Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 9

RWIYO 75 “Ndiri Pano! Nditumei!”

Wagadzirira Kuzvitsaurira Kuna Jehovha Here?

Wagadzirira Kuzvitsaurira Kuna Jehovha Here?

“Ndicharipa Jehovha nechii nekuda kwezvinhu zvese zvakanaka zvaakandiitira?”PIS. 116:12.

ZVATICHADZIDZA

Nyaya ino inogona kukubatsira kuti uve neushamwari hwepedyo naJehovha zvozoita kuti ude kuzvitsaurira kwaari wobhabhatidzwa.

1-2. Munhu anofanira kuitei asati abhabhatidzwa?

 MUMAKORE mashanu apfuura, vanhu vanopfuura miriyoni vakabhabhatidzwa vachiva Zvapupu zvaJehovha. Kufanana nemudzidzi Timoti, vakawanda vavo vakadzidza chokwadi “kubvira paucheche.” (2 Tim. 3:​14, 15) Vamwe vakadzidza nezvaJehovha vava vanhu vakuru kana kuti vakwegura. Makore apfuura, mumwe mukadzi aidzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha akabhabhatidzwa aine makore 97!

2 Kana uri kudzidza Bhaibheri kana kuti vabereki vako vari Zvapupu, uri kufunga nezvekubhabhatidzwa here? Ichocho chinangwa chakazonaka! Asi usati wabhabhatidzwa unofanira kuzvitsaurira kuna Jehovha. Nyaya ino ichatsanangura kuti zvinorevei kuzvitsaurira kuna Mwari. Ichakubatsirawo kuona kuti nei usingafaniri kuzeza kuzvitsaurira wobhabhatidzwa kana kuri kuti wagadzirira.

KUZVITSAURIRA KUITA SEI?

3. Taura mienzaniso yemuBhaibheri yevanhu vainge vakatsaurirwa kuna Jehovha.

3 MuBhaibheri, munhu paaitsaurirwa kuna Jehovha zvaireva kuti ainge asarudzwa kuti aite basa rinokosha. VaIsraeri vaiva rudzi rwakatsaurirwa kuna Jehovha. Asi vamwe vanhu murudzi rwacho vainge vakatsaurirwa kuna Jehovha nezvimwewo zvikonzero zvinokosha. Semuenzaniso, Aroni aipfeka karata kegoridhe kaipenya kaiva pamberi pengowani yake ‘sechiratidzo chitsvene chekuzvitsaurira.’ Karata ikako kegoridhe kairatidza kuti akanga akatsaurwa kuti aite basa rinokosha semupristi mukuru wevaIsraeri. (Revh. 8:​9, mashoko emuzasi) VaNaziri vainge vakatsaurirwawo kuna Jehovha nezvimwewo zvikonzero zvinokosha. Shoko rekuti muNaziri iro rinobva pashoko rechiHebheru rekuti nazirʹ, rinoreva kuti “Akaparadzaniswa Nevamwe,” kana kuti “Akatsaurwa.” VaNaziri vaifanira kuteerera mirayiro yavaipiwa yainge yakanyorwa muMutemo waMozisi.—Num. 6:​2-8.

4. (a) Paunotsaurira upenyu hwako kuna Jehovha, chii chinobva chava chinhu chinonyanya kukosha muupenyu hwako? (b) Kuzviramba kunorevei? (Onawo mufananidzo.)

4 Paunozvitsaurira kuna Jehovha unosarudza kuva mudzidzi waJesu Kristu uye kuita kuda kwaMwari kunova chinhu chinokosha kupfuura zvese muupenyu hwako. Izvozvo zvinosanganisirei? Jesu akati: “Kana munhu achida kunditevera, ngaazvirambe.” (Mat. 16:24) Mashoko echiGiriki akashandurwa kuti “ngaazvirambe” anogonawo kushandurwa kuti “ngaarege kuzviraramira.” Semushumiri waJehovha akazvitsaurira, uchafanira kuramba chero chii zvacho chinopesana nekuda kwake. (2 VaK. 5:​14, 15) Izvozvo zvinosanganisira kuramba “mabasa enyama” akadai seupombwe. (VaG. 5:​19-21; 1 VaK. 6:18) Kuteerera mirayiro iyoyo kuchaita kuti upenyu hwako huome here? Hakuiti kuti huome kana uchida Jehovha uye uine chokwadi chekuti mitemo yake yakakunakira. (Pis. 119:97; Isa. 48:​17, 18) Imwe hama inonzi Nicholas inozvitaura ichiti, “Unogona kuona mirayiro yaJehovha sesimbi dzejeri dzinokutadzisa kuita zvaunoda kana kuti sesimbi dzinenge dzakavharira shumba kuitira kuti usakuvadzwa.”

Unoona mitemo yaJehovha sesimbi dzejeri dzinokutadzisa kuita zvaunoda here kana kuti sesimbi dzinenge dzakavharira shumba kuitira kuti usakuvadzwa? (Ona ndima 4)


5. (a) Unozvitsaurira kuna Jehovha sei? (b) Kuzvitsaurira kwakasiyana papi nekubhabhatidzwa? (Onawo mufananidzo.)

5 Unozvitsaurira sei kuna Jehovha? Unonyengetera uchimuvimbisa kuti uchanamata iye chete uye kuti uchaita kuti kuda kwake kuve pekutanga muupenyu hwako. Unenge uchivimbisa Jehovha kuti ucharamba uchimuda “nemwoyo wako wese nemweya wako wese nepfungwa dzako dzese uye nesimba rako rese.” (Mako 12:30) Paunozvitsaurira, panenge pasina mumwe munhu aripo, kunze kwako naJehovha chete. Asi paunobhabhatidzwa, panenge paine vamwe vanhu. Izvi zvinoratidza vanhu vanenge vachiona kuti wakazvitsaurira. Kuzvitsaurira imhiko tsvene. Chinangwa chako chinofanira kuva chekurarama zvinoenderana nemhiko iyoyo uye Jehovha anotarisira kuti uite izvozvo.—Mup. 5:​4, 5.

Kuzvitsaurira kuna Jehovha kunosanganisira kumuvimbisa kuti uchanamata iye chete uye uchaita kuti kuda kwake kuve pekutanga muupenyu hwako (Ona ndima 5)


NEI UCHIFANIRA KUZVITSAURIRA KUNA JEHOVHA?

6. Chii chinoita kuti munhu azvitsaurire kuna Jehovha?

6 Chikonzero chikuru chekuti uzvitsaurire kuna Jehovha ndechekuti unomuda. Kuda kwaunomuita hakungobvi pamanzwiro chete. Asi kunobva ‘paruzivo rwakarurama’ uye ‘pakunzwisisa zvinhu zvemweya.’ Zvinhu izvi ndizvo zvawakadzidza nezvaJehovha, zvikaita kuti uwedzere kumuda. (VaK. 1:9) Kudzidza Bhaibheri kwakaita kuti uve nechokwadi chekuti (1) Jehovha ariko, (2) Bhaibheri iShoko rake rakafemerwa, uye (3) anoshandisa sangano rake kuti aite kuda kwake.

7. Chii chatinofanira kunge tichiita tisati tazvitsaurira kuna Mwari?

7 Vaya vanozvitsaurira kuna Jehovha vanofanira kuziva dzidziso dzinokosha dzinowanika muShoko raMwari uye kurarama maererano nezvarinotaura. Vanoita zvese zvavanogona kuti vaudzewo vamwe zvavanotenda. (Mat. 28:​19, 20) Kuda kwavanoita Jehovha kunowedzera uye chido chavo ndechekunamata iye chete. Izvozvo ndizvo zvauri kuitawo here? Kuda Jehovha zvakadaro kuchaita kuti usaona kuzvitsaurira nekubhabhatidzwa sechinhu chaunongoita kuti ufadze mudzidzisi wako weBhaibheri kana kuti vabereki vako, uye hauoni izvozvo sechinhu chaunongoita nekuti ndizvo zviri kungoitwawo neshamwari dzako.

8. Kuonga kunokubatsira sei kuti usarudze kuzvitsaurira kuna Jehovha? (Pisarema 116:​12-14)

8 Paunofunga zvese zvawakaitirwa naJehovha unomuonga uye unobva wada kutsaurira upenyu hwako kwaari. (Verenga Pisarema 116:​12-14.) Bhaibheri rinotaura kuti Jehovha anopa “zvipo zvese zvakanaka nezvipo zvese zvakakwana.” (Jak. 1:17) Chipo chikuru pane zvese izvozvo, chibayiro cheMwanakomana wake Jesu. Chimbozvifunga! Rudzikinuro rwakaita kuti ukwanise kuva neushamwari hwepedyo naJehovha. Uye akakupa mukana wekurarama nekusingaperi. (1 Joh. 4:​9, 10, 19) Kuzvitsaurira kuna Jehovha ndeimwe nzira yakanaka chaizvo yekuratidza kuonga kwaunoita rudo rukuru irworwo, pamwe chete nemamwe makomborero ese awakapiwa naJehovha. (Dheut. 16:17; 2 VaK. 5:15) Muchidzidzo 46 chebhuku rinonzi Rarama Nekusingaperi Uchifara! papfungwa yechi4 panotaura nezvekuonga ikoko. Chidzidzo ichocho chinewo vhidhiyo yemaminitsi matatu inonzi Kupa Jehovha Zvipo Zvako.

WAGADZIRIRA KUZVITSAURIRA UYE KUBHABHATIDZWA HERE?

9. Nei munhu asingafaniri kunzwa sekuti ari kumanikidzwa kuti azvitsaurire?

9 Ungaona sekuti hausati wagadzirira kuzvitsaurira uye kubhabhatidzwa. Zvimwe uchiri kufanira kuchinja zvimwe zvinhu muupenyu hwako kuitira kuti uteerere zvinotaurwa naJehovha, kana kuti zvimwe unoda nguva kuti usimbise kutenda kwako. (VaK. 2:​6, 7) Vamwe vadzidzi veBhaibheri vanokurumidza kufambira mberi asi vamwe vanononoka, uye havasi vechidiki vese vanozvitsaurira uye vanobhabhatidzwa pazera rakafanana. Edza kuona kuti ndezvipi zvaunofanira kuchinja wobva waita zvaunokwanisa usingazvienzanisi nemumwe munhu.—VaG. 6:​4, 5.

10. Ungaitei kana ukaona kuti hausati wagadzirira kuzvitsaurira uye kubhabhatidzwa? (Onawo bhokisi rakanzi “ Kune Vaya Vari Kurerwa Muchokwadi.”)

10 Kunyange ukaona kuti hausati wagadzirira kuzvitsaurira kuna Jehovha ramba uine chinangwa ichocho. Nyengetera kuna Jehovha kuti akubatsire kuchinja chero chii zvacho chaunofanira kuchinja muupenyu hwako. (VaF. 2:13; 3:16) Unogona kuva nechokwadi chekuti achanzwa munyengetero wako oupindura.—1 Joh. 5:14.

NEI VAMWE VACHIZEZA KUZVITSAURIRA VOBHABHATIDZWA?

11. Jehovha achatibatsira sei kuti tirambe takatendeka kwaari?

11 Vamwe vachiri kuzeza kuzvitsaurira uye kubhabhatidzwa kunyange zvazvo vagadzirira kuita izvozvo. Vanogona kunge vachityira kuti pashure pekunge vabhabhatidzwa vachaita chivi chakakura vodzingwa. Kana uri kutyira izvozvo ziva kuti Jehovha achakupa zvese zvaunoda kuti ‘ufambe zvinokodzerana nezita rake, kuti unyatsomufadza.’ (VaK. 1:10) Achakupawo simba rekuti uite zvakarurama. Akatobatsira vamwe vakawanda kuti vaite zvakarurama. (1 VaK. 10:13) Ndosaka pangori nevanhu vashoma vanodzingwa muungano yechiKristu. Jehovha anobatsira vanhu vake kuti varambe vakatendeka.

12. Tingaitei kuti tisaita chivi chakakura?

12 Munhu wese ane chivi anova pamuedzo wekuita zvinhu zvakaipa. (Jak. 1:14) Asi unofanira kusarudza zvauchaita paunenge waedzwa. Chokwadi ndechekuti ndiwe une simba rekusarudza mararamiro auchaita. Kunyange zvazvo vamwe vanhu vangati haukwanisi kudzora zvaunoita uye manzwiro ako, unogona kudzidza kudzora zvido zvisina kunaka. Uye kunyange ukanzwa kuda kuita zvakaipa unogona kusarudza kusazviita. Pane zvimwewo zvinhu zvichakubatsira kuti urege kutadza. Semuenzaniso, nyengetera kuna Jehovha zuva rimwe nerimwe. Ramba uine purogiramu yakanaka yekudzidza Shoko raMwari uri wega. Pinda misangano yechiKristu. Udzawo vamwe zvaunotenda. Kuramba uchitora matanho aya kuchakupa simba rekurarama maererano nemhiko yako yekuzvitsaurira. Uye usambofa wakakanganwa kuti Jehovha achakubatsira kuti uite izvozvo.—VaG. 5:16.

13. Josefa akatisiyira muenzaniso upi wakanaka?

13 Zvichawedzera kukuitira nyore kuti urarame zvinoenderana nekuzvitsaurira kwako kana ukagara wasarudza zvauchazoita kana waedzwa. Bhaibheri rinotiudza nezvevanhu vakawanda vakaita izvozvo kunyange zvazvo vaivawo vanhu vane chivi. Semuenzaniso, mudzimai waPotifari aigara achiedza kuita kuti Josefa arare naye. Asi Josefa aiziva zvaaifanira kuita. Bhaibheri rinotiudza kuti “akaramba,” uye akati: “Ndingaitirei chivi chakakura kudaro ndichitadzira Mwari?” (Gen. 39:​8-10) Zviri pachena kuti Josefa asati atomboedzwa nemukadzi uyu aiziva zvaaifanira kuita. Saka zvakawedzera kumuitira nyore kuti aite zvakarurama paakaedzwa.

14. Tinodzidza sei kuramba miedzo?

14 Tingatevedzera sei Josefa toramba takatendeka kuna Mwari? Unogona kusarudza iye zvino zvauchaita kana waedzwa. Dzidza kukurumidza kuramba zvinhu zvinovengwa naJehovha, uye ramba kunyange kuisa pfungwa dzako pazviri. (Pis. 97:10; 119:165) Ukadaro hauzokundwi nemuedzo. Uchange uchitoziva zvauchazoita.

15. Munhu angaratidza sei kuti ari ‘kutsvaga Jehovha nemwoyo wese’? (VaHebheru 11:6)

15 Ungangodaro uchiziva kuti wakawana chokwadi uye kuti unoda kushumira Jehovha nemwoyo wako wese, asi unogona kunzwa sekuti hausati wagadzirira kuti uzvitsaurire uye ubhabhatidzwe. Unogona kuita zvakaitwa naMambo Dhavhidhi. Unogona kukumbira Jehovha uchiti: “Ndiongororei, haiwa Mwari, muzive mwoyo wangu. Ndicherechedzei, muzive zviri kundidya mwoyo. Onai kana mandiri muine chero nzira ipi zvayo yakaipa, munditungamirire panzira isingagumi.” (Pis. 139:​23, 24) Jehovha anokomborera vaya “vanomutsvaga nemwoyo wese.” Zvauri kuita kuti uzadzise chinangwa chako chekuzvitsaurira uye kubhabhatidzwa zvinomuratidza kuti uri kumutsvaga nemwoyo wese.—Verenga VaHebheru 11:6.

RAMBA UCHISWEDERA PEDYO NAJEHOVHA

16-17. Jehovha anounza sei kwaari vaya vari kurerwa muchokwadi? (Johani 6:44)

16 Jesu akati Jehovha ndiye anoita kuti vadzidzi vauye kwaari. (Verenga Johani 6:44.) Funga nezvekushamisa kwazvinoita uye zvazvinoreva kwauri. Jehovha anoona chimwe chinhu chakanaka mumunhu mumwe nemumwe uye anoita kuti auye kwaari. Anoona munhu mumwe nemumwe ‘sepfuma yake yaanokoshesa.’ (Dheut. 7:6) Ndiwo maonero aanokuita.

17 Asi unogona kunge uri wechidiki ari kurerwa muchokwadi. Unganzwa sekuti uri kungoita zvekudhonzwa. Asi Bhaibheri rinoti: ‘Swedera pedyo naMwari, uye iye achaswedera pedyo newe.’ (Jak. 4:8; 1 Mak. 28:9) Paunotora danho rekuswedera pedyo naJehovha iye anoswederawo pedyo newe. Jehovha haangokuoni semunhu ari pakati peboka revashumiri vake. Anoita kuti munhu mumwe nemumwe auye kwaari kusanganisira munhu mumwe nemumwe ari kurerwa muchokwadi. Munhu akadaro paanotora danho rekuswedera pedyo naJehovha, Mwari anoswederawo pedyo naye sezvataona pana Jakobho 4:8.—Enzanisa na2 VaTesaronika 2:13.

18. Tichakurukurei munyaya inotevera? (Pisarema 40:8)

18 Paunozvitsaurira kuna Jehovha wobhabhatidzwa unoratidza mafungiro aJesu. Akazvipa kuna Baba vake nemwoyo wese kuti aite chero zvaainge akumbirwa. (Verenga Pisarema 40:8; VaH. 10:7) Munyaya inotevera tichakurukura zvinhu zvichakubatsira kuti urambe uchishumira Jehovha wakatendeka pashure pekunge wabhabhatidzwa.

UNGAPINDURA SEI?

  • Zvinorevei kuti munhu azvitsaurira kuna Jehovha?

  • Kuonga kunokubatsira sei kuti uzvitsaurire?

  • Chii chichakubatsira kuti usaite chivi chakakura?

RWIYO 38 Achakusimbisa