NHARIREYOMURINDI​—YEKUDZIDZA March 2018

Magazini ino ine nyaya dzekudzidza dzaApril 30 kusvika kuJune 3, 2018.

VaKristu Vanofanira Kubhabhatidzwa

Bhaibheri rinodzidzisei nezverubhabhatidzo? Munhu anofanira kutora matanho api asati abhabhatidzwa? Uye nei mudzidzisi wechiKristu achifanira kufunga nezvechinangwa chekubhabhatidzwa paanenge achidzidzisa vana vake kana kuti vamwe vadzidzi veBhaibheri?

Vabereki, Muri Kubatsira Mwana Wenyu Kuti Asvike Pakubhabhatidzwa Here?

Vabereki vechiKristu vanoda kuva nechokwadi chei vana vavo vasati vabhabhatidzwa?

MIBVUNZO INOBVA KUVAVERENGI

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Nei Zvapupu zvaJehovha zvichidhirowa mifananidzo yemuapostora Pauro aine mhanza kana kuti aine bvudzi shoma?

Nei Zvichikosha Zvikuru Kuti Tigamuchire Vaeni Zvakanaka?

Nei Magwaro achikurudzira vaKristu kuti vagamuchirane zvakanaka? Mikana ipi yatiinayo yekugamuchira vamwe zvakanaka? Tingakurira sei zvinhu zvingatitadzisa kugamuchira vaeni zvakanaka?

NYAYA YEUPENYU

Jehovha Haana Kumbobvira Andisiya!

Erika Nöhrer Bright akashumira sapiyona wenguva dzose, piyona chaiye uye mumishinari. Anotaura nezvekutsigirwa, kusimbiswa uye kutungamirirwa kwaakaitwa naMwari kwemakore akawanda aashumira akatendeka.

Chirango Chinoratidza Rudo rwaMwari

Tingadzidzei kune vaya vakarangwa naJehovha kare? Uye patinenge tichida kupa chirango, tingatevedzera sei muenzaniso waJehovha?

“Teererai Kurangwa Muve Vakachenjera”

Jehovha anotidzidzisa sei kuzviranga? Uye tingabatsirwa sei nechirango chatingapiwa muungano yechiKristu?