Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vabereki, Muri Kubatsira Mwana Wenyu Kuti Asvike Pakubhabhatidzwa Here?

Vabereki, Muri Kubatsira Mwana Wenyu Kuti Asvike Pakubhabhatidzwa Here?

“Zvino uri kunonokerei? Simuka, ubhabhatidzwe.”—MAB. 22:16.

NZIYO: 51, 135

1. Vabereki vechiKristu vanoda kuva nechokwadi chei vana vavo vasati vabhabhatidzwa?

“KWEMWEDZI yakawanda ndaigara ndichiudza baba naamai kuti ndaida kubhabhatidzwa, uye vaiwanzotaura neni nezvazvo. Vaida kuva nechokwadi chekuti ndaiziva kuti chisarudzo changu chainge chisiri chekutamba nacho. Chiitiko ichi chinokosha muupenyu hwangu chakaitika musi wa31 December, 1934.” Ndizvo zvakataurwa naBlossom Brandt achirondedzera zvakaitika paakasarudza kubhabhatidzwa. Mazuva ano, vabereki vechiKristu vane chido chakafanana neichocho pakubatsira vana vavo kuti vaite zvisarudzo zvekuchenjera. Kumbomira kubhabhatidzwa kana kuverengera kunogona kukanganisa ushamwari hwemwana wavo naJehovha. (Jak. 4:17) Zvisinei, vabereki vakachenjera vanoda kuva nechokwadi chekuti vana vavo vasati vabhabhatidzwa, vagadzirira kuva vadzidzi vaKristu.

2. (a) Idambudziko ripi rakaonekwa nevamwe vatariri vematunhu? (b) Tichaongororei munyaya ino?

2 Vamwe vatariri vematunhu vakaona kuti vechidiki vakawanda vane makore anobva kuma18 kusvika kuma23 havasati vabhabhatidzwa kunyange zvazvo vakakurira muchokwadi. Kazhinji kacho vechidiki ava vanopinda misangano uye vanoita ushumiri. Vanozviona seZvapupu zvaJehovha. Asi nemhaka yezvimwe zvikonzero vanorega kutsaurira upenyu hwavo kuna Jehovha, vobhabhatidzwa. Izvi zvingava zvichikonzerwa nei? Pamwe pacho, vabereki vavo vakavakurudzira kuti vambomira kubhabhatidzwa. Munyaya ino tichaongorora zvinhu zvina zvinoita kuti vamwe vabereki vechiKristu vasabatsira vana vavo kuti vasvike pakubhabhatidzwa.

MWANA WANGU AKURA ZVEKUTI ANGABHABHATIDZWA HERE?

3. Vabereki vaBlossom vainetseka nei?

3 Zvinonzwisisika kuti vabereki vaBlossom, avo vambotaurwa mundima yekutanga, vainetseka kuti mwanasikana wavo akanga akura here zvekunzwisisa kuti kubhabhatidzwa haisi nyaya yekutamba nayo. Vabereki vangaziva sei kana mwana wavo ava kukwanisa kuzvitsaurira?

4. Murayiro waJesu uri pana Mateu 28:19, 20 ungabatsira sei vabereki pavanodzidzisa vana vavo?

4 Verenga Mateu 28:19, 20. Sezvatakadzidza munyaya yakapfuura, Bhaibheri haritauri makore anonzi ndiwo akakodzera kuti munhu abhabhatidzwe. Asi zvakanaka kuti vabereki vafungisise kuti zvinorevei kuita kuti munhu ave mudzidzi. Shoko rakashandurwa kuti ‘munoita kuti vanhu vave vadzidzi’ pana Mateu 28:19 rinoreva kudzidzisa vanhu nechinangwa chekuti vave vateveri vaKristu. Munhu anonzi mudzidzi ndeuya anodzidza uye anonzwisisa dzidziso dzaJesu uye anoda kumuteerera. Saka chinangwa chevabereki vese vechiKristu chinofanira kuva chekudzidzisa vana vavo kubvira vachiri vacheche kuti vasvike pakuva vadzidzi vaKristu vakabhabhatidzwa. Zviri pachena kuti vacheche havakwanisi kubhabhatidzwa. Asi Bhaibheri rinoratidza kuti kunyange vana vadiki vanogona kunzwisisa uye kukoshesa chokwadi cheBhaibheri.

5, 6. (a) Zvinotaurwa neBhaibheri nezvaTimoti zvinoita kuti titaure kutii nezvekubhabhatidzwa kwake? (b) Vabereki vakachenjera vangabatsira sei vana vavo?

5 Timoti aiva mudzidzi akaita kuti chokwadi chive chake achiri mudiki. Muapostora Pauro akataura kuti Timoti akadzidza chokwadi cheMagwaro kubvira achiri mucheche. Kunyange zvazvo baba vaTimoti vaisashumira Jehovha, amai naambuya vake vakamubatsira kuti ade Shoko raMwari. Izvozvo zvakaita kuti ave nekutenda kusingazununguki. (2 Tim. 1:5; 3:14, 15) Paakazosvika makore anenge 20, Timoti akanga ava mudzidzi wechiKristu aigona kupiwa mabasa anokosha muungano.—Mab. 16:1-3.

6 Vana havafanani uye havatori nguva yakafanana pakukura mupfungwa. Vamwe vana vanonzwisisa chokwadi, vanoita zvisarudzo zveuchenjeri uye vanoda kubhabhatidzwa vachiri vadiki. Vamwe vanogona kunge vasati vagadzirira kubhabhatidzwa kusvika vati kurei. Saka vabereki vakachenjera havamanikidzi vana vavo kuti vabhabhatidzwe. Pane kudaro, vanobatsira mwana mumwe nemumwe kuti afambire mberi pakunamata zvichienderana nezvaanokwanisa. Vabereki vanogona kufara mwana paanoita zvinoenderana nezviri pana Zvirevo 27:11. (Verenga.) Asi havafaniri kukanganwa chinangwa chavo chekuti vana vavo vasvike pakuva vadzidzi vechiKristu. Vachifunga izvozvo, vabereki vanofanira kuzvibvunza kuti, ‘Mwana wangu ane zivo yakakwana here kuti aite chisarudzo chekuzvitsaurira kuna Mwari obhabhatidzwa?’

MWANA WANGU ANE ZIVO YAKAKWANA HERE?

7. Munhu anoda kubhabhatidzwa anofanira kutanga aziva zvese zviri muBhaibheri here? Tsanangura.

7 Pavanodzidzisa vana vavo, vabereki vanoda kuti vanyatsoziva chokwadi nekuti zivo iyi ichabatsira vana vavo kuti vade kuzvitsaurira kuna Mwari. Kunyange zvakadaro, hazvirevi kuti mwana anofanira kuziva zvese zviri muBhaibheri kuti akwanise kuzvitsaurira kuna Mwari obhabhatidzwa. Pashure pekubhabhatidzwa, vadzidzi vese vanofanira kuramba vachikura pakuva nezivo yakarurama. (Verenga VaKorose 1:9, 10.) Saka munhu anofanira kutanga ava nezivo yakawanda sei?

8, 9. Zvidzidzo zvipi zvatinowana panyaya yaPauro nemurindi wejeri?

8 Zvakaitika kune imwe mhuri panguva yevaKristu vepakutanga zvinogona kubatsira vabereki mazuva ano. (Mab. 16:25-33) Paakanga ari parwendo rwechipiri rweumishinari, munenge muna 50 C.E., Pauro akasvika kuFiripi. Ari ikoko, iye naSirasi vakasungwa vachipomerwa zvenhema, ndokukandwa mujeri. Hwava usiku, kwakaitika kudengenyeka kwenyika kwakazunungusa nheyo dzejeri racho, uye madhoo acho ese akavhurika. Achitya kuti vasungwa vakanga vatiza, murindi wejeri akanga ava kuda kuzviuraya Pauro paakamushevedza. Pauro naSirasi vakakwanisa kuparidzira murindi wejeri nemhuri yake. Kuonga chokwadi chavakadzidza chine chekuita naJesu kwakaita kuti vatore danho ripi? Vakabva vangobhabhatidzwa. Chii chatinodzidza panyaya iyi?

9 Maererano nezvinotaurwa, murindi iyeye anofanira kunge aimbova musoja weRoma. Aisaziva Magwaro. Kuti ave nezivo yakadzama yeMagwaro, aifanira kudzidza chokwadi cheBhaibheri chinokosha, kunzwisisa zvazvinoreva kuva mumwe wevashumiri vaMwari uye kutsunga kuteerera dzidziso dzaJesu. Chokwadi cheMagwaro chaakaziva munguva pfupi iyoyo chakaita kuti ade kubhabhatidzwa. Hapana mubvunzo kuti akaramba achiwedzera zivo yake pashure pekubhabhatidzwa. Muchifunga muenzaniso iwoyo, mungaita sei kana mwana wenyu akaratidza kuti anonyatsoda chokwadi chemuMagwaro chaari kudzidza, kusanganisira kuti zvinorevei kuzvitsaurira nekubhabhatidzwa uye kuti zvakakosherei? Munogona kuita kuti ataure nevakuru vemuungano kuti vaone kana ava kukodzera kubhabhatidzwa. * Kufanana nevamwe vadzidzi vakabhabhatidzwa, acharamba achiwedzera zivo pamusoro pechinangwa chaJehovha kweupenyu hwake hwese, kunyange nekusingaperi.—VaR. 11:33, 34.

MWANA WANGU ARI KUWANA DZIDZO INOITA KUTI ABUDIRIRE HERE?

10, 11. (a) Vamwe vabereki vanofungei? (b) Chii chinofanira kunyanya kukosheswa nemubereki?

10 Vamwe vabereki vanofunga kuti zvakanaka kuti mwana wavo ambomira kubhabhatidzwa kuitira kuti atange awana dzidzo yepamusoro ova nebasa rakanaka. Vanogona kunge vaine vavariro yakanaka, asi izvozvo zvichabatsira mwana wavo kuti abudirire zvechokwadi here? Chinonyanya kukosha ndechekuti, zvinoenderana neMagwaro here? Shoko raJehovha rinotikurudzira kuti tiitei?—Verenga Muparidzi 12:1.

11 Zvinokosha kuyeuka kuti nyika ino nezvinhu zviri mairi zvinopesana nezvinodiwa naJehovha uye mafungiro ake. (Jak. 4:7, 8; 1 Joh. 2:15-17; 5:19) Kuva neushamwari naJehovha ndiko kunonyatsodzivirira mwana pana Satani, nyika yake, uye mafungiro ayo akaipa. Kana mubereki akanyanya kukoshesa dzidzo nebasa rakanaka, mwana wake anogona kukanganisika ofunga kuti zvinhu zviri munyika zvinonyanya kukosha kupfuura ushamwari hwake naJehovha. Vabereki vechiKristu vane rudo vangada here kuti nyika iumbe maonero emwana wavo panyaya yekubudirira? Chokwadi ndechekuti, tinowana mufaro wechokwadi nekugutsikana patinoita kuti Jehovha ave pekutanga muupenyu hwedu.—Verenga Pisarema 1:2, 3.

KO KANA MWANA WANGU AKAZOITA CHIVI?

12. Nei vamwe vabereki vachida kuti mwana wavo ambomira kubhabhatidzwa?

12 Vachitaura zvikonzero zvaiita kuti vakurudzire mwanasikana wavo kumbomira kubhabhatidzwa, vamwe amai vechiKristu vakati, “Ndinonyara kutaura kuti chikonzero chikuru chaiva urongwa hwekudzinga.” Kufanana nehanzvadzi iyoyo, vamwe vabereki vanofunga kuti zviri nani kuti mwana wavo ambomira kubhabhatidzwa kusvika akura zvekukwanisa kudzivisa zvinhu zveupenzi. (Gen. 8:21; Zvir. 22:15) Vangafunga kuti, ‘Chero bedzi mwana wangu asati abhabhatidzwa, haadzingwi.’ Nei mafungiro iwayo ari ekuzvinyengera?—Jak. 1:22.

13. Kumbomira kubhabhatidzwa kunoita kuti munhu asazvidavirira kuna Jehovha here? Tsanangura.

13 Zvinonzwisisika kuti vabereki vechiKristu havangadi kuti mwana wavo abhabhatidzwe asati akura zvekukwanisa kuzvitsaurira. Asi kungava kukanganisa kufunga kuti mwana haazozvidaviriri kuna Jehovha kana asina kubhabhatidzwa. Nei zvakadaro? Kuzvidavirira kuna Jehovha hakunei nekuti munhu haana kubhabhatidzwa. Mwana anozvidavirira kuna Mwari paanongoziva zvakarurama uye zvakaipa mukuona kwaJehovha. (Verenga Jakobho 4:17.) Saka pane kukurudzira mwana kuti ambomira kubhabhatidzwa, vabereki vakachenjera vanoshanda nesimba kuti varatidze muenzaniso wakanaka. Vanoda kubatsira mwana wavo kuti akoshese mitemo yaJehovha kubvira achiri mucheche. (Ruka 6:40) Izvozvo zvinodzivirira mwana wenyu, nekuti zvichaita kuti arambe ari munzira yaJehovha yakarurama.—Isa. 35:8.

VAMWE VANOGONAWO KUBATSIRA

14. Vakuru vangatsigira sei vabereki vari kubatsira vana vavo kuti vafambire mberi kusvika pakubhabhatidzwa?

14 Sevafudzi, vakuru vanogona kutsigira zviri kuitwa nevabereki kuburikidza nekutaura zvakanaka nezvezvinangwa zvekunamata. Imwe hanzvadzi yakashumira sapiyona kwemakore anopfuura 70 inoyeuka kukurukura kwayakaita naHama Charles T. Russell payaiva nemakore 6. Hanzvadzi yacho yakati: “Vakaita maminitsi 15 vachikurukura neni nezvezvinangwa zvangu zvekunamata.” Chokwadi, kutaura mashoko anokurudzira kunogona kubatsira kwenguva yakareba. (Zvir. 25:11) Vakuru vanogonawo kuita kuti vabereki nevana vavo vaite mamwe mabasa paImba yeUmambo, vachipa vechidiki mabasa anoenderana nezera ravo uye zvavanogona.

15. Vamwe vari muungano vangakurudzira sei vechidiki?

15 Vanhu vemuungano vanogona kubatsira kuburikidza nekuratidza kuti vanofarira vechidiki. Izvi zvingasanganisira kucherechedza zvinhu zvinoratidza kuti vari kufambira mberi pakunamata. Pane here wechidiki ane mhinduro yakanaka yaakapa pamusangano kana kuti ane chikamu chaakaita pamusangano wepakati pevhiki? Pane here wechidiki akakunda muedzo wekuvimbika kana kuti akashandisa mukana waakawana kuti aparidze kuchikoro? Kana zvakadaro, usanonoka kumuudza kuti akaita zvakanaka. Wadii kuronga kuti utaure nemumwe wechidiki misangano isati yatanga kana kuti yapera uchiratidza kuti unomufarira zvechokwadi? Kuita izvi nezvimwewo, kunogona kuita kuti vechidiki vaone kuti naivowo inhengo ‘dzeungano huru.’—Pis. 35:18.

BATSIRAI MWANA WENYU KUTI ASVIKE PAKUBHABHATIDZWA

16, 17. (a) Nei zvichikosha kuti vana vabhabhatidzwe? (b) Vabereki vese vechiKristu vanoda kuwana mufaro upi? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

16 Kurera mwana “mukuranga nokutungamirira pfungwa kunoitwa naJehovha” iropafadzo yakakura chaizvo inogona kuva nemubereki wechiKristu. (VaEf. 6:4; Pis. 127:3) Kusiyana nevana vaiva murudzi rwevaIsraeri, vana vevaKristu havaberekwi vari vanhu vakatsaurirwa kuna Jehovha. Uyewo mwana haaberekwi achida Mwari uye chokwadi. Kubva musi unoberekwa mwana, vabereki vanofanira kuva nechinangwa chekuti ave mudzidzi, vachimubatsira kuti asvike pakuva mushumiri waJehovha akazvitsaurira uye akabhabhatidzwa. Hapana chinonyanya kukosha kupfuura izvozvo. Kuzvitsaurira uye kubhabhatidzwa kwemunhu mumwe nemumwe uye kushumira Mwari akatendeka ndiko kuchaita kuti azoponeswa pakutambudzika kukuru.—Mat. 24:13.

Vabereki vanofanira kuva nechinangwa chekubatsira mwana wavo kuti ave mudzidzi (Ona ndima 16, 17)

17 Blossom Brandt paakasarudza kuti aida kubhabhatidzwa, vabereki vake, avo vaitya Mwari, vaida kuva nechokwadi chekuti akanga agadzirira kutora danho iroro rinokosha muupenyu hwake. Pavakanga vava nechokwadi chekuti akanga agadzirira, vakatsigira chisarudzo chake. Kwasara zuva rimwe chete kuti abhabhatidzwe, manheru acho baba vake vakaita chimwe chinhu chakazonaka. Blossom akati: “Vakaita kuti tese tipfugame, uye vakanyengetera. Vakaudza Jehovha kuti vaifara zvikuru nechisarudzo chemwanasikana wavo chekuzvitsaurira kwaari.” Papera makore anopfuura 60, Blossom akati: “Handifi ndakakanganwa manheru iwayo!” Vabereki, dai mukava nemufaro nekugutsikana zvinobva pakuona vana venyu vachiva vashumiri vaJehovha vakazvitsaurira uye vakabhabhatidzwa.

^ ndima 9 Vabereki vanogona kudzokorora nemwana wavo mashoko anobatsira ari mubhuku raMibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 2, mapeji 304-310. Onawo “Bhokisi Remubvunzo” riri muUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaApril 2011, peji 2.