Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 12

RWIYO 77 Chiedza Munyika Ine Rima

Usapinda Murima​—⁠Ramba Uri Muchiedza

Usapinda Murima​—⁠Ramba Uri Muchiedza

“Maimbova rima, asi iye zvino mava chiedza.”VAEF. 5:8.

ZVATICHADZIDZA

Tichaona zvidzidzo zviri mumashoko anotaura nezverima uye chiedza akashandiswa naPauro muna VaEfeso chitsauko 5.

1-2. (a) Pauro aiva mumamiriro ezvinhu akaita sei paakanyorera vaEfeso tsamba uye nei akavanyorera? (b) Mibvunzo ipi yatichakurukura?

 PAAIVA musungwa aigara pamba muRoma, muapostora Pauro aida kukurudzira vaainamata navo. Aisakwanisa kuvashanyira, saka akanyora tsamba. Akanyorera vaEfeso imwe yetsamba idzi munenge muna 60 kana kuti 61 C.E.—VaEf. 1:1; 4:1.

2 Anenge makore 10 izvi zvisati zvaitika, Pauro akaita nguva ari muEfeso achiparidza nekudzidzisa mashoko akanaka. (Mab. 19:​1, 8-10; 20:​20, 21) Aida chaizvo hama dzake uye aida kudzibatsira kuti dzirambe dzakatendeka kuna Jehovha. Asi nei akanyorera vaKristu vakazodzwa nezverima uye chiedza? Uye vaKristu vese vangawana zvidzidzo zvipi kubva pane zvaakanyora? Ngatikurukurei mhinduro dzemibvunzo iyi.

KUBVA MURIMA KUENDA MUCHIEDZA

3. Mashoko api akashandiswa naPauro mutsamba yaakanyorera vaEfeso?

3 Pauro akanyorera vaKristu vekuEfeso kuti: “Maimbova rima, asi iye zvino mava chiedza.” (VaEf. 5:8) Pano Pauro akashandisa shoko rekuti “rima” uye rekuti “chiedza” achiratidza kuchinja kukuru kwakanga kwaitwa nevaEfeso. Ngatikurukurei kuti nei Pauro aigona kutaura kuti vaEfeso ‘vaimbova rima.’

4. Nei zvinganzi vaEfeso vaiva murima panyaya dzekunamata?

4 Rima panyaya dzekunamata. Vasati vadzidza chokwadi uye vasati vava vaKristu, vaEfeso vaitenda dzidziso dzechitendero chenhema uye vaitenda mashura. Guta reEfeso raiva netemberi yakakurumbira yaAtemisi, iyo yaionekwa sechimwe chezvinhu zvinomwe zvinoshamisa chaizvo zvakavakwa nevanhu. Vanhu vaienda kutemberi iyoyo kuti vanamate zvidhori. Kugadzirwa uye kutengeswa kwetutemberi twamwarikadzi Atemisi raiva bhizinesi rine mari yakawanda. (Mab. 19:​23-27) Uyewo guta racho raizivikanwa nenyaya yekuita zvemashiripiti.—Mab. 19:19.

5. Nei zvinganzi vaEfeso vaiva murima panyaya yekuzvibata?

5 Rima panyaya yekuzvibata. Efeso yaizivikanwa neunzenza hwakanyanya uye kushaya nyadzi. Kutaura zvinonyadzisira kwainge kwakajairika munzvimbo dzekutandarira dzemuguta racho, kunyange pamitambo yechitendero. (VaEf. 5:3) Vakawanda vevagari vemuguta racho ‘vainge vasisina unhu zvachose.’ (VaEf. 4:​17-19) Mashoko akashandiswa pano akatorwa pamashoko echiGiriki anoreva ‘kusanzwa marwadzo.’ VaEfeso vasati vadzidza kuti zvakanaka uye zvakaipa ndezvipi, hana dzavo dzaisambovatongesa pavaiita zvakaipa. Uyewo vaisava nebasa nekuti Jehovha ainzwa sei nezvavaiita. Saka Pauro aikwanisa kutaura nezvavo sevaiva ‘murima mupfungwa uye vakaparadzaniswa neupenyu hunopiwa naMwari.’

6. Nei Pauro akataura kuti vaEfeso vakanga ‘vava chiedza’?

6 Asi vamwe vaEfeso havana kuramba vari murima. Pauro akanyora kuti ‘vakanga vava chiedza munaShe.’ (VaEf. 5:8) Vakanga vagamuchira chiedza chechokwadi chemuMagwaro. (Pis. 119:105) VaEfeso ava vakasiya maitiro echitendero chenhema uye unzenza. Vakanga vava “vatevedzeri vaMwari” uye vaiita zvese zvavaigona kuti vanamate Jehovha uye vamufadze.—VaEf. 5:1.

7. Mamiriro edu ezvinhu akafanana papi neevaKristu vemuEfeso vakawanda?

7 Isuwo tisati tadzidza chokwadi, taiva murima panyaya dzekunamata uye dzekuzvibata. Vamwe vedu taimbopemberera mazororo echitendero chenhema, uye vamwe taimborarama upenyu hweunzenza. Asi patakangodzidza zvinodiwa naJehovha panyaya yezvakarurama nezvisina, takachinja. Takatanga kurarama maererano nezvaanoda kuti tiite. Izvi zvakatibatsira chaizvo. (Isa. 48:17) Asi iye zvino tinoramba tichitarisana nematambudziko. Tinofanira kutambira kure nerima ratakasiya, ‘toramba tichifamba sevana vechiedza.’ Izvozvo tinozviita sei?

Image digitally reproduced with the permission of the Papyrology Collection, Graduate Library, University of Michigan, P.Mich.inv. 6238. Licensed under CC by 3.0

Mazano aPauro aakanyorera vaEfeso anogonawo kutibatsira mazuva ano (Ona ndima 7) b


USAPINDA MURIMA

8. Maererano naVaEfeso 5:​3-5, vaKristu vemuEfeso vaifanira kutambira kure nei?

8 Verenga VaEfeso 5:​3-5. Kuitira kuti varambe vari kure nerima panyaya dzekuzvibata, vaKristu vemuEfeso vaifanira kusiyana nezvinhu zvisingafadzi Jehovha. Izvozvo zvaisanganisira upombwe uye kutaura zvinonyadzisira. Pauro akayeuchidza vaEfeso kuti vaifanira kutambira kure nezvinhu zvakadaro kana vaizova ‘nenhaka muUmambo hwaKristu nehwaMwari.’

9. Nei tichifanira kungwarira chaizvo kuti tisaita chero chii zvacho chinogona kuita kuti tipedzisire taita upombwe?

9 Isuwo tinofanira kuramba tichirwisa kuti tisaita “mabasa erima asina zvibereko.” (VaEf. 5:11) Kakawanda, munhu paanoramba achitarisa, achinzwa, kana kuti achitaura zvinhu zvisina kuchena, kana zveupombwe, zviri nyore kuti aite zvakaipa. (Gen. 3:6; Jak. 1:​14, 15) Mune imwe nyika, hama nehanzvadzi dzakawanda dzakatanga kutumirana mameseji pagroup repasocial media. Vakawanda vavo vakatanga vachitaura zvinhu zvekunamata. Asi nekufamba kwenguva vakanga vava kutaura zvinhu zvisina kuchena. Vainyanya kutaura nezvebonde. Vakawanda vavo vakabvuma kuti kutaura zvinhu zvisina kuchena kwakaita kuti vaite upombwe.

10. Satani anoedza kutinyengera sei? (VaEfeso 5:6)

10 Nyika yaSatani inoedza kutinyengera kuti tifunge kuti zvinonzi naJehovha zvakashata uye hazvina kuchena, hazvina kutomboipa. (2 Pet. 2:19) Izvi hazvitishamisi. Rimwe remazano aSatani nderekuvhiringidza vanhu kuitira kuti vasakwanisa kusiyanisa zvakanaka nezvakaipa. (Isa. 5:20; 2 VaK. 4:4) Ndosaka mafirimu akawanda, mapurogiramu epaTV, uye nzvimbo dzepaIndaneti zvichikurudzira pfungwa dzinopesana nemitemo yaJehovha yakarurama. Satani ari kuedza kutinyengera kuti tifunge kuti kuita zvinhu zvisina kuchena uye kuita upombwe kunogamuchirika, kunonakidza uye kuti hakuna kuipa.—Verenga VaEfeso 5:6.

11. Zvakaitika kuna Angela zvinoratidza sei kuti tinofanira kushandisa zano reuchenjeri rinowanika pana VaEfeso 5:7? (Onawo mufananidzo.)

11 Satani anoda kuti tishamwaridzane nevanhu vanoita kuti zvitiomere kuramba tichiteerera mitemo yaJehovha. Ndosaka Pauro akakurudzira vaEfeso kuti: “Musabatana navo,” kureva vaya vanoita zvinhu zvakaipa mukuona kwaMwari. (VaEf. 5:7) Asi tinofanira kunyanya kungwarira kupfuura zvaiitwa nevaEfeso nekuti mazuva ano tinogona kushamwaridzana nevanhu tiri pamwe chete navo uyewo tiri pasocial media. Angela, a uyo anogara kuAsia akaona kuti social media inogona kuva nengozi. Anoti: “Inogona kukanganisa mafungiro ako zvishoma nezvishoma. Ndakasvika pekuti ndaisaona kuipa kwazvakaita kuva neshamwari dzisingaremekedzi zvinotaurwa neBhaibheri. Ndakazotanga kufunga kuti hazvina kuipa kuti ndirarame upenyu husingafadzi Jehovha.” Asi vakuru vakabatsira Angela kuti achinje. Anoti: “Iye zvino ndava kunyanya kuisa pfungwa dzangu pazvinhu zvekunamata pane kudziisa pasocial media.”

Kukwanisa kwedu kuteerera mazano atinopiwa naJehovha kunoenderana nekuti ndivanaani vatinoshamwaridzana navo (Ona ndima 11)


12. Chii chichatibatsira kuramba tichiiteerera zvinotaurwa naJehovha panyaya yezvakarurama nezvisina kururama?

12 Tinofanira kurwisa mafungiro enyika ekuti upombwe hunogamuchirika. Tinoziva kuti hwakaipa. (VaEf. 4:​19, 20) Zvakanaka kuzvibvunza kuti: ‘Ndinongwarira here kuti ndisaita nguva yakawanda pasina chikonzero chine musoro ndiine vandinoshanda navo, vandinodzidza navo, kana vamwe vanhu vasingaremekedzi mitemo yaJehovha yakarurama? Ndinova neushingi hwekuteerera Jehovha here kunyange zvazvo vamwe vangataura kuti ndakaoma musoro pandinoita izvozvo?’ Sezvinoratidzwa pana 2 Timoti 2:​20-22, tingatofanirawo kungwarira patinosarudza shamwari dzedu dzepedyo muungano yechiKristu. Tinoyeuka kuti vamwe vangasatibatsira kuti tirambe takatendeka pakushumira kwatinoita Jehovha.

FAMBAI “SEVANA VECHIEDZA”

13. Zvinorevei kuti tifambe “sevana vechiedza”? (VaEfeso 5:​7-9)

13 Pauro akakurudzira vaKristu vekuEfeso kuti vasangogumira pakuramba rima, asiwo kuti vafambe “sevana vechiedza.” (Verenga VaEfeso 5:​7-9.) Izvozvo zvinorevei? Zvinoreva kuzvibata sevaKristu vechokwadi nguva dzese. Imwe nzira yatinoita izvozvo ndeyekunyatsoverenga uye kudzidza Bhaibheri pamwe chete nemabhuku edu. Zvinokosha chaizvo kuti tinyatsofunga nezvemuenzaniso uye dzidziso dzaJesu Kristu, “chiedza chenyika.”—Joh. 8:12; Zvir. 6:23.

14. Mweya mutsvene unogona kutibatsira sei?

14 Tinodawo kubatsirwa nemweya mutsvene waMwari kuitira kuti tirambe tichizvibata “sevana vechiedza.” Nei zvakadaro? Nekuti zvakaoma kuti tirambe takachena munyika ino yakaipa. (1 VaT. 4:​3-5, 7, 8) Mweya mutsvene unogona kutibatsira kuti tirwise mafungiro evanhu vari munyika vasingaoni zvinhu semaonero anoita Jehovha. Mweya mutsvene unogona kutibatsirawo kuti tibereke “zvinhu zvakanaka zvemarudzi ese nekururama.”—VaEf. 5:9.

15. Tinowana sei mweya mutsvene? (VaEfeso 5:​19, 20)

15 Imwe nzira yatinowana nayo mweya mutsvene ndeyekuunyengeterera. Jesu akati Jehovha achapa ‘mweya mutsvene kune vaya vanomukumbira.’ (Ruka 11:13) Uye patinorumbidza Jehovha pamwe chete pamisangano yechiKristu, tinowanawo mweya mutsvene. (Verenga VaEfeso 5:​19, 20.) Mweya mutsvene waMwari uchatibatsira kuti tirarame nenzira inofadza Mwari.

16. Chii chichatibatsira kuti tiite zvisarudzo zvakanaka? (VaEfeso 5:​10, 17)

16 Kana tiine zvisarudzo zvinokosha zvatinoda kuita, tinofanira kunzwisisa “kuti kuda kwaJehovha ndekupi” tobva taita maererano nakwo. (Verenga VaEfeso 5:​10, 17.) Kana tikatsvaga mazano eBhaibheri anoshanda pamamiriro edu ezvinhu, tinenge tichiratidza kuti tinoda kuva nemafungiro aMwari panyaya yacho. Uye patinoshandisa mazano ake, kakawanda kacho tinoita zvisarudzo zvakanaka.

17. Tingaitei kuti tishandise nguva yedu nekuchenjera? (VaEfeso 5:​15, 16) (Onawo mufananidzo.)

17 Pauro akapawo vaKristu vekuEfeso zano rekuti vashandise nguva yavo nekuchenjera. (Verenga VaEfeso 5:​15, 16.) Muvengi wedu Satani, uyo “akaipa,” anoda kuti tirambe takanyura mukuita zvinhu zviri munyika ino kuitira kuti tishaye nguva yekushumira Mwari. (1 Joh. 5:19) Zviri nyore chaizvo kuti muKristu atange kuisa pfungwa pakutsvaga pfuma, padzidzo, kana kuti pabasa, pane kuti adziise pamikana yaainayo yekushumira Jehovha. Kana izvozvo zvikaitika, zvinenge zvichiratidza kuti muKristu iyeye ari kukanganiswa nemafungiro enyika. Zvinhu izvi hazvina hazvo kuipa, asi hazvifaniri kuva pekutanga muupenyu hwedu. Kuti tifambe “sevana vechiedza,” tinofanira ‘kushandisa nguva yedu nekuchenjera,’ tichiisa pfungwa dzedu pazvinhu zvinonyanya kukosha.

VaKristu vemuEfeso vakakurudzirwa kushandisa nguva yavo nekuchenjera (Ona ndima 17)


18. Zvii zvakaitwa naDonald kuti ashandise nguva yake nekuchenjera?

18 Tsvaga nzira dzekushumira Jehovha zvizere. Izvi ndizvo zvakaitwa naDonald, anogara kuSouth Africa. Anoti: “Ndakafunga nezvemamiriro angu ezvinhu ndikateterera kuna Jehovha kuti andibatsire kuti ndiite zvakawanda muushumiri. Ndakanyengetera kuti ndiwane basa raizoita kuti ndikwanise kuva nenguva yakawanda yekuparidza. Ndichibatsirwa naJehovha, ndakawana basa rakakodzera. Ini nemudzimai wangu takabva tatanga kuita basa renguva yakazara.”

19. Tingaitei kuti tirambe tichifamba “sevana vechiedza”?

19 Tsamba yaPauro kuvaEfeso inofanira kunge yakavabatsira kuti varambe vakatendeka kuna Jehovha. Uye mazano arimo anogona kutibatsirawo. Sezvataona, anogona kutibatsira kuti tisarudze nekuchenjera zvinotivaraidza uye shamwari dzedu. Anogona kutikurudzirawo kuti tigare tichidzidza Bhaibheri kuitira kuti tirambe tichitungamirirwa nechiedza chechokwadi pane zvese zvatinoita. Uye anoratidzawo kukosha kwemweya mutsvene uyo unoita kuti tive neunhu hwakanaka. Kushandisa zvakataurwa naPauro kunogona kutibatsira kuti tiite zvisarudzo zvakanaka, zviya zvinoenderana nemafungiro aJehovha. Patinoita zvese izvi, tichava kure nerima renyika ino, uye ticharamba tiri muchiedza.

UNGAPINDURA SEI?

  • Mashoko ekuti “rima” uye “chiedza” anotaurwa pana VaEfeso 5:8 anorevei?

  • Tingaitei kuti tisava ‘murima’?

  • Tingaitei kuti tirambe tichifamba “sevana vechiedza”?

RWIYO 95 Chiedza Chiri Kuramba Chichijeka

a Mamwe mazita akachinjwa.

b KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Mufananidzo uri kuratidza chinyorwa chekare chetsamba yemuapostora Pauro kuvaEfeso.