Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 10

Nei Uchifanira Kubhabhatidzwa?

Nei Uchifanira Kubhabhatidzwa?

“Mumwe nemumwe wenyu ngaabhabhatidzwe.”—MAB. 2:38.

RWIYO 34 Kufamba Ndakavimbika

ZVICHADZIDZWA a

1-2. Chii chinowanzoitika vanhu pavanobhabhatidzwa, uye tichakurukurei munyaya ino?

 WAKAMBOTARISA vanhu vari kuda kubhabhatidzwa here? Manzwi avo anoratidza chivimbo chavainacho pavanenge vachipindura mibvunzo miviri vasati vabhabhatidzwa. Unoona kufara kunenge kuchiita hama neshamwari dzavo. Vanenge vabhabhatidzwa pavanobuda mumvura, vanoombererwa maoko uye unoona mufaro pazviso zvavo. Vhiki rega rega vanhu vanosvika zviuru vanotora danho iroro vachiva Zvapupu zvaJehovha Mwari zvakazvitsaurira uye zvakabhabhatidzwa.

2 Zvakadini newe? Kana uri kufunga kubhabhatidzwa, uri munhu akanaka chaizvo munyika ino yakaipa, nekuti uri “kutsvaga Jehovha.” (Pis. 14:1, 2) Nyaya ino yakanyorerwa iwe pasinei nekuti uchiri mudiki here kana kuti wakura. Asi isu vakabhabhatidzwa kare tinodawo kusimbisa chido chedu chekushumira Jehovha nekusingaperi. Saka ngatimbokurukurai zvikonzero zvitatu pazvikonzero zvakawanda zvinoita kuti tide kushumira Jehovha.

UNODA CHOKWADI UYE KURURAMA

Satani ava nezviuru zvemakore achisvibisa zita raJehovha uye ari kuramba achidaro (Ona ndima 3-4)

3. Nei vashumiri vaJehovha vachida chokwadi uye kururama? (Pisarema 119:128, 163)

3 Jehovha akarayira vanhu vake kuti ‘vade chokwadi.’ (Zek. 8:19) Jesu akakurudzira vateveri vake kuti vatsvage kururama. (Mat. 5:6) Izvi zvinoreva kuti munhu anofanira kuva nechido chakasimba chekuita zvakarurama, zvakanaka, uye zvakachena mukuona kwaMwari. Unoda chokwadi uye kururama here? Tine chokwadi kuti unozvida. Unovenga nhema nezvinhu zvese zvisina kururama uye zvakaipa. (Verenga Pisarema 119:128, 163.) Munhu anoreva nhema anenge achitevedzera Satani, mutongi wenyika ino. (Joh. 8:44; 12:31) Chimwe chezvinangwa zvaSatani ndechekusvibisa zita dzvene raJehovha Mwari. Kubvira pakupanduka kwakaitika muEdheni, Satani ari kuparadzira nhema pamusoro paMwari wedu. Akaedza kuita kuti Jehovha aonekwe seMutongi anofunga zvakamunakira uye asina kutendeseka, uyo anonyima vanhu zvinhu zvakanaka. (Gen. 3:1, 4, 5) Nhema dzakataurwa naSatani nezvaJehovha dzichiri kuita kuti vanhu vafunge zvakaipa nezvaMwari. Kana vanhu vakasarudza kusada chokwadi, Satani anogona kuita kuti vaite zvese zvisina kururama uye zvakaipa.—VaR. 1:25-31.

4. Jehovha anoratidza sei kuti ‘ndiMwari anotaura chokwadi’? (Onawo mufananidzo.)

4 Jehovha ‘ndiMwari anotaura chokwadi,’ uye anodzidzisa chokwadi kune vaya vanomuda. (Pis. 31:5) Paanoita izvozvo, anovabatsira achivasunungura panhema dzaSatani. Jehovha anodzidzisawo vashumiri vake kuti vave vanhu vakatendeseka uye vakarurama. Izvi zvinoita kuti vanzwe vachiremekedzeka uye vakagadzikana mupfungwa. (Zvir. 13:5, 6) Jehovha ari kukuitirawo izvozvo here pakudzidza kwauri kuita Bhaibheri? Wakadzidza kuti nzira dzaJehovha ndidzo dzakanakisisa kumunhu wese uye kwauri. (Pis. 77:13) Saka unoda kuita zvinonzi naMwari zvakarurama. (Mat. 6:33) Unoda kuita kuti chokwadi chizivikanwe uye kuratidza kuti zvakataurwa naSatani pamusoro paMwari wedu Jehovha inhema. Izvozvo ungazviita sei?

5. Ungatsigira sei chokwadi uye kururama?

5 Unogona kurarama upenyu hwako uchiratidza zvakajeka kumunhu wese kuti unoramba nhema dzaSatani uye unotsigira chokwadi. Unogona kuratidza kuti unoda kuti Jehovha ave Mutongi wako uye kuti unoda kuita zvaanoti zvakarurama. Izvozvo ungazviita sei? Nyengetera kuna Jehovha uchizvitsaurira kwaari uye ratidza vamwe kuti wakazvitsaurira kuburikidza nekubhabhatidzwa. Kuti munhu azosvika pakubhabhatidzwa anofanira kunge achida chokwadi uye kururama.

UNODA JESU KRISTU

6. Zvikonzero zvipi zviri pana Pisarema 45:4 zvinoita kuti ude Jesu Kristu?

6 Nei uchida Jesu Kristu? Ona zvimwe zvikonzero zvakanaka zviri pana Pisarema 45:4. (Verenga.) Jesu anoda chokwadi, kuzvininipisa, uye kururama. Kana uchida chokwadi uye kururama, zviri pachena kuti unodawo Jesu Kristu. Funga kuti Jesu akaratidza sei ushingi paaitsigira chokwadi uye kururama. (Joh. 18:37) Asi Jesu anotidzidzisa sei kuti tive vanhu vanozvininipisa?

7. Chii chaunofarira pakuzvininipisa kwaJesu?

7 Muenzaniso waJesu unotidzidzisa kuti tizvininipise. Semuenzaniso, anoita kuti kukudzwa kwese kuende kuna Baba vake kwete kwaari. (Mako 10:17, 18; Joh. 5:19) Kuzvininipisa ikoko kunoita kuti unzwe sei? Izvozvo hazviiti here kuti ude Mwanakomana waMwari uye umutevere? Chokwadi zvinoita kuti udaro. Nei Jesu achizvininipisa? Nekuti anoda Baba vake vanozvininipisa uye anovatevedzera. (Pis. 18:35; VaH. 1:3) Haunzwi here uchida kuswedera pedyo naJesu uyo anonyatsoratidza unhu hwaJehovha?

8. Nei tichida Jesu saMambo wedu?

8 Tinoda Jesu saMambo wedu nekuti ndiye Mutongi akanaka kupfuura vamwe vese. Jehovha pachake akadzidzisa Mwanakomana wake uye akamugadza kuti atonge. (Isa. 50:4, 5) Fungawo nezverudo rwekuzvipira rwakaratidzwa naJesu. (Joh. 13:1) Sezvo Jesu ari Mambo wako, akakodzera kudiwa newe. Akatsanangura kuti vaya vanonyatsomuda uye vaanoti ishamwari dzake vanoratidza rudo pavanoteerera mirayiro yake. (Joh. 14:15; 15:14, 15) Kuva shamwari yeMwanakomana waJehovha kukudzwa kukuru!

9. Kubhabhatidzwa kwevaKristu kwakafanana papi nekwaKristu?

9 Mumwe wemirayiro yaJesu ndewekuti vateveri vake vabhabhatidzwe. (Mat. 28:19, 20) Iye wacho akabhabhatidzwa. Pane musiyano uripo pakubhabhatidzwa kwaJesu nekwevateveri vake. (Ona bhokisi rakanzi “ Kubhabhatidzwa kwaJesu Kwakasiyana Papi Nekubhabhatidzwa Kwevateveri Vake?”) Asi panewo kufanana kuripo. Jesu paakabhabhatidzwa, akazvipa kuti aite kuda kwaBaba vake. (VaH. 10:7) Vateveri vaJesu vanobhabhatidzwa vachiratidza pachena kuti vakazvitsaurira kuna Jehovha Mwari. Asi kungofanana naJesu, pavanobhabhatidzwa vanenge vava kunyanya kukoshesa kuita kuda kwaMwari, kwete kwavo. Saka vari kutevedzera muenzaniso waTenzi wavo.

10. Nei kuda Jesu kuchifanira kukukurudzira kuti ubhabhatidzwe?

10 Unogamuchira Jesu seMwanakomana akaberekwa ari mumwe oga waJehovha uye saMambo akagadzwa naMwari kuti atitonge. Unoziva kuti Jesu anozvininipisa uye anonyatsotevedzera Baba vake. Wakadzidza kuti akapa zvekudya vanhu vaiva nenzara, akanyaradza vainge vakaora mwoyo uye akaporesa kunyange vairwara. (Mat. 14:14-21) Wakaona kuti ari kutungamirira sei ungano yake mazuva ano. (Mat. 23:10) Uye unoziva kuti achaita zvinopfuura ipapo mune ramangwana saMambo weUmambo hwaMwari. Ungaratidza sei kuti unomuda? Nekutevedzera muenzaniso wake. (Joh. 14:21) Chimwe chezvinhu zvaunogona kutanga kuita kuzvitsaurira kuna Jehovha wobhabhatidzwa.

UNODA JEHOVHA MWARI

11. Ndechipi chikonzero chikuru chinoita kuti munhu abhabhatidzwe?

11 Ndechipi chikonzero chikuru chinoita kuti ubhabhatidzwe? Jesu akaratidza kuti ndeupi murayiro mukuru pamirayiro yese yaMwari, paakati: “Ida Jehovha Mwari wako nemwoyo wako wese nemweya wako wese nepfungwa dzako dzese uye nesimba rako rese.” (Mako 12:30) Mashoko iwayo anotsanangura kuda kwaunoita Mwari here?

Jehovha ndiye anokupa zvinhu zvese zvakanaka zvauinazvo uye zvauchava nazvo (Ona ndima 12-13)

12. Nei uchida Jehovha? (Onawo mufananidzo.)

12 Pane zvikonzero zvakawanda chaizvo zvinoita kuti tide Jehovha. Semuenzaniso, wakasvika pakunzwisisa kuti kwaari “ndiko kunobva upenyu” uye kuti iye ndiye anopa “zvipo zvese zvakanaka nezvipo zvese zvakakwana.” (Pis. 36:9; Jak. 1:17) Chinhu chese chakanaka chaunonakidzwa nacho chinobva kuna Mwari wedu anopa uye ane rudo.

13. Chii chinoita kuti rudzikinuro ruve chipo chakazonaka?

13 Rudzikinuro chipo chakazonaka chatakapiwa naJehovha. Sei tichidaro? Funga nezveushamwari hwepedyo huri pakati paJehovha neMwanakomana wake. Jesu akati: “Baba vanondida” uye “ndinoda Baba.” (Joh. 10:17; 14:31) Ushamwari hwavo hwakakura pavainge vari vese kwemabhiriyoni emakore. (Zvir. 8:22, 23, 30) Funga kuti Mwari akarwadziwa sei paakaona Mwanakomana wake achitambura uye achifa. Jehovha anoda vanhu chaizvo kusanganisira iwe, zvekuti akapa Mwanakomana wake sechibayiro kuitira kuti iwe nevamwe mukwanise kurarama nekusingaperi. (Joh. 3:16; VaG. 2:20) Ichi ndicho chikonzero chikuru chinoita kuti tide Mwari.

14. Ndechipi chinhu chakanaka chaizvo chaungasarudza kuita muupenyu?

14 Kuda kwaunoita Jehovha kuri kuwedzera nekuti une zvakawanda zvawadzidza nezvake. Zviri pachena kuti unoda kuswedera pedyo naye iye zvino uye nekusingaperi. Uye unokwanisa kuzviita. Anokukurudzira kuti ufadze mwoyo wake. (Zvir. 23:15, 16) Izvi unokwanisa kuzviita nezvaunotaura uyewo nezvaunoita. Mararamiro ako acharatidza kuti unonyatsoda Jehovha. (1 Joh. 5:3) Ichi ndicho chinhu chakanaka chaizvo chaungasarudza kuita.

15. Ungaratidza sei kuti unoda Jehovha?

15 Ungaratidza sei kuti unoda Jehovha? Unotanga nekupa munyengetero unokosha chaizvo wekuzvitsaurira kuna Mwari mumwe chete wechokwadi. (Pis. 40:8) Unobva waita kuti vamwe vazive kuti wakazvitsaurira paunobhabhatidzwa. Sezvatambokurukura munyaya ino, ichi chinova chiitiko chinofadza uye chinokosha chaizvo muupenyu hwako. Unenge watanga kurarama upenyu hutsva, usingachazviraramiri, asi unenge wava kuraramira Jehovha. (VaR. 14:8; 1 Pet. 4:1, 2) Izvi zvingaita sekuti idanho rakakura chaizvo uye chokwadi ndechekuti rakakura. Asi izvozvo zvingaita kuti uzokwanisa kurarama upenyu hwakanakisisa. Zvingaitika sei?

16. Sezvinotaurwa pana Pisarema 41:12 Jehovha achakomborera sei vaya vanosarudza kumushumira?

16 Hakuna mumwe munhu anopa saJehovha. Pasinei nekuti wamupa zvakawanda sei, achakupa zvakawanda kupfuura zvaungamupa. (Mako 10:29, 30) Achaita kuti uve neupenyu hunofadza uye hunogutsa, kunyange iye zvino munyika ino yakaipa. Aya anongova mavambo. Rwendo rwaunotanga paunobhabhatidzwa harufaniri kuguma. Unogona kuramba uchishumira Baba vako vane rudo nekusingaperi. Rudo ruri pakati pako naBaba vako rucharamba ruchikura, uye ucharamba uchirarama nekuti ivo vanorarama nekusingaperi.—Verenga Pisarema 41:12.

17. Chii chaungapa Jehovha chaagara asina?

17 Paunozvitsaurira wobhabhatidzwa, unenge wakwanisa kupa Baba vako chimwe chinhu chinokosha chaizvo. Vanokupa zvinhu zvese zvakanaka uye zvese zvinoita kuti ufare. Iwe unenge wakwanisawo kupa Muridzi wedenga nenyika chimwe chinhu chaagara asina. Chinhu ichocho ibasa raunomuitira nechido uye wakazvipira kwaari. (Job. 1:8; 41:11; Zvir. 27:11) Iyi ndiyo nzira yakanakisisa yatingashandisa nayo upenyu hwedu. Zviri pachena kuti kuda kwaunoita Jehovha ndicho chikonzero chinopfuura zvese chinoita kuti ubhabhatidzwe.

URI KUMIRIREI?

18. Mibvunzo ipi yaungazvibvunza?

18 Saka unopindura sei mubvunzo uyu wekuti, Uchabhabhatidzwa here? Mhinduro ndiwe unayo. Asi zvinogona kukubatsira kana ukazvibvunza kuti, ‘Ndiri kumirirei?’ (Mab. 8:36) Yeuka zvikonzero zvitatu zvatakurukura. Chekutanga, unoda chokwadi uye kururama. Zvibvunze kuti, ‘Ndinoda kuzoona zuva iro munhu wese anenge ava kutaura chokwadi uye achiita zvakarurama here?’ Chechipiri, unoda Jesu Kristu. Zvibvunze kuti, ‘Ndinoda Mwanakomana waMwari kuti ave Mambo wangu, uye ndinoda kumutevedzera here?’ Chechitatu, icho chinonyanya kukosha ndechekuti, unoda Jehovha. Zvibvunze kuti, ‘Ndinoda kufadza mwoyo waJehovha here kuburikidza nekumushumira?’ Kana wapindura kuti hongu pamibvunzo yese iyi, saka chii chiri kukutadzisa kubhabhatidzwa? Uri kumirirei?—Mab. 16:33.

19. Nei usingafaniri kuzeza kubhabhatidzwa? Taura muenzaniso. (Johani 4:34)

19 Kana uchizeza kubhabhatidzwa, funga nezvemuenzaniso wakataurwa naJesu. (Verenga Johani 4:34.) Ona kuti Jesu akafananidza kuita kuda kwaBaba vake nezvekudya. Nei akadaro? Tese tinoda zvekudya nekuti zvakatinakira. Jesu anoziva kuti zvese zvatinonzi tiite naJehovha zvakatinakira. Jehovha haadi kuti tiite chimwe chinhu chinotikuvadza. Anoda kuti ubhabhatidzwe here? Hongu. (Mab. 2:38) Saka unogona kuva nechokwadi chekuti kuteerera murayiro wekuti ubhabhatidzwe kuchakubatsira. Kana usingazezi kudya chikafu chinonaka chaizvo, nei uchizeza kubhabhatidzwa?

20. Tichakurukurei munyaya inotevera?

20 Nei vamwe vanhu vachimbomira kubhabhatidzwa? Vakawanda vangapindura kuti, “Handisati ndagadzirira.” Chokwadi ndechekuti kuzvitsaurira kuna Jehovha uye kubhabhatidzwa ndicho chisarudzo chinonyanya kukosha chaungaita. Saka kuti uzokodzera kubhabhatidzwa, zvinotora nguva, zvinoda kunyatsofunga, uye zvinoda kushanda nesimba. Asi kana uine chido chekutora danho iroro, ungaitei iye zvino kuti ugadzirire? Munyaya inotevera tichakurukura mhinduro yemubvunzo iwoyo.

RWIYO 28 Kuva Shamwari yaJehovha

a Kubhabhatidzwa idanho rinokosha kumudzidzi wese weBhaibheri. Chii chingaita kuti mudzidzi atore danho iroro? Rudo. Asi anenge achida chii uye ani? Munyaya ino tichawana mhinduro dzacho uye tichakurukura kuti tinofanira kurarama upenyu hwakaita sei sevaKristu vakabhabhatidzwa.