Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 25

RWIYO 7 Jehovha, Simba Redu

Yeuka Kuti Jehovha Ndiye “Mwari Mupenyu”

Yeuka Kuti Jehovha Ndiye “Mwari Mupenyu”

“Jehovha mupenyu!”PIS. 18:46.

ZVATICHADZIDZA

Tinobatsirwa zvikuru kana tikayeuka kuti Mwari watinonamata ndiye “Mwari mupenyu.”

1. Chii chinobatsira vanhu vaJehovha kuti varambe vachimunamata, pasinei nematambudziko avanosangana nawo?

 BHAIBHERI rinotaura nezvemazuva atiri kurarama richiti, “nguva dzakaoma, dzinonetsa kurarama madziri.” (2 Tim. 3:1) Kuwedzera pamatambudziko anosangana nemunhu wese munyika ino, vanhu vaJehovha vanopikiswa uye vanotambudzwa. Chii chinotibatsira kuramba tichinamata Jehovha pasinei nematambudziko aya? Chimwe chinhu chikuru ndechekuti takasvika pakuziva Jehovha ‘saMwari mupenyu.’—Jer. 10:10; 2 Tim. 1:12.

2. Chii chatinoziva nezvaJehovha chinogona kutisimbisa?

2 Jehovha anoona matambudziko ese atinosangana nawo uye anoda kutibatsira. (2 Mak. 16:9; Pis. 23:4) Kumuona saMwari mupenyu kunogona kutibatsira kuti titsungirire chero dambudziko ratinosangana naro. Ona kuti izvozvo zvakabatsira sei Mambo Dhavhidhi.

3. Dhavhidhi airevei paakati “Jehovha mupenyu”?

3 Dhavhidhi aiziva Jehovha uye aivimba naye. Paaidzingirirwa nevavengi vake kusanganisira Mambo Sauro, Dhavhidhi akanyengetera kuna Jehovha achikumbira kubatsirwa. (Pis. 18:6) Pashure pekunge Mwari apindura munyengetero wake uye amununura, Dhavhidhi akati: “Jehovha mupenyu!” (Pis. 18:46) Nemashoko aya, Dhavhidhi aisangogumira pakubvuma kuti Mwari ariko. Rimwe bhuku rinotaura kuti Dhavhidhi airatidza kuti anovimba naJehovha “samwari mupenyu anogara achibatsira vanhu vake.” Dhavhidhi aiziva kubva pane zvakaitika kwaari kuti Jehovha ndiMwari mupenyu, uye izvozvo zvakaita kuti arambe aine chido chekushumira Jehovha uye kumurumbidza.—Pis. 18:​28, 29, 49.

4. Kuona Jehovha saMwari mupenyu kunotibatsira sei?

4 Kuva nechokwadi chekuti Jehovha ndiMwari mupenyu kunotibatsira kuti timushumire tichishingaira. Tinovawo nesimba rekutsungirira matambudziko uye chido chekuramba tichishanda nesimba mubasa rake. Uyewo tinova nechido chekuramba tiri pedyo naJehovha.

MWARI MUPENYU ACHAKUSIMBISA

5. Chii chinoita kuti tive neushingi hwekumisidzana nematambudziko? (VaFiripi 4:13)

5 Tinogona kutsungirira chero dambudziko, ringava diki kana kuti rakakura, kana tikayeuka kuti Jehovha mupenyu uye aripo kuti atibatsire. Anogona kutibatsira padambudziko chero ripi ratingasangana naro nekuti hakuna dambudziko raasingakwanisi kugadzirisa. Iye ndiye Wemasimbaose uye anogona kutipa simba rekutsungirira. (Verenga VaFiripi 4:13.) Saka izvi zvinoita kuti tive neushingi hwekumisidzana nedambudziko chero ripi zvaro. Kufunga nezvekubatsirwa kwatinoitwa naJehovha patinosangana nematambudziko madiki kunoita kuti tive nechokwadi chekuti achatibatsirawo patichasangana nematambudziko akakura.

6. Zvii zvakaitika kuna Dhavhidhi achiri mudiki zvakamubatsira kuti awedzere kuvimba naJehovha?

6 Funga zvakaitika kuna Dhavhidhi izvo zvakamubatsira kuti awedzere kuvimba naJehovha. Paaifudza makwai ababa vake achiri mudiki, pakauya bheya rikatora gwai uyewo pakauya shumba ikaitawo izvozvo. Pazviitiko zvese izvi zviri zviviri, Dhavhidhi akava neushingi hwekudzingirira mhuka idzodzo ndokununura makwai acho. Asi haana kuzvitsvagira mukurumbira. Akaziva kuti Jehovha ndiye ainge amubatsira. (1 Sam. 17:​34-37) Dhavhidhi haana kukanganwa zvakaitika ipapo. Kufungisisa nezvazvo kwakaita kuti awedzere kuva nechokwadi chekuti Mwari mupenyu aizomusimbisa mune ramangwana.

7. Dhavhidhi akaisa pfungwa pachii, uye izvozvo zvakamubatsira sei kuti arwise Goriyati?

7 Achiri mudiki kudaro, asi asati asvitsa makore 20, Dhavhidhi akaenda kumusasa waiva neuto revaIsraeri. Akaona kuti vaIsraeri vaitya chaizvo nekuti rimwe zirume rakakura rechiFiristiya rainzi Goriyati rakanga rauya ‘kuzoshora uto rakarongwa raIsraeri.’ (1 Sam. 17:​10, 11) Kutya kwaiita vaIsraeri ava kwaibva pakuti vainge vakaisa pfungwa pakukura kwaGoriyati uye kushora kwaaivaita. (1 Sam. 17:​24, 25) Asi Dhavhidhi aiva nemaonero akasiyana. Dhavhidhi aiziva kuti Goriyati aisangoshora bedzi uto rakarongwa raIsraeri, asi aishora “uto rakarongwa raMwari mupenyu.” (1 Sam. 17:26) Dhavhidhi akaisa pfungwa pana Jehovha. Aivimba kuti Mwari uyo ainge amubatsira achiri mufudzi aizomubatsirazve panguva iyi. Aine chokwadi chekuti Jehovha aizomutsigira, akarwisa Goriyati uye akakunda!—1 Sam. 17:​45-51.

8. Chii chingaita kuti tiwedzere kuva nechokwadi chekuti Jehovha achatibatsira patinenge tiri mumatambudziko? (Onawo mufananidzo.)

8 Isuwo tinogona kutsungirira matambudziko kana tikayeuka kuti Mwari mupenyu aripo kuti atibatsire. (Pis. 118:6) Tinogona kuwedzera kuva nechokwadi chekuti achatibatsira kana tikafunga zvaakaita kare. Verenga nyaya dzemuBhaibheri dzinokuyeuchidza kuti Jehovha akaponesa sei vanamati vake. (Isa. 37:​17, 33-37) Fungawo nezvenyaya dziri pajw.org dzinoratidza kuti Jehovha ari kutsigira sei hama nehanzvadzi dzedu mazuva ano. Zvakanakawo kuyeuka nezvenguva dzawakambobatsirwa naJehovha. Usanetseka kana ukashaya chinhu chinoshamisa chakaitika muupenyu hwako, chakadai sekurwisa bheya kana shumba. Chokwadi ndechekuti Jehovha ane zvakawanda zvaakakuitira muupenyu hwako. Akaita kuti uve neushamwari hwepedyo naye. (Joh. 6:44) Kunyange iye zvino ari kutokubatsira kuti urambe uchimushumira. Unogona kumukumbira kuti akubatsire kuyeuka paakapindura minyengetero yako, paakakutsigira panguva chaiyo yawaida kutsigirwa, kana kuti paakakubatsira pawaiva panguva yakaoma. Kufunga nezvemienzaniso iyi kuchaita kuti uve nechokwadi chekuti Jehovha acharamba achikubatsira.

Zvatinoita patinosangana nematambudziko zvinogona kuita kuti Jehovha afare kana kuti arwadziwe (Ona ndima 8-9)


9. Tinofanira kuona sei matambudziko atinosangana nawo? (Zvirevo 27:11)

9 Kuona Jehovha saMwari mupenyu kuchatibatsira kuti tione matambudziko atiri kusangana nawo neziso rakanaka. Zvingadaro sei? Tinotanga kuona matambudziko edu sechikamu chenyaya hombe iri pakati paJehovha naSatani. Dhiyabhorosi anoti kana tikatambura tichasiya Jehovha. (Job. 1:​10, 11; verenga Zvirevo 27:11.) Asi patinoramba takavimbika kuna Jehovha pasinei nematambudziko edu, tinoratidza kuti tinomuda uye kuti Dhiyabhorosi murevi wenhema. Uri kusangana nematambudziko akadai sekupikiswa nehurumende, nhamo yemari, kana kuti kusafarira kunoita vanhu mashoko atinoparidza here? Kana zvakadaro yeuka kuti izvi zvinokupa mukana wekufadza Jehovha. Yeukawo kuti haazombokuregi uchiedzwa kupfuura zvaunogona kutsungirira. (1 VaK. 10:13) Achakupa simba rekuti utsungirire.

MWARI MUPENYU ACHAKUPA MUBAYIRO

10. Mwari mupenyu achaitirei vaya vanomunamata?

10 Jehovha anopa mubayiro vaya vanomunamata. (VaH. 11:6) Anoita kuti tive nerugare uye kugutsikana iye zvino, uye achatipa upenyu husingaperi mune ramangwana. Tinogona kuvimba naJehovha tiine chokwadi chekuti anoda kutipa mubayiro uye ane simba rekuzviita. Chivimbo ichocho chinoita kuti tirambe tichishingaira pakunamata sezvaiitwa nevashumiri vaMwari vekare vakatendeka. Izvozvo ndizvo zvakaitwa naTimoti.—VaH. 6:​10-12.

11. Chii chakabatsira Timoti kuti ashande nesimba muungano? (1 Timoti 4:10)

11 Verenga 1 Timoti 4:10. Timoti akaisa tariro yake pana Mwari mupenyu. Ndosaka aishanda nesimba achiitira Jehovha uye vamwe. Aizviita sei? Muapostora Pauro akamukurudzira kuti afambire mberi pakudzidzisa uye pakutaura paruzhinji. Timoti akaudzwawo kuti aratidze muenzaniso wakanaka kune vamwe vaainamata navo, vangava vakuru kana kuti vadiki. Uye akanzi aitewo mamwe mabasa akaoma aisanganisira kutsiura vamwe asi achizviita nerudo. (1 Tim. 4:​11-16; 2 Tim. 4:​1-5) Timoti aiva nechokwadi chekuti kunyange zvazvo dzimwe nguva basa rake raisaonekwa kana kuti raisaongwa nevamwe, Jehovha aizomupa mubayiro.—VaR. 2:​6, 7.

12. Chii chinoita kuti vakuru vade kuramba vachiita zvakawanda mumabasa avo? (Onawo mufananidzo.)

12 Mazuva ano, vakuru vanogonawo kuva nechokwadi chekuti Jehovha anoona uye anokoshesa basa rakanaka ravanoita. Kuwedzera pakufudza, kudzidzisa, uye kuparidza, vakuru vakawanda vanotsigira mabasa ekuvaka zvivakwa zvesangano uye panoitika njodzi. Vamwe vanoshumira muMapoka Ekushanyira Varwere kana kuti muMakomiti Ekukurukura Nezvipatara. Vakuru vanoita mabasa aya vanoona ungano seurongwa hwaJehovha kwete hwevanhu. Izvi zvinoita kuti vaite mabasa avo nemweya wese uye vave nechivimbo chekuti Mwari achavapa mubayiro wezvavari kuita.—VaK. 3:​23, 24.

Mwari mupenyu achakupa mubayiro sezvaunoshanda nesimba uchiitira ungano (Ona ndima 12-13)


13. Jehovha anonzwa sei nezvatinomuitira?

13 Haasi munhu wese anogona kuva mukuru. Asi tese tinogona kupa Jehovha chimwe chinhu. Mwari wedu anofadzwa patinoita zvese zvatinogona pakumushumira. Anoona patinopa mipiro kubasa remunyika yese kunyange kana tisiri kukwanisa kupa zvakawanda. Anofara patinoshanda nesimba kuti tikunde kunyara kwatinoita tosimudza ruoko kuti tipindure pamisangano, uye anofara patinoregerera munhu anenge atikanganisira. Kunyange paunonzwa sekuti hausi kukwanisa kuitira Jehovha zvakawanda sezvaungada, iva nechokwadi chekuti Jehovha anokoshesa zvaunokwanisa kuita. Izvozvo zvinoita kuti akude uye achakupa mubayiro.—Ruka 21:​1-4.

RAMBA URI PEDYO NAMWARI MUPENYU

14. Kuramba tiri pedyo naJehovha kunotibatsira sei kuti tirambe takatendeka? (Onawo mufananidzo.)

14 Kana tiine ushamwari hwepedyo naJehovha, zvichatiitira nyore kuti tirambe takatendeka kwaari. Izvozvo ndizvo zvakaitika kuna Josefa. Akaramba kuita upombwe. Aiona Mwari seshamwari yake yepedyo, uye aisada kumugumbura. (Gen. 39:9) Kuti tive neushamwari hwepedyo naJehovha, tinofanira kuwana nguva yekunyengetera kwaari uye yekudzidza Shoko rake. Tikadaro, ushamwari hwedu naye huchawedzera. Kana tiine ushamwari hwepedyo naJehovha sezvainge zvakaita Josefa hatizodi kuita chero chii zvacho chinomugumbura.—Jak. 4:8.

Kuswedera pedyo naMwari mupenyu kuchakubatsira kuti urambe wakatendeka (Ona ndima 14-15)


15. Tinodzidzei pane zvakaitika kuvaIsraeri pavaiva murenje? (VaHebheru 3:12)

15 Zviri nyore kuti vaya vanokanganwa kuti Jehovha ndiMwari mupenyu vaende kure naye. Funga zvakaitika kuvaIsraeri pavaiva murenje. Vaiziva kuti Jehovha aivako, asi vakatanga kusava nechokwadi kana Jehovha aizovapa zvavaida pakurarama. Vaitobvunza kuti: “Jehovha ari pakati pedu here kana kuti kwete?” (Eks. 17:​2, 7) Izvi zvakaita kuti vapandukire Mwari. Hatitombodi kutevedzera muenzaniso wavo wakaipa wekusateerera.—Verenga VaHebheru 3:12.

16. Chii chingaedza kutenda kwedu?

16 Nyika inoita kuti zvitiomere kuramba tiri pedyo naJehovha. Vakawanda vanoramba kuti Mwari ariko. Kakawanda vaya vasingateereri mitemo yaMwari vanoita sevari kubudirira. Patinoona izvozvo zvichiitika, kutenda kwedu kunogona kuedzwa. Kunyange zvazvo tichitenda kuti Mwari ariko, tinogona kutanga kusava nechokwadi chekuti achatibatsira. Munyori wePisarema 73 akambovawo nemanzwiro akadaro. Aiona vamwe vachirega kuteerera mitemo yaMwari asi vachingonakidzwa neupenyu. Izvi zvakaita kuti atange kusava nechokwadi kana zvaibatsira kushumira Mwari.—Pis. 73:​11-13.

17. Chii chichatibatsira kuti tirambe tiri pedyo naJehovha?

17 Chii chakazobatsira munyori wepisarema kuti agadzirise mafungiro ake? Akafungisisa zvaizoitika kune vaya vanorega kuvimba naJehovha. (Pis. 73:​18, 19, 27) Akafungawo nezvemakomborero anobva pakushumira Mwari. (Pis. 73:24) Isuwo tinogona kufunga nezvemakomborero atinopiwa naJehovha. Chimbofunga kuti upenyu hwedu hwaizenge hwakaita sei kudai taisashumira Jehovha. Kuita izvi kunotibatsira kuti tirambe takatendeka uye tinogonawo kuzotaura zvakataurwa nemunyori wepisarema kuti: “Kana ndiri ini, kuswedera pedyo naMwari kwakandinakira.”—Pis. 73:28.

18. Nei tisingafaniri kutya ramangwana?

18 Tinokwanisa kumisidzana nechero dambudziko ratinosangana naro mumazuva ano ekupedzisira nekuti tiri “varanda vaMwari mupenyu uye wechokwadi.” (1 VaT. 1:9) Mwari wedu ane hanya nesu uye acharamba achitibatsira. Aiva nehanya nevashumiri vake vekare uye anesu mazuva ano. Munguva pfupi iri kuuya, kutambudzika kukuru uko kusati kwamboitika panyika kuchaitika. Asi tichange tisiri tega. Jehovha achange ainesu. (Isa. 41:10) Dai tese tikava “vakanyatsoshinga tichiti: ‘Jehovha ndiye mubatsiri wangu; handizotyi.’”—VaH. 13:​5, 6.

RWIYO 3 Ndimi Simba Redu, Tariro Yedu, Tinovimba Nemi