Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 21

Usanyengerwa ‘Neuchenjeri Hwenyika Ino’

Usanyengerwa ‘Neuchenjeri Hwenyika Ino’

“Uchenjeri hwenyika ino upenzi kuna Mwari.”​—1 VaK. 3:19.

RWIYO 98 Magwaro Akafuridzirwa naMwari

ZVICHADZIDZWA *

1. Shoko raMwari rinotipei?

TINOGONA kuziva zvekuita pamatambudziko ese atingasangana nawo nekuti Jehovha ndiye Murayiridzi wedu Mukuru. (Isa. 30:20, 21) Shoko rake rinotipa zvese zvatinoda kuti ‘tikwanise zvizere’ uye ‘tishongedzerwe zvakakwana kuita mabasa ose akanaka.’ (2 Tim. 3:17) Patinorarama maererano nezvinodzidziswa neBhaibheri, tinova vakachenjera kupfuura vaya vanoti tinofanira kurarama maererano ‘neuchenjeri hwenyika ino.’ (1 VaK. 3:19; Pis. 119:97-100).

2. Tichaongororei munyaya ino?

2 Sezvatichaona, uchenjeri hwenyika hunowanzofadza nyama yedu ine chivi. Saka zvingatiomera kuti tisafunga uye tisaita sevanhu venyika. Ndosaka Bhaibheri richiti: “Chenjerai: zvichida pangava nemumwe munhu angaenda nemi semhuka yake yaabata neuzivi uye neunyengeri husina zvahunobatsira maererano netsika yevanhu.” (VaK. 2:8) Munyaya ino, tichaongorora kuti vanhu vakatanga sei kubvuma nhema mbiri dzinodzidziswa naSatani. Panhema imwe neimwe tichaona kuti nei uchenjeri hwenyika huri upenzi uye kuti uchenjeri hweShoko raMwari hunopfuura sei nekure chero chii zvacho chingapiwa nenyika.

KUCHINJA KWEMAONERO EVANHU PANYAYA YEBONDE

3-4. Zvii zvakachinja pamaonero aiita vanhu nyaya dzine chekuita nebonde muUnited States kubva muna 1900 kusvika muna 1930?

3 MuUnited States, maonero aiita vanhu nyaya dzine chekuita nebonde kubva muna 1900 kusvika muna 1930 akachinja chaizvo. Nguva iyi isati yasvika vakawanda vaitenda kuti vanhu vakaroorana chete ndivo vaifanira kurara vese uye kuti nyaya yebonde yaisafanira kutaurwa paruzhinji. Asi izvozvo zvakachinja, uye vanhu vakatanga kuva nemaonero akasiyana naiwayo.

4 Kubva muna 1922 kusvika muna 1929 vanhu vakachinja chaizvo maitiro avo uye maonero avaiita nyaya yebonde. Mumwe mutsvakurudzi anoti, “Mafirimu, mitambo, nziyo, manovhero nezvinhu zvinoshandiswa pakushambadza, zvese zvakatanga kuratidza zvinhu zvine chekuita nebonde.” Panguva iyoyo matambiro ainge ava kuita vanhu mimhanzi aiita kuti vamwe vafunge zvebonde uye mbatya dzaiwedzera kusava nemutsigo. Sezvakataurwa neBhaibheri nezvemazuva ekupedzisira, vanhu vaizowedzera ‘kuda mafaro.’​—2 Tim. 3:4.

Vanhu vaJehovha havatsauswi nezvinhu zvisina unhu zvinoitwa nevanhu vari munyika (Ona ndima 5) *

5. Tsika dzevanhu dzachinja sei kubva kuma 1960?

5 Mumakore ekuma1960, zvinhu zvakadai sekuchaya mapoto, ungochani, uye kungorambana, zvakanga zvajairika. Zvinhu zvakawanda zvekuzvivaraidza nazvo zvainge zvava kunyanya kubudisa zvinhu zvine chekuita nebonde. Tsika dzevanhu dzaderera chaizvo mumakumi emakore achangobva kupfuura. Mumwe munyori akati zvinhu zvakadai sekuparara kwedzimba, mhuri dzine mubereki mumwe chete, kushushikana, kupindwa muropa nezvinhu zvinonyadzisira, zviri kukonzerwa “nekusazvibata kwevanhu panyaya dzebonde.” Kupararira kwaita zvirwere zvinopomeranwa pabonde zvakadai seAIDS kunongoratidza kuti uchenjeri hwenyika upenzi.​—2 Pet. 2:19.

6. Maonero enyika panyaya dzebonde anotsigira sei chinangwa chaSatani?

6 Maonero anoita nyika nyaya dzebonde anotsigira chinangwa chaSatani. Zviri pachena kuti anofara chaizvo kana vanhu vakashandisa zvisiri izvo chipo chakabva kuna Mwari chebonde, uye vakasaremekedza wanano. (VaEf. 2:2) Vanhu vanoita unzenza hwepabonde vanoratidza kuti havaremekedzi chipo chatakapiwa naMwari chinoita kuti tive nevana uye vanogona kutadza kuwana upenyu husingaperi.​—1 VaK. 6:9, 10.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI PANYAYA YEBONDE

7-8. Zvinotaurwa neBhaibheri panyaya yebonde zvinopfuura sei nekure maonero enyika?

7 Vanhu vanovimba neuchenjeri hwenyika vanoshora zvinodzidziswa neBhaibheri, vachiti zvarinotaura hazvina musoro. Vangabvunza kuti, ‘Nei Mwari akatisika tiine chido chekuita zvebonde obva azotiudza kuti tisaite maererano nechido ichocho?’ Mubvunzo iwoyo unobva pamafungiro enhema ekuti munhu anofanira kuita zvese zvaanonzwa achida kuita. Asi Bhaibheri haridzidzisi izvozvo. Rinotidzidzisa kuti hatifaniri kungoita chero zvatinonzwa tichida kuita, asi tinokwanisa kuzvidzora kuti tisaita zvakaipa. (VaK. 3:5) Uyewo Jehovha akatipa chipo chewanano, urongwa hunoita kuti tikwanise kuita zvebonde nenzira inoremekedzeka. (1 VaK. 7:8, 9) Muwanano, vanhu vanogona kuita zvebonde vasingazozvidembi uye vasina chekutyira sezvinowanzoitika kuvanhu vanoita unzenza.

8 Bhaibheri rakasiyana neuchenjeri hwenyika nekuti rinotidzidzisa kuti tione bonde nenzira inoremekedzeka. Rinobvuma kuti bonde rinogona kuita kuti vanhu vafare. (Zvir. 5:18, 19) Asi Bhaibheri rinoti: ‘Mumwe nemumwe wenyu ngaazive kudzora muviri wake ega muutsvene nekukudzwa, kwete pakuda kurara nemumwe munhu kweruchiva sezvinoitawo mamwe marudzi aya asingazivi Mwari.’​—1 VaT. 4:4, 5.

9. (a) Pakutanga kwemakore ekuma1900, vanhu vaMwari vakabatsirwa sei kuti vatevere uchenjeri huri muShoko raMwari? (b) Izano ripi rine uchenjeri ratinowana pana 1 Johani 2:15, 16? (c) Sezviri pana VaRoma 1:24-27, zvinhu zvipi zvatisingafaniri kuita?

9 Pakutanga kwemakore ekuma1900, vanhu vaJehovha havana kutsauswa neunyengeri hwevaya vakanga ‘vasisina unhu zvachose.’ (VaEf. 4:19) Vakaedza kuramba vachiita zvinodiwa naJehovha. Nharireyomurindi yeChirungu yaMay 15, 1926, yakati “munhu anofanira kunge akachena mupfungwa kunyanya pane zvaanoita nevanhukadzi kana ari murume uye nevanhurume kana ari mukadzi.” Pasinei nezvaiitika munyika, vanhu vaJehovha vaitevera uchenjeri huri muShoko raMwari hunopfuura humwe hwese. (Verenga 1 Johani 2:15, 16.) Tinotenda chaizvo kuti tine Shoko raMwari! Tinotendawo Jehovha nekutipa zvekudya zvekunamata panguva yakakodzera kuti tisava nemafungiro enyika panyaya yekuzvibata. *​—Verenga VaRoma 1:24-27.

KUCHINJA KWEMAONERO EVANHU PANYAYA YEKUZVIKOSHESA

10-11. Bhaibheri rakagara rataura kuti chii chichaitika mumazuva ekupedzisira?

10 Bhaibheri rakagara rataura kuti mumazuva ekupedzisira vanhu “vachava vanozvida.” (2 Tim. 3:1, 2) Saka hazvishamisi kuti nyika inokurudzira vanhu kuti vanyanye kuzvikoshesa ivo pachavo. Rimwe bhuku rinoti mumakore ekuma1970 pakawedzera kubuda “mabhuku akawanda anopa mazano eupenyu.” Mamwe mabhuku “aikurudzira vaverengi kuti vazive uye vagamuchire zvavari ivo pachavo vasingafungi kuti pane chisina kumira zvakanaka pavari.” Funga mashoko aya ari mune rimwe remabhuku acho ekuti: “Ida munhu akanaka kupfuura vese, anonakidza, uye anokosha kupfuura vese. Munhu wacho ndiwe.” Bhuku racho rinokurudzira kuti “munhu azvisarudzire ega kuti ozvibata sei, uye kuti aite chero zvaanofunga kuti ndizvo zvakanaka uye zvakamunakira.”

11 Wakambonzwawo mashoko akaita seiwayo here? Satani akakurudzira Evha kuti aite zvakada kufanana naizvozvo. Akamuudza kuti aigona ‘kuva akafanana naMwari, achiziva zvakanaka nezvakaipa.’ (Gen. 3:5) Mazuva ano vanhu vakawanda vanozvikudza chaizvo zvekuti vanofunga kuti hapana anofanira kuvaudza zvekuita, kunyange Mwari pachake. Izvi zvinonyanya kuoneka pamaonero avanoita wanano.

MuKristu anoisa zvinodiwa nevamwe pekutanga, kunyanya zvinodiwa newaakaroorana naye (Ona ndima 12) *

12. Nyika inokurudzira vanhu kuti vaone sei wanano?

12 Bhaibheri rinorayira murume nemudzimai kuti varemekedzane uye kuti vachengete mhiko dzavo dzemuchato. Rinokurudzira vakaroorana kuti vave nechido chekuramba vari vese richiti: “Murume achasiya baba vake naamai vake uye achanamatira mudzimai wake uye vachava nyama imwe.” (Gen. 2:24) Kusiyana naizvozvo, vaya vanotevedzera uchenjeri hwenyika vanokurudzira maonero akasiyana naiwayo vachiti mumwe nemumwe ari muwanano anofanira kungofunga zvakamunakira. Rimwe bhuku rinotaura nezvekurambana rinoti, “Pane mimwe michato, mhiko yekuti vanhu varambe vari vese ‘chero bedzi vese vari vapenyu’ yakatsiviwa nevimbiso yekuti vanhu varambe vari vese ‘chero bedzi vachiri kudanana.’ Nemhaka yekuti vanhu vanoona sekuti wanano haifaniri kuramba iripo, mhuri dzakawanda dziri kuparara uye zviri kuita kuti vakawanda varwadziwe zvikuru. Zviri pachena kuti maonero anoita nyika wanano haana musoro.

13. Nei Jehovha achisema vanhu vanozvikudza?

13 Bhaibheri rinoti: “Munhu wese ane mwoyo unozvikudza anosemesa Jehovha.” (Zvir. 16:5) Nei Jehovha achisema vanhu vanozvikudza? Chimwe chikonzero ndechekuti vaya vanonyanya kuzvida vanozvikudza sezvinoita Satani. Pafunge, Satani aifunga kuti Jesu, uyo akashandiswa naMwari kusika zvinhu zvese, aifanira kupfugama omunamata. (Mat. 4:8, 9; VaK. 1:15, 16) Kunyange zvazvo vanhu vanozvikudza vachizviona sevakachenjera, Mwari anovaona semapenzi.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI PANYAYA YEKUZVIKOSHESA

14. VaRoma 12:3 inotibatsira sei kuti tive nemwero pamaonero atinozviita?

14 Bhaibheri rinotibatsira kuti tive nemwero pamaonero atinozviita. Rinobvuma kuti tinofanira kuzvida zvakakodzera. Jesu akati: “Ida muvakidzani wako sezvaunozviita.” Izvi zvinoratidza kuti hazvina kuipa kuti tizviitirewo zvinhu zvakatinakira. (Mat. 19:19) Asi Bhaibheri haridzidzisi kuti tinofanira kuzviona setinokosha kupfuura vamwe. Rinoti: ‘Musaita chinhu nekukakavara kana kuzvikudza, asi nepfungwa dzinozvininipisa fungai kuti vamwe vakuru kwamuri.’​—VaF. 2:3; verenga VaRoma 12:3.

15. Nei uchiti mazano eBhaibheri panyaya yekuzvikoshesa anoshanda?

15 Mazuva ano, vanhu vakawanda vanoonekwa sevakachenjera vanoshora zvinotaurwa neBhaibheri panyaya yekuzvikoshesa. Vanoti kuona vamwe vanhu sevakuru kwauri kunoita kuti vakudzvinyirire. Asi maonero anokurudzirwa nenyika yaSatani ari kuguma nei? Zvii zvawakacherechedza? Vanhu vanongozvifunga ivo pachavo vanofara here? Mhuri dzavo dzinofara here? Vane shamwari dzechokwadi here? Vane ushamwari hwepedyo naJehovha here? Kubva pane zvawakaona, ndechipi chine magumo akanaka, kutevera uchenjeri hwenyika ino kana kuti uchenjeri huri muShoko raMwari?

16-17. Chii chatinoonga, uye nechikonzero chei?

16 Vaya vanoteerera mazano evanhu vanoonekwa nenyika sevakachenjera vakafanana nemunhu anenge arasika anobvunza nzira kumunhu anenge arasikawo. Jesu akataura nezvevarume vainzi vakachenjera vepanguva yaakararama achiti: “Ivo vatungamiriri mapofu. Zvino, kana bofu rikatungamirira bofu, ese ari maviri achawira mugomba.” (Mat. 15:14) Zvechokwadi uchenjeri hwenyika ino upenzi kuna Mwari.

Vashumiri vaMwari vari kufara vachitarisa upenyu hwavakava nahwo mubasa raJehovha (Ona ndima 17) *

17 Kubvira kare mazano euchenjeri ari muBhaibheri agara achibatsira ‘pakudzidzisa, pakutsiura, pakururamisa zvinhu uye pakuranga nekururama.’ (2 Tim. 3:16) Tinoonga chaizvo kuti Jehovha anoshandisa sangano kuti atidzivirire pauchenjeri hwenyika ino. (VaEf. 4:14) Zvekudya zvekunamata zvaanotipa zvinotisimbisa kuti tirambe tichiita zvinotaurwa neShoko rake. Tine chikomborero chakakura chekutungamirirwa neuchenjeri hunowanika muBhaibheri!

RWIYO 54 “Iyi Ndiyo Nzira”

^ ndima 5 Nyaya ino ichatibatsira kuti tinyatsova nechokwadi chekuti Jehovha ndiye chete watinogona kuvimba naye kuti atitungamirire. Ichatiratidza kuti kutevera uchenjeri hwenyika kunotipinza mumatambudziko, asi kushandisa uchenjeri huri muShoko raMwari kunobatsira.

^ ndima 9 Ona bhuku rinonzi Mibvunzo Inobvunza Vechiduku​—Mhinduro Dzinoshanda Bhuku 1 chitsauko 24-26 neBhuku 2 chitsauko 4-5.

^ ndima 50 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Tiri kuona zvimwe zvakaitika muupenyu hwemurume nemudzimai vari Zvapupu. Vaviri vacho vari kuparidza makore ekuma1960 ava kunopera.

^ ndima 52 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Mumakore ekuma1980, murume wacho ari kupepa mudzimai wake ari kurwara mwanasikana wavo achiona zviri kuitika.

^ ndima 54 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Iye zvino vaviri vacho vari kutarisa mifananidzo yenguva dzinofadza dzavakava nadzo mubasa raJehovha. Mwanasikana wavo nemhuri yake vari kufarawo navo.