NYAYA YEKUDZIDZA 25
Vakuru—Dzidzai Pamuenzaniso waGidhiyoni
“Nguva ichandiperera kana ndikatanga kutaura nezvaGidhiyoni.”—VAH. 11:32.
RWIYO 124 Ngatirambei Takavimbika
ZVICHADZIDZWA a
1. Maererano na1 Petro 5:2, vakuru vane ropafadzo yei?
VAKURU vemuungano vakapiwa basa rekuchengeta makwai anokosha aJehovha. Varume ava vakazvipira vanokoshesa chaizvo ropafadzo yavo yekushumira hama nehanzvadzi dzavo, uye vanoshanda nesimba kuti vave ‘vafudzi vanofudza nemazvo.’ (Jer. 23:4; verenga 1 Petro 5:2.) Tinotenda chaizvo kuva nevarume vakadai muungano dzedu!
2. Vamwe vakuru vangaomerwa nei?
2 Pavanenge vachiita mabasa avo, vakuru vanoomerwa nezvinhu zvakawanda. Kutungamirira ungano ibasa rakakura. Mumwe mukuru wekuUnited States anonzi Tony aifanira kuwedzera kuva nemwero panyaya yekubvuma mabasa aaikumbirwa kuita. Anoti: “Pakatanga COVID-19, ndakaedza kuita mabasa akawanda pakuronga misangano uye ushumiri. Asi pasinei nekuti ndaiita zvakawanda zvakadii, paigara paine zvakawanda zvekuita. Izvi zvakaita kuti ndipedzisire ndisisina nguva yakakwana yekuverenga Bhaibheri, kudzidza ndiri ndega, uye kunyengetera.” Mumwe mukuru wekuKosovo, anonzi Ilir anewo zvimwe zvaimuomera. Paaigara munzvimbo yairwiwa hondo, aiomerwa nekuteerera mirayiridzo yesangano. Anoti: “Zvainge zvakandiomera chaizvo kuratidza ushingi pandakakumbirwa nehofisi yebazi kuti ndiende kunobatsira hama nehanzvadzi dzaigara mune imwe nzvimbo yaiva nengozi. Ndaitya, uye zvandainzi ndiite zvaiita sezvisingakwanisiki.” Tim, mumishinari ari kuAsia, aiomerwa nekuita zvinhu zvese zvaaifanira kuita zuva nezuva. Anoti: “Dzimwe nguva ndainzwa ndakaneta chaizvo kuti ndibatsire hama nehanzvadzi.” Chii chingabatsira vakuru vari mumamiriro ezvinhu akadai?
3. Tese tingabatsirwa sei nekuongorora muenzaniso weMutongi Gidhiyoni?
3 Vakuru vane zvavanogona kudzidza paMutongi Gidhiyoni. (VaH. 6:12; 11:32) Akachengetedza vanhu vaMwari uye aiva mufudzi wavo. (Vat. 2:16; 1 Mak. 17:6) Kungofanana naGidhiyoni, vakuru vakagadzwa kuti vachengetedze vanhu vaMwari panguva dzakaoma chaizvo. (Mab. 20:28; 2 Tim. 3:1) Tine zvatinodzidza kubva pakuva nemwero, kuzvininipisa, uye kuteerera kwaGidhiyoni. Akatsungirira paaiita mabasa aakapiwa. Pasinei nekuti tinoshumira semukuru kana kuti kwete, tinogona kuwedzera kuonga kwatinoita basa rinoitwa nevakuru. Tinogona kutsigira varume ava vanoshanda nesimba muungano.—VaH. 13:17.
PAZVINENGE ZVAKAOMA KUTI UVE NEMWERO UYE UZVININIPISE
4. Gidhiyoni akaratidza sei kuti aiva nemwero uye aizvininipisa?
4 Gidhiyoni aiva nemwero uye aizvininipisa. b Ngirozi yaJehovha payakaudza Gidhiyoni kuti ainge asarudzwa kuti aponese vaIsraeri pavaMidhiyani avo vaiva nesimba, murume iyeye aizvininipisa akapindura kuti: “Mhuri yangu ndiyo diki pakati paManase, uye handikoshi pane vese veimba yababa vangu.” (Vat. 6:15) Akanzwa seasina kukodzera kuita basa iroro, asi Jehovha aiziva kuti aigona kuriita. Achibatsirwa naJehovha, Gidhiyoni akakwanisa kuita basa raakapiwa.
5. Ndepapi pazvingaomera mukuru kuti ave nemwero uye azvininipise?
5 Vakuru vanoshanda nesimba kuti vave nemwero uye vazvininipise pazvinhu zvese. (Mika 6:8; Mab. 20:18, 19) Havatauri vachiwedzeredza zvavanokwanisa kuita kana kuti zvavakaita. Uye havazvioni sevasingabatsiri kana paine zvavanenge vakanganisa. Asi dzimwe nguva zvinogona kuomera mukuru kuti azvininipise uye ave nemwero. Semuenzaniso, anogona kubvuma mabasa akawanda zvozomuomera kuti aaite ese. Kana kuti anogona kutsoropodzwa pamusana pemaitiro aanenge aita rimwe basa kana kurumbidzwa nemaitiro aanenge aita rimwewo. Vakuru vangadzidzei pana Gidhiyoni izvo zvichavabatsira mumamiriro ezvinhu akadaro?
6. Vakuru vangadzidzei pana Gidhiyoni panyaya yekuva nemwero? (Onawo mufananidzo.)
6 Kumbira kubatsirwa. Munhu ane mwero anoziva zvaasingakwanisi kuita. Gidhiyoni akaratidza kuti aiva nemwero paakakumbira kubatsirwa nevamwe. (Vat. 6:27, 35; 7:24) Vakuru vakachenjera vanoitawo izvozvo. Tony ambotaurwa anoti: “Nemhaka yemakuriro andakaita, ndaingobvuma mabasa akawanda kupfuura andaikwanisa kuita. Saka ndakasarudza kuti pakunamata kwedu kwemhuri tidzidze nezvekuva nemwero uye ndakakumbira mudzimai wangu kuti ataure kuti aindionawo sei panyaya yacho. Ndakaonawo vhidhiyo iri pajw.org inonzi, Dzidzisa Vamwe, Vimba Navo, Uye Vape Zvokuita, Uchitevedzera Zvinoitwa naJesu.” Tony akatanga kukumbira vamwe kuti vamubatsire pamabasa aaiita. Izvozvo zvakaguma nei? Tony anoti: “Basa remuungano riri kuitwa, uye ndava nenguva yakawanda yekusimbisa ushamwari hwangu naJehovha.”
7. Vakuru vangatevedzera sei Gidhiyoni kana vatsoropodzwa? (Jakobho 3:13)
7 Pindura neunyoro kana watsoropodzwa. Vakuru vanogona kuomerwawo kana vakatsoropodzwa. Vane zvimwezve zvavanogona kudzidza pamuenzaniso waGidhiyoni. Zviri pachena kuti Gidhiyoni aiziva kuti aikanganisa, saka akaramba akadzikama paakatsoropodzwa nevaEfremu. (Vat. 8:1-3) Gidhiyoni haana kupindura nehasha. Akaratidza kuti aizvininipisa paakateerera zvavaitaura uye paakataura navo neunyoro, zvikabva zvaita kuti hasha dzavo dziserere. Vakuru vakachenjera vanotevedzera Gidhiyoni nekunyatsoteerera uye kupindura neunyoro pavanotsoropodzwa. (Verenga Jakobho 3:13.) Izvozvo zvinoita kuti muungano muve nerugare.
8. Varume vakagadzwa vanofanira kuitei pavanorumbidzwa? Taura muenzaniso.
8 Ita kuti Jehovha arumbidzwe. Gidhiyoni paakarumbidzwa nekukunda kwaakaita vaMidhiyani, akaita kuti Jehovha arumbidzwe. (Vat. 8:22, 23) Varume vakagadzwa vangatevedzera sei Gidhiyoni? Vanofanira kuita kuti Jehovha arumbidzwe nezvavanenge vaita. (1 VaK. 4:6, 7) Semuenzaniso, kana mukuru akarumbidzwa nekudzidzisa kwaanenge aita, anogona kutaura kuti zvaadzidzisa zvinobva muShoko raMwari uye kuti tese tinodzidziswa nesangano raJehovha. Vakuru vanogona kufunga kuti madzidzisiro avo ari kuita kuti Jehovha arumbidzwe here kana kuti anongoita kuti vanhu varumbidze ivo. Funga nezvemuenzaniso wemumwe mukuru anonzi Timothy. Achangogadzwa, Timothy aifarira kupa hurukuro dzavose. Anoti: “Ndaipa sumo nemienzaniso zvaiita kuti vanhu vakangwe mate mukanwa. Izvi zvaiwanzoita kuti vamwe vandirumbidze. Vanhu vakanga vava kunyanya kuisa pfungwa pandiri kwete paBhaibheri kana kuti pana Jehovha.” Nekufamba kwenguva, Timothy akaona kuti aifanira kuchinja madzidzisiro aaiita kuitira kuti vanhu vasanyanya kuisa pfungwa dzavo paari. (Zvir. 27:21) Zvakaguma nei? Timothy anoti: “Vanhu vakasiyana-siyana vanondiudza kuti hurukuro yandinenge ndapa yavabatsira kuti vakunde dambudziko, vatsungirire muedzo, kana kuti vaswedere pedyo naJehovha. Mashoko aya anoita kuti ndiwedzere kufara kupfuura zvandaiita makore apfuura vanhu pavaindirumbidza kana ndapa hurukuro.”
PAUNOOMERWA NEKUTEERERA KANA KURATIDZA USHINGI
9. Chii chakaita kuti Gidhiyoni aomerwe nekuteerera uye kuratidza ushingi? (Ona mufananidzo uri pakavha.)
9 Pashure pekunge Gidhiyoni agadzwa semutongi, aifanira kuteerera uye kuratidza ushingi. Akapiwa basa raigona kumuurayisa rekuputsa atari yababa vake yaishandiswa pakunamata Bhaari. (Vat. 6:25, 26) Pane imwe nguva, Jehovha akaudza Gidhiyoni kaviri kuti aderedze uto rake. (Vat. 7:2-7) Akazoudzwa kuti aende kunorwisa uto remuvengi pakati peusiku.—Vat. 7:9-11.
10. Chii chingaita kuti mukuru aomerwe nekuteerera?
10 Vakuru vanofanira kunge vaine ‘chido chekuteerera.’ (Jak. 3:17) Mukuru anoteerera anoita zvinotaurwa neBhaibheri uye nesangano raMwari. Izvi zvinoita kuti ave muenzaniso kune vamwe. Asi anogona kuomerwa nekuteerera. Semuenzaniso, zvinogona kumuomera kuti arambe achiteerera mirayiridzo yaanopiwa. Pamwe pacho, angaona sekuti mumwe murayiridzo waapiwa haushandi. Kana kuti anogona kupiwa basa ringaita kuti asungwe. Mumamiriro ezvinhu akadaro vakuru vangatevedzera sei kuteerera kwaiita Gidhiyoni?
11. Chii chingabatsira vakuru kuti vaite zvinenge zvichidiwa?
11 Nyatsoteerera mirayiridzo uye ishandise. Mwari akaudza Gidhiyoni maputsiro aaifanira kuita atari yababa vake, kwaaifanira kuvakira atari itsva yaJehovha uye kuti aifanira kupa mhuka ipi sechibayiro. Gidhiyoni haana kuona mirayiridzo iyoyo seisingashandi. Akaita chaizvo zvaakaudzwa naJehovha. Mazuva ano, vakuru vanopiwa mirayiridzo inobva kusangano raJehovha pachishandiswa tsamba, zviziviso, uye mimwe mirayiridzo inotibatsira kuti tinge takachengeteka, uye tiswedere pedyo naJehovha. Tinoda vakuru nekuti vanonyatsotevedzera mirayiridzo inobva kusangano raJehovha. Ungano yese inobatsirwa nezvavanoita.—Pis. 119:112.
12. Vakuru vangashandisa sei zano riri pana VaHebheru 13:17 kana paine chimwe chinhu chachinja musangano?
12 Iva nechido chekuchinja. Yeuka kuti Jehovha akaudza Gidhiyoni kuti adzorere masoja akawanda kumba. (Vat. 7:8) Anogona kunge akafunga kuti: ‘Izvi ndizvo zvinofanira kuitwa here? Zvichashanda here?’ Kunyange zvakadaro, Gidhiyoni akateerera. Mazuva ano vakuru vanotevedzera Gidhiyoni nekushandisa mirayiridzo mitsva inenge yabva kusangano. (Verenga VaHebheru 13:17.) Semuenzaniso, muna 2014, Dare Rinotungamirira rakachinja kubhadharwa kwaiitwa mari dzekuvaka Dzimba dzeUmambo neDzimba Dzemagungano. (2 VaK. 8:12-14) Kare sangano raikweretesa ungano mari yekuvaka Dzimba dzeUmambo uye ungano dzaizodzorera mari yacho. Asi iye zvino sangano rava kushandisa mipiro inobva kuungano dziri pasi rese kuitira kuti Dzimba dzeUmambo uye dzeMagungano dzivakwe chero kwadzinenge dzichidiwa. José paakaziva nezvekuchinja ikoko, haana kuva nechokwadi chekuti zvaizoshanda. Akazviudza kuti: ‘Handifungi kuti pangavakwa kana imba imwe chete yeUmambo. Handiwo maitirwo anoitwa zvinhu kuno.’ Chii chakabatsira José kuti atsigire urongwa ihwohwo? Anoti: “Mashoko ari pana Zvirevo 3:5, 6 akandiyeuchidza kuti ndivimbe naJehovha. Uye kuchinja ikoko kwakaita kuti zvinhu zvifambe zvakanaka chaizvo! Tava kuvaka Dzimba dzeUmambo dzakawanda uyewo tava kukwanisa kupa nenzira dzakasiyana-siyana kuitira kuti pave nekuenzana.”
13. (a) Gidhiyoni aiva nechokwadi chei? (b) Vakuru vangatevedzera sei Gidhiyoni? (Onawo mufananidzo.)
13 Iva neushingi paunenge uchiita kuda kwaJehovha. Gidhiyoni akateerera Jehovha kunyange zvazvo aitya uye zvaiva nengozi. (Vat. 9:17) Pashure pekunge Jehovha aratidza kuti aizomutsigira, Gidhiyoni akava nechokwadi chekuti Mwari aizomubatsira pakudzivirira vanhu vake. Vakuru vanogara munzvimbo dzinorambidzwa basa redu vanotevedzera Gidhiyoni. Vanoratidza ushingi pavanotungamirira pamisangano uye muushumiri pasinei nekuti vanogona kusungwa, kubvunzurudzwa, kurasikirwa nemabasa kana kurohwa. c Panguva yekutambudzika kukuru, vakuru vachafanira kuva neushingi hwekuteerera mirayiridzo yavanenge vachipiwa, pasinei nengozi dzinenge dziripo. Mirayiridzo yacho inogona kunge iine chekuita nekuparidza mashoko anofananidzwa nechimvuramabwe uye zvatingaita kuti tipone paticharwiswa naGogi weMagogi.—Ezek. 38:18; Zvak. 16:21.
PAZVINENGE ZVAKAOMA KUTI UTSUNGIRIRE
14. Nei zvainge zvakaomera Gidhiyoni kuti atsungirire?
14 Gidhiyoni aifanira kushanda nesimba paaishumira semutongi. VaMidhiyani pavakatiza hondo usiku, Gidhiyoni akavadzingirira kubva mubani reJezreeri kusvika kuRwizi rwaJodhani, urwo rwungangodaro rwaiva nemiti yakawanda mumativi arwo. (Vat. 7:22) Gidhiyoni akagumira paRwizi rwaJodhani here? Aiwa! Kunyange zvazvo akanga aneta, iye nevarume 300 vaaiva navo vakayambuka vakaramba vachidzingirira vaMidhiyani. Vakazovabata ndokuvakunda.—Vat. 8:4-12.
15. Nei dzimwe nguva mukuru achiomerwa nekutsungirira?
15 Dzimwe nguva mukuru anogona kunzwa akaneta chaizvo paanenge achiita mabasa ake emuungano uye ekuriritira mhuri yake. Pakadaro, vakuru vangatevedzera sei Gidhiyoni?
16-17. Chii chakabatsira Gidhiyoni kuti atsungirire, uye vakuru vanogona kuva nechokwadi chei? (Isaya 40:28-31) (Onawo mufananidzo.)
16 Vimba kuti Jehovha achakusimbisa. Gidhiyoni akavimba kuti Jehovha aizomupa simba, uye kuti aisazomuodza mwoyo. (Vat. 6:14, 34) Pane imwe nguva, Gidhiyoni nevarume vake vakadzingirira madzimambo maviri evaMidhiyani netsoka ayo angangodaro aiva pangamera. (Vat. 8:12, 21) Asi vachibatsirwa naMwari, vaIsraeri vakavabata ndokuvakunda. Vakuru vanogonawo kuvimba naJehovha, uyo ‘asinganeti kana kupera simba.’ Achavapa simba pavanenge vachirida.—Verenga Isaya 40:28-31.
17 Funga nezvaMatthew, uyo ari muKomiti Yekukurukura neZvipatara. Chii chinomubatsira kuti atsungirire? Matthew anoti: “Ndinoona kushanda kwezvinotaurwa pana VaFiripi 4:13. Kakawanda pandinonzwa ndakaneta uye ndisisadi kuenderera mberi nebasa racho, ndinonyengetera kuna Mwari, ndichimukumbira kuti andipe simba rekutsigira hama dzangu. Panguva dzakadaro, Jehovha anondipa mweya wake kuti undisimbise, uye undibatsire kutsungirira.” Sezvakaitika kuna Gidhiyoni, vakuru vanoshanda nesimba kuti vachengetedze vanhu vaJehovha kunyange zvazvo dzimwe nguva zvisiri nyore. Saka vanofanira kuziva pavanogumira, voshanda maererano naizvozvo. Asi vanogona kuvimba kuti Jehovha achanzwa kuchemera kwavo kubatsirwa uye achavapa simba rekuti vatsungirire.—Pis. 116:1; VaF. 2:13.
18. Sezvataona munyaya ino, vakuru vangatevedzera sei Gidhiyoni?
18 Vakuru vanogona kudzidza zvakawanda pana Gidhiyoni. Vakuru vanofanira kuratidza kuti vane mwero uye kuti vanozvininipisa pauwandu hwebasa ravanobvuma kuita uye pane zvavanoita kana vatsoropodzwa kana kuti varumbidzwa. Vanofanira kuratidza kuti vanoteerera uye vakashinga, kunyanya mugumo wenyika ino zvawaswedera pedyo. Uye vanofanira kuva nechokwadi chekuti pasinei nematambudziko avanosangana nawo, Mwari anogona kuvasimbisa. Tinotenda chaizvo vafudzi ava vanoshanda nesimba uye ‘ngatirambei tichikoshesa vanhu vakadaro.’—VaF. 2:29.
RWIYO 120 Tevedzera Unyoro hwaKristu
a Gidhiyoni akagadzwa naJehovha kuti atungamirire uye adzivirire vanhu vaJehovha panguva yainge yakaoma chaizvo kurudzi rwaIsraeri. Gidhiyoni akaita basa raakapiwa kwemakore anenge 40. Asi akasangana nezvinhu zvakati kuti zvaimuremera. Tichakurukura kuti muenzaniso wake ungabatsira sei vakuru mazuva ano pavanosangana nemamiriro ezvinhu akaoma.
b Kuva nemwero uye kuzvininipisa kwakada kufanana. Kana tiine mwero hatinyanyi kufunga nezvedu uye tinonzwisisa kuti pane zvimwe zvinhu zvatisingakwanisi kuita. Kana tichizvininipisa tinoremekedza vamwe uye tinovaona sevanokosha kutipfuura. (VaF. 2:3) Kakawanda, munhu ane mwero anozvininipisawo.
c Ona nyaya inoti, “Ramba Uchinamata Jehovha Basa Redu Parinorambidzwa” iri muNharireyomurindi yaJuly 2019, mapeji 10-11, ndima 10-13.