Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 13

Shandisai Zvinhu Zvakasikwa Kuti Mudzidzise Vana Venyu nezvaJehovha

Shandisai Zvinhu Zvakasikwa Kuti Mudzidzise Vana Venyu nezvaJehovha

“Ndiani akasika zvinhu izvi?”—ISA. 40:26.

RWIYO 11 Zvisikwa Zvinorumbidza Mwari

ZVICHADZIDZWA a

1. Vabereki vane chido chekuti vana vavo vaitei?

 VABEREKI, tinoziva kuti munoda kubatsira vana venyu kuti vasvike pakuziva uye pakuda Jehovha. Asi Mwari haaoneki. Mungabatsira sei vana venyu kuti vamuone semunhu chaiye uye vaswedere pedyo naye?—Jak. 4:8.

2. Vabereki vangadzidzisa sei vana vavo nezvaJehovha?

2 Nzira inokosha yekubatsira vana kuti vaswedere pedyo naJehovha ndeyekuvadzidzisa Bhaibheri. (2 Tim. 3:14-17) Asi Bhaibheri racho rinoratidza imwe nzira inogona kushandiswa nevechidiki kuti vadzidze nezvaJehovha. Mubhuku raZvirevo, tinoverenga nezvababa vachiyeuchidza mwanakomana wavo kuti asabvisa pfungwa dzake paunhu hwaJehovha uhwo hunoratidzwa muzvinhu zvakasikwa. (Zvir. 3:19-21) Tichakurukura kuti vabereki vangashandisa sei zvinhu zvakasikwa kuti vabatsire vana vavo kudzidza nezvaJehovha.

MUNGASHANDISA SEI ZVINHU ZVAKASIKWA KUTI MUDZIDZISE VANA VENYU?

3. Vabereki vangabatsira sei vana vavo?

3 Bhaibheri rinoti ‘kunyange zvazvo Mwari asingaoneki, tinogona kudzidza nezvake kubva pazvinhu zvakasikwa.’ (VaR. 1:20) Vabereki, munogona kunge muchinakidzwa nekuva nevana venyu muri panze muchimbofurwa nemhepo. Shandisai nguva iyoyo kuti mubatsire vana venyu kuti vaone kubatana kwakaita “zvinhu zvakasikwa” neunhu hwaJehovha hunoshamisa. Ngationei kuti vabereki vangatevedzera sei madzidzisiro aiita Jesu.

4. Jesu akashandisa sei zvinhu zvakasikwa kuti adzidzise vadzidzi vake? (Ruka 12:24, 27-30)

4 Ona kuti Jesu akashandisa sei zvinhu zvakasikwa pakudzidzisa. Pane imwe nguva, akaudza vadzidzi vake kuti vacherechedze makunguo nemaruva. (Verenga Ruka 12:24, 27-30.) Jesu aigona kunge akataura nezveimwewo mhuka kana chimwewo chirimwa asi akasarudza kutaura nezveshiri uye maruva, izvo zvainyatsozivikanwa nevadzidzi vake. Vadzidzi vake vangangodaro vaiona makunguo achibhururuka uye maruva achitumbuka musango. Fungidzira Jesu achinongedzera zvinhu izvi paaitaura. Akabva aita sei pashure pekunge ataura zvinhu izvi? Akaudza vadzidzi vake chidzidzo chinokosha nezvaBaba vavo vekudenga vane rupo uye vane mutsa chekuti: Jehovha achapa vashumiri vake vakatendeka zvekudya sezvaanoita makunguo uye achavapfekedza sezvaanoita maruva emusango.

5. Mienzaniso ipi yezvinhu zvakasikwa ingashandiswa nevabereki kuti vadzidzise vana vavo nezvaJehovha?

5 Vabereki, mungatevedzera sei Jesu pamunenge muchidzidzisa vana venyu? Munogona kuudza mwana wenyu nezvechisikwa chamunofarira chakadai semhuka yamunofarira kana chirimwa chamunofarira. Pamunodaro, ivai nechokwadi chekuti matsanangura kuti zvinhu izvozvo zvinotidzidzisei nezvaJehovha. Munogona kubva mabvunza mwana wenyu nezvemhuka yaanofarira kana chirimwa chaanofarira. Kana mukashandisa chisikwa chaanotofarira nechekare anogona kutowedzera kukuteererai pamunenge muchimudzidzisa nezvaJehovha.

6. Tinodzidzei pane zvaiitwa naamai vaChristopher?

6 Vabereki vanofanira kutora nguva yakawanda here vachitsvakurudza nezveimwe mhuka kana kuti chimwe chirimwa vasati vakurukura kuti zvinhu zvakasikwa zvinoratidzei nezvaJehovha? Havangafaniri havo kudaro. Jesu haana kutsanangura zvakawanda kuti makunguo anodya sei uye kuti maruva anokura sei. Kunyange mwana wenyu achida kuziva zvakawanda nezvezvinhu zvakasikwa, dzimwe nguva kungotaura zvinhu zvishoma kana kumubvunza mubvunzo ndiko kunenge kuchidiwa kuti anzwisise zvamuri kuda kutaura. Ona zvinoyeukwa neimwe hama inonzi Christopher payaiva mudiki. Yakati, “Amai vangu vaingotaura zvinhu zvishoma kuti vatibatsire kukoshesa zvinhu zvakasikwa zvataiona. Semuenzaniso, pataiva pedyo nemakomo vaigona kuti: ‘Onai makuriro akaita makomo ayo uye manakiro aakaita, Jehovha anoshamisa.’ Kana kuti pataiva pedyo negungwa vaigona kuti: ‘Onai simba rine mafungu ayo! Mwari ane simba.’” Christopher akati: “Zvinhu izvozvo zvishoma zvavaitaura zvaitibatsira kuti tifunge.”

7. Mungadzidzisa sei vana venyu kuti vafunge nezvezvinhu zvakasikwa?

7 Nekukura kunenge kuchiita vana venyu, munogona kuvadzidzisa kuti vawedzere kufunga nezvezvinhu zvakasikwa uye kuti vadzidze nezvaJehovha. Munogona kutaura nezvechimwe chinhu chakasikwa naMwari movabvunza kuti, “Izvi zvinokudzidzisei nezvaJehovha?” Munogona kushamiswa nezvavanotaura.—Mat. 21:16.

NDEPAPI PAMUNGASHANDISA ZVINHU ZVAKASIKWA PAKUDZIDZISA VANA VENYU?

8. Vabereki vechiIsraeri vaiva nemukana upi pavaifamba “mumugwagwa” nevana vavo?

8 Vabereki vechiIsraeri vaikurudzirwa kudzidzisa vana vavo mirayiro yaJehovha pavainge vachifamba “mumugwagwa.” (Dheut. 11:19) Paiva nemigwagwa yaipfuura nemumaruwa emuIsraeri. Munzvimbo idzi maiva nemhuka dzakasiyana-siyana, shiri uye maruva. Mhuri dzechiIsraeri padzaifamba mumigwagwa, vabereki vaiwana mukana wekutaura nevana vavo nezvezvinhu zvakasikwa naJehovha. Mazuva anowo, vabereki munogona kuwana mikana yekudzidzisa vana venyu muchishandisa zvinhu zvakasikwa. Onai kuti vamwe vabereki vakazviita sei.

9. Unodzidzei pana Punitha naKatya?

9 Vamwe amai vanonzi Punitha, avo vanogara mune rimwe guta guru muIndia vanoti: “Patinoshanyira hama dzedu dziri kumusha, tinoshandisa nguva iyoyo kubatsira vana vedu kudzidza nezvezvinhu zvakanaka zvakasikwa naJehovha. Ndinoona sekuti vana vangu vanowedzera kunzwisisa zvinhu zvakasikwa kana vasiri mumaguta umo munenge muine vanhu vakawanda uye mota.” Vabereki, pamunoenda nevana venyu kune dzimwe nzvimbo dzinoyevedza, kashoma kuti vazozvikanganwa. Imwe hanzvadzi yekuMoldova inonzi Katya yakati: “Zvinhu zvandinonyanya kuyeuka pandaiva mudiki inguva yataishanya nevabereki vangu kunzvimbo dzisiri mumaguta. Ndinovatenda chaizvo nekundidzidzisa kwavakaita kubva ndichiri mudiki kuti ndiwane nguva yekucherechedza zvinhu zvakasikwa naJehovha uye kuona kuti ndiMwari akaita sei kubva pazvinhu zvaakasika.”

Kunyange muguta, munogona kuwana zvinhu zvakasikwa zvamunogona kushandisa kuti mudzidzise vana venyu nezvaJehovha (Ona ndima 10)

10. Vabereki vangaitei kana vasingakwanisi kuenda kune dzimwe nzvimbo dzisiri mumaguta? (Ona bhokisi rakanzi “ Mazano Ekubatsira Vabereki.”)

10 Ko kana musingakwanisi kumbobuda muguta? Amol, uyo anogarawo kuIndia anoti: “Kwandinogara, vabereki vanoshanda kwemaawa akawanda chaizvo uye kushanya kune dzimwe nzvimbo dzisiri muguta kunoda mari yakawanda. Asi unogona kuona zvinhu zvakasikwa naJehovha uye kutaura nezveunhu hwake paunenge uri mumapaki kana kune dzimwe nzvimbo dzinoyevedza.” Kana mukanyatsotarisa, munogona kuonawo zvinhu zvakasikwa pedyo nepamunogara zvamunogona kuratidza vana venyu. (Pis. 104:24) Munogona kuona shiri, tupukanana, zvirimwa nezvimwewo zvakawanda. Imwe hanzvadzi yekuGermany inonzi Karina inoti: “Amai vangu vanofarira maruva, saka pandaiva mudiki vaindiratidza maruva akanaka tichifamba tese.” Vabereki, munogona kushandisa zvinhu zvakawanda zvinobudiswa nesangano redu zvakadai semavhidhiyo uye mabhuku kuti mudzidzise vana venyu nezvezvinhu zvakasikwa. Pasinei nekwamunogara, munokwanisa kubatsira vana venyu kuti vacherechedze zvinhu zvakasikwa naMwari. Iye zvino ngatikurukurei humwe unhu hwaJehovha hwamunogona kudzidzisa vana venyu.

‘UNHU HWAJEHOVHA HUNONYATSOONEKA’

11. Vabereki vangabatsira sei vana vavo kuti vanzwisise rudo rwaJehovha?

11 Munogona kubatsira vana venyu kuti vanzwisise rudo rwaJehovha nekuvaratidza machengetero anoita mhuka dzakawanda vana vadzo. (Mat. 23:37) Munogona kuvaudzawo zvinhu zvinoyevedza zvakasikwa zvakasiyana-siyana zvinotinakidza. Karina ambotaurwa anoti: “Pataifamba naamai, vaindikurudzira kuti ndimbowana nguva yekuongorora kusiyana kwakaita maruva uye kuti kuyevedza kwawo kunoratidza sei kudiwa kwatinoitwa naJehovha. Iye zvino kwatopera makore, uye ndichiri kuongorora maruva ndichiona kusiyana-siyana kwaakaita. Anoramba achindiyeuchidza nezvekudiwa kwatinoitwa naJehovha.”

Munogona kushandisa masikirwo akaitwa miviri yedu kuti mudzidzise vana venyu nezveuchenjeri hwaMwari (Ona ndima 12)

12. Vabereki vangabatsira sei vana vavo kuti vanzwisise uchenjeri hwaMwari? (Pisarema 139:14) (Onawo mufananidzo.)

12 Batsirai vana venyu kuti vanzwisise uchenjeri hwaMwari. Jehovha ane uchenjeri hwakadzama kupfuura hwedu. (VaR. 11:33) Semuenzaniso, munogona kuudza mwana wenyu kuti mvura inokwira sei mudenga ichinoumba makore uye kuti makore iwayo anofamba sei zviri nyore kubva pane imwe nzvimbo achienda pane imwe. (Job. 38:36, 37) Munogona kutaura nezvemasikirwo anoshamisa akaitwa muviri wemunhu. (Verenga Pisarema 139:14.) Ona kuti vamwe baba vanonzi Vladimir vakazviita sei. Vanoti: “Rimwe zuva mwanakomana wedu akadonha pabhasikoro achibva akuvara. Pashure pemazuva mashoma, ronda racho rakapora. Ini nemudzimai wangu takamutsanangurira kuti Jehovha akasika muviri wedu uchikwanisa kupora wega. Takabva tataura kuti zvinhu zvakadai hazviitiki pazvinhu zvakagadzirwa nevanhu. Semuenzaniso, mota haikwanisi kuzvigadzira yega kana yaita tsaona. Izvi zvakabatsira mwanakomana wedu kuti anzwisise uchenjeri hwaJehovha.”

13. Vabereki vangabatsira sei vana vavo kuti vanzwisise simba raMwari? (Isaya 40:26)

13 Jehovha anotikurudzira kuti tisimudze maziso edu titarise kudenga uye tifunge kuti simba rake rinoshamisa rinoita sei kuti nyeredzi dzese dzirambe dziri munzvimbo yadzo. (Verenga Isaya 40:26.) Munogona kukurudzira vana venyu kuti vatarise mudenga vofunga nezvezvavanenge vachiona. Imwe hanzvadzi inonzi Tingting yekuTaiwan inoyeuka zvakaitika kwairi ichiri mudiki. Inoti: “Ini naamai vangu takaenda kune imwe nzvimbo uye takatarisa mudenga huri usiku ndokuona nyeredzi dzakawanda nekuti taisakanganiswa nechiedza chemumaguta. Panguva iyoyo ndainetseka kuti ndicharamba ndakatendeka here nekuti vandaidzidza navo kuchikoro vaiita kuti zviome kuti nditeerere Jehovha. Amai vangu vakandikurudzira kuti ndifunge nezvesimba raJehovha raakashandisa kusika nyeredzi dzese idzodzo uye kuti ndiyeuke kuti Jehovha anogona kushandisa simba iroro kundibatsira pandinosangana nemuedzo chero upi zvawo. Kuongorora kwatakaita zvinhu zvakasikwa kwakandibatsira kuti ndiwedzere kuda kuziva Jehovha uye kwakasimbisa chido changu chekumushumira.”

14. Vabereki vangashandisa sei zvinhu zvakasikwa kubatsira vana vavo kuti vaone kuti Jehovha ndiMwari anofara?

14 Zvinhu zvakasikwa naJehovha zvinoratidza kuti iye ndiMwari anofara uye anoda kuti tifare. Masaindisti akaona kuti mhuka dzakawanda dzinotamba, kusanganisira shiri nehove. (Job. 40:20) Wakambonzwa vana vako vachiseka here pavaiona mhuka dzichitamba? Zvimwe vakamboona vana vekiti vachitamba nebhora reshinda yekuruka kana kuti tumbwanana tuchitamba. Pamuchanzwazve vana vachiseka pavanenge vachiona mhuka dzichitamba, munogona kubva mavayeuchidza kuti tinoshumira Mwari anofara.—1 Tim. 1:11.

NAKIDZWAI NEZVINHU ZVAKASIKWA NAJEHOVHA MURI PAMWE CHETE SEMHURI

Vana venyu vanogona kunzwa vakasununguka uye vachida kutaura nezvemanzwiro avo pavanenge vachinakidzwa nekuona zvinhu zvakasikwa vainemi (Ona ndima 15)

15. Chii chingabatsira vabereki kuti vana vavo vataure zvavanenge vachifunga? (Zvirevo 20:5) (Onawo mufananidzo.)

15 Dzimwe nguva vabereki vangaomerwa nekuita kuti vana vavo vataure matambudziko avanenge vachisangana nawo. Kana zviri izvo zviri kuitika kwamuri, mungafanira kuita kuti vana venyu vabudise zviri mupfungwa dzavo. (Verenga Zvirevo 20:5.) Vamwe vabereki vanoona zviri nyore kuita izvozvo pavanenge vachinakidzwa nekuona zvinhu zvakasikwa vaine vana vavo. Nei zvakadaro? Chimwe chikonzero ndechekuti panenge pasina zvinhu zvakawanda zvinovhiringidza vabereki nevana vavo. Vamwe baba vekuTaiwan vanonzi Masahiko vanotaura chimwe chikonzero vachiti: “Patinowana nguva yekutandara nevana vedu tichikwira mumakomo kana kuti tichifamba pamahombekombe egungwa, vanowanzonzwa vakasununguka. Zvinobva zvatiitira nyore kuti tivabatsire kubudisa zviri mumwoyo mavo uye tinobva taziva zviri mupfungwa dzavo.” Katya ambotaurwa anoti: “Pandaibva kuchikoro, amai vangu vaienda neni kune imwe paki yakanaka chaizvo. Tiri ikoko takadekara zvedu, zvaindiitira nyore kuvaudza zvinenge zvaitika kuchikoro kana kuti zvinenge zvichindinetsa.”

16. Mhuri dzingaitei kuti dzitandare dzichinakidzwa nezvinhu zvakasikwa naJehovha?

16 Zvinhu zvakasikwa naJehovha zvinogonawo kuita kuti mhuri dzive nemukana wekuva pamwe chete dzichinakidzwa uye izvozvo zvinoita kuti mhuri dziwedzere kubatana. Bhaibheri rinoti pane “nguva yekuseka” “nenguva yekusvetuka-svetuka.” (Mup. 3:1, 4, mashoko emuzasi) Jehovha akasika nzvimbo dzakanaka chaizvo panyika dzatinogona kuita zvinhu zvatinofarira. Dzimwe mhuri dzinoda chaizvo kuva pamwe chete dziri mumapaki, kumamisha, kana mumakomo. Vamwe vana vanofarira kumhanya kana kutamba mupaki, kuona mhuka, kutuhwina murwizi, mudhamu kana mugungwa. Tine mikana yakawanda yekunakidzwa nekuona zvinhu zvakasikwa naJehovha!

17. Nei vabereki vachifanira kubatsira vana vavo kuti vanakidzwe nezvinhu zvakasikwa naMwari?

17 Munyika itsva yaMwari, vabereki nevana vavo vachafadzwa chaizvo nezvinhu zvakasikwa naJehovha zvavasati vamboita. Panguva iyoyo, tinenge tisingachatyi mhuka uye idzo dzinenge dzisingachatityiwo. (Isa. 11:6-9) Tichanakidzwa nezvinhu zvakasikwa naJehovha nekusingaperi. (Pis. 22:26) Asi vabereki, musamirira kuti nguva iyoyo itange yasvika kuti muzobatsira vana venyu kuti vanakidzwe nezvinhu zvakasikwa. Pamunoramba muchishandisa zvinhu zvakasikwa kuti mudzidzise vana venyu nezvaJehovha, vanogona kusvika pakubvumirana nemashoko aMambo Dhavhidhi ekuti: “Haiwa Jehovha, hapana mamwe mabasa akafanana neenyu.”—Pis. 86:8.

RWIYO 134 Vana Makavachengeteswa naMwari

a VaKristu vakawanda vanoyeuka nguva dzinofadza dzavaiva nevabereki vavo vechiKristu vachinakidzwa nekuona zvinhu zvakasikwa. Vanoramba vachiyeuka kuti vabereki vavo vaishandisa sei nguva idzodzo kuti vavadzidzise nezvaJehovha. Kana muine vana, mungashandisa sei zvinhu zvakasikwa kuti muvadzidzise nezvaMwari? Nyaya ino ichapindura mubvunzo iwoyo.