Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 13

RWIYO 127 Ndinofanira Kuva Munhu Akaita Sei?

Nyaradzwa Nekuziva Kuti Jehovha Anokufarira

Nyaradzwa Nekuziva Kuti Jehovha Anokufarira

“Ndakufarira.”RUKA 3:22.

ZVATICHADZIDZA

Tichadzidza kuti mumwe nemumwe wedu angava sei nechokwadi chekuti Jehovha anomufarira.

1. Vamwe vashumiri vaJehovha vakatendeka vanombonetseka nei?

 ZVINONYARADZA kuziva kuti Jehovha anofarira vanhu vake seboka! Bhaibheri rinoti: “Jehovha anofarira vanhu vake.” (Pis. 149:4) Asi dzimwe nguva, vamwe vanogona kuodzwa mwoyo zvakanyanya, zvekuti vanganetseka kuti, ‘Jehovha anondifarira here?’ Vashumiri vaJehovha vakawanda vakatendeka vanotaurwa muBhaibheri vaimboomerwa nekubvuma kuti Jehovha anovafarira.—1 Sam. 1:​6-10; Job. 29:​2, 4; Pis. 51:11.

2. Ndivanaani vanofarirwa naJehovha?

2 Bhaibheri rinotaura zvakajeka kuti vanhu vane chivi vanogona kufarirwa naJehovha. Zvingaitika sei izvozvo? Tinofanira kuva nekutenda muna Jesu Kristu tobhabhatidzwa. (Joh. 3:16) Patinoita izvozvo, tinoratidza pachena kuti takapfidza zvivi zvedu uye kuti takavimbisa Mwari kuti tichaita kuda kwake. (Mab. 2:38; 3:19) Jehovha anofara patinotora matanho aya kuti tive neushamwari naye. Kana tikaita zvese zvatinogona kuti tirarame zvinoenderana nemhiko yedu yekuzvitsaurira, Jehovha anotifarira uye anotiona seshamwari dzake dzepedyo.—Pis. 25:14.

3. Tava kuda kukurukurei?

3 Asi nei dzimwe nguva vamwe vanganzwa sekuti Mwari haavafariri? Jehovha anoratidza sei kuti anotifarira? Uye muKristu angaitei kuti awedzere kuva nechokwadi chekuti Mwari anomufarira?

NEI VAMWE VANGANZWA SEKUTI JEHOVHA HAAVAFARIRI?

4-5. Pasinei nekuti tinombonzwa sekuti hatikoshi, tinogona kuva nechokwadi chei?

4 Vakawanda vedu tainzwa sekuti hatikoshi kubva tichiri vadiki. (Pis. 88:15) Imwe hama inonzi Adrián inoti: “Ndaigara ndichinzwa sendisingakoshi. Ndinoyeuka pandaiva mudiki ndichinyengetera kuti mhuri yedu izogara muParadhiso, kunyange zvazvo ndaiva nechokwadi chekuti ndainge ndisina kukodzera kuvamo.” Tony, uyo akarerwa mumhuri isiri yeZvapupu anoti: “Vabereki vangu havana kumbobvira vandiudza kuti vanondida kana kuti vanodada neni. Izvi zvaiita kuti ndinzwe sekuti hapana chandingaita chingavagutsa.”

5 Kana tichimbonzwa sekuti hatikoshi, tinogona kuyeuka kuti Jehovha ndiye akaita kuti tiuye kwaari. (Joh. 6:44) Anoona unhu hwedu hwakanaka hwatinogona kutadza kuona pachedu, uye anoziva zviri mumwoyo medu. (1 Sam. 16:7; 2 Mak. 6:30) Saka tinogona kuvimba naye paanotiudza kuti tinokosha.—1 Joh. 3:​19, 20.

6. Muapostora Pauro ainzwa sei nezvezvivi zvaakaita kare?

6 Tisati tadzidza chokwadi, vamwe vedu taiita zvinhu zvinoita kuti kunyange iye zvino tinzwe tiine mhosva. (1 Pet. 4:3) Vamwe vaKristu vakatendeka vanogona kunge vachiri kurwisa chido chekuita zvakaipa. Mwoyo wako unombokupa mhosva here? Kana uchimbonzwa saizvozvo, unogona kunyaradzwa nekuziva kuti vashumiri vaJehovha vakatendeka vaitamburawo nemanzwiro akadaro. Semuenzaniso, muapostora Pauro ainzwa ari munhamo paaifunga nezvekukanganisa kwaaiita. (VaR. 7:24) Pauro akanga apfidza zvivi zvake uye abhabhatidzwa. Asi paaitaura nezvake, aizviti aiva “mudiki pavaapostora vese” uye “mutadzi mukuru pavari vese.”—1 VaK. 15:9; 1 Tim. 1:15.

7. Tinofanira kuramba tichiyeukei nezvezvivi zvatakaita kare?

7 Baba vedu vekudenga vanotivimbisa kuti vachatiregerera kana tikapfidza. (Pis. 86:5) Saka kana tikanyatsopfidza zvivi zvatakaita kare, tinogona kuva nechokwadi chekuti zvakataurwa naJehovha ndezvechokwadi, zvekuti akatiregerera.—VaK. 2:13.

8-9. Chii chingatibatsira kuti tisanzwa sekuti hatimbofi takakwanisa kunyatsofadza Jehovha?

8 Tese tinoda kuita zvese zvatinogona kuti tishumire Jehovha. Asi vamwe vanganzwa sekuti havambofi vakasvika pakuita zvinhu zvingaita kuti vafarirwe naJehovha. Imwe hanzvadzi inonzi Amanda inoti: “Ndinowanzofunga kuti kupa Jehovha zvakanakisisa zvangu zvinoreva kugara ndichiwedzera zvandiri kuita. Saka ndinowanzoita zvinopfuura zvandinokwanisa. Pandinokundikana ndinobva ndaona sekuti Jehovha haachandifariri.”

9 Chii chingatibatsira kuti tisanzwa sekuti hatimbofi takakwanisa kunyatsofadza Jehovha? Yeuka kuti Jehovha anonzwisisa. Haadi kuti tipe zvakawanda kupfuura zvatinokwanisa. Anokoshesa zvese zvatinomuitira chero bedzi zviri izvo zvakanakisisa zvedu. Uyewo funga nezvevanhu vanotaurwa muBhaibheri vakashumira Jehovha nemweya wese. Semuenzaniso, funga nezvaPauro. Akashanda nesimba kwemakore, achifamba zviuru zvemakiromita uye achitanga ungano dzakawanda. Asi paakanga asingachakwanisi kuita zvakawanda muushumiri, Mwari akarega kumufarira here? Aiwa. Pauro akaramba achiita zvese zvaaigona uye Jehovha akamukomborera. (Mab 28:​30, 31) Saizvozvowo, zvatinogona kupa Jehovha zvinogona kuchinja. Asi chinokosha ndechekuti tiri kuzviitirei. Iye zvino ngatikurukurei dzimwe nzira idzo Jehovha anoratidza nadzo kuti anotifarira.

JEHOVHA ANORATIDZA SEI KUTI ANOTIFARIRA?

10. Jehovha anotiudza sei kuti anotifarira? (Johani 16:27)

10 Anoshandisa Bhaibheri. Jehovha anotsvaga nzira dzekuratidza nadzo vanhu vake kuti anovada uye kuti anovafarira. MuBhaibheri, Jehovha akaudza Jesu kaviri kuti aiva Mwanakomana wake waanoda, waanofarira. (Mat. 3:17; 17:5) Unoda here kuti Jehovha akuudzewo kuti anokufarira? Jehovha haatauri nesu zvinonzwika, asi anotaura nesu achishandisa Shoko rake. Patinoverenga mashoko aJesu aakaudza vadzidzi vake, tinoita setiri kunzwawo Jehovha achitiudza izvozvo. (Verenga Johani 16:27.) Jesu akanyatsoratidza unhu hwaBaba vake. Saka patinoverenga kuti Jesu aifarira vateveri vake vakatendeka kunyange zvazvo vaiva nechivi, tinogona kufungidzira Jehovha achitiudzawo izvozvo.—Joh. 15:​9, 15.

Jehovha anoratidza kuti anotifarira munzira dzakawanda (Ona ndima 10)


11. Nei kusangana nematambudziko kwatinoita kusingarevi kuti Jehovha haachatifariri? (Jakobho 1:12)

11 Anotipa zvatinoda. Jehovha anoda chaizvo kutibatsira pazvinhu zvakadai sezvatinoda pakurarama. Dzimwe nguva Jehovha anogona kubvumira kuti tisangane nematambudziko sezvaakaita kuna Jobho uyo ainge akarurama. (Job. 1:​8-11) Patinosangana nematambudziko hazvirevi kuti hatichafarirwi naMwari. Asi zvinotipa mikana yekuratidza kuda kwatinoita Mwari zvakadzama uye kuvimba kwatinoita naye. (Verenga Jakobho 1:12.) Tichaona rudo rwake uye kutitsigira kwaanoita paanenge achitibatsira kutsungirira.

12. Tinodzidzei pane zvakaitika kuna Dmitrii?

12 Funga zvakaitika kune imwe hama yekuAsia inonzi Dmitrii. Basa rake rakapera uye akaita mwedzi yakawanda asati awana rimwe. Saka akasarudza kuwedzera zvaaiita muushumiri achiratidza kuti aivimba naJehovha. Mwedzi yakawanda yakapfuura, asi akanga asati awana basa. Akazorwara zvakanyanya uye akanga asingachakwanisi kumuka. Akatanga kufunga kuti akanga asisiri baba vakanaka, uye ainetseka kuti Jehovha akanga achiri kumufarira here. Asi rimwe zuva ari manheru mwanasikana wake akaprinda pepa raiva nemashoko ari pana Isaya 30:15 ayo anoti: “Simba renyu richabva pakuramba makadzikama uye pakuvimba neni.” Akauya nepepa racho akariisa padivi pemubhedha wavo ndokubva ati, “Baba, pamunenge muchinetseka, munogona kuyeuka vhesi iyi.” Dmitrii akabva ayeuka kuti Jehovha akanga achiri kubatsira mhuri yake kuti iwane zvekudya zvakakwana, zvekupfeka uye pekugara. Anoti, “Chandaingofanira kuita, kwaiva kuramba ndakadzikama ndoramba ndichivimba naMwari wangu.” Kana uri kusangana nedambudziko rakaita seiroro, unogona kuva nechokwadi chekuti Jehovha ane hanya newe uye achakubatsira kuti utsungirire.

Jehovha anoratidza kuti anotifarira munzira dzakawanda (Ona ndima 12) a


13. Jehovha angashandisa vanaani kuti aratidze kuti anotifarira, uye angavashandisa sei?

13 Anoshandisa vatinonamata navo. Jehovha anoshandisa hama nehanzvadzi dzedu kuti aratidze kuti anotifarira. Semuenzaniso, anogona kuita kuti vamwe vataure mashoko anokurudzira panguva yatinenge tichida kukurudzirwa. Izvi zvakaitika kune imwe hanzvadzi yekuAsia panguva yayainetseka zvikuru. Yakanga yarasikirwa nebasa rayo uye yakatanga kurwara zvakaipisisa. Murume wayo akabva aita chivi chakakura ndokubva abviswa pakuva mukuru. Hanzvadzi yacho inoti, “Ndaisanzwisisa kuti nei izvi zvaiitika. Ndaifunga kuti zvimwe ndakanga ndaita chimwe chinhu chakaipa uye ndisingachafarirwi naJehovha.” Hanzvadzi yedu yakakumbira Jehovha kuti aibatsire kuva nechokwadi chekuti achiri kuifarira. Jehovha akaibatsira sei? Hanzvadzi yacho inoti, “Vakuru vemuungano vakataura neni uye vakandibatsira kuti ndive nechokwadi chekuti Jehovha anondida.” Hanzvadzi yacho yakazokumbirazve Jehovha kuti aibatsire. Inoti, “Musi iwoyo, ndakagamuchira tsamba yakanga yanyorwa nedzimwe hama nehanzvadzi dzemuungano. Pandaiverenga mashoko avo anonyaradza, ndakaona kuti Jehovha akanga anzwa munyengetero wangu.” Jehovha anowanzoratidza kuti anotifarira achishandisa mashoko anokurudzira anotaurwa nevamwe.—Pis. 10:17.

Jehovha anoratidza kuti anotifarira munzira dzakawanda (Ona ndima 13) b


14. Ndeipi imwe nzira inoshandiswa naJehovha kuti atiratidze kuti anotifarira?

14 Jehovha anoratidzawo kuti anotifarira nekushandisa vatinonamata navo kuti vatitsiure patinenge tichifanira kutsiurwa. Semuenzaniso, panguva yevaKristu vekutanga, Jehovha akashandisa muapostora Pauro kunyora tsamba 14 achinyorera vaya vaainamata navo. Mutsamba idzodzo, munewo mumwe maaitsiura hama nehanzvadzi dzake asingatendereri, asi achizviita nerudo. Nei Jehovha akaita kuti Pauro atsiure hama nehanzvadzi dzake? Jehovha ndiBaba vakanaka, uye anorayira vana vake ‘vaanofarira.’ (Zvir. 3:​11, 12) Saka kana mumwe munhu akatirayira achishandisa Bhaibheri, hazvirevi kuti Jehovha akatitsamwira, asi zvinotoratidza kuti achiri kutida. (VaH. 12:6) Ndezvipi zvimwe zvinoratidza kuti Jehovha anotifarira?

ZVIMWE ZVINORATIDZA KUTI JEHOVHA ANOTIFARIRA

15. Jehovha anopa vanaani mweya wake mutsvene, uye nei izvozvo zvichitipa chivimbo?

15 Jehovha anopa mweya mutsvene wake kune vaya vaanofarira. (Mat. 12:18) Tinogona kuzvibvunza kuti, ‘Ndinoratidza zvimwe zvibereko zvemweya mutsvene muupenyu hwangu here?’ Wawedzera kuva nemwoyo murefu here kupfuura zvawaiita pawakatanga kuziva Jehovha? Paunowedzera kuratidza zvibereko zvemweya waMwari muupenyu hwako, unowedzera kuva nechivimbo chekuti Jehovha ari kukufarira!—Ona bhokisi rakanzi “ Zvibereko Zvemweya . . .

Zvii zvinokuratidza kuti Jehovha anokufarira? (Ona ndima 15)


16. Jehovha anopa vanaani basa rekuudza vamwe mashoko akanaka, uye izvozvo zvinoita kuti unzwe sei? (1 VaTesaronika 2:4)

16 Jehovha anopa vaya vaanofarira basa rekuudza vamwe mashoko akanaka. (Verenga 1 VaTesaronika 2:4.) Ona kuti imwe hanzvadzi inonzi Jocelyn yakabatsirwa sei nekuudza vamwe mashoko akanaka. Rimwe zuva, Jocelyn akamuka akaora mwoyo. Anoti, “Ndainge ndisina simba uye ndainzwa ndisingabatsiri. Asi ndaipayona, uye raiva zuva rangu rekubuda muushumiri. Saka ndakanyengetera ndobva ndabuda muushumiri. Mangwanani iwayo, Jocelyn akasangana nemumwe mukadzi anonzi Mary uyo aiva nemutsa uye akabvuma kudzidza Bhaibheri. Papera mwedzi yakati, Mary akazotaura kuti akanga achinyengetera kuna Mwari kuti amubatsire, Jocelyn paakagogodza padhoo rake. Achifunga zvakaitika, Jocelyn anoti, “Ndainzwa sekuti Jehovha aindiudza kuti, ‘Ndinokufarira.’” Haasi munhu wese achateerera mashoko atinoparidza. Asi tinogona kuva nechokwadi chekuti Jehovha anofara patinoedza zvese zvatinogona kuti tiudze vamwe mashoko akanaka.

Zvii zvinokuratidza kuti Jehovha anokufarira? (Ona ndima 16) c


17. Wadzidzei pane zvakataurwa naVicky nezverudzikinuro? (Pisarema 5:12)

17 Jehovha anoita kuti rudzikinuro rushande kune vaya vaanofarira. (1 Tim. 2:​5, 6) Asi ko kana tichiri kunzwa sekuti Jehovha haatifariri, kunyange zvazvo tichitenda murudzikinuro uye takabhabhatidzwa? Yeuka kuti hatigoni kuvimba nemwoyo wedu, asi tinogona kuvimba naJehovha. Anoona vaya vanotenda murudzikinuro sevakarurama uye anovimbisa kuvakomborera. (Verenga Pisarema 5:12; VaR. 3:26) Kufungisisa nezverudzikinuro kwakabatsira mumwe mukadzi anonzi Vicky. Rimwe zuva, pashure pekunge afungisisa nezverudzikinuro, akazosvika pakuti: “Jehovha ainge andiratidza mwoyo murefu kwenguva yakareba. . . . Asi ndaiita sendaimuudza kuti: ‘Hamungambodi munhu akaita seni. Chibayiro cheMwanakomana wenyu hachikwanisi kundibatsira.’” Paaifungisisa nezvechipo ichi cherudzikinuro, akatanga kuona kuti Jehovha anomuda. Isuwo patinofungisisa nezverudzikinuro, tinogona kuona kuti Jehovha anotida uye anotifarira.

Zvii zvinokuratidza kuti Jehovha anokufarira? (Ona ndima 17)


18. Tinogona kuva nechokwadi chei kana tikaramba tichida Baba vedu vekudenga?

18 Kunyange zvazvo tingaedza chaizvo kushandisa mazano ataurwa munyaya ino, dzimwe nguva tinogona kuora mwoyo uye kunetseka kuti Jehovha anotifarira here. Kana izvozvo zvikaitika yeuka kuti anofarira “vaya vanoramba vachimuda.” (Jak. 1:12) Saka ramba uchiswedera pedyo naJehovha uye ramba uchifunga nezvezvinhu zvese zvaari kuita zvinoratidza kuti anokufarira. Gara uchiyeuka kuti Jehovha ‘haasi kure nemumwe nemumwe wedu.’—Mab. 17:27.

UNGAPINDURA SEI?

  • Nei vamwe vanganzwa sekuti Jehovha haavafariri?

  • Ndezvipi zvimwe zvinoitwa naJehovha kuti aratidze kuti anotifarira?

  • Nei tichigona kuva nechokwadi chekuti Mwari anotifarira?

RWIYO 88 Itai Kuti Ndizive Nzira Dzenyu

a KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Reenactment

b KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Reenactment

c KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Reenactment