Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 18

Rudo Nekubata Vamwe Zvakanaka Muungano yechiKristu

Rudo Nekubata Vamwe Zvakanaka Muungano yechiKristu

“Rambai muchitakurirana zvinorema, muzadzike mutemo waKristu.”​—VAG. 6:2.

RWIYO 12 Mwari Mukuru, Jehovha

ZVICHADZIDZWA *

1. Tinogona kuva nechokwadi nezvinhu zvipi zviviri?

JEHOVHA MWARI anoda vashumiri vake. Agara achivada uye achangoramba achivada. Uyewo anoda kuti vanhu vatongwe zvakarurama kana kuti vabatwe zvakanaka. (Pis. 33:5) Saka tinogona kuva nechokwadi nezvinhu zviviri zvinoti: (1) Jehovha anorwadziwa kana vashumiri vake vakabatwa zvisina kunaka. (2) Acharanga vese vanobata vashumiri vake zvisina kunaka. Munyaya yekutanga panyaya dzino, * takadzidza kuti Mutemo wakapiwa vaIsraeri naMwari achishandisa Mosesi wainge wakavakirwa parudo. Waikurudzira kuti vanhu vese vabatwe zvakanaka, kusanganisira vaya vaisagona kuzvidzivirira. (Dheut. 10:18) Mutemo iwoyo unoratidza kuti Jehovha anoda vashumiri vake zvakadzama.

2. Tichapindura mibvunzo ipi?

2 Mutemo waMosesi wakaguma kushanda muna 33 C.E. pakatangwa ungano yechiKristu. Saka zvinoreva here kuti vaKristu havasisina mutemo unovabatsira wakavakirwa parudo uye unokurudzira kubata vamwe zvakanaka? Aiwa! VaKristu vakapiwa mutemo mutsva. Munyaya ino tichatanga nekukurukura kuti mutemo iwoyo ndeupi. Tichabva tazopindura mibvunzo inotevera: Nei tingati mutemo iwoyo wakavakirwa parudo? Nei tingati unokurudzira kuti vanhu vabatwe zvakanaka? Maererano nemutemo iwoyo, vaya vakapiwa simba vanofanira kubata sei vamwe?

CHII CHINONZI “MUTEMO WAKRISTU”?

3. “Mutemo waKristu” unotaurwa pana VaGaratiya 6:2 unobatanidzei?

3 Verenga VaGaratiya 6:2. VaKristu vari pasi ‘pemutemo waKristu.’ Jesu haana kunyorera vateveri vake bumbiro remutemo asi akavapa mirayiro nemazano anovatungamirira muupenyu. “Mutemo waKristu” unobatanidza zvese zvakadzidziswa naJesu. Kuti unzwisise mutemo wacho zviri nani, ona zvinotaurwa mundima dzinotevera.

4-5. Jesu aidzidzisa sei, uye akadzidzisa riini?

4 Jesu aidzidzisa sei? Nzira yekutanga yaiva yekudzidzisa vateveri vake nezvaaitaura. Mashoko ake aiva nesimba nekuti aitaura chokwadi pamusoro paMwari, aidzidzisa chinangwa cheupenyu, uye airatidza kuti Umambo hwaMwari ndihwo huchapedza matambudziko ese evanhu. (Ruka 24:19) Jesu aidzidzisawo nezvaaiita. Mararamiro ake akaratidza vateveri vake kuti vanofanira kurarama sei.—Joh. 13:15.

5 Jesu akadzidzisa riini? Akadzidzisa paaiita ushumiri hwake panyika. (Mat. 4:23) Akadzidzisawo vateveri vake achangobva kumutswa. Semuenzaniso, akazviratidza kuvadzidzi vake, avo vanofanira kunge vaipfuura 500, achibva avapa murayiro wekuita kuti ‘vanhu vave vadzidzi.’ (Mat. 28:19, 20; 1 VaK. 15:6) Semusoro weungano, Jesu akaramba achidzidzisa vadzidzi vake pashure pekunge adzokera kudenga. Munenge muna 96 C.E., akaudza Johani kuti akurudzire uye atsiure vaKristu vakazodzwa.​—VaK. 1:18; Zvak. 1:1.

6-7. (a) Zvakadzidziswa naJesu zvakanyorwa pai? (b) Tinoteerera sei mutemo waKristu?

6 Zvakadzidziswa naJesu zvakanyorwa pai? MuEvhangeri ina makanyorwa zvinhu zvakawanda zvakataurwa uye zvakaitwa naJesu paaiva panyika. Mamwe mabhuku ese eMagwaro echiKristu echiGiriki, ayo akanyorwa nevarume vakafemerwa naMwari uye vaiva ‘nepfungwa dzaKristu,’ anotibatsira kuti tiwedzere kunzwisisa mafungiro aKristu.​—1 VaK. 2:16.

7 Zvidzidzo: Zvakadzidziswa naJesu zvinotibatsira pazvinhu zvese muupenyu. Saka mutemo waKristu unoshanda pane zvese zvatinoita pangava pamba, kubasa, kuchikoro uye muungano. Tinodzidza mutemo uyu kana tikaverenga Magwaro echiKristu echiGiriki, tofungisisa zvatinenge taverenga. Tinoteerera mutemo uyu nekurarama maererano nemirayiro nemazano atinowana muchikamu ichi cheBhaibheri chakafemerwa. Patinoteerera mutemo waKristu, tinenge tichiteerera Mwari wedu ane rudo, Jehovha, nekuti zvese zvakadzidziswa naKristu zvakabva kwaari.​—Joh. 8:28.

MUTEMO WAKAVAKIRWA PARUDO

8. Ndeipi faundesheni yemutemo waKristu?

8 Kana imba yakavakirwa pafaundesheni yakasimba vanhu vanogaramo vanonzwa vakachengeteka. Saka kana paine mutemo wakanaka uye wakavakirwa pafaundesheni yakasimba, vaya vanouteerera vanonzwa vakachengeteka. Mutemo waKristu wakavakirwa parudo, faundesheni yakasimba zvikuru. Sei tichidaro?

Kana tikabata vamwe nerudo tinenge tichiteerera “mutemo waKristu” (Ona ndima 9-14) *

9-10. Ndezvipi zvinoratidza kuti zvese zvaiitwa naJesu zvaibva parudo, uye tingamutevedzera sei?

9 Chekutanga, rudo ndirwo rwaiita kuti Jesu aite zvese zvaakaita. Kusiririswa kana kuti kunzwira tsitsi inotova nzira yekuratidza nayo rudo. Kusiririswa ndiko kwakaita kuti Jesu adzidzise mapoka evanhu, aporese vairwara, ape vaiva nenzara zvekudya, uye amutse vakafa. (Mat. 14:14; 15:32-38; Mako 6:34; Ruka 7:11-15) Kunyange zvazvo aishandisa nguva yake nesimba rake pakuita zvinhu izvozvo, Jesu aikoshesa zvaidiwa nevamwe kupfuura zvake. Nzira huru yaakaratidza nayo rudo ndeyekufira vamwe.​—Joh. 15:13.

10 Zvidzidzo: Tinogona kutevedzera Jesu nekukoshesa zvinodiwa nevamwe kupfuura zvatinoda isu. Tinogonawo kumutevedzera nekuwedzera kunzwira tsitsi vanhu vari mundima yatinoparidza. Tsitsi idzodzo padzinoita kuti tiparidze uye tidzidzise vanhu mashoko akanaka, tinenge tichiteerera mutemo waKristu.

11-12. (a) Ndezvipi zvinoratidza kuti Jehovha anotida chaizvo? (b) Tingatevedzera sei rudo rwaJehovha?

11 Chechipiri, Jesu airatidza rudo rwaBaba vake. Paaiita ushumiri hwake, Jesu akaratidza kuti Jehovha anoda vashumiri vake chaizvo. Zvimwe zvaakadzidzisa ndezvekuti: (1) Mumwe nemumwe wedu anokosha chaizvo kuna Baba vedu vekudenga. (Mat. 10:31) (2) Jehovha anoda chaizvo kugamuchira gwai rinenge rarasika asi ropfidza uye rodzoka muungano. (Ruka 15:7, 10) (3) Jehovha akaratidza kuti anotida chaizvo nekutipa Mwanakomana wake kuti atifire.​—Joh. 3:16.

12 Zvidzidzo: Tingatevedzera sei rudo rwaJehovha? (VaEf. 5:1, 2) Tinoona hama nehanzvadzi dzedu dzese sevanhu vanokosha chaizvo, uye tinogamuchira nemufaro ‘gwai rakarasika’ rinenge radzoka kuna Jehovha. (Pis. 119:176) Tinoratidza kuti tinoda hama nehanzvadzi dzedu nekuzvipira kudzibatsira padzinenge dzichida kubatsirwa. (1 Joh. 3:17) Patinoratidza vamwe rudo, tinenge tichiteerera mutemo waKristu.

13-14. (a) Sezvakanyorwa pana Johani 13:34, 35, Jesu akarayira vateveri vake kuti varatidzei, uye nei uyu uri murayiro mutsva? (b) Tinoteerera sei murayiro mutsva?

13 Chechitatu, Jesu akarayira vateveri vake kuti varatidze rudo rwekuzvipira. (Verenga Johani 13:34, 35.) Murayiro waJesu mutsva pakuti unotaura nezverudo rusina kumbotaurwa muMutemo wakapiwa vaIsraeri naMwari. Rudo urwu nderwekuti tide vatinonamata navo sekudiwa kwatakaitwa naJesu. Urwu rudo rwekuzvipira. * Tinofanira kuda hama nehanzvadzi dzedu kunyange kutopfuura kuda kwatinozviita. Tinofanira kudzida zvekutosvika pakudzifira sezvatakaitirwawo naJesu.

14 Zvidzidzo: Tinoteerera sei murayiro mutsva? Nekubvuma kurasikirwa nezvimwe zvinhu kuti tibatsire hama nehanzvadzi dzedu. Hatingomiriri chete kuzorasikirwa neupenyu hwedu, asi tinozvipira kurasikirwa nezvimwe zvinhu zvidiki. Semuenzaniso, tinoratidza kuti tiri kuteerera mutemo waKristu kana tichigara tichibatsira muKristu akwegura kuti akwanise kusvika kumisangano, tichirega zvimwe zvinhu zvatinofarira kuti tifadze munhu watinoda, uye tichikumbira kusava pabasa kuti tiende kunobatsira vanenge vawirwa nenjodzi. Nekuita izvi, tinenge tichitobatsirawo kuti munhu wese ari muungano anzwe akachengeteka.

MUTEMO UNOKURUDZIRA KUBATA VAMWE ZVAKANAKA

15-17. (a) Zvakaitwa naJesu zvairatidza sei kuti aibata vanhu zvakanaka? (b) Tingatevedzera sei Jesu?

15 MuBhaibheri, kubata vamwe zvakanaka kana kuti kutonga zvakarurama kunoreva kuita zvinonzi naMwari zvakarurama uye kuzviita tisingasaruri. Nei tingati mutemo waKristu unokurudzira kubata vamwe zvakanaka?

Jesu airemekedza vakadzi uye aivabata zvakanaka, kusanganisira vaya vaionekwa nevamwe sevanhu pasina (Ona ndima 16) *

16 Chekutanga, ona kuti zvakaitwa naJesu zvinoratidza sei kuti aibata vamwe zvakanaka. Panguva yaaiva panyika, vatungamiriri vechitendero vechiJudha vaivenga vanhu vasiri vaJudha, vaitarisira pasi vaJudha vasina kudzidza muzvikoro zvechitendero, uye vaisaremekedza vakadzi. Asi Jesu aibata vanhu vese zvakaenzana, asingasaruri. Akabatsira vanhu vasiri vaJudha vaitenda maari. (Mat. 8:5-10, 13) Aiparidzira varombo nevapfumi asingasaruri. (Mat. 11:5; Ruka 19:2, 9) Aisaitira vakadzi utsinye kana kuvabata zvisina kunaka. Asi aivaremekedza uye aivabata zvakanaka, kusanganisira vaya vaionekwa sevanhu pasina.​—Ruka 7:37-39, 44-50.

17 Zvidzidzo: Tinogona kutevedzera Jesu nekusasarura vamwe uye kuparidzira vanhu vese vanoda kutiteerera, pasinei nekuti vapfumi kana kuti varombo uye kuti ndevechitendero chipi. Varume vechiKristu vanotevedzera Jesu nekuremekedza vakadzi. Patinoita izvi, tinenge tichiteerera mutemo waKristu.

18-19. Jesu akadzidzisei panyaya yekubata vamwe zvakanaka, uye tinodzidzei pane zvaakadzidzisa?

18 Chechipiri, funga zvakadzidziswa naJesu panyaya yekubata vamwe zvakanaka. Akadzidzisa zvinhu zvaizobatsira vateveri vake kuti vabate vamwe zvakanaka. Funga nezvenyaya yekuitira vamwe zvatinoda kuti vatiitirewo. (Mat. 7:12) Tese tinoda kubatwa zvakanaka. Saka tinofanira kubatawo vamwe zvakanaka. Kana tikadaro, vachadawo kutibata zvakanaka. Zvakadii kana tiri kubatwa zvisina kunaka? Jesu akadzidzisawo vateveri vake kuti vavimbe kuti Jehovha achaita kuti ‘vanoshevedzera kwaari masikati neusiku vatongerwe nyaya dzavo zvakarurama.’ (Ruka 18:6, 7) Mashoko aya ivimbiso yekuti: Mwari wedu uyo anotonga zvakarurama anoziva matambudziko atiri kusangana nawo mumazuva ano ekupedzisira, uye achatigadzirisira zvinhu panguva yake yakakodzera.​—2 VaT. 1:6.

19 Zvidzidzo: Kana tikaita zvakadzidziswa naJesu, tichabata vamwe zvakanaka. Uye kana tisiri kubatwa zvakanaka munyika yaSatani, tinogona kunyaradzwa nekuziva kuti Jehovha achatigadzirisira zvinhu.

VAYA VANOTUNGAMIRIRA VANOFANIRA KUBATA VAMWE SEI?

20-21. (a) Vaya vanotungamirira vanofanira kubata vamwe sei? (b) Murume angaratidza sei rudo rwekuzvipira, uye baba vanofanira kubata sei vana vavo?

20 Mutemo waKristu unoti vaya vari kutungamirira vanofanira kubata vamwe sei? Sezvo mutemo wacho wakavakirwa parudo, vaya vari kutungamirira vanofanira kuremekedza vavari kutungamirira, vachivabata nerudo. Vanofanira kuyeuka kuti Kristu anoda kuti tiratidze rudo pane zvese zvatinoita.

21 Mumhuri. Murume anofanira kuda mudzimai wake ‘sekuda kwakaita Kristu ungano.’ (VaEf. 5:25, 28, 29) Murume anofanira kuratidza rudo rwekuzvipira rwaiva naKristu kuburikidza nekukoshesa zvinodiwa uye zvinofarirwa nemudzimai wake kupfuura zvake iye. Vamwe varume vanoomerwa nekuratidza rudo rwakadaro, zvimwe nekuti vakarerwa munzvimbo yaisakosheswa nyaya yekuda vamwe uye kuvabata zvakanaka. Zvinogona kuvaomera kuti varege tsika dzakaipa, asi vanofanira kudzirega kuti vateerere mutemo waKristu. Murume anoratidza rudo rwekuzvipira anoremekedzwa nemudzimai wake. Baba vanoda vana vavo havaiti kana kutaura zvinhu zvinovarwadzisa. (VaEf. 4:31) Asi vanoratidza vana vavo kuti vanovada kuitira kuti vanzwe vakachengeteka. Baba vakadaro vanodiwa nevana vavo, uye vana vacho vanovimba navo.

22. Sezviri pana 1 Petro 5:1-3, “makwai” ndeaani, uye anofanira kubatwa sei?

22 Muungano. Vakuru vanofanira kuyeuka kuti “makwai” haasi avo. (Joh. 10:16; verenga 1 Petro 5:1-3.) Mashoko ekuti “boka raMwari” uye “nhaka yaMwari” anoyeuchidza vakuru kuti makwai ndeaJehovha. Anoda kuti makwai ake abatwe nerudo neunyoro. (1 VaT. 2:7, 8) Vaya vanoita basa ravo nerudo sevafudzi vanofarirwa naJehovha. Vakuru vakadaro vanodiwa uye vanoremekedzwa nehama nehanzvadzi dzavo.

23-24. (a) Vakuru vanoita sei kana munhu aita chivi chakakura? (b) Pavanotonga nyaya dzakadaro, vakuru vanofunga nezvei?

23 Basa revakuru nderei kana munhu aita chivi chakakura? Basa ravo rakasiyana neraiitwa nevatongi nevakuru vaiva pasi peMutemo wakapiwa vaIsraeri naMwari. Maererano neMutemo iwoyo, varume vakagadzwa vaitonga nyaya dzine chekuita nekunamata nedzimwewo nyaya dzekunetsana kwevanhu uye mhosva dzainge dzaparwa. Asi maererano nemutemo waKristu, basa revakuru nderekugadzirisa zvakaipa zvinenge zvaitwa nemunhu panyaya dzekunamata. Vanoziva kuti hurumende dzine basa radzakapiwa naMwari rekutonga nyaya dzekunetsana kwevanhu kana kuti mhosva dzinenge dzaparwa. Izvi zvinosanganisira kupa mutongo wekubhadharisa faindi, kana kuisa munhu mujeri.​—VaR. 13:1-4.

24 Vakuru vanoita sei kana munhu aita chivi chakakura? Vanoongorora nyaya yacho vachishandisa Bhaibheri, vosarudza zvekuita. Vanoramba vachiyeuka kuti rudo ndiyo faundesheni yemutemo waKristu. Rudo runoita kuti vakuru vaongorore kuti: Chii chinofanira kuitwa kuti vanhu vari muungano vanenge vatadzirwa vabatsirwe? Mutadzi wacho ari kupfidza here? Tingamubatsira sei kuti agadzirise ukama hwake naJehovha?

25. Tichakurukurei munyaya inotevera?

25 Tinotenda chaizvo kuti tiri pasi pemutemo waKristu! Kana tese tikashanda nesimba kuti tiuteerere, tinobatsira kuti munhu wese ari muungano aone kuti anodiwa, anokosheswa, uye akachengeteka. Asi munyika yatiri kurarama “vanhu vakaipa” vari kubva “pakuipa vachienda pakuipisisa.” (2 Tim. 3:13) Tinofanira kuramba takangwarira. Panyaya dzekushungurudzwa kwevana pabonde, ungano yechiKristu inofanira kuitei kuti iratidze kuti Mwari anotonga zvakarurama? Nyaya inotevera ichapindura mubvunzo iwoyo.

RWIYO 15 Rumbidzai Dangwe raJehovha!

^ ndima 5 Nyaya ino nembiri dzinotevera dzinotsanangura kuti nei tingava nechokwadi chekuti Jehovha ndiMwari ane rudo uye anotonga zvakarurama. Anoda kuti vanhu vake vabatwe zvakanaka, uye anonyaradza vaya vakabatwa zvisina kunaka munyika ino yakaipa.

^ ndima 1 Ona nyaya inoti “Rudo Nekubata Vamwe Zvakanaka Panguva yevaIsraeri,” iri muNharireyomurindi yaFebruary 2019.

^ ndima 13 KUTSANANGURWA KWEMASHOKO: Rudo rwekuzvipira runoita kuti tikoshese zvinodiwa nevamwe kupfuura zvatinoda. Runoita kuti tide kurasikirwa nechimwe chinhu kuti tibatsire vamwe.

^ ndima 61 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Jesu ari kutarisa chirikadzi yafirwa nemwanakomana wayo. Asiririswa, Jesu anomutsa mukomana wacho.

^ ndima 63 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Jesu achidya ari mumba memuFarisi anonzi Simoni. Mukadzi anogona kunge ari pfambi ageza tsoka dzaJesu nemisodzi yake achibva adziomesa nebvudzi rake, ndokudzidira mafuta. Simoni anoshora mukadzi wacho, asi Jesu anomudzivirira.