Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Nei vaKristu vachifanira kungwarira pavanenge vachishandisa mapurogiramu ekutumirana mameseji?

Vamwe vaKristu vanoshandisa zvigadzirwa zvemazuva ano kuti vagare vachikurukura nevemumhuri uye nezvimwe Zvapupu. Asi muKristu akasimba pakunamata achagara achiyeuka zano iri rekuti: “Munhu akangwara anoona njodzi ohwanda, asi asina ruzivo anoramba achienda ozosangana nedambudziko.”—Zvir. 27:12.

Tinoziva kuti Jehovha anoda kutichengetedza. Saka hatishamwaridzani nevaya vanoita kuti vanhu vapesane, vakadzingwa kana vaya vanotaura zvinopesana nedzidziso dzechokwadi. (VaR. 16:17; 1 VaK. 5:11; 2 Joh. 10, 11) Vamwe vari muungano vanogona kunge vasingateereri mitemo iri muBhaibheri. (2 Tim. 2:20, 21) Tinofanira kugara tichiyeuka izvi patinosarudza shamwari. Asi kusarudza shamwari dzakanaka kungasava nyore kana tichitaura nadzo nekungotumirana mameseji chete.

Tinofanira kunyatsofunga kuti ndivanaani vatinenge tichitaura navo kana tikasarudza kuva mugurupu rine vanhu vakawanda. Vamwe vaKristu vakapinda mumagurupu aiva nevanhu vakawanda uye hazvina kuzovafambira zvakanaka. Hama kana hanzvadzi ingakwanisa here kungwarira kana iri mugurupu rine mazana kana zviuru zvevanhu? Zvakaoma kuziva vanhu vese vari mugurupu racho uye kuti vakasimba zvakadini pakunamata. Pisarema 26:4 inoti: “Handishamwaridzani nevanhu vanonyengera, uye ndinotambira kure nevaya vanovanza zvavari.” Saka kana tikatumirana mameseji nevanhu vatinongozivana navo chete, tinenge tichiratidza kuti takachenjera.

Kunyange mugurupu rine vanhu vashoma, muKristu anofanira kungwarira nguva yaanopedza achitumira mameseji, uye kuti vanhu vanenge vari mugurupu racho vanenge vachitaura nezvei. Hatifaniri kunzwa sekuti tinofanira kupindura mameseji ese pasinei nekuti ari kutaura nezvei kana kuti zvinotora nguva yakareba sei kuapindura. Pauro akanyevera Timoti nezvevamwe vanhu vaigona kuzotanga ‘kuita makuhwa vachipindira munyaya dzevamwe.’ (1 Tim. 5:13) Mazuva ano vanhu vanogona kuitawo izvozvo vachishandisa mapurogiramu ekutumirana mameseji.

Hapana muKristu akasimba pakunamata angataura kana kuteerera mashoko ekutsoropodza vamwe vaKristu kana kufumura nyaya dzavo. (Pis. 15:3; Zvir. 20:19) Uyewo haazotauri kana kuteerera mashoko akawedzeredzwa kana aasina chokwadi nawo. (VaEf. 4:25) Tinowana zvekudya zvekunamata pawebsite yedu inonzi jw.org uye mapurogiramu anobuda mwedzi nemwedzi paJW Broadcasting®.

Zvimwe Zvapupu zvinoshandisa mapurogiramu ekutumirana mameseji pakutengesa, pakutenga uye pakushambadza zvinhu zvavo kana pakutsvagira vamwe mabasa. Idzi inyaya dzebhizinesi uye hadzina kubatana nekunamata Jehovha. VaKristu vasingadi kuva ‘nemararamiro ekuda mari,’ havashandisi hama dzavo kuti vaedze kuita mari.—VaH. 13:5.

Zvakadii nekushandisa mapurogiramu ekutumirana mameseji kutsvaga mari yekubatsira hama dzedu dzinoshaiwa kana kuti dzinenge dzawirwa nenjodzi? Tinoda hama dzedu uye tine hanya nadzo. Saka tinowanzobatsira vaya vanoda kutsigirwa uye tinovakurudzira. (Jak. 2:15, 16) Asi kuedza kuita izvozvo tichishandisa gurupu rekutumirana mameseji rine vanhu vakawanda kunogona kuvhiringidza urongwa hwakanaka hunenge huchiitwa nebazi kana kuti neungano. (1 Tim. 5:3, 4, 9, 10, 16) Uye hapana kana mumwe wedu angada kuti vamwe vafunge kuti akapiwa basa rekuchengeta makwai aMwari.

Tinoda kuita zvinhu zvinoita kuti Mwari akudzwe. (1 VaK. 10:31) Saka paunenge uchifunga nezvekushandisa mapurogiramu ekutumirana mameseji kana kuti dzimwewo nzira dzekutumira mashoko, funga zvinhu zvakaipa zvingangoitika uye ngwarira.