Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 10

Unogona ‘Kupfekenura Unhu Hwekare’

Unogona ‘Kupfekenura Unhu Hwekare’

“Pfekenurai unhu hwekare nemabasa ahwo.”—VAK. 3:9.

RWIYO 29 Kuita Zvinoenderana Nezita Redu

ZVICHADZIDZWA *

1. Upenyu hwako hwainge hwakaita sei usati watanga kudzidza Bhaibheri?

 UPENYU hwako hwainge hwakaita sei usati watanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha? Vakawanda vedu hatitombodi kufunga nezvazvo. Mafungiro edu uye unhu hwedu zvingangodaro zvaiumbwa nezvinotaurwa nenyika kuti ndizvo zvakanaka kana kuti zvakaipa. Kana zviri izvo zvataiva, ‘takanga tisina tariro uye takanga tisina Mwari panyika.’ (VaEf. 2:12) Asi zvese izvozvo zvakachinja nekudzidza Bhaibheri.

2. Zvii zvawakaona pawaidzidza Bhaibheri?

2 Pawaidzidza Bhaibheri, wakatanga kuona kuti una Baba vekudenga vanokuda chaizvo. Wakaona kuti kana uchida kufadza Jehovha, wova mumhuri yevanamati vake, waifanira kuchinja mararamiro ako uye mafungiro ako. Waifanira kudzidza kurarama maererano nemitemo yake.—VaEf. 5:3-5.

3. Maererano naVaKorose 3:9, 10, Jehovha anoda kuti tiitei, uye tichakurukurei munyaya ino?

3 Musiki wedu uye Baba vedu vekudenga, Jehovha, ane kodzero yekusarudza zvinofanira kuitwa nevanhu vemumhuri yake. Uye anoda kuti tiite zvese zvatinogona kuti ‘tipfekenure unhu hwekare nemabasa ahwo’ tisati tabhabhatidzwa. * (Verenga VaKorose 3:9, 10.) Nyaya ino ichabatsira vaya vanoda kubhabhatidzwa kuti vapindure mibvunzo mitatu inoti: (1) Chii chinonzi “unhu hwekare”? (2) Nei Jehovha achida kuti tihupfekenure? (3) Tinohupfekenura sei? Isu vakatobhabhatidzwa, nyaya ino ichatibatsira kuti tisava nemaitiro kana kuti mafungiro ataimbova nawo tisati tapfekenura unhu hwekare.

CHII CHINONZI “UNHU HWEKARE”?

4. Kana munhu aine “unhu hwekare” anoita sei?

4 Munhu ane “unhu hwekare” anowanzofunga uye kuita zvinhu maererano nezvinodiwa nenyama. Anogona kuva munhu anofunga zvakanakira iye chete, anokurumidza kutsamwa, asingaongi uye anozvikudza. Anogona kunge achinakidzwa nekuona zvinonyadzisira uye mafirimu eunzenza kana kuti ekurwisana. Anenge ainewo humwe unhu hwakanaka uye anogona kutozvipa mhosva yezvinhu zvakaipa zvaanotaura kana kuti zvaanoita. Asi anenge asina chido chakasimba chekuchinja mafungiro ake nemaitiro ake.—VaG. 5:19-21; 2 Tim. 3:2-5.

Patinopfekenura “unhu hwekare,” tinenge tisisadzorwi nemafungiro uye nemaitiro enyama (Ona ndima 5) *

5. Maonero api akanaka atinofanira kuva nawo panyaya yekupfekenura unhu hwekare? (Mabasa 3:19)

5 Tese tine chivi, saka hapana kana mumwe wedu anogona kubvisa zvachose mafungiro akaipa nezvido zvisina kunaka mumwoyo medu nemupfungwa dzedu. Dzimwe nguva tinoita zvinhu kana kuti tinotaura zvinhu zvatinozodemba. (Jer. 17:9; Jak. 3:2) Asi patinopfekenura unhu hwekare hatizovi varanda vemafungiro nemaitiro anodiwa nenyama. Tinenge tatova vamwe vanhu.—Isa. 55:7; verenga Mabasa 3:19.

6. Nei Jehovha achitikurudzira kuti tisava neunhu hwekare hwakadai semafungiro asina kunaka uye maitiro akaipa?

6 Jehovha anotikurudzira kuti tisava nemafungiro asina kunaka uye maitiro akaipa nekuti anotida chaizvo uye anoda kuti tinakidzwe neupenyu. (Isa. 48:17, 18) Anoziva kuti vaya vanoita maererano nezvido zvakaipa vanozvirwadzisa uye vanorwadzisawo vamwe. Izvozvo zvinoitawo kuti Jehovha arwadziwe.

7. Maererano naVaRoma 12:1, 2, ndezvipi zvatinogona kusarudza?

7 Pakutanga, dzimwe hama neshamwari dzedu dzinogona kutiseka patinenge tichiedza kuchinja unhu hwedu. (1 Pet. 4:3, 4) Vanogona kutaura kuti tine kodzero yekuita chero zvatada uye hatifaniri kurega vamwe vanhu vachitiudza zvekuita. Asi hazvirevi kuti vaya vanoramba mitemo yaJehovha vanozvifungira vega zvekuita. Chokwadi ndechekuti vari kurega nyika inotongwa naSatani ichivaumba. (Verenga VaRoma 12:1, 2.) Tinofanira kusarudza kuti toramba tiine unhu hwekare here uhwo hunoumbwa nechivi nenyika yaSatani, kana kuti tobvumira Jehovha kuti atiumbe kuva munhu akanaka chaizvo panguva ino.—Isa. 64:8.

‘UNGAPFEKENURA’ SEI UNHU HWEKARE?

8. Chii chichatibatsira kuti tirege kuva nemafungiro asina kunaka uye maitiro akaipa?

8 Jehovha anoziva kuti zvichatora nguva nesimba kuti tirege kuva nemafungiro asina kunaka uye maitiro akaipa. (Pis. 103:13, 14) Asi achishandisa Shoko rake, mweya mutsvene wake uye sangano rake, Jehovha anotipa uchenjeri, simba uye rutsigiro rwatinoda kuti tichinje zvatiri. Zviri pachena kuti akatokubatsira. Iye zvino ngationei zvimwe zvaungaita kuti urambe uchipfekenura unhu hwekare wokodzera kubhabhatidzwa.

9. Shoko raMwari rinokubatsira kuitei?

9 Shandisa Bhaibheri kuti unyatsozviongorora. Shoko raMwari rakaita segirazi. Rinogona kukubatsira kuti uone zvakaita mafungiro ako, matauriro ako, uye maitiro ako. (Jak. 1:22-25) Mudzidzisi wako weBhaibheri nevamwe vaKristu vakasimba pakunamata vanogona kukubatsira kuti uzviongorore iwe pachako. Semuenzaniso, vanogona kushandisa Bhaibheri kuti vakubatsire kuona pawakasimba nepausina kusimba. Vanogona kukudzidzisa kuti ungatsvakurudza sei mumabhuku edu kuti uwane mazano emuBhaibheri anogona kukubatsira kukunda maitiro akaipa. Uye nguva dzese Jehovha anenge akagadzirira kukubatsira. Anonyatsoziva kuti angakubatsira sei nekuti anoziva zviri mumwoyo mako. (Zvir. 14:10; 15:11) Saka gara uchinyengetera kwaari uye uchidzidza Shoko rake zuva rega rega.

10. Wadzidzei pane zvakaitika kuna Elie?

10 Iva nechokwadi chekuti zvatinonzi naJehovha tiite ndizvo zvakanyanya kunaka. Zvese zvatinonzi naJehovha tiite zvakatinakira. Vaya vanorarama maererano nemitemo yaMwari vanova vanhu vane chivimbo, vane chinangwa muupenyu, uye vane mufaro wechokwadi. (Pis. 19:7-11) Asi vaya vasingaiteereri vanova nemarwadzo anobva pakuita mabasa enyama. Ona zvakataurwa nemumwe murume anonzi Elie panyaya yekuramba mitemo yaMwari. Akarerwa nevabereki vanoda Jehovha. Asi paakanga ava mumakore ekuyaruka akasarudza shamwari dzakaipa. Akatanga kuita zvemadhiragi, unzenza uye kuba. Elie anoti akawedzera kuva nehasha uye kurwisana nevanhu. “Ndakaita zvese zvandakanga ndadzidziswa kuti muKristu haafaniri kuita,” anodaro Elie. Asi haana kukanganwa zvaakadzidza achiri mudiki. Akazotangazve kudzidza Bhaibheri. Akashanda nesimba kuti asiye maitiro ake akaipa, uye akabhabhatidzwa muna 2000. Kuteerera mitemo yaJehovha kwakamubatsira sei? Elie anoti: “Iye zvino ndagadzikana mupfungwa uye ndine hana yakachena.” * Zvakaitika kuna Elie zvinotiratidza kuti vaya vanoramba mitemo yaJehovha vanozvirwadzisa. Kunyange zvakadaro, Jehovha anoda kuvabatsira kuti vachinje.

11. Zvinhu zvipi zvinovengwa naJehovha?

11 Dzidza kuvenga zvinovengwa naJehovha. (Pis. 97:10) Bhaibheri rinoratidza kuti Jehovha anovenga “maziso anozvikudza, rurimi runoreva nhema, uye maoko anodeura ropa risina mhosva.” (Zvir. 6:16, 17) Uyewo “anosema vanhu vanoita zvemhirizhonga nevanonyengera.” (Pis. 5:6) Jehovha anovenga chaizvo mafungiro uye maitiro akadai zvekuti akaparadza vanhu vese vakaipa vemumazuva aNoa nekuti vakanga vazadza nyika nekurwisana. (Gen. 6:13) Ona mumwe muenzaniso. Achishandisa muprofita Maraki, Jehovha akataura kuti anovenga vaya vanoita unyengeri hwekuti varambane nevavanenge vakaroorana navo avo vanenge vasina chavakakanganisa. Mwari haagamuchiri kunamata kwavo uye achaita kuti vazvidavirire pane zvavanoita.—Mar. 2:13-16; VaH. 13:4.

Kuita chinhu chinonzi naJehovha chakaipa kunofanira kutisemesa sezvazvinoita kana tikanzi tidye chikafu chakaora (Ona ndima 11-12)

12. Zvinorevei ‘kusema zvakaipa’?

12 Jehovha anoda kuti ‘tiseme zvakaipa.’ (VaR. 12:9) ‘Kusema’ chimwe chinhu, kuchivenga zvakanyanya zvekusada kuchiona. Funga nezvemanzwiro aunoita kana ukanzi udye chikafu chakaora. Kungofunga nezvazvo kungatoita kuti umire mwoyo. Saizvozvowo, kunyange kungofunga nezvekuita chinhu chinonzi naJehovha chakaipa kunofanira kutisemesa.

13. Nei tichifanira kungwarira mafungiro edu?

13 Ngwarira mafungiro ako. Zvatinoita zvinobva pane zvatinofunga. Ndosaka Jesu akatidzidzisa kuti tirambe mafungiro anogona kupedzisira aita kuti tiite chivi chakakura. (Mat. 5:21, 22, 28, 29) Tinoda kufadza Baba vedu vekudenga, handizvo here? Saka zvinokosha chaizvo kuti tikurumidze kubvisa chero mafungiro akaipa anenge auya mupfungwa dzedu!

14. Matauriro edu anoratidzei uye mibvunzo ipi yatinofanira kuzvibvunza?

14 Dzora rurimi rwako. Jesu akati: “Zvinhu zvese zvinobuda mumuromo zvinobva mumwoyo.” (Mat. 15:18) Zvatinotaura zvinoratidza zvakawanda nezvedu. Saka zvibvunze mibvunzo iyi: ‘Ndinoramba kutaura nhema here, nyange paya pekuti kutaura chokwadi kunondipinza mudambudziko? Semunhu ari muwanano, ndinongwarira here kuti ndisaita sekuti ndinoda mumwe munhu wandisina kuroorana naye? Ndinosiyana zvachose nekutaura zvinonyadzisira here? Kana mumwe munhu akandigumbura ndinomupindura zvakanaka here?’ Kufungisisa nezvemibvunzo iyoyo kuchakubatsira. Matauriro ako anogona kufananidzwa nemabhatani ari pahembe. Kana ukavhura mabhatani acho zvinova nyore kubvisa hembe yacho. Saizvozvowo, kana ukaedza zvese zvaunogona kuti ubvise kutuka, kunyepa uye kutaura zvinonyadzisira, zvichavawo nyore kuti ubvise unhu hwekare.

15. Zvinorevei kuroverera unhu hwedu hwekare padanda?

15 Iva nechido chekuita chero zvinenge zvichidiwa kuti uchinje. Muapostora Pauro akashandisa muenzaniso une simba kuti atidzidzise kukosha kwazvakaita kuti tichinje mararamiro edu. Akanyora kuti tinofanira kuroverera unhu hwedu hwekare padanda. (VaR. 6:6) Jesu aiva nechido chekurovererwa padanda kuti afadze Jehovha. Isuwo kana tichida kufadza Jehovha tinofanira kuva nechido chekubvisa zvachose mafungiro nemaitiro aanovenga. Kutora matanho aya ndiko chete kuchaita kuti tive nehana yakachena uye tive netariro yekurarama nekusingaperi. (Joh. 17:3; 1 Pet. 3:21) Yeuka kuti Jehovha haasi kuzochinja mirayiro yake kuti ienderane nezvatinenge tichida. Asi ndisu tinofanira kuchinja zvatiri toteerera mirayiro yake.—Isa. 1:16-18; 55:9.

16. Nei uchifanira kuramba uchirwisa zvido zvenyama?

16 Ramba uchirwisa zvido zvakaipa. Kunyange pashure pekunge wabhabhatidzwa unofanira kuramba uchirwisa zvido zvenyama. Funga zvakaitika kune mumwe murume anonzi Maurício. Achiri mudiki akatanga kuita zveungochani. Akazoonana nevanhu vaJehovha ndokutanga kudzidza Bhaibheri. Pashure pekunge achinja mararamiro ake, akabhabhatidzwa muna 2002. Kunyange zvazvo Maurício ashumira Jehovha kwemakore akawanda, anoti: “Dzimwe nguva ndinofanira kurwisana nezvido zvisina kunaka.” Haaregi izvi zvichimuodza mwoyo. Asi anoti: “Ndinoshingiswa nekuziva kuti pandinosarudza kusazvitevedzera ndinenge ndichifadza Jehovha.” *

17. Wakurudzirwa nei kubva pane zvakaitika kuna Nabiha?

17 Nyengetera kuna Jehovha uchikumbira kubatsirwa naye uye vimba nemweya wake kwete nesimba rako. (VaG. 5:22; VaF. 4:6) Tinofanira kushanda nesimba kuti tipfekenure unhu hwekare tohurasira kure. Funga zvakaitika kune mumwe mukadzi anonzi Nabiha. Baba vake vakamusiya aine makore 6 chete. Anoti: “Zvakandirwadza zvakanyanya.” Nabiha paaikura, akawedzera kuva munhu ane hasha uye anokurumidza kutsamwa. Akatanga kutengesa madhiragi, uye akazosungwa ndokuita makore ari mujeri. Akazotanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaishanya kujeri raaiva. Nabiha akatanga kuchinja upenyu hwake. Anoti: “Zvimwe zvinhu zvakaipa zvandaiita zvaiva nyore kusiya. Asi kuputa kwainge kwakandiomera chaizvo kurega.” Kwerinopfuura gore Nabiha aitambura chaizvo kuti arege kuputa, asi akazokwanisa kusiya. Akazviita sei? Anoti: “Kugara ndichinyengetera kuna Jehovha ndiko kwakandibatsira kuti ndirege.” Iye zvino ava kuudzawo vamwe kuti: “Sezvo ini ndakakwanisa kuchinja kuti ndifadze Jehovha, ndine chivimbo chekuti munhu wese anogonawo kuchinja!” *

UNOKWANISA KUBHABHATIDZWA

18. Maererano na1 VaKorinde 6:9-11, vashumiri vaMwari vakawanda vakakwanisa kuitei?

18 Panguva yevaKristu vekutanga, vamwe varume nevakadzi avo vakasarudzwa naJehovha kuti vatonge pamwe chete naKristu vaimboita mabasa akaipa. Semuenzaniso, vaimbova mhombwe, ngochani uye mbavha. Asi vachibatsirwa nemweya mutsvene waMwari vakakwanisa kuchinja unhu hwavo. (Verenga 1 VaKorinde 6:9-11.) Mazuva anowo Bhaibheri riri kubatsira mamiriyoni evanhu kuti vachinje upenyu hwavo. * Vakarega maitiro akaipa ainge akavaomera kusiya. Zvavakaita zvinoratidza kuti newewo unokwanisa kuchinja unhu hwako uye kukunda tsika dzakaipa kuitira kuti ukodzere kubhabhatidzwa.

19. Tichakurukurei munyaya inotevera?

19 Kuwedzera pakupfekenura unhu hwekare, vaya vanoda kubhabhatidzwa vanofanira kushanda nesimba kuti vapfeke unhu hutsva. Nyaya inotevera ichataura kuti izvozvo tingazviita sei uye kuti vamwe vangatibatsira sei.

RWIYO 41 Inzwaiwo Munyengetero Wangu

^ Kuti tikodzere kubhabhatidzwa, tinofanira kuva nechido chekuchinja unhu hwedu. Nyaya ino ichatibatsira kuona kuti chii chinonzi unhu hwekare, nei tichifanira kuhupfekenura, uye kuti tingazviita sei. Munyaya inotevera tichaongorora kuti tingaramba sei tichipfeka unhu hutsva kunyange pashure pekunge tabhabhatidzwa.

^ KUTSANANGURWA KWEMASHOKO: “Kupfekenura unhu hwekare” zvinoreva kusiyana nemafungiro uye zvido zvisingafadzi Jehovha. Tinofanira kutanga kuita izvi tisati tabhabhatidzwa.—VaEf. 4:22.

^ Kuti uwane mamwe mashoko, ona nyaya inoti “Bhaibheri Rinochinja Upenyu—‘Ndaida Kudzoka Kuna Jehovha,’” iri muNharireyomurindi yaApril 1, 2012.

^ Kuti uwane mamwe mashoko, ona nyaya inoti “Bhaibheri Rinochinja Upenyu—‘Vakandiitira Mutsa Chaizvo,’” iri muNharireyomurindi yaMay 1, 2012.

^ Kuti uwane mamwe mashoko, ona nyaya inoti “Bhaibheri Rinochinja Upenyu—‘Ndakaguma Ndava Musikana Ane Hasha, Anoda Zvekurwa,’” iri muNharireyomurindi yaOctober 1, 2012.

^ Ona bhokisi rakanzi “ Bhaibheri Rinochinja Upenyu.”

^ KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO Peji 3: Kubvisa mafungiro nemaitiro akaipa kwakafanana nekubvisa chipfeko chekare.