Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 10

RWIYO 13 Kristu, Muenzaniso Wedu

‘Ramba Uchitevera’ Jesu Pashure Pekubhabhatidzwa

‘Ramba Uchitevera’ Jesu Pashure Pekubhabhatidzwa

“Kana munhu achida kunditevera, ngaazvirambe, atore danda rake rekutambudzirwa, aritakure zuva nezuva, arambe achinditevera.”RUKA 9:23.

ZVATICHADZIDZA

Nyaya ino inogona kubatsira tese kuti tione zvinorehwa nekuzvitsaurira kwatakaita. Ichanyanya kubatsira vaya vachangobva kubhabhatidzwa kuti varambe vakatendeka.

1-2. Munhu anowana makomborero api pashure pekubhabhatidzwa?

 TINOFARA patinobhabhatidzwa tova mumhuri yaJehovha. Vaya vane ropafadzo iyoyo vanobvumirana nemashoko emunyori wepisarema Dhavhidhi, uyo akati: “Anofara munhu wamunosarudza [imi Jehovha] uye wamunoswededza pedyo kuti agare muzvivanze zvenyu.”—Pis. 65:4.

2 Jehovha anounza vanhu vakaita sei muzvivanze zvake? Sezvatakakurukura munyaya yakapfuura, anosarudza kuswedera pedyo nevaya vanoratidza kuti vanoda kuva neushamwari hwepedyo naye. (Jak. 4:8) Paunozvitsaurira kuna Jehovha wobhabhatidzwa, unoswedera pedyo naJehovha munzira inokosha. Unogona kuva nechokwadi chekuti pashure pekunge wabhabhatidzwa ‘achakudururira chikomborero kusvikira usisina chaunoshayiwa.’—Mar. 3:10; Jer. 17:​7, 8.

3. VaKristu vakazvitsaurira uye vakabhabhatidzwa vanofanira kuitei? (Muparidzi 5:​4, 5)

3 Kubhabhatidzwa anongova mavambo. Pashure pekutora danho iroro, uchada kuita zvese zvaunogona kuti urarame zvinoenderana nemhiko yako yekuzvitsaurira, kunyange paunoedzwa kuti uite zvakaipa kana kuti paunopinda mumatambudziko. (Verenga Muparidzi 5:​4, 5.) Sezvo uri mudzidzi waJesu, uchaita zvese zvaunogona kuti utevedzere muenzaniso wake uye uteerere mirayiro yake. (Mat. 28:​19, 20; 1 Pet. 2:21) Nyaya ino ichakubatsira kuti uite izvozvo.

‘RAMBA UCHITEVERA’ JESU PASINEI NEMATAMBUDZIKO NEMIEDZO

4. Vadzidzi vaJesu vanotakura ‘danda rekutambudzirwa’ pakudii? (Ruka 9:23)

4 Usafunga kuti kana wabhabhatidzwa hauzosangani nematambudziko. Jesu akajekesa kuti vadzidzi vake vaizotakura ‘danda rekutambudzirwa.’ Vaizoritakura “zuva nezuva.” (Verenga Ruka 9:23.) Jesu aireva here kuti vateveri vake vaizotambura nguva dzese? Aiwa. Aingoreva kuti pasinei nemakomborero avaizowana, vaizosangana nematambudziko. Mamwe ematambudziko aya anogona kunge achirwadza chaizvo.—2 Tim. 3:12.

5. Makomborero api akavimbiswa naJesu kune vaya vanozvipira kurasikirwa nezvimwe zvinhu?

5 Zvimwe wakatombopikiswa nevemumhuri, kana kuti wakarega mikana yekuita mari ichipfuura kuitira kuti uise Umambo pekutanga. (Mat. 6:33) Kana zvakadaro, unogona kuva nechokwadi chekuti Jehovha anoziva zvese zvawakamuitira. (VaH. 6:10) Zvimwe wakaona kuzadzika kwemashoko aJesu ekuti: “Hapana munhu akasiya imba kana vanin’ina kana hanzvadzi kana amai kana baba kana vana kana minda nekuda kwangu uye nekuda kwemashoko akanaka asingazowani zvapetwa kazana munguva ino, dzimba nevanin’ina nehanzvadzi navanaamai nevana neminda, uku achitambudzwa, uye upenyu husingaperi mune ramangwana.” (Mako 10:​29, 30) Makomborero awakawana anopfuura nekure chero chii zvacho chawakarasikirwa nacho.—Pis. 37:4.

6. Nei uchifanira kuramba uchirwisa “kuchiva kwenyama” kana wabhabhatidzwa?

6 Pashure pekunge wabhabhatidzwa, uchafanira kuramba uchirwisa “kuchiva kwenyama,” nekuti uchiri nechivi. (1 Joh. 2:16) Dzimwe nguva unogona kunzwa sezvakaita muapostora Pauro. Akanyora kuti: “Ndinonyatsofarira mutemo waMwari nezvandiri nechemukati, asi ndinoona mumuviri mangu mumwe mutemo uchirwisana nemutemo wepfungwa dzangu uye uchinditungamirira ndiri nhapwa kuenda kumutemo wechivi uri mumuviri mangu.” (VaR. 7:​22, 23) Unogona kumboodzwa mwoyo nekuti unenge uchifanira kurwisa zvido zvakaipa. Asi kufunga nezvemhiko yawakaita kuna Jehovha pawakazvitsaurira kwaari kuchasimbisa chido chako chekurwisa muedzo. Chokwadi ndechekuti paunosangana nemiedzo, mhiko yako yekuzvitsaurira ichakubatsira. Ichakubatsira sei?

7. Kuzvitsaurira kuna Jehovha kuchakubatsira sei kuti urambe wakatendeka kwaari?

7 Paunozvitsaurira kuna Jehovha, unozviramba. Izvozvo zvinoreva kusiyana nezvido uye zvinangwa zvisingafadzi Jehovha. (Mat. 16:24) Saka paunosangana nemuedzo, hauzopedzi nguva uchifunga kuti woita zvipi. Unenge wakatosarudza kare kuti hauna zvimwe zvauchaita kunze kwekuramba wakatendeka kuna Jehovha. Ucharamba uine chido chakasimba chekufadza Jehovha. Unenge waita sezvakaita Jobho. Kunyange zvazvo akasangana nematambudziko akaoma chaizvo, akataura nechivimbo kuti: “Kusvikira ndafa, handizosiyi kuperera kwangu kuna Mwari!”—Job. 27:5.

8. Kufungisisa nezvemunyengetero wawakaita pawakazvitsaurira kungakubatsira sei kuti usakundwa nemuedzo?

8 Kufungisisa nezvemunyengetero wawakaita pawakazvitsaurira kuna Jehovha kuchakubatsira kuti uve nechido chakasimba chekurwisa chero muedzo. Semuenzaniso, ungatanga here kutamba nemwoyo wemudzimai kana kuti wemurume wemumwe munhu? Haungambodaro! Wakatovimbisa Jehovha nechekare kuti hauzomboiti chinhu chakadaro. Kana ukaita kuti manzwiro iwayo asavepo hauzopindi basa rekuabvisa. ‘Hauzofambi munzira yevakaipa.’—Zvir. 4:​14, 15.

9. Kufungisisa nezvemunyengetero wawakaita pawakazvitsaurira kungakubatsirawo sei kuti uise kunamata Jehovha pekutanga muupenyu hwako?

9 Ko kana mumwe munhu akati anoda kukupinza basa, asi woona kuti richakutadzisa kugara uchipinda misangano yechiKristu? Zvaunofanira kuita unozviziva. Usati watombonzwa nezvebasa iroro, unenge wakatosarudza kare kuti hauzobvumi basa rakadaro. Saka hauzovi pamuedzo wekuribvuma, wozoedza kuona kuti woita sei kuti Jehovha ave pekutanga. Kuyeuka chido chaiva naJesu chekufadza Baba vake, kuchaita kuti ukurumidze kuramba chero chii zvacho chaunoziva kuti hachifadzi Mwari wawakazvitsaurira kwaari.—Mat. 4:10; Joh. 8:29.

10. Jehovha achakubatsira sei kuti ‘urambe uchitevera’ Jesu pashure pekunge wabhabhatidzwa?

10 Chiripo ndechekuti miedzo nematambudziko zvinokupa mukana wekuratidza kuti unoda chaizvo ‘kuramba uchitevera’ Jesu. Paunoramba uchimutevera, unogona kuva nechokwadi chekuti Jehovha achakubatsira. Bhaibheri rinoti: “Mwari akatendeka, uye haangakuregei muchiedzwa kupfuura zvamunogona kutsungirira, asi pamwe chete nemuedzo achaitawo nzira yekubuda nayo kuti mukwanise kuutsungirira.”—1 VaK. 10:13.

ZVAUNGAITA KUTI URAMBE UCHITEVERA JESU

11. Ndeipi imwe nzira yakanaka chaizvo yekuramba uchitevera Jesu? (Onawo mufananidzo.)

11 Jesu aishingaira, uye kunyengetera kwaimubatsira kuramba ari pedyo naJehovha. (Ruka 6:12) Imwe nzira yakanaka chaizvo yekuramba uchitevera Jesu pashure pekunge wabhabhatidzwa ndeyekugara uchiita zvinhu zvichaita kuti uswedere pedyo naJehovha. Bhaibheri rinoti: “Kusvikira patasvika tichienda mberi, ngatirambei tichifamba zvakanaka nenzira iyi.” (VaF. 3: 16) Uchapota uchinzwa zvakaitwa nedzimwe hama nehanzvadzi kuti dziwedzere basa radzinoitira Jehovha. Zvimwe dzakapinda Chikoro Chevazivisi Vemashoko eUmambo kana kuti dzakatamira kunodiwa vaparidzi vakawanda. Kana mamiriro ako ezvinhu achikubvumira kuita izvozvo, ichocho chinangwa chakanaka chaizvo chaunogona kuvawo nacho. Vanhu vaJehovha vanoda chaizvo kuwedzera ushumiri hwavo. (Mab. 16:9) Asi ko kana iye zvino usingakwanisi kuita izvozvo? Usaona sekuti vaya vanokwanisa kuita izvozvo vanokosha kukupfuura. Chinonyanya kukosha ndechekuti urambe uchitsungirira. (Mat. 10:22) Usatarisira pasi kukosha kwekushumira Jehovha maererano nezvaunokwanisa uye mamiriro ako ezvinhu. Iyoyo inzira inokosha chaizvo yekuramba uchitevera Jesu pashure pekubhabhatidzwa.—Pis. 26:1.

Pashure pekunge wabhabhatidzwa, ita zvinhu zvichakubatsira kuswedera pedyo naJehovha (Ona ndima 11)


12-13. Ungaitei kana usingachashingairi sezvawaimboita? (1 VaKorinde 9:​16, 17) (Onawo bhokisi rakanzi “ Ramba Uri Munhangemutange.”)

12 Unofanira kuitei kana ukanzwa sekuti hauchanyengeteri zvinobva pamwoyo kana kuti hauchanakidzwi neushumiri hwako sezvawaimboita? Ko kana kuverenga Bhaibheri kusingachakunakidzi sezvakwaimboita? Kana izvozvo zvikaitika pashure pekunge wabhabhatidzwa, usafunga kuti hausisina mweya waJehovha. Uri munhu ane chivi, uye manzwiro ako anogona kuchinja. Kana kushingaira kwako kukatanga kuderera, funga nezvemuenzaniso wemuapostora Pauro. Kunyange zvazvo aiedza kutevedzera Jesu, Pauro aiziva kuti hapasi pese paaizonzwa aine chido chakasimba chekuita zvaaifanira kuita. (Verenga 1 VaKorinde 9:​16, 17.) Akati: “Kunyange kana ndikazviita ndisingadi, ndine utariri hwandakapiwa.” Pauro aireva kuti aida chaizvo kupedza ushumiri hwake pasinei nekuti dzimwe nguva aisava nechido chekuita izvozvo.

13 Usaitawo zvisarudzo zvichingobva pamanzwiro aunenge uchiita. Tsidza mumwoyo mako kuti uchaita zvakarurama pasinei nemanzwiro aunenge uchiita. Kana ukaramba uchiita zvakanaka, nekufamba kwenguva manzwiro aunenge uchiita anogona kuchinja. Pari zvino kugara uchidzidza uri wega, kunyengetera, kupinda misangano uye kuparidza, zvichakubatsira kuti urambe uchitevera Jesu pashure pekunge wabhabhatidzwa. Kuramba uchiita zvinhu izvi kuchakurudzirawo hama nehanzvadzi dzako.—1 VaT. 5:11.

“RAMBAI MUCHIZVIEDZA”

14. Zvii zvaunofanira kugara uchiongorora, uye nei uchifanira kudaro? (2 VaKorinde 13:5)

14 Pashure pekunge wabhabhatidzwa, zvinokosha chaizvo kuti ugare uchizviongorora. (Verenga 2 VaKorinde 13:5.) Zvakanaka kuti upote uchiongorora kuti uone kana uchiri kunyengetera mazuva ese, kuverenga uye kudzidza Bhaibheri, kupinda misangano, uye kuita ushumiri. Edza kutsvaga nzira dzichaita kuti unakidzwe uye uwedzere kubatsirwa nekuita zvinhu izvi. Semuenzaniso, zvibvunze mibvunzo yakadai sekuti: ‘Ndinokwanisa here kutsanangurira vamwe dzidziso dzinokosha dzeBhaibheri? Pane here zvandingaita kuti ndiwedzere kunakidzwa neushumiri hwangu? Ndinonyatsotaura zvandiri kuda here muminyengetero yangu, uye minyengetero yangu inoratidza kuti ndinonyatsovimba naJehovha here? Ndinogara ndichipinda misangano here? Ndingaitei kuti ndivandudze kuteerera kwandinoita uye kupindura pamisangano?’

15-16. Unodzidzei nezvekukunda muedzo kubva pane zvakaitika kuna Robert?

15 Zvinokoshawo kuti uzviongorore kuti uzive pausina kusimba. Imwe hama inonzi Robert inotaura zvakaitika kwairi, izvo zvinoratidza kukosha kwekuziva patisina kusimba. Inoti: “Pandaiva nemakore anenge 20, ndine kwandaimbopota ndichishanda. Rimwe zuva ndapedza basa, mumwe musikana wandaishanda naye akandikoka kumba kwake uye akati tichange tingori vaviri. Pakutanga, ndakangotaurawo tuzvikonzero tusina kusimba twekuti ndisaenda, asi ndakazonyatsoramba uye ndakamutsanangurira kuti nei ndairamba.” Robert akakunda muedzo wacho uye akaita zvakanaka. Asi paakazofunga zvakanga zvaitika, akaona kuti aigona kuita zvakanaka zvinopfuura zvaakanga aita. Anoti: “Handina kuramba zvakasimba kana nekukurumidza sezvakaitwa naJosefa paairambira mudzimai waPotifari. (Gen. 39:​7-9) Ndakatoshamisika kuona kuti zvainge zvakandiomera kuti ndirambe. Izvi zvakandibatsira kuona kuti ndaifanira kusimbisa ushamwari hwangu naJehovha.”

16 Zvinogona kukubatsira kana ukazviongorora sezvakaita Robert. Kunyange kana ukakwanisa kukunda muedzo, zvibvunze kuti, ‘Zvanditorera nguva yakareba sei kuti ndiukunde?’ Kana ukaona panoda kugadziriswa, usaora mwoyo. Fara kuti wava kuzviziva. Nyengetera kuna Jehovha nezvazvo, uye ita zvinhu zvichasimbisa chido chako chekuteerera Jehovha.—Pis. 139:​23, 24.

17. Zita raJehovha raipinda papi pane zvakaitika kuna Robert?

17 Pane chimwezve chatinodzidza pane zvakaitika kuna Robert. Anoti: “Pashure pekunge ndaramba kuenda nemusikana wandaishanda naye, musikana wacho akati, ‘Wakunda!’ Ndakamubvunza kuti airevei. Akataura kuti shamwari yake iyo yaimbova Chapupu yakanga yamuudza kuti Zvapupu zvese zvechidiki zvinoita zvinhu zvakaipa pasina anozviziva kana zvikawana mukana. Saka musikana wacho akaudza shamwari yake kuti aizondiedza kuti aone kana ichocho chaiva chokwadi. Ndakafara chaizvo kuti ndakanga ndakudza zita raJehovha.”

18. Une chido chakasimba chekuitei pashure pekunge wabhabhatidzwa? (Onawo bhokisi rakanzi  “Nyaya Dzauchanakidzwa Nadzo.”)

18 Paunozvitsaurira kuna Jehovha wobhabhatidzwa, unoratidza kuti unoda kutsvenesa zita rake pasinei nezvingaitika. Uye unogona kuva nechokwadi chekuti Jehovha anoziva matambudziko nemiedzo zvauri kukunda. Achakomborera zvese zvaunoedza kuita kuti urambe wakatendeka. Iva nechokwadi chekuti achishandisa mweya wake mutsvene anogona kukupa simba raunoda kuti uite izvozvo. (Ruka 11:​11-13) Uchibatsirwa naJehovha, uchakwanisa kuramba uchitevera Jesu pashure pekunge wabhabhatidzwa.

UNGAPINDURA SEI?

  • VaKristu vanotakura sei ‘danda rekutambudzirwa zuva nezuva’?

  • Ungaitei kuti ‘urambe uchitevera’ Jesu pashure pekunge wabhabhatidzwa?

  • Kufungisisa nezvemunyengetero wawakaita pawakazvitsaurira kunokubatsira sei kuti urambe wakatendeka?

RWIYO 89 Teerera, Uzviite, Ukomborerwe