Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 19

Rudo Nekubata Vamwe Zvakanaka Munyika Ine Uipi

Rudo Nekubata Vamwe Zvakanaka Munyika Ine Uipi

“Hamusi Mwari anofarira zvakaipa; hapana munhu akaipa angagara nemi.”​—PIS. 5:4.

RWIYO 142 Kubatisisa Tariro Yedu

ZVICHADZIDZWA *

1-3. (a) Maererano naPisarema 5:4-6, Jehovha anoona sei uipi? (b) Nei tichiti kushungurudzwa kwevana kunopesana ‘nemutemo waKristu’?

JEHOVHA MWARI anovenga uipi hwese. (Verenga Pisarema 5:4-6.) Anovenga chaizvo kushungurudzwa kwevana panyaya dzebonde uye ichocho chivi chakaipa chaizvo chinosemesa. Tichitevedzera Jehovha, isu Zvapupu zvake tinovenga kushungurudzwa kwevana uye kana zvikaitwa nemunhu wemuungano yechiKristu hatingosiyi zvakadaro.​—VaR. 12:9; VaH. 12:15, 16.

2 Kushungurudzwa kwevana chero kupi zvako kunopesana ‘nemutemo waKristu.’ (VaG. 6:2) Nei tichidaro? Sezvatakadzidza munyaya yakapfuura, mutemo waKristu, kureva zvese zvaidzidziswa uye zvaiitwa naJesu, wakavakirwa parudo uye unokurudzira kuti vanhu vabatwe zvakanaka. Nekuti vanoteerera mutemo uyu, vaKristu vechokwadi vanobata vana nenzira inoita kuti vaone kuti vakachengeteka uye kuti vanodiwa zvechokwadi. Asi kushungurudza mwana kwakaipa chaizvo uye kunoratidza kungozvifunga. Kunoita kuti mwana anzwe asina kuchengeteka uye asingadiwi.

3 Zvinosuwisa kuti kushungurudzwa kwevana panyaya dzebonde idambudziko rakapararira pasi rese, uye vaKristu vechokwadi vanotosanganawo naro. Sei zvakadaro? “Vanhu vakaipa nevanyengeri” vawanda, uye vamwe vangatoedza kupinda muungano. (2 Tim. 3:13) Kuwedzera pane izvozvo, vamwe vanhu vemuungano vakakurirwa nezvido zvenyama zvakaipa uye vakashungurudza vana panyaya dzebonde. Ngatikurukurei kuti nei kushungurudzwa kwevana chiri chivi chakaipa zvikuru. Tichazokurukurawo zvinoitwa nevakuru kana munhu wemuungano akaita chivi chakakura, kusanganisira kushungurudza mwana, uye kuti vabereki vangachengetedza sei vana vavo. *

CHIVI CHAKAKURA

4-5. Nei kushungurudza mwana panyaya dzebonde chiri chivi chinokanganisa mwana wacho?

4 Kushungurudzwa kwevana kunokanganisa vamwe kwenguva yakareba. Kunokanganisa vanenge vashungurudzwa vacho uye kunokanganisa vemumhuri mavo uye hama nehanzvadzi dzavo dzechiKristu. Kushungurudza vana chivi chakakura.

5 Kushungurudza mwana panyaya dzebonde chivi chinokanganisa mwana wacho. Ichi chivi chinorwadzisa vamwe uye chinoita kuti vatambure zvikuru. Sezvatichaona munyaya ino munhu anoshungurudza mwana anokanganisa upenyu hwemwana wacho zvisingaiti. Kunyange zvazvo mwana anga achivimba nemunhu iyeye, munhu wacho anomurwadzisa achiita kuti anzwe asina kuchengeteka. Vana vanofanira kuchengetedzwa kuti vasaitirwa zvinhu zvakashata kudaro, uye vaya vanenge vashungurudzwa vanofanira kunyaradzwa uye kubatsirwa.​—1 VaT. 5:14.

6-7. Nei kushungurudza mwana kuri kutadzira ungano uye hurumende?

6 Kushungurudza mwana panyaya dzebonde kutadzira ungano. Munhu wemuungano anenge ashungurudza mwana anosvibisa ungano. (Mat. 5:16; 1 Pet. 2:12) Uku kutadzira mamiriyoni evaKristu vakatendeka vari ‘kurwira zvakasimba kutenda.’ (Jud. 3) Hatibvumiri kuti vanhu vanoita zvakaipa vasingapfidzi uye vanosvibisa zita rakanaka reungano varambe vari muungano.

7 Kushungurudza mwana panyaya dzebonde kutadzira hurumende. VaKristu vanofanira ‘kuzviisa pasi pevanhu vane masimba makuru.’ (VaR. 13:1) Tinoratidza kuti tinozviisa pasi nekuremekedza uye kuteerera mitemo yenyika. Kana munhu wemuungano akatyora mutemo wenyika, nekuita zvinhu zvakadai sekushungurudza mwana panyaya dzebonde, anenge achitadzira hurumende. (Enzanisa naMabasa 25:8.) Vakuru havana simba rekuranga vanhu vanenge vatyora mutemo wenyika. Asi havadziviriri munhu anenge ashungurudza mwana kuti asarangwa nehurumende. (VaR. 13:4) Mutadzi anokohwa zvaanodyara.​—VaG. 6:7.

8. Jehovha anoona sei kutadzirwa kunoitwa vanhu?

8 Kupfuura zvese, kushungurudza mwana panyaya dzebonde kutadzira Mwari. (Pis. 51:4) Kana munhu akatadzira mumwe munhu anenge atadzirawo Jehovha. Funga nezvemuenzaniso uri muMutemo wakapiwa vaIsraeri naMwari. Mutemo waiti munhu aibiridzira muvakidzani wake aiva “asina kutendeka kuna Jehovha.” (Revh. 6:2-4) Saka munhu wemuungano anoshungurudza mwana anenge asina kutendeka kuna Mwari. Anoitawo kuti mwana wacho anzwe asina kuchengeteka. Munhu wacho anosvibisa zita raJehovha. Nechikonzero ichocho, kushungurudza vana panyaya dzebonde kunofanira kuonekwa sechivi chinosemesa uye sekutadzira Mwari zvikuru.

9. Sangano raJehovha rakabudisa mashoko api akavakirwa paBhaibheri uye rakazviitirei?

9 Sangano raJehovha rava nemakore richiburitsa mashoko akawanda akavakirwa paBhaibheri anobatsira panyaya yekushungurudzwa kwevana. Semuenzaniso, muNharireyomurindi neMukai! makabuda nyaya dzinotaura kuti vanhu vakashungurudzwa panyaya dzebonde vangatsungirira sei kushushikana kwavanenge vachiita, kuti vamwe vangavabatsira nekuvakurudzira sei, uye kuti vabereki vangadzivirira sei vana vavo. Vakuru vakanyatsodzidziswa pachishandiswa Bhaibheri kuti vanofanira kuita sei kana munhu akaita chivi chekushungurudza mwana. Sangano rinogara richivandudza zvinofanira kuitwa neungano panyaya yekushungurudzwa kwevana. Sei richidaro? Kuti tive nechokwadi chekuti zvatinoita panyaya iyi zvinoenderana nemutemo waKristu.

ZVINOITWA NEVAKURU KANA MUNHU AITA CHIVI CHAKAKURA

10-12. (a) Pavanotonga nyaya dzevanhu vanenge vaita zvivi zvakakura, vakuru vanoyeukei, uye vane hanya nei? (b) Maererano naJakobho 5:14, 15, vakuru vanoedza kuitei?

10 Vakuru pavanotonga nyaya dzevanhu vanenge vaita zvivi zvakakura, vanoyeuka kuti Mutemo waKristu unoda kuti vabate makwai nerudo uye kuti vaite zvakarurama mukuona kwaMwari. Saka vane zvakawanda zvekufunga nezvazvo kana vakaziva kuti pane munhu akaita chivi chakakura. Vakuru vanonyanya kukoshesa nyaya yekuti zita raMwari rirambe rakachena. (Revh. 22:31, 32; Mat. 6:9) Vanokoshesawo chaizvo nyaya yekubatsira hama nehanzvadzi kuti dzirambe dziri pedyo naJehovha uye kutsigira nekunyaradza vaya vakakanganiswa nechivi chacho.

11 Uyewo kana mutadzi wacho ari munhu wemuungano, vakuru vanoedza kumubatsira kuti avezve neushamwari hwakanaka naJehovha. (Verenga Jakobho 5:14, 15.) MuKristu anokurirwa nechido chakaipa oita chivi chakakura anenge achirwara pakunamata. Izvi zvinoreva kuti haasisina ushamwari hwakanaka naJehovha. * Vakuru vakaita savanachiremba. Vanoedza ‘kuporesa murwere’ kana kuti mutadzi wacho. Mazano avanomupa vachishandisa Bhaibheri anogona kumubatsira kuti agadzirise ushamwari hwake naMwari, asi ndokunge apfidza zvechokwadi.​—Mab. 3:19; 2 VaK. 2:5-10.

12 Zviri pachena kuti vakuru vane basa rakakura chaizvo. Vane hanya chaizvo nemakwai aJehovha avakachengeteswa. (1 Pet. 5:1-3) Vanoda kuti hama nehanzvadzi dzavo dzinzwe dzakachengeteka muungano. Saka vanomhanya-mhanya kana vakanzwa kuti pane akaita chivi chakakura. Kushungurudza mwana kunobatanidzwawo pazvivi zvakakura. Zvii zvinoitwa nevakuru? Funga nezvemibvunzo iri panotangira  ndima 13,  15,  ne17.

13-14. Vakuru vanoteerera here mitemo yenyika inotaura kuti vaudze mapurisa kana vanzwa nezvekushungurudzwa kwemwana? Tsanangura.

 13 Vakuru vanoteerera here mitemo yenyika inotaura kuti vaudze mapurisa kana vanzwa nezvekushungurudzwa kwemwana? Hongu. Munyika dzine mitemo yakadaro, vakuru vanoedza kuteerera mitemo yenyika dzacho. (VaR. 13:1) Mitemo iyoyo haipesani nemutemo waMwari. (Mab. 5:28, 29) Saka pavanonzwa nezvemunhu ari kupomerwa kuti akashungurudza mwana, vakuru vanokurumidza kutsvaga mazano kuhofisi yebazi ekuti vangateerera sei mitemo inotaura nezvekuudza mapurisa nyaya yacho.

14 Vakuru vanoudza vanenge vashungurudzwa vacho nevabereki vavo uyewo vamwe vanoziva nezvenyaya yacho kuti vakasununguka kumhan’ara kumapurisa. Asi ko kana ari kunzi akaita chivi chacho ari munhu wemuungano uye nyaya yacho yozozivikanwa munharaunda? MuKristu uya akamhan’ara nyaya yacho anofanira kunzwa sekuti akasvibisa zita raMwari here? Aiwa. Munhu akashungurudza mwana ndiye akasvibisa zita raJehovha.

15-16. (a) Maererano na1 Timoti 5:19, nei pachidiwa zvapupu zviviri kana kupfuura kuti vakuru vagadze munhu dare? (b) Vakuru vanoitei kana vakanzwa kuti munhu wemuungano ari kupomerwa kuti akashungurudza mwana?

 15 Nei pachidiwa zvapupu zviviri kana kupfuura kuti vakuru vagadze munhu dare? Izvi ndizvo zvinonzi neBhaibheri zvakanaka. Kana munhu asina kureurura ega kuti akaita chivi, panodiwa zvapupu zviviri kuti vakuru vazomugadza dare. (Dheut. 19:15; Mat. 18:16; verenga 1 Timoti 5:19.) Izvi zvinoreva here kuti panoda zvapupu zviviri kuti munhu ari kupomerwa kuti akashungurudza mwana amhan’arirwe kumapurisa? Aiwa. Izvi hazvisirizvo zvinotariswa nevakuru kana vamwewo kuti vazomhan’arira munhu kumapurisa kuti akapara mhosva.

16 Vakuru pavanoziva kuti mumwe munhu wemuungano ari kupomerwa kuti akashungurudza mwana, vanoedza kuita zvinotaurwa nemutemo wenyika nezvekumhan’ara nyaya yacho, vozoiongorora maererano nezvinotaurwa neBhaibheri. Kana munhu wacho akaramba zvaari kupomerwa, vakuru vanoita kuti vanhu vanoziva nezvenyaya yacho vataure zvakaitika. Kana pakava nevanhu vaviri vanopupurira kuti ari kupomerwa wacho akashungurudza mwana, panoumbwa dare rinotonga. Pavaviri ava panenge paine ari kumupomera wacho nemumwewo munhu anopupura kuti ari kupomerwa wacho akashungurudza mwana iyeye kana mumwewo mwana pane imwe nguva. * Kana pasina chapupu chechipiri hazvirevi kuti munhu ari kupomera haasi kutaura chokwadi. Kunyange kana pakasava nezvapupu zviviri zvinopupura kushungurudzwa kwemwana, vakuru vanoziva kuti munhu wacho anogona kunge akaita chivi chakashata chaizvo chakakanganisa vamwe. Vakuru vanoramba vachinyaradza uye vachikurudzira vanhu vakarwadziswa nezvakaitwa. Kuwedzera pane izvozvo, vakuru vanoramba vakangwarira nezvemunhu ari kunzi akashungurudza mwana kuti asakanganisa ungano.​—Mab. 20:28.

17-18. Tsanangura zvinoitwa nedare rinotonga.

 17 Dare rinotonga rinoita basa rei? Shoko rekuti “rinotonga” harirevi kuti vakuru ndivo vanotonga kuti munhu akashungurudza mwana anofanira kurangwa nehurumende here kana kuti kwete. Vakuru havavhiringidzi zvinoitwa nehurumende pakushandisa mutemo; asi vanosiyira nyaya dzekuparwa kwemhosva mumaoko ayo. (VaR. 13:2-4; Tito 3:1) Asi vakuru vanotonga kuti munhu wacho oramba ari muungano here kana kuti kwete.

18 Vakuru pavanenge vari mudare rinotonga, basa ravo nderekutonga nyaya dzine chekuita neushamwari hwemunhu naJehovha. Vanoshandisa Bhaibheri kuti rivabatsire kuona kana munhu akashungurudza mwana ari kupfidza kana kuti kwete. Kana asingapfidzi, anodzingwa, uye ungano inoziviswa. (1 VaK. 5:11-13) Kana apfidza anogona kuramba ari muungano. Asi vakuru vachamuzivisa kuti angasawana chero ropafadzo ipi zvayo muungano kwemakore akawanda kunyange kweupenyu hwese. Vachiitira kuchengeteka kwevana, vakuru vanogona kunyevera vabereki vane vana vadiki muungano kuti vangwarire kana vana vavo vari pedyo nemunhu iyeye. Vakuru pavanonyevera vabereki vanozviita pasiri paruzhinji uye vanongwarira kuti vasataura kuti vana vapi vakashungurudzwa nemunhu iyeye.

VANA VANGACHENGETEDZWA SEI?

Kuti vana vasashungurudzwa panyaya dzebonde, vabereki vanovachengetedza nekuvadzidzisa zvinhu zvine chekuita nebonde zvinoenderana nezera ravo. Vanovadzidzisa vachishandisa mashoko akabudiswa nesangano raMwari. (Ona ndima 19-22)

19-22. Vabereki vangaitei kuti vachengetedze vana vavo? (Ona mufananidzo uri pakavha.)

19 Ibasa raani rekuona kuti vana vachengetedzwa kuti vasaitirwa zvakaipa? Ibasa revabereki. * Vana venyu “inhaka inobva kuna Jehovha.” (Pis. 127:3) Jehovha akakupai basa rekuchengetedza vana venyu. Mungaitei kuti muchengetedze vana venyu kuti vasashungurudzwa?

20 Chekutanga, zivai zvinoitika panyaya yekushungurudzwa kwevana. Dzidzai kuti vanhu verudzii vanoshungurudza vana uye kuti mazano api avanoshandisa kuti vavanyengedze. Ngwarirai vanhu vanogona kukanganisa vana. (Zvir. 22:3; 24:3) Yeukai kuti kakawanda kacho munhu anoshungurudza mwana ndeuya agara achitozivikanwa nemwana wacho uye waanovimba naye.

21 Chechipiri, rambai muchitaura nevana venyu makasununguka uye vakurudzireiwo kudaro. (Dheut. 6:6, 7) Izvi zvinosanganisira kuva muteereri akanaka. (Jak. 1:19) Yeukai kuti vana vanowanzotya kumhan’ara kuti vakashungurudzwa. Vangatya kuti hapana anozobvuma zvavari kutaura, kana kuti vanogona kunge vakatyisidzirwa nemunhu akavashungurudza kuti vasataura nezvazvo. Kana mukaona sekuti pane zvakaipa zvakaitika kumwana wenyu, mubvunzei nekungwarira, monyatsoteerera mhinduro dzake.

22 Chechitatu, dzidzisai vana venyu. Taurai navo zvinhu zvine chekuita nebonde zvinoenderana nemazera avo. Vadzidzisei zvavanofanira kutaura uye kuita kana mumwe munhu akaedza kuvabata zvisina kukodzera. Shandisai mashoko atakapiwa nesangano raMwari anobatsira pakudzivirira vana venyu.​—Onai bhokisi rakanzi “ Zvidzidzisei Imi Nevana Venyu.”

23. Tinoona sei kushungurudzwa kwevana panyaya dzebonde uye nyaya inotevera ichapindura mubvunzo upi?

23 SeZvapupu zvaJehovha, tinoona kushungurudzwa kwevana panyaya dzebonde sechivi chakakura uye sechinhu chakaipa chaizvo. Sezvo tichiteerera mutemo waKristu hatidziviriri vanhu vanenge vashungurudza vana kuti vasarangirwa zvivi zvavo. Asi tingaitei kuti tibatsire vaya vakamboshungurudzwa? Nyaya inotevera ichapindura mubvunzo iwoyo.

RWIYO 103 Vafudzi​—Zvipo Zviri Varume

^ ndima 5 Nyaya ino ichataura kuti vana vangachengetedzwa sei kuti vasashungurudzwa panyaya dzebonde. Tichadzidzawo kuti vakuru vangachengetedza sei ungano uye kuti vabereki vangachengetedza sei vana vavo.

^ ndima 3 KUTSANANGURWA KWEMASHOKO: Kushungurudza mwana panyaya dzebonde kunoitwa nemunhu mukuru anoshandisa mwana kuti agutse zvishuwo zvake zvebonde. Kunogona kusanganisira kuenda pabonde naye, kuita bonde nemuromo kana nekunobuda netsvina, kubatabata nhengo dzekubereka nadzo, mazamu kana magaro, kana kuita chero chii zvacho cheunzenza nemwana. Zvinokosha kuziva kuti mwana paanoshungurudzwa anenge akuvadzwa uye adzvinyirirwa uye kuti inenge isiri mhosva yake. Kunyange zvazvo vanonyanya kushungurudzwa vari vasikana, vakomana vakawanda vanoshungurudzwawo. Uyewo kunyange zvazvo vakawanda vanoshungurudza vana vari varume, vamwe vakadzi vanoshungurudzawo vana.

^ ndima 11 Kana munhu akaita chivi chakakura nekuti haana ushamwari hwakasimba naJehovha hazvirevi kuti haarangwi. Mutadzi anozvidavirira kuna Jehovha pane zvese zvakaipa zvaanoita.​—VaR. 14:12.

^ ndima 16 Vakuru havamboiti kuti mwana avepo pavanenge vachitaura nemunhu ari kupomerwa kuti akamushungurudza. Mubereki kana kuti mumwe munhu anovimbwa nemwana wacho ndiye anogona kutaura nevakuru achivaudza zviri kutaurwa nemwana wacho. Izvi zvinoita kuti mwana asaramba achishungurudzika.

^ ndima 19 Zviri kuudzwa vabereki zvinoshandawo kuvanhu vanochengeta vana vasiri vavo.