Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

PFUNGWA YEMUBHAIBHERI

‘Kuregerera Zvivi Zvakaitika Kare’

‘Kuregerera Zvivi Zvakaitika Kare’

Zvivi zvedu zvinokwanisa kungoregererwa chete kuburikidza nechibayiro cherudzikinuro chakabhadharwa naJesu achishandisa ropa rake. (VaEf. 1:7) Asiwo Bhaibheri rinoti: “Mwari, nemwoyo murefu wake, akaregerera zvivi zvakaitika kare” kureva zvivi zvakaitika Jesu asati apa upenyu hwake serudzikinuro. (VaR. 3:25) Nei Jehovha aikwanisa kuregerera zvivi zvakaitika rudzikinuro rusati rwabhadharwa, asi oramba ari Mwari anotonga zvakarurama?

Jehovha akavimbisa kuti paizova “nemwana” aizoponesa vanhu vaitenda maari uye muvimbiso dzake. Saka paakaita vimbiso iyoyo, kwaari zvaitoita sekuti rudzikinuro rwakanga rwatobhadharwa kare. (Gen. 3:15; 22:18) Mwari ainyatsoziva kuti Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga aizobvuma kuzvipa sechibayiro cherudzikinuro panguva chaiyo. (VaG. 4:4; VaH. 10:​7-10) Jesu paaiva panyika, Jehovha akamupa simba rekuregerera zvivi rudzikinuro rwusati rwabhadharwa. Aikwanisa kuregerera zvivi zvevaya vaitenda maari nekuti aiziva kuti rudzikinuro rwaizofukidza zvivi zvavo.—Mat. 9:​2-6.