Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Nei murume ainzi “Nhingi” akataura kuti kuroora Rute ‘kwaizoparadza’ nhaka yake? (Rute 4:1, 6)

Munguva inotaurwa muBhaibheri, murume paairoora, ofa asina mwana, paiva nemibvunzo yaimuka: Chii chaizoitika kumunda wake? Zita remhuri yake raizongotsakatika here? Mutemo waMozisi waipindura mibvunzo iyi.

Chii chaiitika kana murume akafa osiya munda wake, kana kuti akava murombo zvekuti aifanira kuutengesa? Mukoma kana munin’ina wake kana kuti imwe hama yake yepedyo yaigona kudzikinura kana kutenga munda iwoyo. Izvozvo zvaiita kuti munda wacho urambe uri wemhuri yacho.—Revh. 25:23-28; Num. 27:8-11.

Zita remurume anenge afa raichengetedzwa sei? Mudzimai wacho aigona kugarwa nhaka sezvakaitika kuna Rute. Mukoma kana munin’ina wemufi aigara nhaka mudzimai wemufi, vobereka mwana aizochengetedza zita remufi, ogara nhaka munda wake nezvinhu zvake. Urongwa uhwu hwairatidza rudo uye hwaiitawo kuti chirikadzi yacho iwane anoichengeta.—Dheut. 25:5-7; Mat. 22:23-28.

Funga zvakaitika kuna Naomi. Akanga akaroorwa naErimereki. Erimereki nevanakomana vavo vaviri pavakafa, Naomi akasara asina munhu anomuriritira. (Rute 1:1-5) Paakadzoka kuJudha, Naomi akaudza muroora wake Rute kuti akumbire Bhoazi kuti adzikinure munda waErimereki. Bhoazi aiva hama yepedyo yaErimereki. (Rute 2:1, 19, 20; 3:1-4) Asi Bhoazi aiziva kuti paiva neimwe hama yaErimereki iyo Bhaibheri rinodana kuti “Nhingi,” yaiva neukama hwepedyo naErimereki kupfuura iye. Saka “Nhingi” ndiye aiva nekodzero yekutanga yekudzikinura munda wacho.—Rute 3:9, 12, 13.

Pakutanga “Nhingi” aida kuudzikinura. (Rute 4:1-4) Kunyange zvazvo aiziva kuti kuudzikinura kwaida mari, aizivawo kuti Naomi asazokwanisa kubereka mwana aizogara nhaka munda waErimereki. Saka munda waErimereki waizowedzerwa kunhaka yaNhingi, zvotowedzera upfumi hwake.

Asi “Nhingi” akazochinja pfungwa paakaziva kuti aifanira kuzoroora Rute. Akati: “Handikwanisi kuudzikinura, nekuti ndingaparadza nhaka yangu.” (Rute 4:5, 6) Nei akachinja pfungwa?

Kudai Nhingi kana kuti mumwe munhu aizoroora Rute vobereka mwanakomana, nhaka yaErimereki yaizopiwa mwanakomana iyeye. Izvozvo ‘zvaizoparadza’ sei “nhaka” yaNhingi? Bhaibheri haritauri nezvazvo, asi zvimwe zvingangodaro zvaizoita kuti nhaka yacho iparare ndeizvi.

  • Chekutanga, zvaizoita sekunge kuti atambisa mari yake, nekuti munda waErimereki waisazova wake. Waizopiwa mwanakomana waRute.

  • Chechipiri, ndiye aizova nemutoro wekuchengeta Naomi naRute.

  • Chechitatu, kana Rute aizobereka vamwe vana naNhingi, vana ivavo vaizofanira kugoverwa nhaka pamwe chete nevamwe vana vanga vagara vaina Nhingi.

  • Chechina, kana Nhingi ainge asina vana, mwanakomana aizoberekwa naRute aizova nekodzero yekugara nhaka munda waErimereki nemunda waNhingi. Saka munda wake waizopiwa mwana ane zita raErimereki kwete rake. Nhingi akatyira kuti kana akabatsira Naomi aizoparadza nhaka yake. Akaona zviri nani kuti Bhoazi, uyo aiva nekodzero yaitevera yekudzikinura aite izvozvo. Bhoazi aiva nechido chekudzikinura nekuti aida ‘kudzorera zita remurume akafa panhaka yake.’—Rute 4:10.

Kunenge kuti Nhingi ainyanya kuda kuchengetedza zita rake nenhaka yake. Aingofunga zvakamunakira. Asi kunyange zvazvo akaedza kuchengetedza zita rake, mazuva ano hatitombozivi kuti raiva rekuti ani. Akarasikirwa neropafadzo yakawanikwa naBhoazi yekunyorwa mumutsara wedzinza raMesiya, Jesu Kristu. Zvinosuwisa chaizvo kuti Nhingi akarasikirwa neropafadzo iyi, nekuti aingofunga zvakamunakira, akatadza kubatsira mumwe munhu aitambura!—Mat. 1:5; Ruka 3:23, 32.