Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvaungaita Pakudzidza

Zvaungaita Pakudzidza

Kushandisa Zvakanaka Chikamu Chakanzi “What’s New”

Chikamu chakanzi “What’s New” chiri paJW Library uye chakanzi “Ndezvipi Zvitsva” chiri pajw.org chinoratidza zvinhu zvinenge zvichangobudiswa. Ungashandisa sei chikamu ichi kuti uwane zvitsva zvinenge zvichangobuda?

JW Library

  • Nyaya imwe neimwe inobuda inoiswa pachikamu chinoenderana nayo pazvikamu zvakanzi Article Series. Saka kana pazvikamu izvi pakava nenyaya itsva, unogona kuidhaunirodha. Unogona kuverenga nyaya yacho iyo inenge iri pamusoro pedzimwe nyaya dzinenge dzakarongwa maererano nemusi wadzakaiswa.

  • Ungasakwanisa kuverenga uchipedza panguva imwe chete zvimwe zvinhu zvinenge zvakareba zvakadai semagazini. Kuti ukwanise kuziva zvaunenge usati wapedza kuverenga, unogona kuisa magazini yacho pakanzi Favorites wozoibvisa kana wapedza kuiverenga.

JW.ORG

Zvimwe zvinhu zvakadai senhau uye zviziviso, zvinongobuda pajw.org kwete paJW Library. Yeuka kugara uchitarisa pakanzi “Ndezvipi Zvitsva” kuti uone nyaya dzinenge dzichangobudiswa.