziva nguva chaiyo inouya marwadzo ekusununguka. Asi vanonyatsoziva kuti achauya. Anowanzoerekana auya, achirwadza chaizvo uye asingamisiki. Saizvozvowo, hatizivi zuva nenguva pachatanga zuva raJehovha. Kunyange zvakadaro, tine chokwadi chekuti riri kuuya uye kuti mutongo waMwari pavanhu vakaipa uchangoerekana wauya uye havazopukunyuki.

5. Kutambudzika kukuru kwakafanana papi nemambakwedza?

5 Semambakwedza. Mufananidzo wechitatu waPauro unotaurazve nezvembavha dzinoba usiku. Asi iye zvino zvinoita sekuti Pauro ava kufananidza zuva raJehovha nemambakwedza. (1 VaT. 5:4) Mbavha dzinoba usiku dzinogona kubatikana chaizvo zvekuti dzinotadza kuziva kuti nguva yafamba. Chiedza chezuva idzva chinosvika dzakavarairwa zvoita kuti dzibatwe. Saizvozvowo kutambudzika kukuru kuchabudisa pachena vaya vakaita sembavha, vanoramba vari murima nekuramba vachiita mabasa asingafadzi Mwari. Kusiyana nevanhu ivavo, tinogona kugadzirira patinoramba maitiro asingafadzi Jehovha uye kugara tichiita “zvinhu zvakanaka zvemarudzi ese nekururama nechokwadi.” (VaEf. 5:8-12) Pauro akabva azoshandisa mimwe mifananidzo miviri achitaura nezvevaya vasiri kuzopona.

NDIVANAANI VASIRI KUZOPONA PAZUVA RAJEHOVHA?

6. Vanhu vakawanda vakarara pakuti kudii? (1 VaTesaronika 5:6, 7)

6 “Vaya vanorara.” (Verenga 1 VaTesaronika 5:6, 7.) Pauro akafananidza vaya vasiri kuzopona pazuva raJehovha nevanhu vakarara. Havazivi zvinenge zvichiitika panzvimbo yavanenge vari, kana kufamba kunenge kuchiita nguva. Saka havazivi kuti chimwe chinhu chinokosha chichaitika riini, uye hapana zvavanogona kuita. Vanhu vakawanda mazuva ano vakarara pakunamata. (VaR. 11:8) Havatendi uchapupu hwekuti tiri kurarama “mumazuva ekupedzisira” uye kuti kutambudzika kukuru kuri kuuya nekukurumidza. Panochinja zvinhu zvikuru munyika vamwe vanogona kumuka pakunamata vomboti farirei mashoko eUmambo. Asi vakawanda vanodzokerazve kunorara pane kuti varambe vakamuka. Kunyange vamwe vanotenda muzuva raJehovha vanofunga kuti richiri kure chaizvo. (2 Pet. 3:3, 4) Asi kupfuura kwezuva rimwe nerimwe kunoita kuti tiwedzere kukoshesa nyaya yekuramba takamuka.

7. Vaya vachaparadzwa naMwari vakafanana papi nevanhu vanodhakwa?

7 “Vaya vanodhakwa.” Muapostora Pauro akafananidza vanhu vachaparadzwa naMwari nezvidhakwa. Vanhu vanenge vakadhakwa vanonoka kuita zvinhu uye vanoita zvisarudzo zvisina kunaka. Saizvozvowo, vanhu vakaipa havateereri kuyambirwa kwavanoitwa naMwari. Vanosarudza nzira inovatungamirira mukuparadzwa. Asi vaKristu vanoudzwa kuti varambe vachiita kuti pfungwa dzavo dzinyatsoshanda. (1 VaT. 5:6) Mumwe muongorori weBhaibheri akataura kuti “munhu ane pfungwa dzinenge dzichinyatsoshanda anoramba akadzikama uye haavhunduki, anokwanisa kunyatsofunga zvakanaka kuitira kuti aite zvisarudzo zvakanaka.” Nei tichifanira kuramba takadzikama? Izvozvo zvichatibatsira kuti tisapindira munyaya dzezvematongerwo enyika uye dzine chekuita nemagariro evanhu. Miedzo yekuva nedivi ratinotsigira panyaya idzi ichawedzera zuva raJehovha zvariri kuswedera pedyo. Asi hatizvidyi mwoyo kuti tichaita sei. Mweya waMwari unogona kutibatsira kuti tidzikame uye tive nepfungwa dzakanaka tichiita zvisarudzo zvekuchenjera.—Ruka 12:11, 12.

TINGAITEI KUTI TIGADZIRIRE ZUVA RAJEHOVHA?

Vanhu vakawanda pavari kuramba vasina basa nezviri kuitika, tinogara takagadzirira zuva raJehovha patinopfeka kutenda nerudo sechinhu chinovharidzira chipfuva, uye tariro sengowani (Ona ndima 8, 12)

8. Unhu hupi hunotaurwa pana 1 VaTesaronika 5:8 huchatibatsira kuti tirambe takamuka uye kuti pfungwa dzedu dzirambe dzichinyatsoshanda? (Onawo mufananidzo.)

8 ‘Pfeka chinhu chinovharidzira chipfuva uye ngowani.’ Pauro akatifananidza nemasoja akagadzirira uye akapfeka zvipfeko zvehondo. (Verenga 1 VaTesaronika 5:8.) Musoja anenge ari pabasa anotarisirwa kuti ange akagadzirira hondo nguva dzese. Ndizvo zvazviriwo nesu. Tinogara takagadzirira zuva raJehovha patinopfeka kutenda nerudo sechinhu chinovharidzira chipfuva, uye tariro sengowani. Izvi zvichatibatsira chaizvo.

9. Kutenda kwedu kunotichengetedza sei?

9 Chinhu chinovharidzira chipfuva chinochengetedza mwoyo wemusoja. Kutenda uye rudo zvinochengetedza mwoyo wedu wekufananidzira. Zvinotibatsira kuti tirambe tichishumira Mwari uye tichitevera Jesu. Kutenda kunoita kuti tive nechokwadi chekuti Jehovha achatipa mubayiro kana tikamutsvaga nemwoyo wese. (VaH. 11:6) Kunoita kuti tirambe takavimbika kuMutungamiriri wedu Jesu, kunyange kana tichifanira kutsungirira matambudziko. Tinogona kusimbisa kutenda kwedu kuitira kuti titsungirire matambudziko nekudzidza pane vanhu vemazuva ano vakaramba vakaperera kuna Mwari pasinei nekutambudzwa kana urombo. Uye tinogona kunzvenga musungo wekunyanya kuda mari uye zvinhu kana tikatevedzera vaya vakaita kuti upenyu hwavo usava nezvakawanda-wanda kuitira kuti vaise umambo pekutanga. b

10. Kuda Mwari uye muvakidzani kunotibatsira sei kuti titsungirire mubasa rekuparidza?

10 Rudo runokoshawo kuti tirambe takamuka uye kuti pfungwa dzedu dzirambe dzichinyatsoshanda zvakanaka. (Mat. 22:37-39) Kuda Mwari kunotibatsira kuti titsungirire mubasa rekuparidza pasinei nedambudziko ratingasangana naro nekuti tiri kuita basa iri. (2 Tim. 1:7, 8) Sezvo tichidawo vaya vasingatendi zvatinotenda, tinoramba tichiparidza uye tinoramba tichishanda mundima yedu kunyange kuparidza nefoni uye netsamba. Hatirasi tariro yekuti rimwe zuva vavakidzani vedu vachachinja votanga kuita zvakarurama.—Ezek. 18:27, 28.

11. Kuda hama nehanzvadzi dzedu kunotibatsira sei? (1 VaTesaronika 5:11)

11 Kuda muvakidzani kunosanganisira kuda hama nehanzvadzi dzedu. Tinoratidza rudo rwakadaro ‘nekukurudzirana uye kuvakana.’ (Verenga 1 VaTesaronika 5:11.) Sezvinoita masoja anenge ari muhondo, tinokurudzirana. Ichokwadi kuti musoja anogona kukuvadza mumwe wake netsaona hondo painenge ichitsviriridza, asi haangamboiti izvozvo achida hake. Isuwo hatingambodi kuita chinhu chinogumbura hama nehanzvadzi dzedu tichiziva kana kutsiva chakaipa nechakaipa. (1 VaT. 5:13, 15) Tinoratidzawo rudo nekuremekedza hama dzinotungamirira muungano. (1 VaT. 5:12) Pauro paakanyora tsamba iyi, ungano yeTesaronika yakanga isati yatombosvitsa gore yaumbwa. Hama dzakagadzwa dzaiva muungano yacho dzingangodaro dzaisava neruzivo rwakawanda uye dziine zvadzaikanganisa. Kunyange zvakadaro dzaifanira kuremekedzwa. Sezvo kutambudzika kukuru kwava pedyo, tingatofanira kuvimba nemirayiridzo yatinopiwa nevakuru vemuungano medu kupfuura zvatiri kuita iye zvino. Zvimwe tinogona kutadza kuwana mirayiridzo kubva kuhama dziri kumahofisi makuru kana kuti kuhofisi yebazi. Saka zvinokosha kuti tidzidze kuda uye kuremekedza vakuru vemuungano yedu iye zvino. Pasinei nezvingaitika ngatirambei tichiita kuti pfungwa dzedu dzinyatsoshanda, tisingadziisi pane zvavanokanganisa asi pakuti Jehovha, achishandisa Kristu, ari kutungamirira varume ava vakatendeka.

12. Tariro yedu inochengetedza sei mafungiro edu?

12 Kufanana nengowani inochengetedza musoro wemusoja, tariro yeruponeso inochengetedza mafungiro edu. Kuva netariro yakasimba kunotibatsira kuziva kuti zvinhu zvatinopiwa nenyika ino hazvina zvazvinobatsira. (VaF. 3:8) Tariro yedu inotibatsira kuti tirambe takadzikama. Izvi ndizvo zvakaitika kuna Wallace naLaurinda, vanoshumira muAfrica. Laurinda akafirwa naamai vake uye Wallace akafirwa nababa vake. Izvi zvakaitika mumavhiki matatu. Asi nemhaka yechirwere cheCOVID-19, vaisakwanisa kuenda kumba kuti vanova nemhuri dzavo. Wallace akati: “Tariro yerumuko inondibatsira kuti ndifunge nezvavo, kwete zvavaiva pavakanga vava pedyo nekufa, asi zvavachange vari mazuva ekutanga munyika itsva. Tariro iyi inoita kuti ndidzikame pandinenge ndakasuruvara kana kuti ndakaora mwoyo nekufirwa kwandakaitwa.”

13. Tingaitei kuti tigamuchire mweya mutsvene?

13 “Musadzima moto wemweya.” (1 VaT. 5:19) Pauro akafananidza mweya mutsvene nemoto uri mukati medu. Patinenge tiine mweya waMwari, tinenge tichipisa nekushingaira uye tiine chido chakasimba chekuita zvakarurama uye tinova nesimba rekushandira Jehovha. (VaR. 12:11) Tingaitei kuti tigamuchire mweya mutsvene? Tinogona kuunyengeterera, kudzidza Shoko raMwari rakafemerwa, uye kubatana nesangano rake rinotungamirirwa nemweya mutsvene. Kuita izvozvo kuchatibatsira kuti tive ‘nezvibereko zvemweya.’—VaG. 5:22, 23.

Zvibvunze kuti ‘Maitiro angu anoratidza kuti ndinoda kuramba ndichigamuchira mweya waMwari here?’ (Ona ndima 14)

14. Zvii zvatisingafaniri kuita kana tichida kuramba tichigamuchira mweya waMwari? (Onawo mufananidzo.)

14 Pashure pekunge Mwari atipa mweya wake mutsvene, tinofanira kungwarira kuti ‘tisadzima moto wemweya.’ Mwari anopa mweya wake kune vaya chete vanoramba vaine mafungiro nemaitiro akachena. Haazorambi achitipa mweya wake kana tikaramba tichifunga zvinhu zvisina kuchena uye tichizviita. (1 VaT. 4:7, 8) Kuti tirambe tichigamuchira mweya mutsvene ‘hatifaniriwo kushora uprofita.’ (1 VaT. 5:20) “Uprofita” huri kutaurwa pano hunoreva mashoko aJehovha aanotipa achishandisa mweya wake mutsvene, kusanganisira aya ane chekuita nezuva raJehovha uye kupera kwaita nguva. Hatifungi kuti zuva raJehovha kana kuti Amagedhoni haizoitiki panguva yatiri kurarama. Asi tinorikurumidzisa, kureva kuti tinoramba tichifunga nezvaro, patinoramba tichiita zvinhu zvakarurama uye “mabasa ekuzvipira kuna Mwari” mazuva ese.—2 Pet. 3:11, 12.

“IVAI NECHOKWADI NEZVINHU ZVESE”

15. Tingaitei kuti tisanyengerwa nemashoko anotsausa uye akafemerwa nemadhimoni? (1 VaTesaronika 5:21)

15 Munguva pfupi iri kuuya, vanhu vanopikisa Mwari vachazivisa mashoko anotaura nezvekuti “Kwava nerunyararo uye hapana chichatiwana!” (1 VaT. 5:3) Mashoko akafemerwa nemadhimoni achazadza nyika yese, otsausa vakawanda. (Zvak. 16:13, 14) Ko isu tichaitawo sei? Hatizonyengerwi kana ‘tikava nechokwadi nezvinhu zvese kana kuti tikaedza zvinhu zvese.’ (Verenga 1 VaTesaronika 5:21.) Shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “ivai nechokwadi” rakashandiswa pakutsanangura zvaiitwa nevanhu pavaiongorora zvicherwa zvinokosha kuti vave nechokwadi chekuti hazvisi zvekunyepedzera. Saka tinofanira kuedza mashoko atinonzwa kana kuti atinoverenga kuti tione kana ari echokwadi. Izvozvo zvaikosha kuvaTesaronika, uye zvichatonyanya kukosha kwatiri sezvo kutambudzika kukuru kwava kusvika. Pane kuti tingobvuma mashoko ese ese anotaurwa nevanhu, tinoenzanisa zvatinoverenga kana kuti zvatinonzwa nezvinotaurwa neBhaibheri uye nesangano raJehovha. Patinoita izvozvo, hatizonyengerwi nemashoko chero api zvawo akafemerwa nemadhimoni.—Zvir. 14:15; 1 Tim. 4:1.

16. Itariro ipi yechokwadi yatiinayo uye tinonzwa tichida kuitei?

16 Vashumiri vaMwari vachapona pakutambudzika kukuru seboka. Asi semunhu mumwe nemumwe hatizivi zvichaitika kwatiri mangwana. (Jak. 4:14) Kunyange zvakadaro, tichapiwa mubayiro weupenyu husingaperi kana tikaramba takatendeka, pasinei nekuti tapona pakutambudzika kukuru kana kuti tafa kusati kwasvika. Vakazodzwa vachava naKristu kudenga. Vemamwe makwai vachange vari muparadhiso panyika. Dai tese tikaisa pfungwa dzedu patariro yakazonaka yatiinayo, uye tikaramba takagadzirira zuva raJehovha!

RWIYO 150 Tsvaga Mwari Kuti Ununurwe

a Muna 1 VaTesaronika chitsauko 5 mune mifananidzo inotidzidzisa nezvezuva raJehovha riri kuuya. “Zuva” iroro nderipi uye richauya sei? Ndivanaani vachapona pariri? Ndivanaani vasiri kuzopona? Tingagadzirira sei zuva racho? Tichaongorora mashoko emuapostora Pauro topindura mibvunzo iyoyo.

b Ona nyaya dzakanzi “Vakazvipa Nemwoyo Unoda.”