Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nei Zvichikosha Zvikuru Kuti Tigamuchire Vaeni Zvakanaka?

Nei Zvichikosha Zvikuru Kuti Tigamuchire Vaeni Zvakanaka?

“Gamuchiranai zvakanaka musinganyunyuti.”—1 PET. 4:9.

NZIYO: 100, 87

1. VaKristu vepakutanga vaiva mumamiriro ezvinhu akaita sei?

PANE imwe nguva, kubva mugore ra62 kusvika mugore ra64 C.E., muapostora Petro akanyorera “vagari venguva duku vakapararira muPontasi, Garatiya, Kapadhokiya, Ezhiya, neBhitiniya.” (1 Pet. 1:1) VaKristu ivavo vainge vabva munzvimbo dzakasiyana-siyana. Vaisangana ‘nemiedzo yakaita semoto uri kubvira,’ kana kuti kutambudzwa, uye vaida kukurudzirwa uye kutungamirirwa. Vairarama munguva ine ngozi zvikuru. Petro akanyora kuti: “Kuguma kwezvinhu zvose kwaswedera pedyo.” Painge pasara makore asingasviki 10 kuti Jerusarema riparadzwe. Chii chaigona kubatsira vaKristu kwese kwese kutsungirira nguva idzodzo dzakaoma?—1 Pet. 4:4, 7, 12.

2, 3. Nei Petro akakurudzira hama dzake kuti dzigamuchirane zvakanaka? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

2 Pazvinhu zvaakataura, Petro akakurudzira hama dzake achiti: “Gamuchiranai zvakanaka.” (1 Pet. 4:9) Shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “kugamuchira vaeni zvakanaka” rinoreva “kuda kana kuti kuitira mutsa vanhu vausingazivi.” Asi cherechedza kuti Petro akakurudzira hama nehanzvadzi dzake dzechiKristu kuti ‘dzigamuchirane zvakanaka.’ Aitaura nezvekugamuchira vanhu vavaizivana navo uye vavaiwadzana navo. Kugamuchirana zvakanaka kwaizovabatsira sei?

3 Kwaizoita kuti vave pedyo nemumwe nemumwe. Ko iwewe? Wakambokokwa nemumwe munhu kumba kwake here? Uchiri kuyeuka kufadza kwaiita nguva yacho here? Pawakakoka vamwe vemuungano kumba kwako, hazvina kuita kuti ushamwari hwenyu huwedzere kusimba here? Kukoka vamwe kumba kwedu kunoita kuti tinyatsoziva hama nehanzvadzi dzedu kupfuura zvatingaita tiri kune dzimwe nzvimbo. VaKristu vepanguva yaPetro vaifanira kuva pedyo nepedyo mamiriro ezvinhu zvaaiwedzera kuoma. Ndizvo zvinofanira kuitawo vaKristu ‘mumazuva ano ekupedzisira.’—2 Tim. 3:1.

4. Mibvunzo ipi yatichakurukura munyaya ino?

4 Tine mikana ipi ‘yekugamuchirana zvakanaka’? Tingakurira sei zvinhu zvingatitadzisa kugamuchira vaeni zvakanaka? Chii chingatibatsira kuti tive vaeni vakanaka?

MIKANA YEKUGAMUCHIRA VAENI ZVAKANAKA

5. Tingagamuchira sei vaeni zvakanaka pamisangano yedu yechiKristu?

5 Pamisangano: Jehovha nesangano rake vanotikoka kumisangano. Tinoda kuti munhu wese anopinda misangano yedu, kunyanya vatsva, aone kuti ari kugamuchirwa zvakanaka. (VaR. 15:7) Vatsva pavanopinda misangano, vanenge vatori vaeni veduwo. Tinofanira kutanga isu kugamuchira vatsva ivavo pasinei nekuti vakapfeka sei kana kuti vanoratidzika sei. (Jak. 2:1-4) Kana ukaona mueni ari ega, ungamukumbira here kuti mugare mese? Angaonga chaizvo ukamubatsira kuti afambirane nepurogiramu uye zvichida kuvhura magwaro anenge achiverengwa. Tikaita izvi tinenge ‘tichitevera nzira yekugamuchira vaeni zvakanaka.’—VaR. 12:13.

6. Ndivanaani vatinofanira kutanga kufunga nezvavo patinenge tichida kukoka vanhu kumba kwedu?

6 Kuvakoka kuzodya: Panguva dzinotaurwa muBhaibheri, kugamuchira vaeni zvakanaka kwaiwanzosanganisira kuvakoka kumba kuzodya, zvichiratidza chido chekuva neushamwari uye rugare. (Gen. 18:1-8; Vat. 13:15; Ruka 24:28-30) Ndivanaani vatinofanira kutanga kufunga nezvavo patinenge tichida kukoka vanhu kumba kwedu? Ihama nehanzvadzi dzemuungano medu. Nyika ino zvairi kuwedzera kuipa, tichada kubatsirana nehama nehanzvadzi dzedu tova shamwari dzavo dzakavimbika. Muna 2011, Dare Rinotungamirira rakachinja nguva yaitanga Chidzidzo cheNharireyomurindi chemhuri yeBheteri yeUnited States, kubva pa6:45 p.m. kuenda pa6:15 p.m. Zvakaitirwei? Chiziviso chacho chakati vakawanda vangazoda kukoka uye kubvuma kukokwa nedzimwe nhengo dzemhuri yeBheteri kana musangano wacho ukati kurumidzei kupera. Mamwe mahofisi emapazi akaitawo saizvozvo. Urongwa uhwu hwakaita kuti nhengo dzemhuri yeBheteri dzinyatsozivana.

7, 8. Tingagamuchira sei zvakanaka vamiririri vesangano raJehovha?

7 Kushanya kwevakurukuri vanobva kune dzimwe ungano, uyewo kwevatariri vematunhu uye dzimwe nguva vamiririri vanobva kuBheteri, kunotipa mikana yekugamuchira vamwe zvakanaka. (Verenga 3 Johani 5-8.) Imwe nzira yekuita izvozvo ndeyekuvakoka kumba kwedu kuti tivape zvekudya kana zvekunwira-nwira.

8 Imwe hanzvadzi yekuUnited States inoti: “Kwemakore ese aya, ini nemurume wangu takawana mikana yekugamuchira vakurukuri vakawanda nemadzimai avo. Pese pataiita izvi taifara chaizvo, uye chinonyanya kukosha ndechekuti zvaisimbisa kutenda kwedu. Hatina kumbobvira tazvidemba.”

9, 10. (a) Ndivanaani vangada kupiwa pekugara kwenguva yakati rebei? b) Vaya vane dzimba diki vanogona kubatsirawo here? Taura muenzaniso.

9 Vaeni vanogara kwenguva yakati rebei: Kare, kugamuchira vaeni kwaiwanzosanganisira kupa vaya vaivimbwa navo pekugara. (Job. 31:32; Fir. 22) Nhasiwo mikana yekudaro inomuka. Vatariri vematunhu vanowanzoda pekugara pavanoshanyira ungano. Vanenge vachipinda zvikoro zvesangano uyewo vaya vanozvipira kuita basa rekuvaka vangada pekugara. Njodzi dzinongoitika dzega dzinogona kuparadza misha yedzimwe mhuri dzosara dzisina pekuisa musoro kusvikira dzimba dzadzo dzagadziriswa. Hatifaniri kufunga kuti vaya vane dzimba dzakakura ndivo chete vanokwanisa kubatsira. Vanogona kunge vakatobatsira kakawanda munguva yapfuura. Mungapawo here mumwe munhu pekugara kunyange zvazvo muine imba diki?   

10 Imwe hama yekuSouth Korea inoyeuka kuti yaipa pekugara vadzidzi vaipinda zvikoro zvesangano. Inoti: “Pakutanga ndaizeza nekuti tainge tichangochata uye tichigara muimba diki. Asi kugara nevadzidzi kwaifadza zvikuru. Sevanhu vainge vachangobva kuchata, taiona kuti murume nemudzimai vanogona kufara chaizvo pavanoshumira Jehovha uye kuzadzisa zvinangwa zvekunamata pamwe chete.”

11. Nei zvingava zvakanaka kuti mukoke vatsva muungano yenyu?

11 Vatsva muungano: Dzimwe hama nehanzvadzi dzinogona kutamira munharaunda yedu. Vamwe vanogona kuuya kuzoshumira kunodiwa vaparidzi vakawanda. Mapiyona anogona kutumwa kuzobatsira muungano menyu. Pavanotama, pane zvakawanda zvinenge zviri zvitsva kwavari. Vachafanira kutanga kujairana nenzvimbo itsva, ungano itsva, uye zvichida mutauro mutsva netsika itsva. Unogona here kuvakoka kuti mudye mese kana kuenda kune imwe nzvimbo? Izvi zvichavabatsira kuwana shamwari itsva uye kujairana nemamiriro ezvinhu anenge avapo.

12. Chiitiko chipi chinoratidza kuti kugamuchira vaeni hakurevi hako kuti tinofanira kuvaitira zvinhu zvemaoresa?

12 Kugamuchira vaeni zvakanaka hakurevi hako kuti tinofanira kuvaitira zvinhu zvemaoresa. (Verenga Ruka 10:41, 42.) Ichifunga nezvenguva yavakatanga kuva mamishinari, imwe hama inoti: “Taiva vadiki, tisina zvakawanda zvatinoziva uye taisuwa kumba. Mumwe musi ari manheru, mudzimai wangu aisuwa kumba uye zvandaiedza kuita kuti ndimubatsire zvaisashanda. Kwava kuma7:30, dhoo rakabva ragogodzwa. Aiva mudzidzi weBhaibheri ainge atiunzira maranjisi matatu. Ainge auya kuzochingamidza mamishinari matsva. Takamuti apinde ndokubva tamupa mvura yekunwa. Takabika tii nehot chocolate. Tainge tisati tava kutaura chiSwahili uye iye aisagona kutaura chirungu. Asi chiitiko ichocho chakaita kuti titange kuwana mufaro wekuumba ushamwari nehama dzemunyika yacho.”

KUKURIRA ZVINHU ZVINOKUTADZISA KUGAMUCHIRA VAMWE ZVAKANAKA

13. Kugamuchira vaeni zvakanaka kunobatsirei?

13 Wakambozeza kugamuchira vaeni here? Kana zvakadaro, unogona kunge wakarasikirwa nemikana yekuva nenguva inofadza uye kuumba ushamwari hunogara nekusingaperi. Kugamuchira vaeni zvakanaka ndiyo nzira yakanakisisa yekuti munhu arege kusuruvara. Asi unganetseka kuti, ‘Munhu angaregererei kugamuchira vaeni?’ Panogona kunge paine zvikonzero zvakawanda.

14. Chii chatingaita kana tisina nguva nesimba zvekuti tibvume kukokwa kana kukoka vamwe?

14 Nguva nesimba: Vanhu vaJehovha vakabatikana zvikuru uye kazhinji kacho vane zvakawanda zvekuita. Vamwe vanofunga kuti havatomborina nguva kana simba rekugamuchira vaeni. Kana uchiona saizvozvo, ungada kuongorora maitiro aunoita zvinhu zvako. Unogona here kuchinja zvimwe zvinhu kuti ukwanise kugamuchira vaeni kana kubvuma kukokwa. Bhaibheri rinokurudzira vaKristu kuti vagamuchire vaeni zvakanaka kana kuti kuvakoka. (VaH. 13:2) Hazvina kuipa kuti titsvage nguva yekuita izvi nokuti ndizvo zvatinofanira kuita. Asi kuti udaro ungada kuderedza nguva yaunoshandisa pane zvimwe zvinhu zvisinganyanyi kukosha.

15. Vamwe vangangodaro vachinetseka nezvei panyaya yekugamuchira vaeni?

15 Maonero aunozviita: Wakambova nechido chekugamuchira vaeni asi woona sekuti haukwanisi here? Vamwe vanonyara uye vanotya kuti vanogona kushaya nyaya dzinonakidza dzekutaura nevaeni vavo. Vamwe havana mari yakawanda uye vanofunga kuti havafi vakakwanisa kuitira vaeni zvinoitwa nevamwe muungano. Yeuka kuti musha haufaniri hawo kunge uchishamisira, asi unofanira kuva wakarongeka, wakachena uye uchiratidzika zvakanaka.

16, 17. Chii chaungaita kana uchinetseka nezvekugamuchira vaeni?

16 Kana uchinetseka nezvekugamuchira vaeni, hausi wega. Mumwe mukuru ari kuBritain anoti: “Kugadzirira kuva nevaeni kunoti tyisei. Asi sezvakangoita chero chii zvacho chine chekuita nekushumira Jehovha, makomborero nekugutsikana zvaunowana zvinoita kuti kunetseka chero kupi kwaungaita kusatombova chinhu. Ndinonakidzwa nekungogara pasi nevaeni tichinwa hedu kofi nekuita nyaya.” Yeuka kuti kufarira mueni kwagara kunobatsira. (VaF. 2:4) Vanhu vakawanda vanofarira kutaura zvavakasangana nazvo muupenyu. Mukana wekuti vamwe vanzwe nezveupenyu hwedu ungangowanika chete patinenge tichitandara. Mumwe mukuru akanyora kuti: “Kuva nevamwe vemuungano pamba pangu kunondibatsira kuti ndivanzwisise zviri nani uye kunondipa nguva yekuti ndivazive, zvikurukuru mawaniro avakaita chokwadi.” Kufarira vamwe kunoita kuti chero kuungana kupi zvako kunakidze.

17 Imwe hanzvadzi inopayona iyo yakagamuchira vadzidzi vaipinda zvikoro zvesangano zvakasiyana-siyana yakati: “Pakutanga ndainetseka kuti imba yangu idiki uye ndine fenicha yakamboshandiswa. Mudzimai wemumwe murayiridzi akaita kuti ndisanetseke. Akati iye nemurume wake pavanenge vachiita basa rekufambira, mavhiki akanaka zvikuru ndeaya avanogara nemunhu akasimba pakunamata angangodaro asina zvinhu zvakawanda asi aine zvinangwa zvakafanana nezvavo zvekushumira Jehovha uye kusava netwakawandawanda. Izvi zvakandiyeuchidza zvataiudzwa naamai tiri vadiki. Vaiti: ‘Zviri nani kuva nezvokudya zvomuriwo paine rudo.’” (Zvir. 15:17) Hamufaniri henyu kunetseka, nekuti chinonyanya kukosha kuratidza vaeni venyu rudo.

18, 19. Kugamuchira vaeni kunotibatsira sei kukurira maonero asina kunaka atingava tichiita vamwe?

18 Maonero aunoita vamwe: Pane mumwe munhu wemuungano menyu anokusvota here? Kana ukasaedza kukurira manzwiro iwayo, anoramba aripo. Ungasada kukoka mumwe munhu kumba kwako kana aine unhu hwausingafariri. Kana kuti mumwe munhu anogona kunge akambokurwadzisa kare, uye zviri kukuomera kuti uzvikanganwe.

19 Kuti tinzwanane nevamwe, kunyange nevavengi vedu, Bhaibheri rinotikurudzira kuvagamuchira zvakanaka. (Verenga Zvirevo 25:21, 22.) Kukoka mumwe munhu kunogona kuita kuti kusamufarira kwatinoita kupere tova nerugare naye. Kunogona kuita kuti tione zvakanaka paunhu hwemueni wedu, zvinhu zvakaonekwa naJehovha paakaita kuti auye muchokwadi. (Joh. 6:44) Kana rudo rukaita kuti ukoke mumwe munhu munogona kutanga kuva neushamwari hwakanaka zvikuru. Ungava sei nechokwadi chekuti rudo ndirwo runoita kuti umukoke? Imwe nzira ndeyekuita zvatinokurudzirwa pana VaFiripi 2:3 kuti: “Nepfungwa dzinozvininipisa muchifunga kuti vamwe vakuru kwamuri.” Tinofanira kutsvaga kuti hama nehanzvadzi dzedu dzinotipfuura papi. Zvichida tinogona kudzidza nezvekutenda kwavo, kutsungirira, kusatya, kana kuti humwe unhu hwavo hwechiKristu. Kufunga unhu hwavo hwakanaka kuchaita kuti tiwedzere kuvada uye zvichava nyore kuvagamuchira.

KUVA MUENI AKANAKA

Vanhu vanowanzogadzirira zvakanaka vachiitira vaeni vavo (Ona ndima 20)

20. Nei tichifanira kuva vanhu vakavimbika kana tabvuma kukokwa uye tinozviita sei?

20 Munyori wemapisarema Dhavhidhi akabvunza kuti: “Haiwa Jehovha, ndiani angava mueni mutende renyu?” (Pis. 15:1) Akabva ataura unhu hwakanaka hunotariswa naMwari pavaeni vake. Humwe hwacho ndehwekuva munhu anochengeta shoko rake, uyo “anoti kana apika, kunyange zvikazomuipira, haachinji.” (Pis. 15:4) Kana tikabvuma kukokwa, hatifaniri kungokanzura pasina chikonzero chakanaka. Akatikoka wacho anogona kunge akatogadzirira kushanya kwedu, uye kana tikakanzura, zvese zvaanenge aita anenge ashandira pasina. (Mat. 5:37) Vamwe vakakanzura kukokwa kwavainge vaitwa kuti vagamuchire kumwe kukokwa kwaiita sekuri nani. Kuita izvozvo kuratidza rudo uye kuremekedza vamwe here? Pane kuti tidaro, tinofanira kubvuma kukokwa tonyatsoonga chero zvatinenge taitirwa neatikoka. (Ruka 10:7) Uye kana mamiriro ezvinhu asingadzivisiki akatimanikidza kukanzura, kunenge kuri kuratidza rudo uye kufunga vamwe kana tikaita kuti nyakutikoka azvizive nekukurumidza.

21. Kuremekedza tsika dzemunzvimbo yatinenge tiri kungaita sei kuti tive vaeni vakanaka?

21 Zvinokoshawo kuti tiremekedze tsika dzekwatinenge tiri. Mune dzimwe tsika, kana vaeni vakangoerekana vasvika vanogamuchirwa nemaoko maviri, asi mune dzimwe, zvakanaka kuti vafanoronga. Mune dzimwe nzvimbo, vanenge vagamuchira vaeni vanovapa zvakanakisisa zvavainazvo, asi mune dzimwe, vaeni nevepamba ipapo vanowana zvakafanana. Mune dzimwe nharaunda, vaeni vanouya vaine chavakabata, asi mune dzimwewo, vanenge vagamuchira vaeni vanofara kana vaeni vakasanetseka havo nekuuya nechinhu. Uye mune dzimwe tsika, zvinotarisirwa kuti vaeni vamboramba pavanokokwa kekutanga nekechipiri, asi mune dzimwe, kuramba kunogona kuonekwa sekusaonga. Ngatiitei zvese zvatinogona kuita kuti vakatikoka vafare nekutikoka kwavakaita.

22. Nei zvichikosha chaizvo kuti ‘tigamuchirane zvakanaka’?

22 Kupfuura kare kese, “kuguma kwezvinhu zvose kwaswedera pedyo.” (1 Pet. 4:7) Tatarisana nekutambudzika kukuru kusati kwamboitika panyika. Zvinhu pazviri kuwedzera kuoma munyika, tinoda kuva nerudo pakati pedu nehama nehanzvadzi dzedu. Zano raPetro rekuti: “Gamuchiranai zvakanaka,” rinoshanda iye zvino kupfuura kare. (1 Pet. 4:9) Kugamuchira vaeni kunofadza uye kunokosha chaizvo muupenyu hwedu iye zvino, uye nekusingaperi.