Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 13

Iva Nehanya Nevanhu Muushumiri

Iva Nehanya Nevanhu Muushumiri

“Akasiririswa navo, . . . akatanga kuvadzidzisa zvinhu zvizhinji.”—MAKO 6:34.

RWIYO 70 Tsvagai Vakakodzera

ZVICHADZIDZWA *

1. Ndechipi chimwe chinhu chakanaka chaizvo chaiitwa naJesu? Tsanangura.

CHIMWE chinhu chakanaka chaizvo chaiitwa naJesu kwaiva kunzwisisa matambudziko atinosangana nawo isu vanhu vane chivi. Paaiva panyika, Jesu ‘aifara nevanofara’ uye ‘aichema nevanochema.’ (VaR. 12:15) Vadzidzi vake 70 pavakadzoka vachifara vabudirira pabasa rekuparidza, Jesu “akafara kwazvo [nemweya] mutsvene.” (Ruka 10:17-21) Asi paakaona kurwadziwa kwaiita vanhu vaichema Razaro uyo ainge afa, Jesu “akagomera neshungu, akanetseka.”—Joh. 11:33.

2. Chii chaiita kuti Jesu anzwire vanhu tsitsi?

2 Chii chaiita kuti Jesu uyo asina chivi anzwire tsitsi vanhu vane chivi? Jesu aida vanhu. Sezvakataurwa munyaya yakapfuura, “aifarira kwazvo . . . vanakomana vevanhu.” (Zvir. 8:31) Kuda kwaaiita vanhu ndiko kwakaita kuti ade kunyatsoziva mafungiro avanoita. Muapostora Johani akati: “Aiziva zvakanga zviri mumunhu.” (Joh. 2:25) Jesu ainzwira vanhu tsitsi zvikuru. Vanhu vaizviona kuti anovada, saka vaiteerera mashoko eUmambo. Kana tikawedzera kunzwira vanhu tsitsi sezvaaiita, tichakwanisawo kuvabatsira muushumiri.—2 Tim. 4:5.

3-4. (a) Kana tiine hanya nevanhu tichaona sei ushumiri hwedu? (b) Tichakurukurei munyaya ino?

3 Muapostora Pauro aiziva kuti aifanira kuparidza, uye isuwo tinoziva kuti tinofanira kuparidza. (1 VaK. 9:16) Asi kana tichida vanhu, hatizoiti ushumiri hwedu nekungoti chete ndizvo zvatinofanira kuita. Tichada kuti vanhu vaone kuti tine hanya navo uye kuti tinoda chaizvo kuvabatsira. Tinoziva kuti “kupa kune mufaro mukuru kupfuura kugamuchira.” (Mab. 20:35) Saka kana tikaita ushumiri hwedu tiine chinangwa chekubatsira vanhu, basa racho richawedzera kutinakidza.

4 Munyaya ino tichakurukura kuti tingaratidza sei kuti tine hanya nevanhu muushumiri. Tichatanga nekuona kuti tingadzidzei pamaonero aiita Jesu vanhu. Tichabva tazokurukura nzira ina dzatingamutevedzera nadzo.—1 Pet. 2:21.

JESU AINZWIRA TSITSI VANHU MUUSHUMIRI

Tsitsi dzakaita kuti Jesu aparidze mashoko anonyaradza (Ona ndima 5-6)

5-6. (a) Ndivanaani vakanzwirwa tsitsi naJesu? (b) Chii chakaita kuti Jesu asiririswe nevanhu vaaiparidzira, sezvakataurwa pana Isaya 61:1, 2?

5 Ona muenzaniso unoratidza kuti Jesu aiva netsitsi. Pane imwe nguva Jesu nevadzidzi vake vainge vaneta chaizvo nekuparidza mashoko akanaka. Vainge vasina kutombowana ‘nguva yekudya’ kana yekuzorora. Saka Jesu akaenda nevadzidzi vake “kunzvimbo isina vanhu” kuti ‘vazorore zvishoma.’ Asi vanhu vakawanda vakamhanyira kwaiendwa naJesu nevadzidzi vake, ndokuvatangira kusvika. Jesu paakavaona akanzwa sei uye akaitei? “Akasiririswa * navo, nokuti vakanga vakaita semakwai asina mufudzi, . . . akatanga kuvadzidzisa zvinhu zvizhinji.”—Mako 6:30-34.

6 Chii chakaita kuti Jesu asiririswe nevanhu ava? Akaona kuti vanhu vacho “vakanga vakaita semakwai asina mufudzi.” Zvimwe Jesu akaona kuti vamwe vavo vaiva varombo uye vaishanda zvakaoma kuti variritire mhuri dzavo. Vamwe vanogona kunge vaishungurudzika nekufirwa. Kana zviri izvo, Jesu aigona kuvanzwisisa. Sezvakataurwa munyaya yakapfuura, Jesu anogona kunge akasanganawo nemamwe matambudziko avo. Jesu aiva nehanya nevamwe, uye izvi zvakaita kuti avaudze mashoko anonyaradza.—Verenga Isaya 61:1, 2.

7. Tingatevedzera sei Jesu?

7 Tinodzidzei pane zvakaitwa naJesu? Tiri munyika ine vanhu “vakaita semakwai asina mufudzi.” Vanhu ava vari kusangana nematambudziko akawanda. Isu tine mashoko eUmambo anovanyaradza. (Zvak. 14:6) Saka tichitevedzera Tenzi wedu, tinoparidza mashoko akanaka nekuti tinonzwira “tsitsi munhu akaderera nomurombo.” (Pis. 72:13) Tinosiririswa nevanhu, uye tinoda kuvabatsira.

TINGARATIDZA SEI KUTI TINONZWIRA VAMWE TSITSI?

Funga kuti ungabatsira sei munhu mumwe nemumwe (Ona ndima 8-9)

8. Inzira ipi yekutanga yatingaratidza nayo kuti tine hanya nevanhu muushumiri? Taura muenzaniso.

8 Chii chingatibatsira kuti tinzwire vanhu tsitsi muushumiri? Tinoda kuedza kunzwisisa mafungiro nemaonero evanhu vatinoona muushumiri, tovabata semabatirwo atinoda kuitwa. * (Mat. 7:12) Ngationei kuti tingazviita sei munzira ina. Chekutanga, funga kuti ungabatsira sei munhu mumwe nemumwe. Tinogona kufananidza basa redu rekuparidza mashoko akanaka nebasa rachiremba. Chiremba akanaka anoongorora murwere mumwe nemumwe. Anomubvunza mibvunzo, onyatsomuteerera paanenge achitaura manzwiro aari kuita. Pane kungonyorera murwere mushonga waanenge atanga kufunga nezvawo, chiremba anogona kuita kanguva achiongorora murwere wacho, ozomurapa zvakakodzera. Isuwo patinenge tiri muushumiri hatifaniri kungoshandisa mharidzo imwe chete kuvanhu vese vatinoona. Asi tinoedza kunzwisisa mamiriro ezvinhu emunhu mumwe nemumwe uye mafungiro ake.

9. Patinoona munhu muushumiri, chii chatisingafaniri kuita? Ndezvipi zvatingaita?

9 Paunoona munhu muushumiri, usakurumidza kufunga kuti unoziva mamiriro ake ezvinhu kana zvaanotenda uye kuti nei achitenda izvozvo. (Zvir. 18:13) Asi bvunza mibvunzo yakakodzera inoita kuti uzive nezvemunhu wacho uye zvaanotenda. (Zvir. 20:5) Kana zvichiita, mubvunze nezvebasa rake, mhuri yake, kwaanobva, uye maonero ake. Patinoita kuti munhu ataure zviri mumwoyo make, tinobva taona kuti nei achifanira kunzwa mashoko akanaka. Izvi zvichaita kuti timunzwire tsitsi, tobva tamubatsira sezvaiita Jesu.—Enzanisa na1 VaKorinde 9:19-23.

Fungidzira kuti upenyu hwemunhu waunenge uchiparidzira hwakaita sei (Ona ndima 10-11)

10-11. Maererano na2 VaKorinde 4:7, 8, ndeipi nzira yechipiri yatingaratidza nayo kuti tinonzwira vanhu tsitsi? Taura muenzaniso.

10 Chechipiri, edza kufungidzira zvavari kusangana nazvo muupenyu. Tinogona kunzwisisa zvimwe zvinhu zvavari kusangana nazvo. Tinozvinzwisisa nekuti tinewo chivi, saka tinosanganawo nematambudziko anosangana nevanhu vese. (1 VaK. 10:13) Tinoziva kuti upenyu munyika ino hunogona kumbooma chaizvo. Tinongokwanisa kutsungirira tichibatsirwa naJehovha. (Verenga 2 VaKorinde 4:7, 8.) Zvakadii nevaya vasinganamati Jehovha? Vanofanira kunge vachitoomerwa zvakanyanya. Tinosiririswa navo sezvaiita Jesu, uye tinonzwa tichida kuvaudza “mashoko akanaka echimwe chinhu chiri nani.”—Isa. 52:7.

11 Funga zvakaitika kune imwe hama inonzi Sergey. Asati adzidza chokwadi, Sergey aiva munhu akanyarara uye anonyara. Zvaimuomera kutaura nevamwe. Nekufamba kwenguva, akabvuma kudzidza Bhaibheri. Sergey anoti, “Pandaidzidza Bhaibheri ndakaona kuti vaKristu vanofanira kuudzawo vamwe zvavanotenda. Mumwoyo mangu ndaizviudza kuti handimbofi ndakazvikwanisa.” Asi airamba achifunga nezvevaya vakanga vasati vanzwa chokwadi uye ainyatsoona kuti upenyu hwavo hwakanga hwakaoma chaizvo nekuti vaisaziva Jehovha. Akati: “Zvinhu zvitsva zvandaidzidza zvakaita kuti ndifare chaizvo uye ndinyatsogadzikana mupfungwa. Ndakaona kuti vamwe vaifanirawo kudzidza chokwadi ichi.” Sergey paaiwedzera kunzwira vanhu tsitsi aibva awedzerawo kuva neushingi hwekuparidza. Akati, “Ndakashamisika chaizvo kuona kuti kuudza vanhu zviri muBhaibheri kwakaita kuti ndiwedzere kuva neushingi. Kwakaitawo kuti zvinhu zvitsva zvandakanga ndava kutenda zvinyatsodzika midzi mumwoyo mangu.” *

Zvinogona kutora nguva kuti vamwe vagamuchire chokwadi (Ona ndima 12-13)

12-13. Nei tichifanira kuitira mwoyo murefu vanhu vatinodzidzisa muushumiri? Taura muenzaniso.

12 Chechitatu, itira mwoyo murefu vanhu vaunodzidzisa. Yeuka kuti vanogona kunge vasina kumbobvira vanzwa chokwadi chiri muBhaibheri chatinonyatsoziva. Uye vakawanda vakanyura muzvinhu zvavanotenda. Vanogona kunge vachifunga kuti chitendero chavo ndicho chinoita kuti vabatane nemhuri dzavo, nevanhu vemunharaunda, uye vasarasa tsika dzavo. Tingavabatsira sei?

13 Funga nezvemuenzaniso uyu: Vanhu vanowanzoitei kana vachida kuvaka rimwe bhiriji vachitsiva rinenge riripo? Vanowanzovaka idzva rekare richiripo. Kana bhiriji idzva rapera, rekare rinobva rapazwa. Saka kana tichida kuti vanhu vasiye dzidziso dzavo dzavanokoshesa, zvakanaka kuti titange tavabatsira kuti vakoshese chokwadi chavanenge vadzidza muBhaibheri. Ipapo ndipo pavanozokwanisa kusiya zvavaimbotenda. Zvinogona kutora nguva kubatsira vanhu kuita izvozvo.—VaR. 12:2.

14-15. Tingabatsira sei vanhu vanoziva zvishoma kana kuti vasingatombozivi kuti nyika ichava paradhiso? Taura muenzaniso.

14 Kana tichiratidza vanhu mwoyo murefu muushumiri, hatizotarisiri kuti vanzwisise kana kuti vabvume chokwadi pavanotanga kuchinzwa. Asi tinofanira kuvanzwira tsitsi, tovapa nguva yekuti vafungisise zvinotaurwa neBhaibheri. Funga kuti tingabatsira sei munhu kuti anzwisise kuti vanhu vachararama nekusingaperi muparadhiso panyika. Vakawanda vanongoziva zvishoma kana kuti havana chavanotomboziva nezvedzidziso iyi. Vanogona kunge vachitenda kuti kana munhu akafa zvatopera. Kana kuti vanogona kunge vachifunga kuti vanhu vese vakanaka vanoenda kudenga. Tingavabatsira sei?

15 Imwe hama yakataura kuti inobatsira sei vanhu vakadaro. Inotanga nekuverenga Genesisi 1:28. Inobva yabvunza munhu wacho kuti Mwari aida kuti vanhu vagare kupi uye vaine upenyu hwakaita sei. Vakawanda vanopindura kuti, “Aida kuti vagare panyika vachifara.” Hama yacho inobva yaverenga Isaya 55:11, yobvunza kana chinangwa chaMwari chakachinja. Kakawanda munhu anopindura kuti hachina. Hama yacho inozopedzisa nekuverenga Pisarema 37:10, 11 yobvunza kuti ramangwana revanhu richange rakaita sei. Ichishandisa Bhaibheri seizvi, hama iyi yakabatsira vakawanda kunzwisisa kuti Mwari achiri kuda kuti vanhu vararame nekusingaperi muParadhiso panyika.

Kanhu kadiki kakadai sekunyorera munhu tsamba kanogona kumubatsira (Ona ndima 16-17)

16-17. Tichifunga mashoko ari pana Zvirevo 3:27, zvii zvatingaita kuratidza kuti tine hanya nevanhu? Taura muenzaniso.

16 Chechina, funga zvinhu zvaunogona kuita kuti uratidze kuti une hanya nevanhu. Tingaitei kana tikaona kuti tashanyira munhu panguva isiri iyo? Tinogona kumukumbira ruregerero, tomunzwa kana zvichiita kuti tidzoke pane imwe nguva. Ko kana aine kabasa kaari kuda kubatsirwa? Ko kana achirwara kana kuti akwegura asi achida kunotengerwa chimwe chinhu? Pakadaro tinogona kumubatsira.—Verenga Zvirevo 3:27.

17 Imwe hanzvadzi yakashamiswa nezvakazoitika payakaratidza mutsa kune imwe mhuri yainge yafirwa nemwana. Yakanyorera mhuri yacho tsamba. Tsamba yacho yaiva neMagwaro anonyaradza. Mhuri yacho yakaita sei? “Nezuro zvainge zvisina kundimirira zvakanaka,” vakanyora kudaro amai vainge vafirwa. “Handifungi kuti munotomboziva kuti tsamba yenyu yakatibatsira sei. Ndiri kutoshaya kuti ndokutendai sei uye ndotsanangura sei kutibatsira kwayakaita. Ndofunga tsamba yenyu ndakaiverenga kanopfuura ka20 nezuro. Yakatisimbisa uye yakatinyaradza. Tinokutendai nemwoyo wese.” Zviri pachena kuti kana tikaedza kunzwisisa mafungiro nemaonero evanhu vanenge vachitambura tinogona kuvabatsira.

ZIVA ZVAUSINGAKWANISI KUITA

18. Maererano na1 VaKorinde 3:6, 7, tinofanira kuyeukei patinoita ushumiri hwedu?

18 Tinoda kuramba tichiyeuka kuti tine zvatisingakwanisi kuita muushumiri. Tinogona kubatsira vanhu kuti vadzidze nezvaMwari asi hatisi isu tinoita zvinonyanya kukosha zvacho. (Verenga 1 VaKorinde 3:6, 7.) Jehovha ndiye anoita kuti vanhu vauye kwaari. (Joh. 6:44) Uye munhu mumwe nemumwe ndiye anozobvuma kana kuramba mashoko akanaka zvichienderana nekuti mwoyo wake wakaita sei. (Mat. 13:4-8) Yeuka kuti vanhu vakawanda havana kugamuchira mashoko aJesu kunyange zvazvo aiva Mudzidzisi anopfuura vese panyika! Saka hatifaniri kuora mwoyo kana vanhu vakawanda vatinoparidzira vakasagamuchira mashoko akanaka.

19. Kuva nehanya nevanhu muushumiri kunoita kuti tiwane makomborero api?

19 Kuva nehanya nevanhu muushumiri kunotibatsira. Kuchaita kuti tiwedzere kunakidzwa nebasa rekuparidza. Tichava nemufaro mukuru unobva pakupa. Uye tichaita kuti zvive nyore kuti vaya vane “mafungiro akanaka ekuti vave neupenyu husingaperi” vagamuchire mashoko akanaka. (Mab. 13:48) Saka “chero bedzi tiine nguva yakakodzera nokuda kwazvo, ngatiitirei vose zvakanaka.” (VaG. 6:10) Tikadaro tichafara nekuti tinenge tichiita kuti Baba vedu vekudenga vakudzwe.—Mat. 5:16.

RWIYO 64 Kuita Basa Rekukohwa Tichifara

^ ndima 5 Kana tikaratidza kuti tine hanya nevanhu muushumiri, tinowedzera kufara, uye naivowo vanogona kuwedzera kufarira shoko redu. Sei zvakadaro? Munyaya ino tichaongorora zvatingadzidza pana Jesu uye dzimwe nzira ina dzatingaratidza nadzo kuti tine hanya nevanhu vatinoparidzira.

^ ndima 5 KUTSANANGURWA KWESHOKO: Kusiririswa kunzwira tsitsi munhu anenge achitambura kana kuti anenge asiri kubatwa zvakanaka. Manzwiro akadaro anogona kuita kuti munhu aite chero zvaanogona kuti abatsire vanhu.

^ ndima 8 Ona nyaya inoti, “Itira Vamwe Zvaunoda Kuti Vakuitirewo Paunenge Uchiparidza” iri muNharireyomurindi yaMay 15, 2014.

^ ndima 11 Ona Nharireyomurindi yaAugust 1, 2011, mapeji 21-22.