Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

VaKristu Vanofanira Kubhabhatidzwa

VaKristu Vanofanira Kubhabhatidzwa

“Chinhu chakafanana neichi chiri kukuponesaiwo zvino, irwo rubhabhatidzo.”—1 PET. 3:21.

NZIYO: 52, 41

1, 2. (a) Vamwe vabereki vechiKristu vanoita sei mwana wavo paanoti anoda kubhabhatidzwa? (b) Nei vari kuda kubhabhatidzwa vachibvunzwa kana vakazvitsaurira kuna Jehovha? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

VABEREKI vemumwe musikana watichati Maria vainge vakatarisa paakasimuka nevamwe vaida kubhabhatidzwa. Nenzwi guru rakajeka akapindura mibvunzo miviri yakabvunzwa nemukurukuri. Pashure paizvozvo akabhabhatidzwa.

2 Vabereki vaMaria vakadada nechisarudzo chakaitwa nemwanasikana wavo chekuzvitsaurira kuna Jehovha uye kubhabhatidzwa. Asi amai vake vaimbova nemibvunzo yaivanetsa. Vaizvibvunza kuti: ‘Maria akura zvekuti angabhabhatidzwa here? Anonyatsonzwisisa here kuti zvaari kuita haisi nyaya yekutamba nayo? Zvingava nani here kuti ambomira kubhabhatidzwa?’ Iyi mibvunzo inova nevabereki vakawanda mwana wavo paanoti anoda kubhabhatidzwa. (Mup. 5:5) Vanodaro nekuti kuzvitsaurira uye kubhabhatidzwa ndiwo matanho anonyanya kukosha muupenyu hwemuKristu.—Ona bhokisi rakanzi, “ Wakazvitsaurira Kuna Jehovha Here?

3, 4. (a) Muapostora Petro akatidzidzisa sei nezvekukosha kwerubhabhatidzo? (b) Nei rubhabhatidzo ruchigona kufananidzwa nekuvakwa kweareka panguva yaNoa?

3 Paaitaura nezverubhabhatidzo, muapostora Petro akataura nezvekuvaka kwakaita Noa areka achiti: “Chinhu chakafanana neichi chiri kukuponesaiwo zvino, irwo rubhabhatidzo.” (Verenga 1 Petro 3:20, 21.) Areka yaiva chinhu chinooneka chaipa uchapupu husingarambiki hwekuti Noa ainge akazvipira kuita kuda kwaMwari. Noa akanyatsoita basa raainge apiwa naJehovha. Mabasa ekutenda aNoa akaita kuti iye nemhuri yake vazoponeswa pakaitika Mafashamo. Petro airevei paakataura muenzaniso iwoyo?

4 Kungofanana neareka yaiva uchapupu hwekutenda kwaNoa, kubhabhatidzwa vamwe vachiona kunotova uchapupu hunooneka hwekuti mudzidzi wechiKristu akazvitsaurira kuna Jehovha zvichibva pakutenda kwake muna Kristu. Kufanana naNoa, vadzidzi vakazvitsaurira vanoteerera Mwari voita basa raakavati vaite. Sekuponeswa kwakaitwa Noa paMafashamo, vadzidzi vakabhabhatidzwa avo vanoramba vakavimbika vachaponeswa pachaguma nyika ino yakaipa. (Mako 13:10; Zvak. 7:9, 10) Saka zvinokosha chaizvo kuti tizvitsaurire kuna Jehovha tobhabhatidzwa. Munhu anoverengera kubhabhatidzwa pasina chikonzero, anova pangozi yekurasikirwa nemukana wekuwana upenyu husingaperi.

5. Tichakurukurei munyaya ino?

5 Tichitarisa kukosha kwerubhabhatidzo, pane mibvunzo mitatu yatinofanira kufunga nezvayo. Bhaibheri rinotii nezverubhabhatidzo? Munhu anofanira kutora matanho api asati abhabhatidzwa? Nei muKristu achifanira kuyeuka kukosha kwenyaya yekubhabhatidzwa paanenge achidzidzisa mwana wake kana mumwe mudzidzi weBhaibheri?

BHAIBHERI RINOTII NEZVERUBHABHATIDZO?

6, 7. (a) Tsanangura kukosha kwerubhabhatidzo rwaiitwa naJohani. (b) Kubhabhatidzwa kwaani kwainge kwakasiyana nekwevamwe vese, uye nei?

6 Rubhabhatidzo rwatinotanga kuverenga nezvarwo muBhaibheri nderwuya rwaiitwa naJohani Mubhabhatidzi. (Mat. 3:1-6) Vaya vaibhabhatidzwa naJohani vaidaro kuti varatidze kuti vainge vapfidza zvivi zvavo zvekutyora Mutemo waMosesi. Zvisinei, rubhabhatidzo rwunonyanya kukosha rwakaitwa naJohani rwakanga rusinei nekupfidza. Johani akava neropafadzo isina mumwe akaiwana yekubhabhatidza Jesu, Mwanakomana waMwari ainge asina chivi. (Mat. 3:13-17) Sezvo Jesu aisava nechivi, aisava nechikonzero chekupfidza. (1 Pet. 2:22) Kubhabhatidzwa kwake kwairatidza kuti akanga agadzirira kushandisa upenyu hwake kuti aite kuda kwaMwari.—VaH. 10:7.

7 Jesu paaiita ushumiri hwake panyika, vadzidzi vake vaibhabhatidzawo vanhu. (Joh. 3:22; 4:1, 2) Kufanana nerubhabhatidzo rwakaitwa naJohani, rubhabhatidzo urwu rwairatidza kupfidza kwevanhu pakutyora Mutemo waMosesi. Zvisinei, pashure pekunge Jesu afa uye amutswa, zvairehwa nerubhabhatidzo zvaizochinja kuvateveri vake.

8. (a) Pashure pekunge amutswa, Jesu akapa vateveri vake murayiro wekutii? (b) Tsanangura kuti nei vaKristu vachifanira kubhabhatidzwa.

8 Muna 33 C.E., Jesu uyo ainge amutswa, akataura neboka revanhu vanopfuura 500, varume, vakadzi uye zvichida nevana. Panofanira kunge paiva panguva iyi paakataura kuti: “Naizvozvo endai munoita kuti vanhu vemarudzi ose vave vadzidzi, muchivabhabhatidza muzita raBaba neroMwanakomana [neremweya] mutsvene, muchivadzidzisa kuchengeta zvinhu zvose zvandakakurayirai.” (Mat. 28:19, 20; 1 VaK. 15:6) Jesu paakapa murayiro wekuti vanhu vaitwe vadzidzi, zvinoita sekuti paiva nemazana evateveri vake. Saka Jesu akaratidza kuti munhu anoda kuva mudzidzi wake kana kuti anoda kutakura “joko” rake anofanira kubhabhatidzwa. (Mat. 11:29, 30) Kuti munhu ashumire Mwari nenzira inomufadza, anofanira kubvuma kuti ari kushandisa Jesu pakuzadzisa chinangwa chake. Pashure pekuita izvozvo munhu wacho anogona kubhabhatidzwa. Urwu ndirwo chete rubhabhatidzo rwemumvura rwunogamuchirwa naMwari. Bhaibheri rine uchapupu hwakawanda hunoratidza kuti panguva yevaapostora vadzidzi vatsva vaKristu vainzwisisa kukosha kwerubhabhatidzo. Uye havana kuverengera kuti vabhabhatidzwe.—Mab. 2:41; 9:18; 16:14, 15, 32, 33.

USAVERENGERA

9, 10. Tingadzidzei nezverubhabhatidzo kubva kumuItiopiya uye kumuapostora Pauro?

9 Verenga Mabasa 8:35, 36. Funga nezvemuenzaniso wemuItiopiya ainge atendeukira kuchiJudha uyo aidzokera kumba achibva kuJerusarema kwaainge aenda kunonamata. Atumwa nengirozi yaJehovha, Firipi akataura nemuItiopiya wacho ‘ndokumuzivisa mashoko akanaka pamusoro paJesu.’ MuItiopiya wacho akabva aita sei? Zvaakaita zvakaratidza kuti akanzwisisa kukosha kwechokwadi chaakanga adzidza. Akasarudza kuita zvinoenderana neurongwa hwaJehovha, saka akabva angobhabhatidzwa asingaverengeri.

10 Muenzaniso wechipiri ndewemurume wechiJudha aitambudza vaKristu. Akaberekerwa murudzi rwainge rwakatsaurirwa kuna Mwari. Asi vaJudha vakanga varambwa naJehovha nekuti havana kumuteerera. Murume iyeye ainyatsotevedzera tsika dzechiJudha, asi akazodzidza manamatiro akanaka. Murume wacho akagamuchira mashoko kubva kuna Jesu Kristu uyo akanga amutswa ari kudenga. Murume wacho akaita sei? Akabvuma kubatsirwa nemudzidzi wechiKristu ainzi Ananiyasi. Bhaibheri rinotiudza kuti murume iyeye “akasimuka akabhabhatidzwa.” (Mab. 9:17, 18; VaG. 1:14) Unoziva murume iyeye wechiJudha seuya akazozivikanwa saPauro. Asi ona kuti paakangonzwisisa chokwadi nezvebasa raJesu pakuzadziswa kwechinangwa chaMwari, Pauro akabva abhabhatidzwa. Haana kumboverengera.—Verenga Mabasa 22:12-16.

11. (a) Chii chinoita kuti vadzidzi veBhaibheri mazuva ano vade kubhabhatidzwa? (b) Tinonzwa sei patinoona vatsva vakazvitsaurira vachibhabhatidzwa?

11 Ndizvo zvinoitikawo kuvadzidzi veBhaibheri mazuva ano, vangava vakuru kana vadiki. Vaya vane kutenda uye vanonyatsokoshesa chokwadi cheBhaibheri vanoda kuzvitsaurira vobhabhatidzwa. Pagungano rimwe nerimwe panopiwa hurukuro inenge yakanyanya kunangana navo. Zvapupu zvaJehovha zvinofara vadzidzi veBhaibheri pavanogamuchira chokwadi, vofambira mberi kusvika pakubhabhatidzwa. Vabereki vechiKristu vanofara chaizvo kuona vana vavo vari pakati pevaya vanoda kubhabhatidzwa. Mugore rebasa ra2017, vanhu vanopfuura 284 000 ‘vane mafungiro akanaka,’ vakaratidza kuzvitsaurira kwavo kuna Jehovha kuburikidza nekubhabhatidzwa mumvura. (Mab. 13:48) Zviri pachena kuti vadzidzi vatsva ivavo vainzwisisa kuti vaKristu vanofanira kubhabhatidzwa. Matanho api akaita kuti vasvike pakubhabhatidzwa?

12. Mudzidzi weBhaibheri anofanira kutora matanho api asati abhabhatidzwa?

12 Asati abhabhatidzwa, mudzidzi weBhaibheri anofanira kuva nekutenda kunobva pazivo yakarurama pamusoro paMwari, zvinangwa zvake, uye urongwa hwake hwekuponesa vanhu. (1 Tim. 2:3-6) Kutenda kwakadaro kunoita kuti mudzidzi arambe maitiro asingafadzi Mwari, oita maererano nemitemo yaJehovha yakarurama. (Mab. 3:19) Zviri pachena kuti munhu haakwanisi kuzvitsaurira kuna Mwari zvakakwana iye achiita zvinhu zvinoita kuti asapinda muUmambo. (1 VaK. 6:9, 10) Asi pane zvakawanda zvinodiwa pane kungoteerera mitemo yaJehovha ine chekuita nekuzvibata. Munhu ari kutsvaga kururama anofanirawo kupinda misangano yechiKristu uye anofanira kugara achiita basa rinoponesa rekuparidza nekuita vadzidzi. Jesu akati basa iri raizoitwa nevadzidzi vake vechokwadi. (Mab. 1:8) Mudzidzi mutsva paanenge atora matanho iwayo ndipo paanogona kuzvitsaurira kuna Jehovha achinyengetera uye anozobhabhatidzwa kuti aratidze ruzhinji kuti akazvitsaurira.

KUITA KUTI VADZIDZI VEBHAIBHERI VAVE NECHINANGWA CHEKUBHABHATIDZWA

Unofunga here nezvekukosha kwerubhabhatidzo, uchiita kuti mudzidzi wako azive nezvazvo? (Ona ndima 13)

13. Nei vadzidzisi veBhaibheri vachifanira kuyeuka kuti muKristu anofanira kubhabhatidzwa?

13 Patinobatsira vana vedu uye vamwe vatinodzidza navo Bhaibheri kuti vatore matanho anokosha, tinofanira kuyeuka kuti munhu anofanira kubhabhatidzwa kuti ave mudzidzi wechokwadi waJesu. Kana tikagara tichiyeuka izvozvo, tinokwanisa kunyatsobatsira vadzidzi vedu. Pazvinenge zvakakodzera, hatizotyi kutaura nezvekukosha kwekuzvitsaurira uye kubhabhatidzwa. Tinoda kuti vana vedu uye vamwe vadzidzi veBhaibheri vafambire mberi kusvika pakubhabhatidzwa.

14. Nei tisingamanikidzi chero ani zvake kuti abhabhatidzwe?

14 Hapana anofanira kunzwa sekuti ari kumanikidzwa nemubereki, mudzidzisi weBhaibheri, kana kuti nemunhu chero upi wemuungano kuti abhabhatidzwe. Jehovha haamanikidzi chero ani wedu kuti amushumire. (1 Joh. 4:8) Patinodzidzisa vamwe, tinofanira kuvabatsira kuti vanzwisise kukosha kwazvakaita kuti vaumbe ushamwari naJehovha. Kana mudzidzi achinyatsokoshesa chokwadi uye achinyatsoda kuita zvese zvinofanira kuitwa nevaKristu vechokwadi, achada kubhabhatidzwa.—2 VaK. 5:14, 15.

15, 16. (a) Pane zera rinonzi munhu anofanira kusvika here kuti abhabhatidzwe? Tsanangura. (b) Nei mudzidzi weBhaibheri achifanira kubhabhatidzwa semumwe weZvapupu zvaJehovha kunyange zvazvo akambobhabhatidzwa mune chimwe chitendero?

15 Hapana zera rinonzi munhu anofanira kusvika kuti abhabhatidzwe. Vadzidzi vanotora nguva yakasiyana pakufambira mberi kwavanoita pakunamata. Vakawanda vanobhabhatidzwa vachiri vadiki, uye vanoramba vakatendeka kuna Jehovha. Vamwe vanodzidza chokwadi cheBhaibheri vakwegura, zvekuti vamwe vanenge vatova nemakore anopfuura 100.

16 Mumwe mudzidzi weBhaibheri ainge akura akabvunza mudzidzisi wake kuti zvaikosha here kuti abhabhatidzwe zvakare, nekuti ainge ambobhabhatidzwa muzvitendero zvakasiyana-siyana zvaakambopinda. Vakabva vakakurukura mavhesi eBhaibheri anopindura mubvunzo iwoyo. Mudzidzi wacho akabva anzwisisa zvinotaurwa neBhaibheri uye pasina nguva akabva abhabhatidzwa. Kunyange zvazvo akanga ava nemakore anoda kusvika 80, haana kuona sekuti kubhabhatidzwa kwainge kusina basa kwaari. Kubhabhatidzwa kwechokwadi kunobva pazivo yakarurama yezvinodiwa naJehovha. Saka vadzidzi vatsva vanofanira kubhabhatidzwa kunyange kana vakambobhabhatidzwa mune chimwe chitendero.—Verenga Mabasa 19:3-5.

17. Munhu anofanira kufungisisa nezvei zuva raanobhabhatidzwa?

17 Zuva rekubhabhatidzwa kwemunhu izuva rekunyatsofara. Inguvawo yekuti munhu anyatsofungisisa zvinobatanidzwa pakuzvitsaurira nekubhabhatidzwa. Zvinoda kushanda nesimba kuti munhu ararame maererano nekuzvitsaurira kwake. Ndosaka Jesu akafananidza kuva mudzidzi wechiKristu nekutakura joko. Vadzidzi vaJesu havachafaniri ‘kuzviraramira, asi vanofanira kuraramira iye akavafira, akamutswa.’—2 VaK. 5:15; Mat. 16:24.

18. Tichakurukura mibvunzo ipi munyaya inotevera?

18 Amai vaMaria vaifunga izvozvo pavakabvunza mibvunzo iri patangira nyaya ino. Kana uri mubereki, unogona kunge wakambozvibvunza kuti: Mwana wangu anyatsogadzirira kubhabhatidzwa here? Ane zivo yakakwana pamusoro paJehovha zvekuti anogona kuzvitsaurira kwaari here? Anofanira kutanga adzidza owana basa rakanaka here asati abhabhatidzwa? Ko akaita chivi chakakura pashure pekubhabhatidzwa? Munyaya inotevera tichakurukura mibvunzo iyi uye tichakurukura kuti vabereki vechiKristu vangava sei nemaonero akanaka panyaya yekubhabhatidzwa.