Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
Nei pana 2 Samueri 21:7-9 pachiti Dhavhidhi “akanzwira tsitsi Mefibhosheti” asi tozonzwa kuti akabvumira kuti Mefibhosheti aurayiwe?
Vamwe vanoverenga nyaya iyi vachimhanya vanova nemubvunzo iwoyo. Asi mumavhesi iwayo mune varume vaviri vane zita rekuti Mefibhosheti, uye tinogona kudzidza chimwe chinhu nekuongorora zvakaitika.
Mambo Sauro weIsraeri aiva nevanakomana 7 uye vanasikana vaviri. Jonatani ndiye aiva dangwe rake. Sauro akazova nemumwe mwanakomana ainzi Mefibhosheti, waakaberekerwa nemurongo wake ainzi Rizpa. Jonatani aivawo nemwanakomana ainzi Mefibhosheti. Saka Mambo Sauro aiva nemwanakomana ainzi Mefibhosheti nemuzukuru ainziwo Mefibhosheti.
Pane imwe nguva, Mambo Sauro akatanga kuvenga vaGibhiyoni, uye akaedza kuvauraya vese. Zvinoita sekuti vakawanda vavo vakaurayiwa. Izvozvo zvainge zvisina kana kumbonaka. Nei tichidaro? Nekuti mumazuva aJoshua, machinda eIsraeri akanga aita sungano yerugare nevaGibhiyoni.—Josh. 9:3-27.
Sungano iyoyo yakanga ichiri kushanda mumazuva aMambo Sauro. Achiita zvaipesana nesungano iyoyo, Sauro akaedza kuuraya vaGibhiyoni vese. Izvi zvakaita kuti ‘Sauro neimba yake vave nemhosva yekudeura ropa.’ (2 Sam. 21:1) Dhavhidhi paakazova mambo, vaGibhiyoni vakanga vasara vakataura naye nezvemhosva iyoyo yakakura yakanga yaitwa. Dhavhidhi akavabvunza zvaifanira kuitwa pakuripa mhosva yaSauro, uye izvozvo ndizvo zvaizoita kuti Jehovha akomborere nyika yacho. Pane kuti vakumbire mari, vaGibhiyoni vakakumbira kuuraya vanakomana 7 vemurume ‘akanga aronga kuti pasambova nemumwe wavo anosara ari mupenyu.’ (Num. 35:30, 31) Dhavhidhi akavapa zvavakanga vakumbira.—2 Sam. 21:2-6.
Izvi pazvakazoitika, Sauro naJonatani vakanga vafira muhondo, asi Mefibhosheti mwanakomana waJonatani akanga ari mupenyu. Akaremara patsaona yakaitika achiri mwana mudiki, uye haana kubatanidzwa pakurwiswa kwakaitwa vaGibhiyoni nasekuru vake. Dhavhidhi akanga aita sungano yerugare naJonatani, iyo yaizobatsira vana vaJonatani kusanganisira mwanakomana wake Mefibhosheti. (1 Sam. 18:1; 20:42) Nyaya yacho inoti: ‘Mambo Dhavhidhi akanzwira tsitsi Mefibhosheti mwanakomana waJonatani, mwanakomana waSauro, nemhaka yemhiko yakaitwa pamberi paJehovha.’—2 Sam. 21:7.
Kunyange zvakadaro, Dhavhidhi akaita zvakanga zvakumbirwa nevaGibhiyoni. Akavapa vanakomana vaviri vaSauro, mumwe wacho ainzi Mefibhosheti uye vazukuru vashanu vaSauro. (2 Sam. 21:8, 9) Zvakaitwa naDhavhidhi zvakaita kuti nyika yacho isaramba iine mhosva yekudeura ropa.
Nyaya iyi ine zvainotidzidzisa. Mutemo waMwari wainge wakajeka. Waiti: “Vana havafaniri kuurayirwa mhosva yavanababa.” (Dheut. 24:16) Jehovha aisazobvumira zvakaitwa kuvanakomana vaviri vaSauro uye kuvazukuru vake vashanu kudai vakanga vasina mhosva. Mutemo wacho unowedzera kuti: “Munhu anofanira kufira chivi chake chete.” Zvinoita sekuti vanakomana vaSauro nevazukuru vake avo vakaurayiwa vakabatanidzwawo pakuurayiwa kwakaitwa vaGibhiyoni naSauro. Saka varume 7 ava vakarangirwa kukanganisa kwavo.
Nyaya iyi inoratidza kuti munhu haagoni kuzvipembedza kuita zvakaipa achiti aingotevedzera zvaainge audzwa. Chimwe chirevo cheuchenjeri chinoti: “Gadzirira tsoka dzako nzira yakati chechetere, uye uchava nechokwadi nenzira dzako dzese.”—Zvir. 4:24-27; VaEf. 5:15.