Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Madzimambo Anokwikwidzana Munguva Yekuguma

Madzimambo Anokwikwidzana Munguva Yekuguma

Humwe uprofita hunotaurwa muchati ino hunozadzika panguva imwe chete. Hwese hunoratidza kuti tava kurarama “panguva yekuguma”​—Dhan. 12:4.

  • Magwaro Zvak. 11:7; 12:13, 17; 13:1-8, 12

    Uprofita “Chikara” chava nemakore anopfuura 3 000 chichitonga vanhu panyika. Munguva yekuguma, musoro wacho wechinomwe unokuvadzwa. Musoro wacho unozopora uye “nyika yese” inotevera chikara. Satani anoshandisa chikara ichocho kuti ‘arwe nevanenge vasara.’

    Kuzadzika Pashure peMafashamo, hurumende dzevanhu idzo dzisingadi Jehovha dzinotonga vanhu. Pashure pemakore anopfuura 3 000, Britain, imwe yehurumende idzi, inopera simba panorwiwa Hondo Yenyika I. Britain yakavazve nesimba payakabatana neUnited States. Munguva yekuguma, Satani ari kushandisa hurumende dzese dzepanyika kutambudza vanhu vaMwari.

  • Magwaro Dhan. 11:25-45

    Uprofita Mambo wekuchamhembe namambo wekumaodzanyemba vanorwisana munguva yekuguma.

    Kuzadzika Germany inorwa neBritain neAmerica. Muna 1945, Soviet Union nenyika dzinoitsigira dzinova mambo wekuchamhembe. Muna 1991, Soviet Union inoparara, uye nekufamba kwenguva, Russia nenyika dzinoitsigira dzinova mambo wekuchamhembe.

  • Magwaro Isa. 61:1; Mar. 3:1; Ruka 4:18

    Uprofita Jehovha anotuma “nhume” yake kuti ‘ivhure nzira,’ Umambo hwaMesiya husati hwavapo. “Nhume” iyi inotanga ‘kuzivisa vanyoro mashoko akanaka.’

    Kuzadzika Kubva muna 1870, C. T. Russell nevamwe vake vakashanda nesimba pakudzidza Bhaibheri kuti vanzwisise zvarinodzidzisa. Muna 1881, vakaona kuti zvinokosha chaizvo kuti vashumiri vaMwari vaparidze. Vakabudisa nyaya dzakadai seyaiti “Kuri Kudiwa Vaparidzi 1 000” neyaiti “Vakazodzwa Kuti Vaparidze.”

  • Magwaro Mat. 13:24-30, 36-43

    Uprofita Muvengi anodyara masora mumunda wegorosi, zvosiiwa kuti zvikure zvese. Gorosi rinotadza kuonekwa kusvikira nguva yekukohwa yakwana; masora anozoparadzaniswa negorosi.

    Kuzadzika Kutanga muna 1870, musiyano uri pakati pevaKristu vechokwadi nevenhema unowedzera kuoneka. Munguva yekuguma, vaKristu vechokwadi vanounganidzwa vachiparadzaniswa nevaKristu venhema.

  • Magwaro Dhan. 2:31-33, 41-43

    Uprofita Tsoka dzesimbi nevhu dzechifananidzo chakagadzirwa nezvinhu zvakasiyana-siyana.

    Kuzadzika Ivhu rinomiririra vanhu vanotongwa neBritain neAmerica vanopandukira hurumende idzodzo. Vanhu ivavo vanoita kuti hurumende idzi dzitadze kunyatsoshandisa simba radzo.

  • Magwaro Mat. 13:30; 24:14, 45; 28:19, 20

    Uprofita “Gorosi” rinounganidzwa richiiswa “mudura” uye “muranda akatendeka, akangwara,” anogadzwa kuti atungamirire “veimba.” “Mashoko akanaka eUmambo” anotanga kuparidzwa “munyika yese.”

    Kuzadzika Muna 1919, muranda akatendeka anogadzwa kuti atungamirire vanhu vaMwari. Kubvira ipapo, Vadzidzi veBhaibheri vanowedzera kuparidza. Iye zvino Zvapupu zvaJehovha zviri kuparidza munyika dzinopfuura 200, uye zviri kubudisa mabhuku mumitauro inopfuura 1 000.

  • Magwaro Dhan. 12:11; Zvak. 13:11, 14, 15

    Uprofita Chikara chine nyanga mbiri chinoudza vanhu vanogara panyika kuti vagadzire “mufananidzo wechikara” chine misoro minomwe uye chinopa “mweya wekufema kumufananidzo wechikara.”

    Kuzadzika Britain neAmerica dzinotungamirira pakuumba Sangano Renyika Dzakabatana (League of Nations). Sangano iri rinotsigirwawo nedzimwe nyika. Mambo wekuchamhembe anozobatanawo nesangano iri kwenguva pfupi, kubva muna 1926 kusvika muna 1933. League of Nations inopiwa rukudzo runofanira kungopiwa Umambo hwaMwari chete, sezvakazoitawo United Nations (UN), iyo yakazovapo gare gare.

  • Magwaro Dhan. 8:23, 24

    Uprofita Mambo anotyisa kutarisa “achaparadza nenzira inoshamisa.”

    Kuzadzika Britain neAmerica dzakauraya vanhu vakawanda uye dzakaparadza zvinhu zvakawanda. Semuenzaniso, muHondo Yenyika II, United States yakadonhedzera mabhomba maviri enyukireya pamuvengi weumambo hwenyika mbiri idzi, ikaparadza zvinhu zvakawanda.

  • Magwaro Dhan. 11:31; Zvak. 17:3, 7-11

    Uprofita Chikara “chitsvuku” chine nyanga gumi chinobuda mugomba rakadzikadzika uye ndimambo wechisere. Bhuku raDhanieri rinotaura nezvamambo uyu ‘sechinhu chinonyangadza chinoparadza zvinhu zvese.’

    Kuzadzika Sangano Renyika Dzakabatana rinomira kushanda muHondo Yenyika II. Panopera hondo, Sangano Remubatanidzwa Wenyika Dzepasi Rese (UN) rinoumbwa. Kungofanana neSangano Renyika Dzakabatana, UN inopiwa rukudzo runofanira kupiwa Umambo hwaMwari. UN icharwisa zvitendero.

  • Magwaro 1 VaT. 5:3; Zvak. 17:16

    Uprofita Nyika dzinozivisa kuti “kwava nerunyararo uye hapana chichatiwana” uye “nyanga gumi” “nechikara” zvinorwisa “pfambi” zvoiparadza. Pashure paizvozvo, nyika dzinobva dzaparadzwa.

    Kuzadzika Nyika dzinogona kutaura kuti dzakwanisa kuita kuti pave nerunyararo. Nyika dzinotsigira UN dzinobva dzaparadza masangano ezvitendero zvenhema. Uku ndiko kuchava kutanga kwekutambudzika kukuru. Kutambudzika ikoko kuchapera pachaparadzwa nyika yese yaSatani paAmagedhoni.

  • Magwaro Ezek. 38:11, 14-17; Mat. 24:31

    Uprofita Gogi anopinda munyika yevanhu vaMwari. Ngirozi dzinobva dzaunganidza ‘vakasarudzwa.’

    Kuzadzika Mambo wekuchamhembe pamwe chete nedzimwe hurumende dzenyika vacharwisa vanhu vaMwari. Pane imwe nguva kurwisa uku kwatanga, vakazodzwa vanenge vachiri panyika vachaenda kudenga.

  • Magwaro Ezek. 38:18-23; Dhan. 2:34, 35, 44, 45; Zvak. 6:2; 16:14, 16; 17:14; 19:20

    Uprofita Uya ‘akatasva bhiza jena’ anopedzisa “kukunda kwake” nekuparadza Gogi nemauto ake. “Chikara” ‘chinokandwa mugungwa remoto,’ uye dombo rinopwanya chifananidzo chikuru.

    Kuzadzika Jesu, mambo weUmambo hwaMwari anouya kuzonunura vanhu vaMwari. Achauya pamwe chete nevane 144 000 nemauto ake engirozi kuzoparadza nyika dzese dzinenge dzabatana kuti dzirwise vanhu vaMwari. Uku ndiko kuchava kuguma kwenyika yaSatani.