Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 14

“Vese Vachaziva Kuti Muri Vadzidzi Vangu Neizvi”

“Vese Vachaziva Kuti Muri Vadzidzi Vangu Neizvi”

“Vese vachaziva kuti muri vadzidzi vangu neizvi, kana muine rudo pakati penyu.”—JOH. 13:35.

RWIYO 106 Kushanda Kuti Tive Nerudo

ZVICHADZIDZWA a

Vanhu vasiri Zvapupu pavanoona rudo ruri pakati pevanhu vaJehovha vanoti kudii? (Ona ndima 1)

1. Vanhu vakawanda pavanopinda misangano yedu kekutanga vanobayiwa mwoyo nei? (Onawo mufananidzo.)

 CHIMBOFUNGIDZIRA murume nemudzimai vachisvika paImba yeUmambo yeZvapupu zvaJehovha kekutanga muupenyu hwavo. Vanobayiwa mwoyo nekugamuchirwa zvakanaka kwavanoitwa uye nekudanana kunenge kuchiita vanhu vari muungano. Pavanenge vava kudzokera kumba, mudzimai wacho anoudza murume wake kuti, ‘Vanhu ava vakasiyana nevamwe vese vatakamboonana navo. Ndanakidzwa chaizvo nekuva pamwe chete navo.’

2. Nei vamwe vakarega kushumira Jehovha?

2 Rudo ruri muungano yechiKristu runoshamisa. Kunyange zvakadaro, Zvapupu zvaJehovha vanhuwo vanotadza. (1 Joh. 1:8) Saka patinowedzera kuziva vanhu vari muungano tinobva tawedzerawo kuona zvimwe zvinhu zvavanokanganisa. (VaR. 3:23) Zvinosuwisa kuti vamwe pavakaona zvaikanganiswa nevamwe, vakabva vatorega kushumira Jehovha.

3. Vateveri vaJesu vechokwadi vanozivikanwa nei? (Johani 13:34, 35)

3 Tarisa zvakare rugwaro ruri kutungamirira chidzidzo chino. (Verenga Johani 13:34, 35.) VaKristu vechokwadi vanozivikanwa nei? Vanozivikanwa nerudo, kwete nekusakanganisa. Ukatarisa zvakare mashoko acho, Jesu haana kuti: ‘Muchaziva kuti muri vadzidzi vangu neizvi.’ Akati: “Vese vachaziva kuti muri vadzidzi vangu neizvi.” Saka zvakataurwa naJesu zvairatidza kuti vanhu vari muungano nevari kunze kweungano yechiKristu vaizoziva vateveri vake vechokwadi nekudanana kwavanoita.

4. Vamwe vanhu vangada kuzivei nezvevaKristu vechokwadi?

4 Vamwe vanhu vasiri Zvapupu zvaJehovha vanogona kuva nemubvunzo wekuti: ‘Rudo runobatsira sei pakuratidza zvakaita vateveri vaJesu vechokwadi? Jesu akaratidza sei kuti aida vaapostora vake? Tingatevedzerawo sei zvaiitwa naJesu?’ Zvakanaka kuti Zvapupu zvifunge nezvemibvunzo iyoyo. Kuita izvi kunogona kutibatsira kuti tiwedzere kuratidza rudo kunyanya kana tikakanganisirwa nevamwe.—VaEf. 5:2.

NEI RUDO RUCHIITA KUTI TIZIVE VATEVERI VAJESU VECHOKWADI?

5. Mashoko akataurwa naJesu ari pana Johani 15:12, 13, anorevei?

5 Jesu akaratidza kuti vateveri vake vaizoratidzana rudo rwakadzama chaizvo. (Verenga Johani 15:12, 13.) Akaudza vadzidzi vake kuti: “Mudanane sekuda kwandakakuitai.” Jesu airevei? Mutsanangudzo yaakataura, Jesu aireva rudo rwekuzvipira; rudo runoita kuti muKristu asvike pakufira mumwe wake. b

6. Shoko raMwari rinoratidza sei kuti rudo rwakakosha?

6 Shoko raMwari rinodzidzisa kuti rudo runokosha. Pamavhesi anofarirwa nevanhu vakawanda, mamwe acho ndeaya: “Mwari rudo.” (1 Joh. 4:8) “Ida muvakidzani wako sezvaunozviita.” (Mat. 22:39) “Rudo runovhara zvivi zvizhinji.” (1 Pet. 4:8) “Rudo harumboperi.” (1 VaK. 13:8) Mavhesi aya nemamwe anoratidza kuti zvinokosha chaizvo kuti tide vamwe.

7. Nei Satani asingakwanisi kudzidzisa vanhu kuti vadanane uye vabatane?

7 Vanhu vakawanda vanobvunza kuti: ‘Ndingaziva sei chitendero chechokwadi? Zvitendero zvese zvinoti zvinodzidzisa chokwadi, asi zvavanodzidzisa nezvaMwari zvakasiyana.’ Satani akaita kuti pave nezvitendero zvenhema zvakawanda, uye izvi zvinobva zvaomera vanhu kuti vazive chitendero chechokwadi. Asi haambofi akaita kuti pave nesangano rinowanikwa pasi rese revaKristu vanodanana. Jehovha ndiye ega anozvigona. Tinoziva izvozvo nekuti rudo runobva kuna Jehovha. Saka vanhu vane mweya waJehovha uye vaanokomborera ndivo chete vanogona kuva nerudo rwechokwadi pakati pavo. (1 Joh. 4:7) Ndosaka Jesu akati vadzidzi vake ndivo vaizoratidza rudo rwechokwadi rwekuzvipira.

8-9. Vakawanda vakanzwa sei pavakaona rudo ruri pakati peZvapupu zvaJehovha?

8 Sezvakanga zvataurwa naJesu, vanhu vakawanda vari kuziva vateveri vake vechokwadi nekudanana kwavanoita. Semuenzaniso, imwe hama inonzi Ian inoyeuka gungano rekutanga rayakapinda rakaitirwa munhandare yaiva pedyo nepayaigara. Mwedzi mishoma yakanga yapfuura Ian akanga amboenda kunhandare iyi achinoona mutambo waiitwa imomo. Anoti: ‘Maitiro evanhu vaiva pagungano iri akanga akasiyana zvachose neevanhu vakanga vauya kumutambo. Zvapupu zvacho zvaiva neunhu hwakanaka, zvakapfeka zvakanaka uye vana vacho vakanga vakadzikama.’ Anowedzera kuti: “Ndakanyanya kufadzwa nekuti vanhu vacho vairatidza kugutsikana uye vaiva nerugare, zvinova ndizvo zvandaida chaizvo. Handina kana hurukuro yandinoyeuka yakapiwa musi iwoyo, asi unhu hweZvapupu zvacho ndihwo hwakandibaya mwoyo.” c Kudanana kwatinoita ndiko kunoita kuti tiite zvinhu zvakadaro. Kuda kwatinoita hama nehanzvadzi dzedu ndiko kunoita kuti tivabate zvakanaka uye tivaremekedze.

9 Imwe hama inonzi John yakabayiwawo mwoyo payakatanga kupinda misangano yeungano. Yakati: ‘Ndakayemura ushamwari hwemunhu wese aivapo. Ndaitovaona sevasande chaivo. Rudo rwavakandiratidza nemwoyo wese rwakaita kuti ndive nechokwadi chekuti ndakanga ndawana chitendero chechokwadi.’ d Zvakataurwa nevaviri ava nevamwewo vakawanda zvinoratidza kuti vanhu vaJehovha ndivo vaKristu vechokwadi.

10. Ndepapi patinowana mukana wekuratidza rudo rwechiKristu? (Onawo mashoko emuzasi.)

10 Sezvambotaurwa patangira nyaya ino, pakati pedu hapana munhu asingatadzi. Rimwe zuva, imwe hama kana imwe hanzvadzi ichaita kana kutaura chimwe chinhu chinotigumbura. e (Jak. 3:2) Izvozvo pazvinoitika, tinogona kuratidza kuti tinoda hama nehanzvadzi dzedu nezvatinoita kana kuti zvatinotaura. Zvii zvatingadzidzawo kuna Jesu kana tikatadzirwa?—Joh. 13:15.

JESU AKARATIDZA SEI KUTI AIDA VAAPOSTORA VAKE?

Jesu akaramba achiratidza rudo kuvaapostora vake pasinei nekuti vaikanganisa (Ona ndima 11-13)

11. Unhu hupi husina kunaka hwakaratidzwa naJakobho naJohani? (Onawo mufananidzo.)

11 Jesu akanga asingatarisiri kuti vateveri vake vasakanganisa. Aitovabatsira kuti vagadzirise unhu hwakaipa hwavaiva nahwo kuitira kuti varambe vachifarirwa naJehovha. Rimwe zuva, vaapostora vaviri, Jakobho naJohani vakaudza amai vavo kuti vavakumbirire kuna Jesu zvinzvimbo zvepamusoro muUmambo. (Mat. 20:20, 21) Jakobho naJohani vakanga vachiratidza kuti vaiva vanhu vaizvikudza uye vaida zvinzvimbo.—Zvir. 16:18.

12. Jakobho naJohani ndivo vega here vakaratidza unhu husina kunaka? Tsanangura.

12 Jakobho naJohani havasi ivo vega vakaratidza unhu husina kunaka musi iwoyo. Ona zvakaitwa nevamwe vaapostora: “Vamwe gumi pavakazvinzwa, vakatsamwira mukoma nemunin’ina ava.” (Mat. 20:24) Chimbofungidzira kupopotedzana kwakaitika pakati paJakobho, Johani nevamwe vaapostora. Zvimwe vamwe vakati: ‘Munoda kuzviita vanaani imimi kukumbira zvinzvimbo zvepamusoro muUmambo? Handimi mega manga muchishanda naJesu. Tese tinongokodzerawo kuwana zvinzvimbo izvozvo.’ Pasinei nezvavakataura kana kuti zvavakafunga, zvakaitika musi uyu zvakambokanganisa kudanana kwavaiita.

13. Jesu akaita sei vaapostora vake pavakakanganisa? (Mateu 20:25-28)

13 Jesu akaita sei nezvakanga zvaitika izvi? Haana kuvagumbukira. Haana kuvaudza kuti aizotsvaga vamwe vaapostora vari nani, varume vaizvininipisa uye vaigara vachidanana. Asi akavaitira mwoyo murefu achibva ataura navo zvakanakanaka nekuti aiziva kuti mumwoyo mavo vaida kuita zvakanaka. (Verenga Mateu 20:25-28.) Jesu akaramba achivabata zvakanaka, achivaratidza rudo kunyange zvazvo vakaramba vachiitirana nharo panyaya yekuti mukuru ndiani.—Mako 9:34; Ruka 22:24.

14. Vaapostora vaJesu vakakurira munharaunda yakaita sei?

14 Zviri pachena kuti Jesu akafunga nezvemakuriro akaita vaapostora ava. (Joh. 2:24, 25) Vakakurira munharaunda yaiva nevatungamiriri vezvitendero vaikoshesa nyaya yekuva nemukurumbira uye zvinzvimbo. (Mat. 23:6; unogona kuona vhidhiyo yakanzi The Front Seats in the Synagogue iri muBhaibheri reChirungu rekudzidza pastudy note iri pana Mateu 23:6.) Vatungamiriri vezvitendero vechiJudha vaizviona sevanhu vakarurama. f (Ruka 18:9-12) Jesu aiziva kuti kukurira munharaunda ine vanhu vane mafungiro akadaro kwaigona kukanganisa maonero aiita vaapostora vamwe vanhu, uyewo avaizviita. (Zvir. 19:11) Aiziva kuti vaapostora vanhuwo vanotadza uye aivaitira mwoyo murefu pavaikanganisa. Aizivawo kuti mumwoyo mavo vaida kuita zvakanaka, saka aivaitira mwoyo murefu achivadzidzisa kuti varambe vachizvininipisa uye varatidze vamwe rudo pane kuedza kuda kuratidza kuti mukuru pane vese ndiani.

TINGATEVEDZERA SEI MUENZANISO WAJESU?

15. Tinodzidzei pane zvakaitika kuna Jakobho, Johani, nevamwe vaapostora?

15 Tine zvakawanda zvatinogona kudzidza kubva kune zvakaitika kuna Jakobho naJohani. Vakakanganisa nekukumbira kwavakaita Jesu zvinzvimbo zvepamusoro muUmambo. Vamwe vaapostora 10 vakakanganisawo nekuti havana kuita zvinhu zvakaita kuti varambe vakabatana. Kunyange zvakadaro, Jesu akaramba achivada vese vari 12. Tinodzidzei? Ichokwadi kuti vamwe vanogona kukanganisa, asi zvatinozoita kana vakanganisa zvine basawo. Chii chingatibatsira? Kana tikagumburwa nemumwe munhu watinonamata naye, tinogona kuzvibvunza kuti: ‘Nei ndiri kurwadziwa zvakanyanya nezvaaita? Kurwadziwa kwandiri kuita uku hakungadaro kuri kutoratidza kuti ndine unhu hwandiri kufanira kugadzirisa here? Kungava here kuti munhu uyu andigumbura ane zviri kumunetsa? Kunyange ndiine chikonzero chine musoro chekuti ndigumbuke, ndinokwanisa here kuratidza rudo, ndobva ndangoregerera munhu wacho?’ Kana tikawedzera kuda vamwe tinenge tichiratidza kuti tiri vateveri vaJesu vechokwadi.

16. Ndezvipi zvimwe zvatinodzidza kubva pane zvakaitwa naJesu?

16 Zvakaitwa naJesu zvinotidzidzisa kuti tiedze kunzwisisawo vamwe vatinonamata navo. (Zvir. 20:5) Jesu aikwanisa kuona zviri mumwoyo memunhu. Isu hatikwanisi. Asi tinogona kuva nemwoyo murefu nehama nehanzvadzi dzedu padzinotitadzira. (VaEf. 4:1, 2; 1 Pet. 3:8) Zviri nyore kuti tiite izvozvo kana tikawedzera kunzwisisa uye kuziva hama dzedu. Funga nezvemuenzaniso unotevera.

17. Mumwe mutariri wedunhu akabatsirwa sei paakaedza kuzivana neimwe hama?

17 Mumwe mutariri wedunhu wekuEast Africa anoyeuka nezveimwe hama yaaiona sekunge kuti ine unhu husina kunaka. Mutariri wedunhu uyu akaita sei? Akati: ‘Pane kuti nditambire kure naye ndakasarudza kuti ndive pedyo naye ndiwedzere kumuziva.’ Nekufamba kwenguva, mutariri wedunhu uyu akazoona kuti makuriro akaita hama iyi ndiwo akanga aita kuti ive neunhu uhwu hwayaiva nahwo. Mutariri wedunhu wacho akaenderera mberi achiti: “Pandakanzwisisa kushanda nesimba kwakanga kwaita hama iyi kuti ichinje unhu hwayo uye kuti yakanga yasvika papi, ndakabva ndawedzera kuida. Takazova shamwari.” Saka kana tikaedza kunzwisisa hama nehanzvadzi dzedu, kakawanda kacho zvinotiitira nyore kuti tidziratidze rudo.

18. Mibvunzo ipi yatinogona kuzvibvunza kana tikatadzirwa nemumwe watinonamata naye? (Zvirevo 26:20)

18 Dzimwe nguva kana tikakanganisirwa nemunhu watinonamata naye tinonzwa tichida kuenda kunotaura naye. Asi zvakanaka kuti titange kuzvibvunza kuti: ‘Ndiri kunyatsonzwisisa zvese zvine chekuita nenyaya yacho here?’ (Zvir. 18:13) ‘Hakungavi here kuti akandirwadzisa asingazivi?’ (Mup. 7:20) ‘Ini wacho handinawo here kumboita zvinhu zvakadaro?’ (Mup. 7:21, 22) ‘Kana ndikaenda kwaari, nyaya yacho haitozowedzeri kukura here?’ (Verenga Zvirevo 26:20.) Patinozvipa nguva yekufunga mibvunzo iyi, tinogona kupedzisira taona kuti kuda kwatinoita hama yedu kunogona kuita kuti tingosiyana nenyaya yacho.

19. Zvii zvaunoda kuramba uchiita?

19 Zvapupu zvaJehovha zvinonyatsoratidza kuti ndizvo vateveri vaJesu vechokwadi nekudanana kwazvinoita. Mumwe nemumwe wedu anoratidza kuti muteveri waJesu wechokwadi nekuratidza rudo rwakadzama kuhama nehanzvadzi dzedu pasinei nekuti dzinombokanganisa. Patinoratidza rudo urwu rwechokwadi, tinenge tichibatsirawo vamwe kuti vazive chitendero chechokwadi, vobatana nesu pakushumira Jehovha, Mwari ane rudo. Ngatirambei tichiratidza rudo runoita kuti tizivikanwe sevaKristu vechokwadi.

RWIYO 17 “Ndinoda”

a Vanhu vakawanda vanoda kuziva zvakawanda nezvaJehovha uye Shoko rake nekuti vanoona kuti tinodanana zvechokwadi. Asi nemhaka yechivi chatiinacho, dzimwe nguva tinombotadza kuratidzana rudo. Tinoda kuona kuti nei rudo ruchikosha uye kuti tingatevedzera sei Jesu pane zvatinoita kana vamwe vakanganisa.

c Ona nyaya yakanzi Upenyu Hwangu Hwava Nechinangwa,” iri muNharireyomurindi yaNovember 1, 2012, mapeji 13-14.

d Ona nyaya yakanzi Zvaiita Sokuti Upenyu Hwangu Hwaingondifambira Zvakanaka,” iri muNharireyomurindi yaMay 1, 2012, mapeji 18-19.

e Nyaya ino haisi kutaura nezvezvivi zvakakura zvinofanira kuudzwa vakuru zvakadai sezvinotaurwa pana 1 VaKorinde 6:9, 10.

f Zvinonzi mumwe rabhi akati: “Panyika yese pangori nevanhu vanenge 30 vakarurama sezvaiva zvakaita Abrahamu. Kana kuri kuti i30, ini nemwanakomana wangu ndisu vamwe vacho, kana vari 10, ini nemwanakomana wangu ndisu vamwe vacho, kana vari 5, ini nemwanakomana wangu ndisu vamwe vacho, kana vari 2, ndini nemwanakomana wangu, asi kana ari 1, ndini.”