Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 11

RWIYO 129 Ticharamba Tichitsungirira

Ramba Uchishumira Jehovha Pasinei Nezvinhu Zvinoodza Mwoyo

Ramba Uchishumira Jehovha Pasinei Nezvinhu Zvinoodza Mwoyo

“Wakaramba wakashinga uchiitira zita rangu.”ZVAK. 2:3.

ZVATICHADZIDZA

Tichadzidza kuti tinogona kuramba tichishumira Jehovha pasinei nezvinhu zvinoodza mwoyo.

1. Ndeapi makomborero atinowana nekuti tiri musangano raJehovha?

 TAKAKOMBORERWA zvechokwadi kuva musangano raJehovha mumazuva ano ekupedzisira akaoma. Upenyu huri kuwedzera kuoma, asi Jehovha anotipa hama nehanzvadzi dzinotibatsira. (Pis. 133:1) Anotibatsira kuti tive nemhuri dzinofara. (VaEf. 5:33–6:1) Uye anotipa uchenjeri hwatinoda kuti titsungirire kuzvidya mwoyo uye kuti tive nemufaro.

2. Chii chatinofanira kuita, uye nei tichifanira kudaro?

2 Asi tinofanira kushanda nesimba kuti tirambe tichishumira Jehovha takatendeka. Nei tichifanira kudaro? Nekuti dzimwe nguva tinogona kugumburwa nezvinokanganiswa nevamwe. Tinogonawo kuora mwoyo patinokanganisa, kunyanya kana tikaramba tichidzokorora zvikanganiso zvimwe chetezvo. Tinofanira kuramba tichishumira Jehovha (1) patinogumburwa nemumwe munhu watinonamata naye, (2) patinoodzwa mwoyo newatakaroorana naye, uye (3) patinoodzwa mwoyo nekukanganisa kwatinenge taita. Munyaya ino tichakurukura chimwe nechimwe chezvinhu izvi. Tichakurukurawo zvatinogona kudzidza pane vamwe vanhu vemuBhaibheri vainge vakatendeka.

RAMBA UCHISHUMIRA JEHOVHA PAUNOGUMBURWA NEMUNHU WAUNONAMATA NAYE

3. Vanhu vaJehovha vanosangana nedambudziko ripi?

3 Dambudziko. Vamwe vatinonamata navo vanoita zvinhu zvinotisvota. Vamwe vanogona kutiodza mwoyo kana kutibata zvisina kunaka. Vakuru vanogona kukanganisa. Zvinhu izvi zvinogona kuita kuti vamwe vasava nechokwadi kana iri riri sangano raMwari. Pane kuti varambe vachishumira Mwari ‘vakabatana’ nehama nehanzvadzi dzavo, vangarega kutaura nevaya vakavagumbura kana kutomira kupinda misangano. (Zef. 3:9) Ikoko kuchenjera here? Funga zvatinogona kudzidza kubva pamunhu wemuBhaibheri akasangana nezvinhu zvakafanana naizvozvo.

4. Muapostora Pauro akasangana nematambudziko api?

4 Muenzaniso wemuBhaibheri. Muapostora Pauro aiziva kuti hama nehanzvadzi dzake dzechiKristu dzaiva nechivi. Semuenzaniso, vamwe vanhu vaiva muungano yemuJerusarema vaisabvuma kuti Pauro akanga ava mudzidzi pavakamuona. (Mab. 9:26) Pave paya, vamwe vanhu vakataura zvakaipa nezvake nechinangwa chekuti vamwe vasavimba naye. (2 VaK. 10:10) Pauro akaona mumwe mukuru achiita chikanganiso chingangodaro chakagumbura vamwe. (VaG. 2:​11, 12) Uye mumwe weshamwari dzaPauro dzepedyo, Mako, akamuodza mwoyo chaizvo. (Mab. 15:​37, 38) Pauro aigona kurega izvozvo zvichimuita kuti arambe kuwadzana nevanhu vainge vamugumbura. Asi akaramba achiona hama nehanzvadzi dzake neziso rakanaka uye akaramba achishumira Jehovha. Chii chakabatsira Pauro kuti arambe achishumira Jehovha?

5. Chii chakabatsira Pauro kuti arambe achida hama nehanzvadzi dzake? (VaKorose 3:​13, 14) (Onawo mufananidzo.)

5 Pauro aida hama nehanzvadzi dzake. Kuda kwaaiita vamwe kwakamubatsira kuti aise pfungwa dzake paunhu hwakanaka hwevamwe kwete pane zvavaikanganisa. Rudo rwakamubatsirawo kuti aite zvaakanyora, zvatinowana pana VaKorose 3:​13, 14. (Verenga.) Funga nezvemabatiro aakaita Mako. Kunyange zvazvo Mako akasiya Pauro parwendo rwake rwekutanga rweumishinari, Pauro haana kuramba akagumbuka. Pauro paakazonyorera ungano yaiva muKorose tsamba, akarumbidza Mako semunhu anokosha waaishanda naye, uyo ‘aimunyaradza zvikuru.’ (VaK. 4:​10, 11) Paainge akasungwa muRoma, Pauro akakumbira kuti Mako auye kuzomubatsira. (2 Tim. 4:11) Zviri pachena kuti Pauro airegerera hama dzake uye airamba achidzida. Tinodzidzei pana Pauro?

Pauro, Bhanabhasi naMako vakambotadza kuwirirana. Asi muapostora Pauro haana kuramba akavatsamwira uye akazoshanda naMako achifara (Ona ndima 5)


6-7. Chii chinogona kutibatsira kuti tirambe tichida hama nehanzvadzi dzedu pasinei nezvadzinokanganisa? (1 Johani 4:7)

6 Chidzidzo. Jehovha anoda kuti tirambe tichida hama nehanzvadzi dzedu. (Verenga 1 Johani 4:7.) Kana mumwe munhu akatadza kuratidza humwe unhu hwechiKristu, tinogona kuvimba kuti anoda kuita zvinotaurwa neBhaibheri uye kuti angoita zvinhu asina kufunga. (Zvir. 12:18) Mwari anoda vashumiri vake vakatendeka pasinei nezvavanokanganisa. Haaguri ushamwari nesu patinokanganisa, uyewo haarambi akatitsamwira. (Pis. 103:9) Tinoonga chaizvo kuti Jehovha anotiregerera uye tinofanira kumutevedzera nekuregerera vamwe.—VaEf. 4:32–5:1.

7 Yeukawo kuti mugumo zvauri kuswedera pedyo tinofanira kuramba tiri pedyo nehama nehanzvadzi dzedu. Tinogona kutarisira kuti tichawedzera kutambudzwa. Tinogona kuiswa mujeri pamusana pekutenda kwedu. Kana izvozvo zvikaitika, tichanyanya kuda kubatsirwa nehama nehanzvadzi dzedu. (Zvir. 17:17) Funga zvakaitika kuna Josep, a mukuru ari kuSpain. Iye nedzimwe hama vakaiswa mujeri pamwe chete pamusana pekuramba kupinda muchiuto. Anoti: “Pataiva mujeri, mukana wekusvotwa nezvaiitwa nemumwe muKristu wainge wakakura nekuti taigara pamwe chete. Taifanira kunzwisisana uye kuregererana nemwoyo wese. Izvi zvakatibatsira kuti tirambe takabatana uye kuti tidzivirirane. Taiva pamwe chete nevamwe vasungwa vaisashumira Jehovha. Pane imwe nguva, ndakakuvara uye ruoko rwangu rwakaiswa plaster, saka ndaisakwanisa kuita zvimwe zvinhu ndega. Asi imwe hama yaindiwachira hembe uye yaindibatsirawo mune zvimwe. Ndakaratidzwa rudo rwechokwadi pandainyanya kurwuda.” Izvi zvikonzero zvakazonaka zvekuti tigadzirise zvatisiri kuwirirana nevamwe iye zvino.

RAMBA UCHISHUMIRA JEHOVHA PAUNOODZWA MWOYO NEWAWAKAROORANA NAYE

8. Vari muwanano vanosangana nedambudziko ripi?

8 Dambudziko. Wanano dzese dzine matambudziko. Bhaibheri rinotaura risingatendereri kuti vanhu vari muwanano “vachava nedambudziko munyama yavo.” (1 VaK. 7:28) Nei zvakadaro? Nekuti wanano inobatanidza vanhu vaviri vane chivi, vane hunhu hwakasiyana uye vanofarira zvinhu zvakasiyana. Vari muwanano vanogona kunge vakakurira mutsika dzakasiyana kana kuti vachibva mumamiriro ezvinhu akasiyana. Nekufamba kwenguva, vangazotanga kuona unhu hwavaisaziva vasati vachata kuti mumwe wavo anahwo. Zvinhu izvozvo zvinogona kuita kuti vanetsane. Pane kuti mumwe nemumwe aone kukonzera kwaari kuita dambudziko racho, obva ashanda nesimba kuti arigadzirise, angatopomera mumwe wake. Vaviri vacho vangatoona sekuti vanofanira kuparadzana kana kuti kudimbura muchato. Asi izvozvo zvinogadzirisa matambudziko avo here? b Ngatidzidzei pane mumwe mukadzi anotaurwa muBhaibheri akaramba akatendeka kuna Jehovha kunyange zvazvo murume wake aiita kuti upenyu hwake huome chaizvo.

9. Abhigairi aiva mudambudziko ripi?

9 Muenzaniso wemuBhaibheri. Abhigairi ainge akaroorwa naNabhari uyo anonzi neBhaibheri aiva nehasha uye akanga aine unhu hwakaipa. (1 Sam. 25:3) Abhigairi anofanira kunge aiomerwa nekugara nemurume akadaro. Aiva nemukana uri nyore wekubuda muwanano yake here? Hongu. Akauwana, Dhavhidhi uyo aizova mambo weIsraeri, paakauya kuzouraya murume waAbhigairi uyo akanga atuka Dhavhidhi nevarume vaaiva navo. (1 Sam. 25:​9-13) Abhigairi aigona kutiza, zvopa Dhavhidhi mukana wekuita zvaainge aronga. Asi haana kudaro. Akanyengetedza Dhavhidhi kuti asauraya Nabhari. (1 Sam. 25:​23-27) Nei Abhigairi akaita izvozvo?

10. Chii chingangodaro chakaita kuti Abhigairi arambe ari muwanano yakaoma?

10 Abhigairi aida Jehovha uye airemekedza zvinodiwa naJehovha muwanano. Zviri pachena kuti aiziva zvakataurwa naMwari paakapa Adhamu mudzimai. (Gen. 2:24) Abhigairi aiziva kuti wanano itsvene kuna Jehovha. Aida kufadza Mwari, uye izvozvo zvaizoita kuti aite chero chii zvacho kuti aponese imba yake kusanganisira murume wake. Akamira-mira kuti Dhavhidhi asauraya Nabhari. Akatokumbirawo ruregerero pamhosva yaakanga asina kupara. Zviri pachena kuti Jehovha aida mukadzi uyu akashinga uyo aisangoita zvinhu zvakanakira iye chete. Madzimai nevarume vanodzidzei pamuenzaniso waAbhigairi?

11. (a) Jehovha anotarisirei kune vari muwanano? (VaEfeso 5:33) (b) Wadzidzei pane zvakaitwa naCarmen kuti achengetedze wanano yake? (Onawo mufananidzo.)

11 Chidzidzo. Jehovha anorayira vanhu vari muwanano kuti varemekedze wanano kunyange zvazvo mumwe wavo akaoma kugara naye. Mwari anofara chaizvo paanoona vari muwanano vachishanda nesimba kuti vagadzirise matambudziko uye kuti varatidze kuti vanodanana nekuremekedzana. (Verenga VaEfeso 5:33.) Funga nezvemuenzaniso waCarmen. Pashure pemakore anenge 6 aroorwa, Carmen akatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha ndokuzobhabhatidzwa. Carmen anoti, “Murume wangu haana kufara nazvo. Akanditsamwira nekuti ndaienda kumisangano uye ndainge ndatsidza kushumira Jehovha. Aindituka uye aindityisidzira kuti aizondisiya.” Kunyange zvakadaro, Carmen akaramba ari muwanano yake. Kwemakore 50, akashanda nesimba kuti ade murume wake uye amuremekedze. Anowedzera kuti, “Makore zvaaifamba ndakadzidza kuwedzera kunzwisisa manzwiro anoita murume wangu uye kutaura naye zvakanaka. Ndichiziva kuti wanano itsvene kuna Jehovha, ndakaita zvese zvandaigona kuti ndiichengetedze. Ndinoda Jehovha, saka handina kumbobvira ndaedza kusiya murume wangu.” c Kana matambudziko akamuka muwanano yako unogona kuvimba kuti Jehovha achakutsigira uye achakubatsira kuti uichengetedze.

Unodzidzei pachido chaAbhigairi chekuita zvaaikwanisa kuti aponese imba yake? (Ona ndima 11)


RAMBA UCHISHUMIRA JEHOVHA PAUNENGE WAITA CHIVI CHAKAKURA

12. Idambudziko ripi ratingava naro patinoita chivi chakakura?

12 Dambudziko. Tinogona kunzwa tichida kurega kushumira Jehovha patinoita chivi chakakura. Bhaibheri rinotaura kuti zvivi zvedu zvinogona kusiya mwoyo wedu ‘waputsika uye wapwanyika.’ (Pis. 51:17) Imwe hama inonzi Robert yakanga yashanda nesimba kwemakore akawanda kuti ikodzere kuva mushumiri weungano. Asi yakaita chivi chakakura ndokuona kuti yakanga yarwadzisa Jehovha. Anoti: “Pandakaziva zvandakanga ndaita, hana yangu yakanditambudza chaizvo. Ndakanzwa ndisingabatsiri. Ndakachema uye ndakanyengetera kuna Jehovha. Ndinoyeuka ndichifunga kuti Mwari aisazombonditeerera zvakare nekuti ndakanga ndamurwadzisa.” Kana tikaita chivi, tinganzwa tichida kurega kushumira Jehovha nekuti mwoyo wedu wakaputsika unogona kuita kuti tifunge kuti Jehovha haasisina basa nesu. (Pis. 38:4) Kana uchinzwa saizvozvo, funga nezvemunhu akatendeka anotaurwa muBhaibheri akaramba achishumira Jehovha pasinei nechivi chakakura chaakaita.

13. Muapostora Petro akaita chivi chipi chakakura, uye chii chakaita kuti azoita chivi ichocho?

13 Muenzaniso wemuBhaibheri. Usiku hwekupedzisira Jesu asati aurayiwa, muapostora Petro ane zvinhu zvakawanda zvaakakanganisa izvo zvakazoita kuti aite chivi chakura chaizvo. Chekutanga, Petro akazvivimba achitotaura kuti aizoramba akatendeka kunyange vamwe vaapostora vakasiya Jesu. (Mako 14:​27-29) Pavakanga vari mumunda weGetsemane, Petro akatadza kuramba akarinda kakawanda. (Mako 14:​32, 37-41) Petro akazotiza Jesu akamusiya aine mhomho yevanhu vainge vauya kuzomusunga. (Mako 14:50) Chekupedzisira, Petro akaramba katatu kuti aiziva Jesu achitopika kutsigira nhema idzodzo. (Mako 14:​66-71) Petro akaita sei paakaziva kuti akanga aita chivi chakakura? Akakurirwa neshungu akatanga kuchema, zvimwe nekuti akanga ava kuremerwa nechivi chake. (Mako 14:72) Chimbofunga kushungurudzika kwakaita Petro shamwari yake Jesu payakazourayiwa. Petro anofanira kunge akanzwa asingabatsiri!

14. Chii chakabatsira Petro kuti arambe achishumira Jehovha? (Ona mufananidzo uri pakavha.)

14 Pane zvikonzero zvakati kuti zvakaita kuti Petro akwanise kuramba achishumira Jehovha. Haana kuzviparadzanisa nevamwe. Akaenda kwaiva nevamwe vadzidzi uye vakamunyaradza. (Ruka 24:33) Uyewo Jesu uyo ainge amutswa akazviratidza kuna Petro zvichida nechinangwa chekuti amukurudzire. (Ruka 24:34; 1 VaK. 15:5) Pave paya, pane kuti atsiure Petro nemhaka kukanganisa kwake, Jesu akazoudza shamwari yake iyoyo kuti yaizopiwa mabasa makuru. (Joh. 21:​15-17) Petro aiziva kuti ainge aita chivi chakura, asi akaramba achiedza kuita zvakarurama. Nei akadaro? Nekuti aiva nechokwadi chekuti Tenzi wake Jesu akanga achiri kumuda. Uye vamwe vadzidzi vakaramba vachitsigira Petro. Tinodzidzei pana Petro?

Johani 21:​15-17 inoratidza kuti Jesu haana kusiya Petro, uye izvozvo zvakakurudzira Petro kuti arambe achishumira Jehovha (Ona ndima 14)


15. Jehovha anoda kuti tive nechokwadi chei? (Pisarema 86:5; VaRoma 8:​38, 39) (Onawo mufananidzo.)

15 Chidzidzo. Jehovha anoda kuti tive nechokwadi chekuti anotida uye anoda kutikanganwira. (Verenga Pisarema 86:5; VaRoma 8:​38, 39.) Patinoita chivi tinonzwa tiine mhosva. Izvozvo zvinoitika uye zvakakodzera. Asi hatifaniri kufunga kuti Jehovha haachatidi kana kuti haakwanisi kutiregerera. Pane kudaro tinofanira kukurumidza kutsvaga rubatsiro. Robert ambotaurwa anoti: “Ndakaita chivi nekuti ndaivimba nesimba rangu pachangu kuti ndirwise muedzo.” Akaona kuti aifanira kutaura nevakuru. Anoti: “Pandakangoita izvozvo, ndakabva ndaona kuti Jehovha anondida. Uye ndakaonawo kuti vakuru vanondida. Vakandibatsira kuti ndizive kuti Jehovha akanga asina kundisiya.” Isuwo tinogona kuva nechokwadi chekuti Jehovha anotida chaizvo uye anotiregerera kana tikapfidza zvivi zvedu, tikatsvaga rubatsiro, uye tikaedza nemwoyo wese kusadzokorora zvikanganiso zvedu. (1 Joh. 1:​8, 9) Kana tiine chokwadi chekuti Jehovha anotida uye anoda kutiregerera hatizoregi kumushumira kunyange patinenge taita chikanganiso.

Unonzwa sei paunoona vakuru vachishanda nesimba kuti vakubatsire? (Ona ndima 15)


16. Nei uchida kuramba uchishumira Jehovha?

16 Jehovha anokoshesa chaizvo zvatinoita kuti timushumire mumazuva ano ekupedzisira akaoma. Tichibatsirwa naJehovha tinogona kuramba tichimushumira pasinei nezvinhu zvinoodza mwoyo. Tinogona kuramba tichida hama nehanzvadzi dzedu uye kudziregerera kunyange padzinotitadzira. Tinogona kuratidza kuti tinoda Mwari chaizvo uye tinoremekedza wanano nekuita zvese zvatinogona kuti tigadzirise matambudziko angamuka muwanano yedu. Uye kana tikaita chivi, tinogona kutsvaga kubatsirwa naJehovha, kubvuma kuti anotida uye anoda kutikanganwira, uye kuramba tichimushumira. Tinogona kuva nechokwadi chekuti Jehovha achatikomborera chaizvo kana ‘tikaramba tichiita zvakanaka.’—VaG. 6:9.

TINGAITEI KUTI TIRAMBE TICHISHUMIRA JEHOVHA . . .

  • patinogumburwa newatinonamata naye?

  • patinoodzwa mwoyo newatakaroorana naye?

  • patinoita zvikanganiso?

RWIYO 139 Zvione Uripo, Zvese Zvava Zvitsva

a Mamwe mazita akachinjwa.

b Shoko raMwari harikurudziri murume nemudzimai kuti vaparadzane uye rinojekesa kuti kana vakaparadzana hapana mumwe wavo anenge aine kodzero yekupindazve mune imwe wanano. Asi pane mamwe mamiriro ezvinhu angaita kuti vaKristu vafunge nezvekuparadzana. Ona mamwe mashoko 4 anoti “Kuparadzana Pasina Kudimbura Muchato,” ari mubhuku rinonzi Rarama Nekusingaperi Uchifara!

c Kuti uone mumwe muenzaniso, ona vhidhiyo iri pajw.org inonzi Usanyengedzwa Nerugare Nerunyararo Zvekunyepedzera!—Darrel naDeborah Freisinger.