Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 22

Vandudza Madzidziro Ako!

Vandudza Madzidziro Ako!

“Muve nechokwadi chekuti zvinhu zvinokosha kupfuura zvimwe ndezvipi.”​—VAF. 1:10.

RWIYO 35 “Zvinhu Zvinokosha Kupfuura Zvimwe”

ZVICHADZIDZWA *

1. Chii chinoita kuti vamwe vashaye simba rekudzidza?

MAZUVA ano vakawanda vanofanira kushanda zvakasimba kuti vawane cheuviri. Hama dzedu dzakawanda dzinoshanda kwenguva yakareba kuti dzingowana zvinhu zvekuraramisa mhuri. Vamwe vanotora nguva yakareba vachienda nekudzoka kumabasa. Vamwe vanowana cheuviri nekushanda mabasa emaoko akaoma. Panozopera zuva, hama nehanzvadzi dzedu idzi dzinenge dzaparara nekuneta. Dzinenge dzisisina kana simba rekudzidza.

2. Ndepapi paunowana nguva yekudzidza?

2 Asi chokwadi ndechekuti tinofanira kuwana nguva yekunyatsodzidza Shoko raMwari nemabhuku edu echiKristu. Izvi zvinoita kuti tive neushamwari hwepedyo naJehovha uye tiwane upenyu husingaperi. (1 Tim. 4:15) Vamwe vanokasika kumuka zuva rega rega votanga kudzidza pakunenge kuchakanyarara, uye pfungwa dzavo dzisati dzaneta. Vamwe vanoshandisa nguva dzemanheru pakunenge kuine runyararo kuti vadye zvekudya zvekunamata uye kuti vafungisise nezvazvo.

3-4. Chii chakachinja pazvinhu zvatinopiwa nesangano uye nei zvakachinja?

3 Zviri pachena kuti unoziva kukosha kwazvinoita kuti tiwane nguva yekudzidza. Asi ndezvipi zvatinofanira kudzidza? Ungati, ‘Pane zvakawanda chaizvo zvekuverenga. Zvinondiomera kuti ndiverenge zvese.’ Vamwe vanokwanisa kuverenga mabhuku ese atinopiwa uye kuona mavhidhiyo ese anobudiswa, asi vakawanda vanotamburira kuti vawane nguva yekuita izvozvo. Dare Rinotungamirira rinozviziva. Saka rakasarudza kuderedza zvinhu zvatinowana, zvingava zvakaprindwa uye zvepaIndaneti.

4 Semuenzaniso, hatichabudisi Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha, sezvo zviitiko zvakawanda zvinokurudzira zvichiwanika pajw.org® uye mumapurogiramu anobuda paJW Broadcasting® mwedzi nemwedzi. Nharireyomurindi yeveruzhinji neMukai! zvava kungobudiswa katatu chete pagore. Izvi hazvina kuitirwa kuti tiwane imwe nguva yekuita zvinhu zvisinei nekunamata Jehovha. Zvakaitirwa kuti tiwane nguva yakawanda yekuita “zvinhu zvinokosha kupfuura zvimwe.” (VaF. 1:10) Ngationei kuti ndezvipi zvaunofanira kuisa pekutanga uye kuti unganyatsobatsirwa sei nekudzidza Bhaibheri uri wega.

ISA ZVINOKOSHA PEKUTANGA

5-6. Mabhuku api atinofanira kuva nechokwadi chekuti tadzidza?

5 Ndezvipi zvatinofanira kutanga kudzidza? Zuva rega rega tinotofanira kuwana nguva yekudzidza Shoko raMwari. Mavhesi eBhaibheri akarongwa kuti ungano iverenge vhiki nevhiki akaderedzwa kuitira kuti tiwane imwe nguva yekufungisisa zvatinoverenga uye yekutsvakurudza mumabhuku edu. Chinangwa chedu hachifaniri kuva chekungopedza kuverenga mavhesi acho asi tinofanira kuita kuti zviri muBhaibheri zvisvike pamwoyo pedu zvotiswededza pedyo naJehovha.​—Pis. 19:14.

6 Ndezvipi zvimwe zvatinofanira kunyatsodzidza? Tinofanira kugadzirira Chidzidzo cheNharireyomurindi neChidzidzo cheBhaibheri Cheungano nezvimwewo zvinokurukurwa pamusangano wepakati pevhiki. Tinofanirawo kuverenga magazini imwe neimwe yeNharireyomurindi neMukai!

7. Tinofanira here kuora mwoyo kana tisingakwanisi kuverenga uye kuona zvese zviri pajw.org uye JW Broadcasting?

7 Zvimwe ungati, ‘Zvataurwa mundima yapfuura zvakanaka, asi ko zvese zvinobudiswa pawebsite yedu, jw.org, uyewo paJW Broadcasting? Zvinhu zvacho zvakawanda chaizvo!’ Funga muenzaniso uyu: Muchitoro mune zvinhu zvakawanda zvakasiyana-siyana. Munhu haambotengi zvinhu zvese zvinenge zvirimo. Asi anongosarudza zvaanenge achida. Saizvozvowo, kana usingakwanisi kuverenga kana kuona zvese zvinobudiswa nesangano paIndaneti usaora mwoyo. Verenga kana kuona zvaunokwanisa. Iye zvino ngatikurukurei zvinobatanidzwa pakudzidza uye kuti tingaitei kuti tinyatsobatsirwa nekudzidza kwatinoita.

KUDZIDZA IBASA!

8. Matanho api aungatora paunenge uchidzidza Nharireyomurindi, uye kuita izvozvo kuchakubatsira sei?

8 Kudzidza zvinoreva kunyatsoisa pfungwa pane zvauri kuverenga kuitira kuti uzive chimwe chinhu. Hakusi kungoverenga mashoko nekukurumidza uchimaka mhinduro. Paunogadzirira Chidzidzo cheNharireyomurindi, tanga nekuverenga mashoko ezvichadzidzwa, ari panotangira nyaya yacho. Zvadaro verenga wofungisisa musoro wenyaya yacho, pamwe chete nemisoro midiki nemibvunzo yekudzokorora. Chibva wanyatsoverenga nyaya yacho zvishoma nezvishoma. Ongorora mutsara unoratidza zvinotaurwa nendima yacho, uyo unowanzova mutsara wekutanga pandima yega yega. Mutsara uyu unowanzoratidza kuti ndima yacho iri kuenda nekupi. Sezvaunoverenga nyaya yacho, ona kuti ndima imwe neimwe inotsigira sei musoro mudiki uye kuti inobatana sei nemusoro wenyaya yacho. Nyora pasi mashoko ausingazivi uye pfungwa dzaungada kuzotsvakurudza kuti uwedzere kudzinzwisisa.

9. (a) Nei tichifanira kunyatsoongorora mavhesi eBhaibheri patinenge tichidzidza Nharireyomurindi uye tingazviita sei? (b) Sezvinotaurwa pana Joshua 1:8, chii chatinofanira kuita kana taverenga mavhesi eBhaibheri?

9 Patinenge tichidzidza Nharireyomurindi tinenge tichidzidza Bhaibheri. Saka nyatsoongorora mavhesi eBhaibheri, kunyanya aya achaverengwa pamunoita chidzidzo chacho neungano. Ona kuti mashoko ari mumavhesi acho anotsigira sei pfungwa huru iri mundima. Uyewo ita nguva uchifungisisa mavhesi aunoverenga uye kuti ungaashandisa sei muupenyu hwako.​—Verenga Joshua 1:8.

Vabereki, dzidzisai vana venyu kuti vangadzidza sei (Ona ndima 10) *

10. Maererano naVaHebheru 5:14, nei vabereki vachifanira kushandisa nguva yekunamata kwemhuri kuti vadzidzise vana vavo kuti kudzidza uye kutsvakurudza kunoitwa sei?

10 Vabereki vanoda kuti vana vavo vanakidzwe neKunamata Kwemhuri vhiki yega yega. Asi kunyange zvazvo vabereki vachifanira kuronga chimwe chinhu chekuita pakunamata kwemhuri, hapana hapo chikonzero chekuti vaone sekuti vanofanira kuronga zvinhu zvinonakidza zvekuita vhiki imwe neimwe. Kunyange zvazvo mungaona purogiramu yemwedzi nemwedzi yeJW Broadcasting kana kumboita chimwe chinhu chakadai sekugadzira areka yaNoa, zvinokosha kuti mudzidzise vana kuti kudzidza kunoitwa sei? Vanofanira kudzidza kuti vangagadzirira sei misangano yeungano, kana kuti vangatsvakurudza sei nezveimwe nyaya inenge yamuka kuchikoro. (Verenga VaHebheru 5:14.) Kana vakapota vachidzidza Bhaibheri kumba zvinovaitira nyore kuteerera zvinenge zvichidzidzwa pamisangano yeungano nepamagungano, apo pasingawanzoratidzwi mavhidhiyo. Nguva yamunotora muchidzidza inofanira kuenderana nemazera uye unhu hwevana vacho.

11. Nei zvichikosha kuti tidzidzise vadzidzi vedu veBhaibheri kuti vangadzidza sei vari vega?

11 Tinofanirawo kudzidzisa vadzidzi vedu veBhaibheri kuti kudzidza kunoitwa sei. Pavanotanga kudzidza Bhaibheri, tinofara kuona kuti vakamaka mhinduro pavaigadzirira chidzidzo chavo cheBhaibheri kana kuti misangano yeungano. Asi tinofanira kudzidzisa vadzidzi vedu veBhaibheri kuti vangatsvakurudza sei uye kuti vangadzidza sei zvakadzama vari vega. Izvi zvakanakira kuti panozomuka matambudziko, vachaziva kuti vangawana sei mazano nekutsvakurudza mumabhuku edu pane kungokurumidza kukumbira kubatsirwa nevamwe vanhu vemuungano.

DZIDZA ZVINE CHINANGWA

12. Zvinangwa zvipi zvatingava nazvo patinodzidza?

12 Kana usingafariri zvekuverenga, ungaona sekuti hazviiti kuti unakidzwe nekudzidza. Asi unogona kunakidzwa. Tanga nekudzidza kwenguva pfupi, woita uchiwedzera nguva yacho zvishoma nezvishoma. Iva nechinangwa. Chinangwa chedu chikuru chinofanira kuva chekuswedera pedyo naJehovha. Pamwe pacho tinogona kudzidza nechinangwa chekupindura mubvunzo wemumwe munhu kana chekutsvakurudza nezvedambudziko ratiinaro.

13. (a) Tsanangura matanho anogona kutorwa newechidiki kuti atsigire zvaanotenda kuchikoro. (b) Ungashandisa sei zano rinowanika pana VaKorose 4:6?

13 Uri wechidiki anoenda kuchikoro here? Vaunodzidza navo vanogona kunge vachikuonesa chitsvuku nekuti hauimbe rwiyo rwenyika. Unoda kudzivirira zvinodzidziswa neBhaibheri, asi ungaona sekuti haukwanisi kuita izvozvo. Saka unofanira kudzidza nezvenyaya yacho. Unogona kuva nezvinangwa zviviri zvinoti: (1) kuwedzera kushinga kuti urambe wakaparadzana nenyika uye (2) kudzidza kunyatsotsanangura chokwadi. (Joh. 17:16; 1 Pet. 3:15) Unogona kutanga nekuzvibvunza kuti, ‘Vandinodzidza navo vanopa zvikonzero zvipi zvekuti munhu aimbe rwiyo rwenyika?’ Chibva wanyatsotsvakurudza nezvenyaya yacho uchishandisa mabhuku edu. Uchaona kuti hazvina kuoma kuti utsanangure zvaunotenda. Vakawanda vanoona sekuti vanotofanira kuimba rwiyo rwenyika nekungoti chete mumwe munhu wavanoremekedza akavaudza kuti ndizvo zvavanofanira kuita. Kana ukawana pfungwa imwe chete kana mbiri dzaunogona kutaura nezvadzo, unogona kupa mhinduro inogutsa munhu anenge achinyatsoda kuziva.​—Verenga VaKorose 4:6.

WEDZERA CHIDO CHEKUDZIDZA

14-16. (a) Ungaita sei kuti uzive zvakawanda nezvebhuku reBhaibheri rausina kujairana naro? (b) Uchishandisa mavhesi ari mundima, tsanangura kuti ungawedzera sei kunzwisisa bhuku raAmosi. (Onawo bhokisi rakanzi “ Wedzera Kuziva Vanhu Vari muBhaibheri!”)

14 Ngatitii pamusangano watichazoita tichaongorora rimwe remabhuku mapfupi euprofita ari muBhaibheri, zvichida rausina kujairana naro. Zvimwe ungatanga nekuwedzera chido chako chekuda kuziva zvakanyorwa nemuprofita wacho. Izvozvo ungazviita sei?

15 Tanga kuzvibvunza kuti: ‘Zvii zvandinoziva nezvemunhu akanyora bhuku racho? Aiva ani, aigara kupi, aiita basa rei?’ Patinoziva zvakawanda nezvemunyori wacho tinowedzera kunzwisisa kuti nei akashandisa mashoko nemienzaniso yaakashandisa. Paunenge uchiverenga Bhaibheri, tsvaga mashoko anoratidza kuti munyori wacho aiva munhu akaita sei.

16 Kana wadaro, chimwe chaungaita chinogona kukubatsira ndechekutsvaga kuti bhuku racho rakanyorwa riini. Unogona kutarisa pakanzi “Mabhuku eBhaibheri” mumapeji ari nechekumashure muShanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene. Unogonawo kuongorora chati inotsanangura nezvevaprofita nemadzimambo iri muMashoko Ekuwedzera A6. Sezvo bhuku racho riri reuprofita, unogona kutsvakurudzawo kuti zvinhu zvainge zvakamira sei parakanyorwa. Muprofita wacho akatumwa kuti abatsire vanhu vacho kurega zvinhu zvakaita sei? Ndivanaani vakararama panguva imwe chete naye? Kuti unyatsonzwisisa zvaiitika, zvimwe unofanira kutarisa zviri mune mamwe mabhuku eBhaibheri. Semuenzaniso, kuti unyatsonzwisisa zvaiitika pakararama muprofita Amosi, unogona kuverenga mavhesi ari mubhuku ra2 Madzimambo na2 Makoronike, ari pazviratidzo zvinoendesa kune mamwe mavhesi zviri pana Amosi 1:1. Unogonawo kuverenga zvakanyorwa naHosiya, uyo anogona kunge akararama panguva imwe chete naAmosi. Zvese izvi zvichakubatsira kuti unyatsonzwisisa zvaiitika panguva yakararama Amosi.​—2 Madz. 14:25-28; 2 Mak. 26:1-15; Hos. 1:1-11; Amo. 1:1.

CHERECHEDZA TUNHU TUDIKI

17-18. Uchishandisa mienzaniso iri mundima kana kuti mumwewo waunoziva, ratidza kuti kuongorora mashoko anoita seasingakoshi kunokubatsira sei kuti uwedzere kunakidzwa nekudzidza Bhaibheri uri wega.

17 Patinoverenga Bhaibheri, zvakanaka kuti tive nechido chekuziva zvakawanda. Ngatitii uri kuverenga chitsauko 12 cheuprofita hwaZekariya, icho chinotaura nezvekufa kwaMesiya. (Zek. 12:10) Paunosvika pavhesi 12, unoverenga kuti “mhuri yeimba yaNatani” yaizochema Mesiya zvinonzwisa tsitsi. Pane kuti ungokurumidza kupfuura mashoko iwayo, unogona kumbomira wozvibvunza kuti: ‘Imba yaNatani yakabatana papi naMesiya? Pane mawanire aungaita mamwe mashoko here? Unotsvakurudza. Chiratidzo chiri pavhesi racho chinokuendesa pana 2 Samueri 5:13, 14, paunoudzwa kuti Natani aiva mumwe wevanakomana vaMambo Dhavhidhi. Rumwe rugwaro ruripo ndiRuka 3:23, 31, urwo runoratidza kuti Jesu aiva muzukuru waNatani uyo aiva tateguru waMariya. (Ona Nharireyomurindi yaAugust 2017, peji 32 ndima 4.) Izvi zvinobva zvaita kuti ude kuziva zvakawanda. Wagara uchiziva kuti pane uprofita hunotaura kuti Jesu ndewedzinza raDhavhidhi. (Mat. 22:42) Asi Dhavhidhi aiva nevanakomana vanopfuura 20. Hazvishamisi here kuti Zekariya akabva atotaura kuti imba yaNatani ndiyo yaiva nechikonzero chekuchema Jesu paakafa?

18 Funga nezvemumwe muenzaniso. Muchitsauko chekutanga chaRuka, tinoverenga kuti ngirozi Gabrieri yakashanyira Mariya ikataura nezvemwanakomana waaizobereka ichiti: “Uyu achava mukuru uye achanzi Mwanakomana weWekumusorosoro; uye Jehovha Mwari achamupa chigaro cheumambo chababa vake Dhavhidhi, iye achava mambo paimba yaJakobho nekusingaperi, uye hapazovi nemugumo weumambo hwake.” (Ruka 1:32, 33) Tinogona kungoisa pfungwa pachikamu chekutanga chemashoko aGabrieri chinotaura kuti Jesu aizova “Mwanakomana weWekumusorosoro.” Asi Gabrieri akaprofitawo kuti Jesu ‘aizova mambo.’ Saka tinozvibvunza kuti Mariya akafungei paainzwa zvaitaurwa naGabrieri. Akafunga here kuti mashoko aGabrieri aireva kuti Jesu aizotsiva Mambo Herodhi, kana mumwe munhu waaizosiyira chigaro? Dai Jesu akava mambo, Mariya aizova nechinzvimbo saamai vamambo, uye mhuri yake yaizogara muimba yeumambo. Asi hapana chinoratidza kuti Mariya akataura izvozvo kuna Gabrieri uyewo hapana patinoverenga kuti Mariya akakumbira kuva nechinzvimbo chepamusoro muUmambo, sezvakaitwa nevamwe vadzidzi vaviri vaJesu. (Mat. 20:20-23) Izvi zvinoratidza kuti Mariya aiva mukadzi anozvininipisa chaizvo.

19-20. Sezvinotaurwa pana Jakobho 1:22-25 uye 4:8, tinofanira kuva nezvinangwa zvipi patinenge tichidzidza?

19 Ngatiyeukei kuti chinangwa chedu chikuru pakudzidza Shoko raMwari uye mabhuku edu echiKristu ndechekuti tiswedere pedyo naJehovha. Tinodawo kunyatsoziva kuti ‘tiri vanhu vakaita sei’ uye zvatinofanira kugadzirisa kuti tifadze Mwari. (Verenga Jakobho 1:22-25; 4:8.) Saka pese patinenge tava kuda kudzidza, tinofanira kutanga nekukumbira Jehovha kuti atipe mweya wake mutsvene. Tinofanira kumuteterera kuti tinyatsobatsirwa nezvatinodzidza uye kuti isu vacho tizvione semaonero aanotiita.

20 Kudai tese tikava semushumiri akatendeka akataurwa nemunyori wemapisarema kuti: “Anofarira mutemo waJehovha, anoverenga mutemo wake nenzwi riri pasi masikati neusiku. . . . Zvese zvaanoita zvichabudirira”​—Pis. 1:2, 3.

RWIYO 88 Itai Kuti Ndizive Nzira Dzenyu

^ ndima 5 Jehovha anotipa zvinhu zvakawanda zvekuona, zvekuverenga, uye zvekudzidza. Nyaya ino ichakubatsira kusarudza kuti ndezvipi zvaungadzidza, uye ine mazano ekuti unganyatsobatsirwa sei nekudzidza kwaunoita.

^ ndima 61 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Vabereki vari kudzidzisa vana vavo kugadzirira Chidzidzo cheNharireyomurindi.

^ ndima 63 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Hama iri kutsvakurudza nezvemunyori weBhaibheri anonzi Amosi. Mifananidzo iri nechekumashure kwake inoratidza zvaanenge achiona mupfungwa dzake paari kuverenga uye kufungisisa nyaya dziri muBhaibheri.