NHARIREYOMURINDI​—YEKUDZIDZA May 2020

Magazini ino ine nyaya dzekudzidza dzaJuly 6–August 2, 2020.

“Mambo Wekuchamhembe” Munguva Yekuguma

Nyaya yekudzidza 19: July 6-12, 2020. Tiri kuona uchapupu hwekuti uprofita hwaDhanieri uhwo hunotaura ‘nezvamambo wekuchamhembe’ uye “mambo wekumaodzanyemba” huri kuramba huchizadzika. Tingava sei nechokwadi nazvo? Uye nei tichifanira kunzwisisa kuti uprofita uhwu hunotaura nezvei?

Madzimambo Anokwikwidzana Munguva Yekuguma

Uprofita hune chekuita namambo wekuchamhembe namambo wekumaodzanyemba huri kuzadzika panguva imwe chete nehumwe uprofita. Hwese hunoratidza sei kuti nyika ichaguma nekukurumidza?

Ndiani “Mambo Wekuchamhembe” Mazuva Ano?

Nyaya yekudzidza 20: July 13-19, 2020. Ndiani “mambo wekuchamhembe” mazuva ano, uye achaparadzwa sei? Kuziva mhinduro dzemibvunzo iyi kuchasimbisa kutenda kwedu uye kuchatibatsira kugadzirira miedzo yatichasangana nayo munguva pfupi iri kuuya.

Unokoshesa Zvipo Zvaunopiwa naMwari Here?

Nyaya yekudzidza 21: July 20-26, 2020. Nyaya ino ichatibatsira kuti tikoshese Jehovha uye zvipo zvitatu zvaakatipa. Ichatibatsirawo kuti tikwanise kukurukura nevanhu vasingatendi kuti Mwari ariko.

Ratidza Kuti Unokoshesa Zvipo Zvisingaoneki

Nyaya yekudzidza 22: July 27–August 2, 2020. Munyaya yekutanga, takakurukura nezvezvipo zvakasiyana-siyana zvinooneka zvatakapiwa naMwari. Nyaya ino ichataura nezvezvipo zvatisingaoni uye kuti tingaratidza sei kuti tinozvikoshesa. Ichatibatsirawo kuti tiwedzere kuonga Jehovha Mwari, uyo anotipa zvipo izvi.