Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 11

Zvaungaita Kuti Ugadzirire Kubhabhatidzwa

Zvaungaita Kuti Ugadzirire Kubhabhatidzwa

“Chii chinganditadzisa kubhabhatidzwa?”—MAB. 8:36.

RWIYO 50 Munyengetero Wangu Wekuzvitsaurira

ZVICHADZIDZWA a

Pasi rese, vakuru nevadiki vari kufambira mberi uye vari kubhabhatidzwa (Ona ndima 1-2)

1-2. Kana usati wagadzirira kubhabhatidzwa, nei usingafaniri kuora mwoyo? (Ona mufananidzo uri pakavha.)

 KANA uchida kubhabhatidzwa, une chinangwa chakanaka. Wagadzirira here kutora danho iroro iye zvino? Kana uchiona wagadzirira uye vakuru vachibvumirana nazvo, usazeza kubhabhatidzwa. Kana ukabhabhatidzwa uchava neupenyu hunogutsa mubasa raJehovha.

2 Asi wakamboudzwa here kuti pane zvimwe zvinhu zvauchiri kufanira kuita kuti ukodzere kubhabhatidzwa? Kana kuti wakatoona wega pauri kufanira kugadzirisa. Kana zviri izvo, usaora mwoyo. Unogona kushanda nesimba kuti uzosvika padanho iroro rinokosha, pasinei nekuti uri mudiki kana kuti wakura.

“CHII CHINGANDITADZISA?”

3. Mukuru mukuru wekuItiopiya akabvunza Firipi kutii, uye mubvunzo upi unovapo? (Mabasa 8:36, 38)

3 Verenga Mabasa 8:36, 38. Mukuru mukuru wekuItiopiya akabvunza Firipi muevhangeri kuti: “Chii chinganditadzisa kubhabhatidzwa?” Murume uyu wekuItiopiya aida kubhabhatidzwa, asi akanga anyatsogadzirira here kutora danho iri rinokosha?

Mukuru mukuru wekuItiopiya aida kuramba achidzidza nezvaJehovha (Ona ndima 4)

4. Murume wekuItiopiya akaratidza sei kuti aida kuramba achidzidza?

4 Murume uyu wekuItiopiya “akanga aenda kuJerusarema kunonamata.” (Mab. 8:27) Saka kunenge kuti akanga ava kupinda chitendero chechiJudha. Zviri pachena kuti akanga adzidza nezvaJehovha kubva muzvinyorwa zvitsvene zveMagwaro echiHebheru. Kunyange zvakadaro, aida kudzidza zvakawanda. Firipi paakaona mukuru mukuru iyeye mumugwagwa, murume wacho aiitei? Aiverenga gwaro remuprofita Isaya. (Mab. 8:28) Izvozvo zvaiva zvekudya zvikukutu. Mukuru mukuru uyu aisangogutsikana nekuziva zvinhu zvishoma; asi aida kuramba achidzidza.

5. Murume wekuItiopiya akaitei nezvaakadzidza?

5 Murume wacho aiva nechinzvimbo chepamusoro achishandira Mambokadzi Kandase wekuItiopiya, uye “aichengeta pfuma yake yese.” (Mab. 8:27) Saka anofanira kunge aiva nemabasa akawanda aaiita. Asi akazvipa nguva yekunamata Jehovha. Aisangogutsikana nekudzidza chokwadi; aishandisa zvaaidzidza. Ndosaka akaita rwendo rurefu achibva kuItiopiya kuti anonamata Jehovha kutemberi yaiva kuJerusarema. Rwendo irworwo runofanira kunge rwakatora nguva yakareba uye mari yakawanda, asi murume uyu aida kunamata Jehovha pasinei naizvozvo.

6-7. Murume wekuItiopiya akaitei kuti arambe achiwedzera kuda Jehovha?

6 MuItiopiya wacho akadzidza zvimwe zvinhu zvitsva kuna Firipi, izvo zvaisanganisira kuti Jesu ndiye aiva Mesiya. (Mab. 8:34, 35) Mukuru mukuru uyu akabayiwa mwoyo paakadzidza zvaakanga aitirwa naJesu. Akaitei paakadzidza zvinhu izvi? Aigona kuramba ari munhu anoremekedzwa muchitendero chechiJudha. Asi kuda kwaaiita Jehovha neMwanakomana wake Jesu kwakawedzera. Akasvika pakuita chisarudzo chinokosha chekubhabhatidzwa ndokuva muteveri waJesu Kristu. Firipi paakaona kuti murume uyu akanga agadzirira, akabva amubhabhatidza.

7 Kana ukatevedzera zvakaitwa nemuItiopiya, unogona kugadzirira kubhabhatidzwa. Unogonawo kutaura nechivimbo kuti, “Chii chinganditadzisa kubhabhatidzwa?” Ngationewo zvaungaita kuti utore matanho akatorwa nemurume uyu wekuItiopiya anoti: Akaramba achidzidza, aishandisa zvaainge adzidza, uye akaramba achiwedzera kuda Mwari.

RAMBA UCHIDZIDZA

8. Maererano naJohani 17:3 uye mashoko emuzasi unofanira kuitei?

8 Verenga Johani 17:3 uye mashoko emuzasi. Mashoko aya aJesu akaita kuti usarudze kudzidza Bhaibheri here? Izvozvo ndizvo zvakaitika kune vakawanda vedu. Asi mashoko iwayo anotikurudzirawo here kuti tirambe tichidzidza? Ehe. Ticharamba tichiwana “ruzivo . . . pamusoro paMwari mumwe chete wechokwadi.” (Mup. 3:11) Ticharamba tichidzidza nekusingaperi. Patinoramba tichidzidza, tinoramba tichiswedera pedyo naJehovha.—Pis. 73:28.

9. Tinofanira kuitei pashure pekunge tadzidza dzidziso dzekutanga dzeBhaibheri?

9 Kudzidza nezvaJehovha kunotangira pakuziva dzidziso dzekutanga. Mutsamba yaakanyorera vaHebheru, muapostora Pauro akataura nezvadzo achiti “zvinhu zvekutanga.” Akanga asiri kuti dzidziso idzi hadzikoshi, asi aidzifananidza nemukaka uyo unoita kuti mucheche akure. (VaH. 5:12; 6:1) Aikurudzirawo vaKristu vese kuti vasangogumira padzidziso dzekutanga asi kuti vazive dzidziso dzakadzama dzeShoko raMwari. Une chido chekudzidza zvinhu zvakadzama zviri muBhaibheri here? Unoda kuramba uchikura, uchiramba uchidzidza nezvaJehovha uye zvinangwa zvake here?

10. Nei vamwe vachiona kudzidza riri basa chairo?

10 Vakawanda vedu vanoona kudzidza riri basa chairo. Iwe unokuonawo sei? Pawaiva kuchikoro, wakadzidza kuverenga uye kunzwisisa zvawaiverenga here? Zvaikunakidza uye zvaikubatsira here? Kana kuti wakasvika pakuona kuti zvemabhuku hazvisi zvako here? Kana zvakadaro, ziva kuti zvinoitika kuvanhu vakawanda. Asi Jehovha anogona kukubatsira. Haana chaanotadza uye hakuna mumwe mudzidzisi anomupfuura.

11. Jehovha anoratidza sei kuti ndiye ‘Murayiridzi Mukuru’?

11 Jehovha anozvidana kuti “Murayiridzi wenyu Mukuru.” (Isa. 30:20, 21) Iye Mudzidzisi ane mwoyo murefu, ane mutsa uye anonzwisisa. Anotarisa zvakanaka pavadzidzi vake uye haatarisiri kuti tiite zvakawanda kupfuura zvatinokwanisa. (Pis. 130:3) Yeuka kuti akasika pfungwa dzedu nenzira inoshamisa. (Pis. 139:14) Tinoberekwa tiine chido chekudzidza. Musiki wedu anoda kuti tirambe tichidzidza nekusingaperi, uye tichinakidzwa nekuita izvozvo. Saka tinoratidza kuti takachenjera kana tikava ‘nenzara’ yechokwadi cheBhaibheri iye zvino. (1 Pet. 2:2) Iva nezvinangwa zvaunokwanisa kuzadzisa, uye ramba uchitevedzera purogiramu yako yekudzidza Bhaibheri uye kuriverenga. (Josh. 1:8) Uchibatsirwa naJehovha, uchawedzera kunakidzwa nekuverenga uye kudzidza nezvake.

12. Nei tichifanira kudzidza nezveupenyu hwaJesu uye ushumiri hwake?

12 Gara uchiwana nguva yekufungisisa nezveupenyu hwaJesu uye ushumiri hwake. Kutevera kwatinoita Jesu tichitsika nemaakatsika namo kunokosha chaizvo pakushumira kwatinoita Jehovha kunyanya munguva dzino dzakaoma. (1 Pet. 2:21) Jesu akaudza vadzidzi vake kuti vaizosangana nematambudziko. (Ruka 14:27, 28) Kunyange zvakadaro, aiva nechivimbo chekuti vateveri vake vechokwadi vaizoramba vakatendeka kuna Mwari, sezvaakaita. (Joh. 16:33) Dzidza zvakawanda nezveupenyu hwaJesu, uye ronga zvaunoda kuita kuti umutevedzere zuva nezuva.

13. Chii chaunofanira kuramba uchikumbira Jehovha, uye nei uchifanira kudaro?

13 Ruzivo rwega haruna kukwana. Ruzivo runokosha pakuti runokubatsira kudzidza zvakawanda nezvaJehovha uye kuti usvike pakumuda uye utende maari. (1 VaK. 8:1-3) Paunoramba uchidzidza, ramba uchikumbira Jehovha kuti akubatsire kuti uwedzere kuva nekutenda. (Ruka 17:5) Anopindura minyengetero yakadaro. Kutenda kwechokwadi uko kunobva paruzivo rwakarurama nezvaMwari wedu kuchakubatsira kuti ufambire mberi.—Jak. 2:26.

RAMBA UCHISHANDISA ZVAUNODZIDZA

Mafashamo asati aitika, Noa nemhuri yake vakaita maererano nezvavakanga vadzidza (Ona ndima 14)

14. Muapostora Petro akaratidza sei kukosha kwazvinoita kuti tishandise zvatinodzidza? (Onawo mufananidzo.)

14 Muapostora Petro akaratidza kukosha kwazvinoita kuti vateveri vaKristu varambe vachishandisa zvavanodzidza. Akataura nezvenyaya yemuBhaibheri yaNoa. Jehovha akaudza Noa kuti aizoparadza vanhu vakaipa vepanguva iyoyo achishandisa mafashamo. Kungoziva kuti mafashamo akanga achiuya handiko kwega kwaizoponesa Noa nemhuri yake. Ona kuti Petro akataura nezvenguva ‘yaivakwa Areka’ mafashamo asati auya. (1 Pet. 3:20) Noa nemhuri yake vakaita maererano nezvavainge vaudzwa naMwari ndokuvaka areka, iyo yaiva ngarava hombe. (VaH. 11:7) Petro akabva azofananidza zvakaitwa naNoa nerubhabhatidzo paakanyora kuti: “Rubhabhatidzo, urwo rwakafanana neizvi, rwuri kukuponesaiwo zvino.” (1 Pet. 3:21) Saka tinogona kufananidza basa rauri kuita iye zvino uchigadzirira kuzobhabhatidzwa nebasa rakaitwa naNoa nemhuri yake kwemakore vachivaka areka. Ibasa ripi raunofanira kuita kuti ugadzirire kuzobhabhatidzwa?

15. Kupfidza kwechokwadi kunosanganisirei?

15 Chimwe chezvinhu zvekutanga zvatinofanira kuita kunyatsopfidza zvivi zvedu. (Mab. 2:37, 38) Kupfidza kwechokwadi kunoita kuti munhu anyatsochinja maitiro ake. Wakasiyana nemaitiro asingafadzi Jehovha here, akadai sekuita unzenza, kuputa fodya, uye kutaura mashoko ekuti vanhu vanoshaya pekutarisa kana kuti ekutuka? (1 VaK. 6:9, 10; 2 VaK. 7:1; VaEf. 4:29) Kana uchiri kuita zvinhu zvakadai, shanda nesimba kuti usiyane nazvo. Taura nemunhu ari kudzidza newe Bhaibheri kana kuti kumbira vakuru vemuungano kuti ubatsirwe. Kana uchiri wechidiki uye uchiri kugara pamba, kumbira vabereki vako kuti vakubatsire kuti usiyane nemaitiro akaipa angangodaro ari kukutadzisa kubhabhatidzwa.

16. Purogiramu yekunamata yakanaka inosanganisirei?

16 Zvinokoshawo kuti uve nepurogiramu yakanaka yekunamata yaunotevedzera. Izvi zvingasanganisira kupinda misangano yechiKristu uye kuvawo nezvaunoita pamisangano yacho. (VaH. 10:24, 25) Uye kana wava kukodzera kuparidza, gara uchizviita. Paunoramba uchiita basa iri rinoponesa upenyu, uchawedzerawo kunakidzwa naro. (2 Tim. 4:5) Kana uri wechidiki uye uchiri kugara pamba, zvibvunze kuti: ‘Vabereki vangu vanotofanira kundiyeuchidza kuti ndipinde misangano kana kubuda muushumiri here? Kana kuti ndinozvifungira ndega here?’ Paunoita zvinhu izvi wega, unenge uchiratidza kuti une kutenda, unoda Jehovha Mwari uye unoonga zvaanokuitira. Iwayo “mabasa ekuzvipira kuna Mwari,” zvipo zvaunopa Jehovha. (2 Pet. 3:11; VaH. 13:15) Zvipo zvese zvatinopa pachena uye tisingamanikidzwi zvinofadza Mwari wedu. (Enzanisa na2 VaKorinde 9:7.) Tinoita zvinhu izvi nekuti tinofadzwa nekupa Jehovha zvinhu zvedu zvakanakisisa.

RAMBA UCHIWEDZERA KUDA JEHOVHA

17-18. Unhu hupi hunokosha huchakubatsira kuti ufambire mberi kusvika pakubhabhatidzwa, uye huchakubatsira sei? (Zvirevo 3:3-6)

17 Paunoramba uchifambira mberi kuti uzobhabhatidzwa, uchasangana nematambudziko. Vamwe vanhu vanogona kukuseka nemhaka yechitendero chako chitsva; uye vanogona kutokupikisa kana kukutambudza. (2 Tim. 3:12) Paunenge uchishanda nesimba kuti urege mamwe maitiro asina kunaka, dzimwe nguva unogona kumbokundikana woita zvinhu izvozvo zvisina kunaka. Kana kuti unogona kushaya mwoyo murefu woneta nekuti unoona sekuti uchiri kure nekuzadzisa chinangwa chako. Chii chingakubatsira kuti utsungirire? Kuda kwaunoita Jehovha.

18 Pazvinhu zvese zvakanaka zvaunoitira Jehovha, hapana chinopfuura kumuda. (Verenga Zvirevo 3:3-6.) Kuda Mwari zvakadzama kunogona kukubatsira kuti utsungirire matambudziko eupenyu. Bhaibheri rinotaura kakawanda nezverudo rwaJehovha rusingachinji rwaanoratidza vashumiri vake. Rudo rwakadai rwunoratidza kuti Jehovha haazombosiyi vashumiri vake, kana kurega kuvada. (Pis. 100:5) Wakasikwa nemufananidzo waMwari. (Gen. 1:26) Ungaratidza sei rudo rwakadaro?

Mazuva ese unogona kutenda Jehovha nezvaanokuitira (Ona ndima 19) b

19. Ungaitei kuti uwedzere kutenda zvese zvawakaitirwa naJehovha? (VaGaratiya 2:20)

19 Tanga nekuva munhu anotenda zvaanoitirwa. (1 VaT. 5:18) Zuva nezuva, zvibvunze kuti, ‘Jehovha aratidza sei kuti anondida?’ Chibva wava nechokwadi chekuti watenda Jehovha muminyengetero yako, uchitaura zvacho zvaanenge akuitira. Nzwisisa kuti Jehovha anokuitira zvakanaka nekuti anokuda. Muapostora Pauro aizivawo izvozvo nezvaJehovha. (Verenga VaGaratiya 2:20.) Zvibvunze kuti, ‘Izvi zvinoita kuti ndinzwe ndichida Jehovha here?’ Kuda kwaunoita Jehovha kuchakubatsira kuti urambe uchikunda miedzo uye kuti ukwanise kutsungirira matambudziko. Kuchaita kuti urambe uchitevedzera purogiramu yako yekunamata, uchiratidza zuva nezuva kuti unoda Baba vako.

20. Kuzvitsaurira kuna Jehovha kunoitwa sei, uye chisarudzo ichocho chakakosha zvakadii?

20 Nekufamba kwenguva, kuda kwaunoita Jehovha kuchaita kuti upe munyengetero unokosha chaizvo, wezvitsaurira kuna Mwari. Yeuka kuti kana wangozvitsaurira kuna Jehovha, unenge wava nemukana wakazonaka wekuva wake nekusingaperi. Paunozvitsaurira kuna Jehovha, unenge uchimuvimbisa kuti uchamushumira panguva dzakanaka uye panguva dzakaoma. Hauzofaniri kuita vimbiso iyoyo zvakare. Patinozvitsaurira, tinenge tichitora danho rakakosha. Asi funga izvi: Uchaita zvisarudzo zvakawanda muupenyu hwako, zvimwe zvichange zvakanaka chaizvo, asi hapana chisarudzo chakanaka chaungaita chingapfuura kutsaurira upenyu hwako kuna Jehovha. (Pis. 50:14) Satani achaedza kukanganisa kuda kwaunoita Baba vako, achifunga kuti uchatadza kuramba wakaperera kwavari. Usamurega achikunda! (Job. 27:5) Kuda kwaunoita Jehovha zvakadzama kuchakubatsira kurarama maererano nekuzvitsaurira kwako uye uchawedzera kuswedera pedyo naBaba vako vekudenga.

21. Nei tichiti kubhabhatidzwa hakusi kuti wazvipedza asi kuti atori mavambo?

21 Pashure pekunge wazvitsaurira kuna Jehovha, taura nevakuru vari muungano yenyu nezvedanho rinokosha rawava kuda kutora. Gara uchiyeuka kuti kubhabhatidzwa hakusi kuti wazvipedza asi kuti atori mavambo. Kubhabhatidzwa kunoita kuti utange upenyu hwekushumira Jehovha nekusingaperi. Saka wedzera kuda kwaunoita Baba vako iye zvino. Iva nezvinangwa zvichakubatsira kuti kuda kwaunoita Jehovha kuwedzere zuva nezuva. Izvi zvichakubatsira kuti usvike pakubhabhatidzwa. Iroro richava zuva rinofadza chaizvo. Asi aya anongova mavambo. Dai kuda kwaunoita Jehovha neMwanakomana wake kukaramba kuchiwedzera nekusingaperi!

RWIYO 135 Chikumbiro chaJehovha Cherudo: “Mwanangu Iva Akachenjera”

a Kana tichida kuti tizokodzera kubhabhatidzwa, tinofanira kuva nevavariro yakanaka. Tinofanirawo kuita zvinhu zvakarurama. Munyaya ino tichashandisa muenzaniso wemukuru mukuru wekuItiopiya, kuti tione zvinofanira kuitwa nemudzidzi weBhaibheri kuti azokodzera kubhabhatidzwa.

b KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Hanzvadzi yechidiki iri kunyengetera kuna Jehovha ichitenda zvayakaitirwa naye.