Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Chirango Chinoratidza Rudo rwaMwari

Chirango Chinoratidza Rudo rwaMwari

“Jehovha anoranga waanoda.”—VAH. 12:6.

NZIYO: 123, 86

1. Chirango chinowanzotaurwa sei muBhaibheri?

PAUNONZWA shoko rekuti “chirango,” unofunga nezvei? Zvichida unobva wafunga nezvekupanicha, asi pane zvakawanda zvinobatanidzwa. MuBhaibheri, chirango chinowanzotaurwa sechinhu chakanaka, pamwe pacho chichitaurwa pamwe chete nezivo, uchenjeri, rudo uye upenyu. (Zvir. 1:2-7; 4:11-13) Chikonzero chacho ndechekuti chirango chaMwari chinoratidza kuti anotida uye kuti anoda kuti tiwane upenyu husingaperi. (VaH. 12:6) Kunyange zvazvo chirango chake chichigona kusanganisira kupanicha, hachina kana utsinye mukati. Kutaura zvazviri, zvinorehwa neshoko rekuti “chirango” zvinonyanya kubata dzidzo yakadai seiya inodiwa pakurera mwana.

2, 3. Chirango chingabatanidza sei kudzidzisa nekupanicha? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

2 Funga nezvemuenzaniso uyu: Kamwe kakomana kanonzi Johnny kari kutambisa bhora kari mumba. Amai vako vanoti: “Johnny, unoziva kuti haufaniri kutambira bhora rako mumba! Unogona kupwanya zvinhu.” Asi asingateereri zvataurwa naamai vake, anoramba achitambisa bhora uye anobva apwanya vhasi remaruva. Amai vake vachamuranga sei? Chirango chavo chinogona kusanganisira kumudzidzisa nekumupanicha. Pakumudzidzisa, vanogona kumuyeuchidza kuti nei zvaaita zvisina kunaka. Vanoda kumubatsira kuti aone zvakanakira kuteerera vabereki vake, vachitsanangura kuti mitemo yavo yakakosha uye kuti haina kuoma. Zvadaro, vanobva vazomupanicha zvakakodzera kuitira kuti vasimbise mashoko avo. Semuenzaniso, vanogona kumbomutorera bhora racho. Izvozvo zvingaita kuti aone zvakaipira kusateerera.

3 Sevanhu vari muungano yechiKristu, tiri mumhuri yaMwari. (1 Tim. 3:15) Saka tinoremekedza kodzero yaJehovha yekutipa mitemo uye kutiranga zvine rudo patinenge tatyora mitemo yake. Uyezve, kana maitiro edu akaita kuti zvinhu zvitiipire, zvinogona kutiyeuchidza kukosha kwekuteerera Baba vedu vekudenga. Ichi chinotovawo chirango chinobva kuna Jehovha. (VaG. 6:7) Mwari anotida chaizvo uye haadi kuti tirwadziwe.—1 Pet. 5:6, 7.

4. (a) Jehovha anokomborera kudzidzisa kwakaita sei? (b) Tichakurukurei munyaya ino?

4 Kuburikidza nekupa chirango chinobva muMagwaro, tinogona kubatsira mwana wedu kana mudzidzi weBhaibheri kuti azadzise chinangwa chekuva muteveri waKristu. Shoko raMwari, iro ratinonyanya kushandisa pakudzidzisa, rinoita kuti tikwanise ‘kuranga mukururama.’ Saka tinogona kubatsira mwana wedu kana kuti mudzidzi weBhaibheri kunzwisisa uye ‘kuchengeta zvinhu zvese zvatakarayirwa naJesu.’ (2 Tim. 3:16; Mat. 28:19, 20) Jehovha anokomborera kudzidzisa kwakadaro, uko kunoita kuti vadzidzi vakwanise kubatsirawo vamwe kuti vave vadzidzi vaKristu. (Verenga Tito 2:11-14.) Iye zvino ngatikurukurei mhinduro dzemibvunzo iyi mitatu inokosha: (1) Chirango chaMwari chinoratidza sei kuti anotida? (2) Tingadzidzei pane vaya vakarangwa naMwari? (3) Patinopa chirango, tingatevedzera sei Jehovha neMwanakomana wake?

MWARI ANORANGA NERUDO

5. Chirango chaJehovha chinoratidza sei kuti anotida?

5 Nemhaka yerudo rwake, Jehovha anotitsiura uye anotidzidzisa kuitira kuti tirambe tiri murudo rwake uye tiri munzira inoenda kuupenyu. (1 Joh. 4:16) Haatituki kana kuita kuti tifunge kuti hatikoshi. (Zvir. 12:18) Pane kudaro, Jehovha anotarisa zvakanaka zvatinoita uye anotibvumira kushandisa rusununguko rwedu rwekusarudza. Ndiwo maonero aunoita chirango chaMwari here, pasinei nekuti chiri kubva muShoko rake, mumabhuku anotsanangura Bhaibheri, kuvabereki vechiKristu, kana kuti kuvakuru muungano? Vakuru pavanoedza kutiruramisa neunyoro uye nerudo ‘patinodarika,’ zvichida tisingazivi, vanenge vachitoratidza kuti Jehovha anotida.—VaG. 6:1.

6. Chirango chinoratidza sei rudo rwaMwari kunyange pachinoita kuti munhu asakodzera kuita mamwe mabasa muungano?

6 Asi dzimwe nguva chirango chinogona kusanganisira zvinopfuura kungopiwa zano. Kana munhu akaita chivi chakakura, anenge asisakodzeri kuita mamwe mabasa muungano. Kunyange kana izvozvo zvikaitika, chirango chakadaro chinoratidza kuti Mwari anotida. Semuenzaniso, kurasikirwa neropafadzo kunogona kubatsira munhu kuti aone kukosha kwekushandisa nguva yakawanda pakudzidza Bhaibheri, kufungisisa uye kunyengetera. Saka zvinogona kumubatsira kuti asimbe pakunamata. (Pis. 19:7) Nekufamba kwenguva anogona kuzovazve neropafadzo dzake. Kunyange urongwa hwekudzinga hunoratidza rudo rwaJehovha nekuti hunoita kuti ungano isasvibiswa. (1 VaK. 5:6, 7, 11) Uye nemhaka yekuti Mwari anopa chirango chakakodzera, kudzinga kunogona kubatsira mutadzi kuti aone kukura kwechivi chake, zvoita kuti apfidze.—Mab. 3:19.

AKABATSIRWA NECHIRANGO CHAJEHOVHA

7. Shebna aiva ani, uye akatanga kuva neunhu hupi hwakaipa?

7 Kuti tinzwisise kukosha kwechirango, ngatikurukurei nezvevanhu vaviri vakarangwa naJehovha vanoti, Shebna, uyo akararama panguva yaMambo Hezekiya, uye Graham, hama yemazuva ano. Shebna aiva mutariri ‘aitarisira imba,’ zvichida yaHezekiya, uye aiva nesimba. (Isa. 22:15) Asi zvinosuwisa kuti akatanga kuzvikudza, achizvitsvagira mbiri. Akatozvivakira guva raidhura chaizvo, uye aifamba ‘nengoro dzekukudzwa.’—Isa. 22:16-18.

Kugadzirisa mafungiro edu tichizvininipisa kunoita kuti Mwari atikomborere (Ona ndima 8-10)

8. Jehovha akaranga sei Shebna, uye tinoziva sei kuti anofanira kunge akabatsirwa nazvo?

8 Nemhaka yekuti Shebna akatsvaga kukudzwa nevanhu, Mwari ‘akamudzinga panzvimbo yake,’ achibva aisa Eriyakimu. (Isa. 22:19-21) Izvi zvakaitika Mambo weAsiriya Saniheribhi paaida kurwisa Jerusarema. Pava paya mambo iyeye akatuma vakuru vakuru kuJerusarema, vaine uto guru kuitira kuti vaJudha vatye uye Hezekiya akande mapfumo pasi. (2 Madz. 18:17-25) Eriyakimu akatumwa kunotaura nevakuru vakuru vacho, asi haana kuenda ega. Akaperekedzwa nevarume vaviri uye mumwe wacho aiva Shebna, uyo akanga ava kushanda semunyori. Izvi hazviratidzi here kuti Shebna haana kutsamwa kana kuchengeta chigumbu, asi akazvininipisa ndokubvuma kuita basa rakaderera? Kana zvakadaro, tinodzidzei panyaya iyi? Ngationei zvinhu zvitatu zvatinodzidza.

9-11. (a) Zvidzidzo zvipi zvinokosha zvatinowana pane zvakaitika kuna Shebna? (b) Unokurudzirwa sei nezvakaitwa naJehovha kuna Shebna?

9 Chekutanga, Shebna akatorerwa chinzvimbo chaaiva nacho. Zvakaitika kwaari zvinotiyeuchidza nezveyambiro yekuti “kudada kunotangira kuparara, uye kuzvikudza kunotangira kugumburwa.” (Zvir. 16:18) Kana uine ropafadzo muungano, zvekuti vamwe vangakuona seunokosha, ucharamba uchizvininipisa here? Uchaita kuti Jehovha akudzwe here nekuda kwechero chipo chauinacho kana kuti zvinhu zvakanaka zvawakaita? (1 VaK. 4:7) Muapostora Pauro akanyora kuti: “Ndinoudza munhu wose ari pakati penyu kuti arege kufunga nezvake kupfuura zvaanofanira kufunga; asi kuti afunge kuitira kuti ave nepfungwa dzakanaka.”—VaR. 12:3.

10 Chechipiri, Jehovha paakatsiura Shebna zvakasimba, angangodaro airatidza kuti aiziva kuti Shebna aigona kuchinja. (Zvir. 3:11, 12) Ichocho chidzidzo chakazonaka kune vaya vanenge vatorerwa ropafadzo dzavo muungano yaMwari. Pane kuti vatsamwe kana kuchengeta chigumbu, ngavarambe vachishumira Mwari nepavanogona napo mumamiriro ezvinhu avanenge vava, vachiona chirango chacho sekuratidzwa kwerudo rwaJehovha. Yeuka kuti Baba vedu vachapa mubayiro vaya vanoramba vachizvininipisa pamberi pavo. (Verenga 1 Petro 5:6, 7.) Chirango chinogona kuva nzira yaMwari yekutiumba nayo, saka ngatirambei tiri vanhu vanoumbika.

11 Chechitatu, zvakaitwa naJehovha kuna Shebna zvinopa chidzidzo chinokosha kune vaya vanopa chirango, vakadai sevabereki uye vatariri vechiKristu. Vanodzidzei? Kunyange zvazvo chirango chaJehovha chichiratidza kuvenga kwaanoita chivi, chinoratidzawo kuti ane hanya nemutadzi wacho. Kana uchifanira kupa chirango semubereki kana kuti semutariri, uchatevedzera Jehovha here kuburikidza nekuvenga chakaipa chaitwa asi uchitarisawo zvakanaka mumwana wako kana kuti mune mumwe muKristu?—Jud. 22, 23.

12-14. (a) Vamwe vanoita sei pavanorangwa naMwari? (b) Shoko raMwari rakabatsira sei imwe hama kuti igadzirise mafungiro ayo, uye zvakaguma nei?

12 Zvinosuwisa kuti vamwe vanonyanya kurwadziwa pavanorangwa, zvekuti vanobva vasiya Jehovha nevanhu vake. (VaH. 3:12, 13) Asi zvinoreva here kuti vanhu vakadaro havachabatsiriki? Funga nezvaGraham, uyo akambodzingwa, akazodzorerwa, achibva azorega kuparidza uye kupinda misangano. Papera makore, akazokumbira kudzidza Bhaibheri nemukuru akanga aita kuti vave neushamwari.

13 Mukuru wacho anoti: “Graham aiva nedambudziko rekuzvikudza. Aitsoropodza vakuru vakatonga nyaya yake paakadzingwa. Saka pazvidzidzo zvakatevera, takakurukura magwaro anotaura nezvekuzvikudza uye zvakunokonzera. Graham akatanga kunyatsoona zvaari mugirazi reShoko raMwari, uye haana kufarira zvaakaona. Izvozvo zvakamubatsira chaizvo! Pashure pekunge aona kuti ainge apofumadzwa ‘nedanda’ rekuzvikudza uye kuti kutsoropodza vamwe ndiro raiva dambudziko rake, akatanga kuchinja nekukurumidza. Akatanga kupinda misangano nguva dzese, kunyatsodzidza Shoko raMwari, uye kugara achinyengetera. Akatanga kutungamirira mhuri yake pakunamata semusoro wemhuri, uye izvozvo zvakafadza mudzimai wake nevana.”—Ruka 6:41, 42; Jak. 1:23-25.

14 Mukuru wacho anoenderera mberi achiti: “Rimwe zuva Graham akandiudza chimwe chinhu chakandibaya mwoyo. ‘Ndava nemakore ndiri muchokwadi,’ akadaro, ‘uye ndakatomboshumira sapiyona. Asi iye zvino ndinogona kunyatsotaura kuti ndinoda Jehovha.’ Pasina nguva, akakumbirwa kuti aite basa rekufambisa mamaikorofoni muImba yeUmambo, uye basa racho airifarira chaizvo. Muenzaniso wake wakandidzidzisa kuti kana munhu akazvininipisa pamberi paMwari kuburikidza nekubvuma chirango, makomborero anoita kunaya!”

PAUNOPA CHIRANGO, TEVEDZERA MWARI NAKRISTU

15. Kana tichida kuti chirango chedu chisvike pamwoyo, tinofanira kuitei?

15 Kuti tive vadzidzisi vakanaka, tinofanira kutanga tava vadzidzi vakanaka. (1 Tim. 4:15, 16) Saizvozvowo, vaya vanoshandiswa naMwari kupa chirango, vanofanira kuramba vachibvuma kutungamirirwa naJehovha. Kuzvininipisa ikoko kunoita kuti varemekedzwe uye kunovapa rusununguko rwekutaura pavanodzidzisa kana kuti pavanotsiura vamwe. Funga nezvemuenzaniso waJesu.

16. Zvidzidzo zvipi zvatinogona kuwana pana Jesu panyaya yechirango chakakodzera uye kudzidzisa kunobudirira?

16 Jesu aigara achiteerera Baba vake kunyange pazvainge zvakaoma. (Mat. 26:39) Aiyeuchidza vateereri vake kuti zvaaidzidzisa uye uchenjeri hwake zvaibva kuna Baba vake. (Joh. 5:19, 30) Kuzvininipisa kwaJesu uye kuteerera kwake kwaiita kuti vanhu vane mwoyo yakatendeseka vauye kwaari uye kwakamubatsira kuti ave mudzidzisi anonzwira vamwe tsitsi uye ane nyasha. (Verenga Mateu 11:29.) Mashoko ake emutsa akakurudzira vaya vainge vakaora mwoyo uye vainge vakaneta. (Mat. 12:20) Kunyange paaiva pamuedzo wekusaitira vamwe mwoyo murefu, Jesu airatidza mutsa uye rudo. Izvi zvakanyatsooneka paakatsiura vaapostora vake nemhaka yekuti vainyanya kuzvifunga ivo pachavo uye vaida zvinzvimbo.—Mako 9:33-37; Ruka 22:24-27.

17. Unhu hupi huchabatsira vakuru kuti vabudirire pakuva vafudzi vemakwai aMwari?

17 Vakuru pavanopa chirango vachishandisa Magwaro vanofanira kutevedzera muenzaniso waKristu. Kuita izvozvo kunoratidza kuti vane chido chekuumbwa naMwari neMwanakomana wake. Muapostora Petro akanyora kuti: “Fudzai boka raMwari ramunotarisira, musingaiti nokugombedzerwa, asi nokuzvidira; musingaitiri kuda pfuma inowanikwa nenzira dzokusatendeseka, asi nomwoyo wose; musingazviiti madzishe pane vaya vari nhaka yaMwari, asi muchiva mienzaniso kuboka.” (1 Pet. 5:2-4) Saka vatariri vanobvuma nemufaro kuzviisa pasi paMwari naKristu, musoro weungano, vanobatsirwa nazvo uye zvinobatsirawo vaya vavanotungamirira.—Isa. 32:1, 2, 17, 18.

18. (a) Jehovha anoda kuti vabereki vaitei? (b) Mwari anobatsira sei vabereki kuti vabudirire kuita basa ravo?

18 Mazano iwayo anoshandawo mumhuri. Misoro yemhuri inoudzwa kuti: “Musatsamwisa vana venyu, asi rambai muchivarera mukuranga nokutungamirira pfungwa kunoitwa naJehovha.” (VaEf. 6:4) Nyaya iyi inokosha zvakadini? Zvirevo 19:18 inoti: “Ranga mwanakomana wako pachine tariro; uye mweya wako ngaurege kuva [nemhosva yekufa kwake].” Saka vabereki vachazvidavirira kuna Jehovha kana vakatadza kuranga mwana wavo! (1 Sam. 3:12-14) Zvisinei, Jehovha anopa vabereki uchenjeri uye simba ravanoda pavanomukumbira vachinyengetera uye pavanobvuma kutungamirirwa neShoko rake nemweya mutsvene wake.—Verenga Jakobho 1:5.

KUDZIDZA KUTI TIZORARAMA NEKUSINGAPERI MURUGARE

19, 20. (a) Makomborero api atinowana patinobvuma chirango chaMwari? (b) Tichakurukurei munyaya inotevera?

19 Kana tikabvuma kurangwa naMwari uye tikatevedzera Jehovha naJesu patinopa vamwe chirango, tichava nemakomborero akawanda chaizvo! Mhuri neungano dzedu dzinova nerugare uye varimo vanonyatsonzwa kuti vanodiwa, vanokosheswa uye vakachengeteka. Iyi inongova nzwisa yemakomborero atichawana. (Pis. 72:7) Chirango chaJehovha chinotidzidzisa kuti tizorarama pamwe chete nekusingaperi murugare tichiwirirana semhuri yake. (Verenga Isaya 11:9.) Patinofunga nezvekubatsira kunoita chirango chaMwari, tichanyatsonzwisisa kuti chinoratidza kuti Mwari anotida zvikuru.

20 Munyaya inotevera tichadzidza zvakawanda nezvechirango chinopiwa mumhuri uye muungano. Tichakurukurawo nyaya yekuzviranga, uye tichadzidza kuti tingadzivisa sei chimwe chinhu chinorwadza chaizvo kupfuura kurangwa.