Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Teererai Kurangwa Muve Vakachenjera”

“Teererai Kurangwa Muve Vakachenjera”

“Vanakomana vangu, . . . teererai kurangwa muve vakachenjera.”—ZVIR. 8:32, 33.

NZIYO: 56, 89

1. Tinowana sei uchenjeri, uye huchatibatsira sei?

UCHENJERI hunobva kuna Jehovha, uye anopawo vamwe uchenjeri hwake. Jakobho 1:5 inoti: “Kana mumwe wenyu achishayiwa uchenjeri, ngaarambe achikumbira Mwari, uye iye achahupiwa; nokuti iye ane rupo kuna vose uye haazvidzi.” Imwe nzira yatinowana nayo uchenjeri hunobva kuna Mwari ndeyekubvuma kurangwa naye. Uye uchenjeri ihwohwo hunotichengetedza kuti tisaita zvikaipa, toramba tiri pedyo naJehovha. (Zvir. 2:10-12) Izvozvo zvinoita kuti ‘tirambe tiri murudo rwaMwari, tichifunga nezveupenyu husingaperi.’—Jud. 21.

2. Tingasvika sei pakufarira chirango chaMwari?

2 Zvisinei, chivi chatiinacho, marererwo atakaitwa uye zvimwewo zvikonzero, zvinoita kuti zvitiomere kugamuchira chirango kana kuchiona sechinhu chakanaka. Asi patinoona kubatsira kwechirango chaMwari muupenyu hwedu, tinobva tanzwisisa kuti anotida chaizvo. “Mwanakomana wangu, usaramba kuranga kwaJehovha, . . . nokuti Jehovha anotsiura waanoda,” inodaro Zvirevo 3:11, 12. Saka ngatisambokanganwa kuti Jehovha anoda kuti zvinhu zvinyatsotifambira zvakanaka. (Verenga VaHebheru 12:5-11.) Nemhaka yekuti Mwari anonyatsotiziva, kuranga kwake kwagara kwakakodzera. Iye zvino ngationgororei zvinhu zvina zvinobatanidzwa pachirango: (1) kuzviranga, (2) kuranga kwevabereki, (3) kuranga kunoitwa muungano yechiKristu, uye (4) chimwe chinhu chakaipa kupfuura marwadzo enguva diki echirango.

KUZVIRANGA KUNORATIDZA UCHENJERI

3. Mwana anodzidza sei kuzviranga? Taura muenzaniso.

3 Kuzviranga kunosanganisira kukwanisa kuzvidzora kuitira kuti tivandudze maitiro nemafungiro edu. Hatiberekwi tiine chido chekuzviranga. Tinotofanira kudzidza kuti tive nacho. Semuenzaniso: Kana mwana achitanga kudzidzira kuchovha bhasikoro, mubereki anowanzomubatira bhasikoro racho kuti asadonha. Asi mwana wacho paanenge ava kuita achigona kuchovha, mubereki anoita achimbomusiya. Paanenge ava kunyatsogona, mubereki anobva amusiya. Saizvozvowo, vabereki pavanoramba vachidzidzisa vana vavo nemwoyo murefu “mukuranga nokutungamirira pfungwa kunoitwa naJehovha,” vanenge vachitovabatsirawo kuti vazvirange uye vave neuchenjeri.—VaEf. 6:4.

4, 5. (a) Nei kuzviranga chiri chinhu chinokosha ‘paunhu hutsva’? (b) Nei tisingafaniri kukanda mapfumo pasi kunyange tikaita ‘setawa kanomwe’?

4 Ndizvo zvinoitikawo kune vaya vanodzidza nezvaJehovha vakura. Ichokwadi kuti vanogona kunge vachizviranga pane zvimwe zvinhu. Asi munhu anenge achangotanga kushumira Jehovha anenge asati ava muKristu akakura pakunamata. Zvisinei, paanotanga kupfeka “unhu hutsva” uye kuedza kutevedzera Kristu, anokura pakunamata. (VaEf. 4:23, 24) Kuti tikure pakunamata zvakakosha chaizvo kuti tizvirange. Kuita izvozvo kunotidzidzisa kuti “tirambe zvinhu zvinopesana nezvinodiwa naMwari nokuchiva kwenyika uye kuti tirarame nepfungwa dzakanaka nokururama nokuzvipira kuna Mwari pakati pemamiriro ezvinhu epanguva ino.”—Tito 2:12.

5 Zvisinei, tese tinokanganisa. (Mup. 7:20) Asi kana munhu akakanganisa hazvirevi kuti haatombokwanisi zvachose kuzviranga. “Munhu akarurama angawa kanomwe, asi achasimuka,” inodaro Zvirevo 24:16. Chii chichamubatsira ‘kusimukazve’? Haazviiti nesimba rake pachake, asi nemweya waMwari. (Verenga VaFiripi 4:13.) Chibereko chemweya iwoyo chinosanganisira kuzvidzora uko kwakanyatsobatana nekuzviranga.

6. Tingava sei vadzidzi vakanaka veShoko raMwari? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

6 Chimwe chinokosha pakudzidza kuzviranga, kunyengetera nemwoyo wese, kudzidza Bhaibheri uye kufungisisa. Asi ko kana zvichikuomera kudzidza Shoko raMwari kana kuti usingafariri zvekuverenga? Ziva kuti Jehovha achakubatsira kana ukamubvumira. Anogona kukubatsira kuti ‘upange’ Shoko rake. (1 Pet. 2:2) Kutanga, nyengetera kuna Jehovha kuti akubatsire kuzviranga kuti uwane nguva yekudzidza Shoko rake. Zvadaro, ita zvinoenderana neminyengetero yako, zvichida wotanga nekudzidza kwemaminitsi mashoma. Nekufamba kwenguva, kudzidza kuchange kwava nyore uye kwava kunakidza. Uchafarira nguva yaunenge uri wega uchifungisisa zvinodiwa naJehovha.—1 Tim. 4:15.

7. Kuzviranga kungatibatsira sei kuti tizadzise zvinangwa zvedu pakunamata?

7 Kuzviranga kunotibatsira kuti tizadzise zvinangwa zvedu pakunamata. Funga nezvemumwe samhuri aiona sekuti kushingaira kwake muushumiri kwakanga kuchidzikira. Akabva ava nechinangwa chekuva piyona wenguva dzose, uye akaverenga nyaya dzinotaura nezvazvo mumagazini edu. Kuita izvozvo pamwe chete nekunyengetera, kwakamuvaka uye kwakamusimbisa pakunamata. Akarongawo kuti atore upiyona hwebetsero pese paaikwanisa. Zvakaguma nei? Pasinei nekuti zvakanga zvisiri nyore, akaramba akaisa pfungwa dzake pachinangwa chake chekuva piyona wenguva dzose, uye akazochizadzisa.

RERAI VANA MUKURANGA KUNOITWA NAJEHOVHA

Vana havaberekwi vachiziva zvakanaka nezvakaipa; vanofanira kudzidziswa (Ona ndima 8)

8-10. Chii chingabatsira vabereki vechiKristu kubudirira pakurera vana vavo kuti vashumire Jehovha? Taura muenzaniso.

8 Vabereki vechiKristu vane ropafadzo yakakura yekurera vana “mukuranga nokutungamirira pfungwa kunoitwa naJehovha.” (VaEf. 6:4) Izvozvo zvakaoma chaizvo, kunyanya mazuva ano. (2 Tim. 3:1-5) Vana havaberekwi vachiziva zvakanaka nezvakaipa. Vanoberekwa vaine hana, asi inofanira kudzidziswa. (VaR. 2:14, 15) Mumwe muongorori weBhaibheri akati shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “chirango” rinogonawo kureva kurera mwana kuti azova munhu anokwanisa kuita zvisarudzo zvakanaka.

9 Vana vanorangwa nenzira yerudo vanowanzonzwa vakachengeteka. Vanodzidza kuti rusununguko rune parunogumira uye kuti zvisarudzo zvavo nemaitiro avo zvinogona kuguma nezvakanaka kana kuti zvakaipa. Saka zvinokosha kuti vabereki vechiKristu vatsvage kutungamirirwa naJehovha. Musakanganwa kuti zvinofungwa nevanhu panyaya yekurera vana zvinosiyana zvichienderana nekwamunogara, uye zvinochinja nekufamba kwenguva. Vabereki pavanoteerera Mwari, havazoiti zvekufungidzira kuti vorera sei vana vavo, kana kuvimba neruzivo rwavo pachavo kana zvinofungwa nevanhu.

10 Semuenzaniso, funga nezvaNoa. Jehovha paakamuudza kuti avake areka, Noa aisakwanisa kuvimba neruzivo rwake. Akanga asina kumbobvira avaka areka. Saka aifanira kuvimba naJehovha, achiita “izvozvo chaizvo,” kureva kuti, sezvaairayirwa naJehovha. (Gen. 6:22) Zvakaguma nei? Noa akakwanisa kuvaka areka yacho. Hapana chaimutadzisa kuti abudirire. Noa akabudirirawo semubereki, nekuti akavimba neuchenjeri hwaMwari sezvaakangoita pakuvaka areka. Saka akadzidzisa vana vake zvakanaka uye akavaratidza muenzaniso wakanaka, kunyange zvazvo zvainge zvakaoma chaizvo panguva iyoyo Mafashamo asati aitika.—Gen. 6:5.

11. Nei vabereki vachifanira kushanda nesimba pakudzidzisa vana vavo?

11 Sevabereki, mungaita sei “izvozvo chaizvo” mukuona kwaMwari? Teererai Jehovha. Itai kuti akubatsirei kurera vana venyu kuburikidza neShoko rake uye mazano anobva kusangano rake. Nekufamba kwenguva, vana venyu vanogona kuzokutendai kuti makaita izvozvo. Imwe hama yakanyora kuti: “Ndinotenda chaizvo marererwo andakaitwa nevabereki vangu. Vakaita zvese zvavaigona kuti zvavaindidzidzisa zvisvike pamwoyo. Ndivo vanofanira kunyanya kurumbidzwa nemhaka yekufambira mberi kwangu pakunamata.” Asi vamwe vana vanosiya Jehovha pasinei nekushanda nesimba kwevabereki. Kunyange zvakadaro, vabereki vanenge vaita zvavanogona kuti vadzidzise mwana wavo chokwadi vanova nehana yakanaka. Vanogonawo kutarisira kuti rimwe zuva mwana wavo akasiya chokwadi achadzoka “kumba” kuna Jehovha.

12, 13. (a) Vabereki vechiKristu vanoratidza sei kuti vanoteerera Mwari kana mwana akadzingwa? (b) Vamwe vabereki pavakateerera Jehovha, zvakabatsira sei mhuri yavo?

12 Vamwe vabereki vanoomerwa chaizvo nekuteerera zvinotaurwa naJehovha kana mwana wavo akadzingwa. Funga nezvemuenzaniso wevamwe amai vane mwanasikana akadzingwa muungano ndokubva pamba. Amai vacho vanoti: “Ndaitsvaga mumabhuku edu kuti ndione kana paiva nepamwe pandaizoshandisa sechikonzero chekuti ndionane nemwanasikana wangu nemuzukuru wangu.” Asi murume wavo akavabatsira kuona kuti mwana wavo akanga asisiri mumaoko avo uye kuti vaifanira kuvimbika kuna Jehovha. 

13 Pashure pekunge mwanasikana wacho akadzorerwa amai vacho vakati: “Iye zvino anondifonera kana kunditumira mameseji rinenge zuva rega rega! Uye anoremekedza chaizvo ini nemurume wangu nekuti anoziva kuti takateerera Mwari. Tinowirirana chaizvo.” Kana muine mwana akadzingwa, ‘muchavimba naJehovha nemwoyo wese here, morega kuvimba nekunzwisisa kwenyu’? (Zvir. 3:5, 6) Yeuka kuti chirango chaJehovha chinoratidza kuti ane uchenjeri uye anotida chaizvo. Usakanganwa kuti akapa Mwanakomana wake kuti afire vanhu vese, kusanganisira mwana wenyu. Mwari anoda kuti vanhu vese vaponeswe. (Verenga 2 Petro 3:9.) Saka ivai nechivimbo chekuti chirango chaJehovha uye kutungamirira kwake zvakarurama. Itai kudaro kunyange pazvinokurwadzai kuti muite zvinotaurwa naJehovha. Tsigirai chirango chinopiwa naMwari, kwete kurwisana nacho.

MUUNGANO

14. Tinobatsirwa sei nemirayiridzo yatinopiwa naJehovha achishandisa “mutariri akatendeka”?

14 Jehovha akavimbisa kuti achachengetedza, achadzivirira uye acharayiridza ungano yechiKristu. Anozviita nenzira dzakasiyana-siyana. Semuenzaniso, akaita kuti ungano itungamirirwe neMwanakomana wake, uyo akagadza “mutariri akatendeka” kuti aipe zvekudya zvekunamata panguva yakakodzera. (Ruka 12:42) Zvekudya izvozvo zvinouya nenzira dzakawanda, uye zvine mirayiridzo inokosha. Wakambonzwa here hurukuro kana kuverenga imwe nyaya yakabuda mune imwe yemagazini edu yakakubatsira kuti uchinje mafungiro kana maitiro ako? Fara kana wakabvuma kuchinja, nekuti zvinoreva kuti uri kubvumira Jehovha kuti akuumbe, kana kuti akurange.—Zvir. 2:1-5.

15, 16. (a) Tingabatsirwa sei ‘nezvipo zviri varume’ muungano? (b) Tingaita sei kuti vakuru vawedzere kufara pavanoita basa ravo?

15 Kristu akapawo ungano “zvipo zviri varume,” kureva vakuru, kuti vafudze boka raMwari. (VaEf. 4:8, 11-13) Tingabatsirwa sei nezvipo izvi? Imwe nzira ndeyekutevedzera kutenda kwevakuru uyewo muenzaniso wavo wakanaka. Imwe yacho ndeyekuteerera mazano avanopa vachishandisa Magwaro. (Verenga VaHebheru 13:7, 17.) Yeuka kuti vakuru vanotida uye vanoda kuti tikure pakunamata. Semuenzaniso, vakaona kuti hatisi kupinda mimwe misangano kana kuti kushingaira kwedu kuri kudzikira, hapana mubvunzo kuti vachakurumidza kutibatsira. Vachatipa nzeve, vobva vaedza kutikurudzira uye kutipa mazano akakodzera emuMagwaro. Unoona kubatsira kwakadaro sekuratidzwa kwerudo rwaJehovha kwauri here?

16 Yeuka kuti vakuru vanogona kuomerwa nekuuya kuzotipa zano. Semuenzaniso, fungidzira kuti zvainge zvakaomera sei muprofita Natani kuti ataure naMambo Dhavhidhi pashure pekunge aedza kuvanza chivi chake chainge chakakura. (2 Sam. 12:1-14) Saizvozvowo, hapana mubvunzo kuti muapostora Pauro aifanira kuva neushingi kuti aruramise Petro, mumwe wevaapostora 12, paakaita rusarura achiratidza kuti aifarira hama dzechiJudha kupfuura dzimwe. (VaG. 2:11-14) Saka ungarerutsira sei vakuru vemuungano yako? Zvininipise, iva munhu anotaurika naye uye ratidza kuti unoonga. Ona kubatsira kwavo sekuratidzwa kwerudo rwaMwari kwauri. Izvi zvinokubatsira uye zvinoita kuti vakuru vawedzere kufara pavanoita basa ravo.

17. Imwe hanzvadzi yakabatsirwa sei zvine rudo nevakuru vemuungano?

17 Nemhaka yezvakaitika kwairi, imwe hanzvadzi yaiona zvakaoma kuti ide Jehovha. Yakati: “Zvinhu zvakaitika kwandiri kare pazvaindishungurudza, ndakaziva kuti ndaifanira kutaura nevakuru. Havana kundituka kana kunditsoropodza, asi vakandikurudzira uye vakandisimbisa. Pashure pemusangano mumwe nemumwe, pasinei nekuti vainge vakabatikana sei, paitoita mumwe wavo aindibvunza upenyu. Nemhaka yezvakamboitika kwandiri, zvaindiomera kuti ndione sendakakodzera kudiwa naMwari. Zvisinei, Jehovha akaramba achishandisa ungano nevakuru kuti andiratidze kuti anondida. Ndinoteterera Jehovha kuti andibatsire kuti ndisambofa ndakamusiya.”

CHII CHINORWADZA ZVAKANYANYA KUPFUURA MARWADZO ECHIRANGO?

18, 19. Chii chinorwadza zvakanyanya kupfuura marwadzo angavapo nemhaka yechirango? Taura muenzaniso.

18 Kunyange zvazvo chirango chichirwadza, zvinozoitika kana munhu akaramba chirango ndizvo zvinotonyanya kurwadza. (VaH. 12:11) Funga nezvevanhu ava vaviri, Kaini naMambo Zedhekiya. Kaini paakatanga kuvenga Abheri zvekuda kumuuraya, Mwari akayambira Kaini achiti: “Nei wakatsamwa kwazvo uye chiso chako chasuruvarirei? Kana ukaita zvakanaka, haungakwidziridzwi here? Asi kana ukasaita zvakanaka, chivi chiri kukuvandira pasuo, chiri kuda iwe; asi iwe uchachikunda here?” (Gen. 4:6, 7) Kaini haana kuteerera. Akabva akundwa nechivi. Akazviunzira marwadzo nekutambura. (Gen. 4:11, 12) Marwadzo ekutsiurwa naJehovha aizenge ari nani pane kurwadziwa kwaakazoita.

19 Zedhekiya, mutongi ainge akaipa uye aisagona kuita zvisarudzo, akatonga zvinhu pazvainge zvisina kumira zvakanaka muJerusarema. Muprofita Jeremiya akaramba achiyambira Zedhekiya kuti asiye nzira dzake dzakaipa, asi mambo wacho haana kuteerera. Zvakazoitika kwaari zvainge zvakaipa. (Jer. 52:8-11) Jehovha haadi kuti tirwadziwe zvakadaro.—Verenga Isaya 48:17, 18.

20. Chii chichaitika kuvanhu vanobvuma kurangwa naMwari uye vaya vanoramba?

20 Munyika, vanhu vanowanzoshora chirango, kusanganisira kuzviranga. Asi chero ani zvake anoramba chirango chaMwari acharwadziwa chaizvo. (Zvir. 1:24-31) Saka ‘ngatiteererei chirango tive vakachenjera.’ Sezvinotaurwa naZvirevo 4:13, “batisisa kurangwa; usakuregedza. Kuchengetedze, nokuti ndihwo upenyu hwako.”