Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Runako—Ungaita Sei Kuti Uve Narwo?

Runako—Ungaita Sei Kuti Uve Narwo?

MUMWE nemumwe wedu anoda kuonekwa semunhu akanaka. Asi mazuva ano, zvakaoma kuti tive vanhu vakanaka. Vanhu vakawanda ‘havadi zvakanaka.’ (2 Tim. 3:3) Vanoramba zvinotaurwa naJehovha. Zvinhu zvinonzi naJehovha zvakanaka ivo vanoti “zvakaipa,” uye zvaanoti zvakaipa ivo vanoti “zvakanaka.” (Isa. 5:20) Uye kuva vanhu vakanaka kwakaoma nekuti tinogona kukanganiswa nemakuriro atakaita uye chivi chatiinacho. Saka tinogona kuva nemanzwiro akafanana neaAnne, * uyo ava nemakumi emakore achishumira Jehovha. Anoti: “Zvinondiomera kubvuma kuti ndinogona kuvawo munhu akanaka.”

Zvinofadza kuti tese zvedu tinogona kuva vanhu vakanaka. Mweya mutsvene waMwari ndiwo unoita kuti tive vakanaka uye une simba kupfuura chero chii zvacho chingatitadzisa kuva vanhu vakanaka. Ngatinyatsoongororai kuti chii chinonzi runako, todzidza kuti tingava sei vanhu vakanaka.

CHII CHINONZI RUNAKO?

Kuva vakanaka kunosanganisira kuita zvinhu zvinoyemurika, uchinzvenga kuita zvakaipa. Munhu akanaka anogara achitarisa kuti angabatsira sei vamwe obva avaitira zvakanaka.

Zvimwe wakaona kuti vamwe vanoitira vanhu vemumhuri mavo neshamwari dzavo zvinhu zvakanaka, asi zvinofanira kuperera ipapo here? Chokwadi ndechekuti hatikwanisi kuva vanhu vakanaka nguva dzese nekuti Bhaibheri rinoti “hapana munhu akarurama panyika anoramba achiita zvakanaka asingatadzi.” (Mup. 7:20) Muapostora Pauro akabvuma kuti ndizvo zvaaiva paakati: “Ndinoziva kuti mandiri, imo munyama yangu, hamugari chinhu chakanaka.” (VaR. 7:18) Saka kana tichida kuva vanhu vakanaka tinofanira kudzidza kuna Jehovha.

“JEHOVHA AKANAKA”

Jehovha Mwari ndiye anotaura kuti zvakanaka ndezvipi. Tinoverenga nezvake kuti: “Makanaka uye [mabasa enyu akanaka]. Ndidzidzisei mirau yenyu.” (Pis. 119:68) Ngationei zvinhu zviviri zviri muvhesi iyi zvinoratidza kuti Jehovha akanaka.

Jehovha akanaka. Jehovha akanaka zvekuti hapana kana chinhu chimwe chete chaanoita chisina kunaka. Funga zvakaitika Jehovha paakaudza Mosesi kuti: “Ndichaita kuti kunaka kwangu kwese kupfuure nepamberi pechiso chako.” Jehovha akaratidza Mosesi ukuru hwake, kusanganisira kunaka kwake, uye paiitika izvi, Mosesi akanzwa inzwi richitaura nezvaJehovha richiti: “Jehovha, Jehovha, Mwari ane ngoni nenyasha, anononoka kutsamwa uye azere nomutsa worudo, nechokwadi, anochengetera vane zviuru mutsa worudo, anoregerera kukanganisa, kudarika uye chivi, asi asingazomboregi kuranga.” (Eks. 33:19; 34:6, 7) Izvi zvinotiratidza kuti zvese zvinoitwa naJehovha zvakanaka. Jesu aiva munhu akanaka kupfuura vanhu vese, asi akati: “Hapana munhu akanaka, kunze kwomumwe chete, iye Mwari.”—Ruka 18:19.

Tinoona kunaka kwaJehovha pazvinhu zvaakasika

Mabasa aJehovha akanaka. Zvese zvinoitwa naJehovha zvinoratidza kuti akanaka. “Jehovha akanaka kune vose, ngoni dzake dziri pamabasa ake ose.” (Pis. 145:9) Jehovha akanaka pakuti haasaruri, saka anopa vanhu upenyu uye zvese zvavanoda kuti varambe vachirarama. (Mab. 14:17) Anoratidzawo kuti akanaka nekutiregerera kwaanoita. Munyori wemapisarema akanyora kuti: “Haiwa Jehovha, . . . makanaka uye makagadzirira kukanganwira.” (Pis. 86:5) Tinogona kuva nechokwadi chekuti “Jehovha haazonyimi vaya vanofamba vasina mhosva chero chinhu chipi zvacho chakanaka.”—Pis. 84:11.

“DZIDZAI KUITA ZVAKANAKA”

Takasikwa nemufananidzo waMwari, saka tinokwanisa kuva vanhu vakanaka uye kuita zvakanaka. (Gen. 1:27) Asi izvi hazviitiki zvega. Shoko raMwari rinokurudzira vashumiri vake kuti ‘vadzidze kuita zvakanaka.’ (Isa. 1:17) Asi tingaitei kuti tive vanhu vakanaka? Ngationei zvinhu zvitatu zvingatibatsira.

Chekutanga, tinogona kunyengeterera mweya mutsvene, uyo unobatsira vaKristu kuti vave vanhu vakanaka. (VaG. 5:22) Mweya waMwari unogona kutibatsira kuti tide zvakanaka, toramba zvakaipa. (VaR. 12:9) Uye Bhaibheri rinoratidza kuti Jehovha anogona ‘kutisimbisa pamabasa nemashoko ese akanaka.’—2 VaT. 2:16, 17.

Chechipiri, tinofanira kuverenga Shoko raMwari raakafemera. Patinoriverenga, Jehovha anenge achitirayiridza “zvinhu zvose zvakanaka,” achiita kuti tive vakagadzirira kuita “mabasa ose akanaka.” (Zvir. 2:9; 2 Tim. 3:17) Saka kuverenga Shoko raMwari uye kufungisisa zvatinenge taverenga, kuchaita kuti tizive zvakawanda nezvekunaka kwaMwari uye kuda kwake. Uye tinenge tichiwedzera papfuma yatagara tiinayo, tozoishandisa pane imwe nguva.—Ruka 6:45; VaEf. 5:9.

Chechitatu, tinoita zvese zvatinogona kuti ‘titevedzere zvinhu zvakanaka.’ (3 Joh. 11) MuBhaibheri mune vanhu vatinogona kutevedzera. Ichokwadi kuti Jehovha naJesu ndivo vanopfuura vamwe vese pakuva vakanaka. Asi tinogonawo kufunga nezvevamwe vaizivikanwa sevanhu vakanaka. Vanhu vaviri vatinogona kufunga nezvavo ndiTabhita naBhanabhasi. (Mab. 9:36; 11:22-24) Unogona kubatsirwa nekuongorora nyaya dzavo, uchinyatsotarisa zvavakaita kuti vabatsire vamwe. Funga kuti ungabatsira sei vemumhuri mako uye muungano mako. Uye ona zvakanaka zvakazoitika kuna Tabhita naBhanabhasi nekuti vaiitira vamwe zvakanaka. Izvi zvinogona kukubatsirawo.

Tinogonawo kufunga nezvevanhu vemazuva ano vanoita zvakanaka. Funga nezvevakuru vari muungano vanoshanda nesimba ‘vanoda zvakanaka.’ Hatifaniri kukanganwa hanzvadzi dzakatendeka dzinoratidza nezvadzinotaura uye zvadzinoita kuti naidzowo “vadzidzisi vezvakanaka.” (Tito 1:8; 2:3) Imwe hanzvadzi inonzi Roslyn yakati: “Shamwari yangu inoita zvese zvainogona kuti ibatsire uye ikurudzire vamwe muungano. Anofunga zviri kuitika muupenyu hwavo uye anowanzovapa zvipo zvidiki kana kuvabatsirawo nedzimwe nzira. Ndinomuona semunhu akanaka chaizvo.”

Jehovha anoda kuti vanhu vake ‘vatsvage zvakanaka.’ (Amo. 5:14) Izvi zvinoita kuti tide mitemo yake uye tive nechido chakasimba chekuita zvakanaka.

Tinoedza kuva vakanaka uye kuita zvakanaka

Hatifaniri kufunga kuti kupa vanhu zvipo zvinodhura kana kuti zvinoshamisira ndiko kunoita kuti tinzi tinoita zvakanaka. Tinogona kuzvienzanisa neizvi: Kuti muti ukure, hatingoudiridzi kamwe chete nemvura yakawanda, asi tinoudiridza kakawanda nemvura shoma. Isuwo kunaka kwedu kunogona kuonekwa nezvinhu zvidiki zvakawanda zvatinoita zvinobatsira vamwe.

Bhaibheri rinotikurudzira kuti tive “vakagadzirira” kuita zvakanaka. (2 Tim. 2:21; Tito 3:1) Kana tikacherechedza zvinenge zvichiitika kune vamwe, tinogona kuona nzira dzatingabatsira nadzo mumwe munhu. (VaR. 15:2) Izvozvo zvinogona kusanganisira kupawo vamwe zvatinenge tiinazvo. (Zvir. 3:27) Tinogona kukoka mumwe munhu kuti auye kuzodya kana kuzotandara nesu. Kana tichiziva nezvemumwe munhu ari kurwara, tinogona kumunyorera kadhi, kumushanyira, kana kumufonera. Tinogona kuwana mikana yakawanda yekutaura “shoko chero ripi zvaro rakanaka, kuti rivake sezvingava zvichidiwa, kuti ripe zvinofadza kune vanonzwa.”—VaEf. 4:29.

Kungofanana naJehovha, tinoda kuitira vanhu vese zvakanaka. Saka hatisaruri vamwe. Nzira yakanaka yatinoratidza nayo izvozvo ndeyekuparidza mashoko akanaka eUmambo kuvanhu vese. Sezvakarayirwa naJesu, tinoedza kuitira zvakanaka kunyange vaya vanotivenga. (Ruka 6:27) Hazvina kumboipa kuratidza vamwe mutsa uye kuvaitira zvakanaka nekuti “hapana mutemo unorambidza zvinhu zvakadai.” (VaG. 5:22, 23) Kana tikaita zvakanaka pasinei nekuti tinopikiswa kana kuti tinotambura, tinogona kuita kuti vamwe vade chokwadi, zvoita kuti Mwari akudzwe.—1 Pet. 3:16, 17.

MIBAYIRO YEKUVA VANHU VAKANAKA

‘Munhu akanaka anowana mubayiro wezvaanoita.’ (Zvir. 14:14) Ndeipi mimwe mibayiro yacho? Kana tikaitira vamwe zvakanaka, vanogona kuzotibatawo zvakanaka. (Zvir. 14:22) Kunyange vamwe vakasazotibata zvakanaka, kuramba tichiita zvakanaka kunogona kupfavisa mwoyo yavo.—VaR. 12:20.

Vakawanda vanobvuma kuti vakabatsirwa nekuita zvakanaka uye kuramba zvakaipa. Funga zvakaitika kuna Nancy. Anoti: “Ndakakura ndiri munhu asingakendengi, ndichiita unzenza, uye ndisingaremekedzi vamwe. Asi sezvandaidzidza uye kuita zvinonzi naMwari zvakanaka, ndakatanga kufara. Iye zvino ndinonzwa ndiine chiremerera.”

Chikonzero chikuru chinoita kuti tiedze kuva vakanaka ndechekuti izvozvo zvinofadza Jehovha. Kunyange vakawanda vakasaona zvatinoita, Jehovha anozviona. Anoziva zvakanaka zvese zvatinoita uye zvatinofunga. (VaEf. 6:7, 8) Izvi zvinoguma nei? “Munhu akanaka anofarirwa naJehovha.” (Zvir. 12:2) Saka ngatirambei tichiita zvakanaka. Jehovha anovimbisa kuti “kubwinya nokukudzwa norugare zvichava pamunhu wose anoita zvakanaka.”—VaR. 2:10.

^ ndima 2 Mamwe mazita ari munyaya ino akachinjwa.