Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 19

“Mambo Wekuchamhembe” Munguva Yekuguma

“Mambo Wekuchamhembe” Munguva Yekuguma

“Munguva yekuguma mambo wekumaodzanyemba achasundidzirana naye [mambo wekuchamhembe].”​—DHAN. 11:40.

RWIYO 150 Tsvaga Mwari Kuti Ununurwe

ZVICHADZIDZWA *

1. Uprofita hweBhaibheri hunotibatsira kuzivei?

CHII chichaitika kuvanhu vaJehovha munguva pfupi iri kuuya? Hatifaniri hedu kuita zvekufungidzira. Uprofita hweBhaibheri hunotibatsira kuziva zvinhu zvinokosha zvichaitika munguva pfupi iri kuuya. Humwe uprofita hwacho hunotibatsira kuona zvichaitwa nedzimwe hurumende dzine simba. Hwakanyorwa muna Dhanieri chitsauko 11, uye hunotaura nezvenhoroondo yemadzimambo maviri anorwisana, mambo wekuchamhembe namambo wekumaodzanyemba. Chikamu chakakura cheuprofita hwacho chakatozadzika, saka tinogona kuva nechokwadi chekuti chikamu chasara chichazadzikawo.

2. Sezvinoratidzwa pana Genesisi 3:15 uye Zvakazarurwa 11:7 uye 12:17, chii chatinofanira kuyeuka patinenge tichidzidza uprofita hwaDhanieri?

2 Kuti tinzwisise uprofita hwakanyorwa muna Dhanieri chitsauko 11, tinofanira kuyeuka kuti hunotaura nezvevatongi uye hurumende dzine zvadzakaita pavanhu vaMwari. Kunyange zvazvo vashumiri vaMwari vari vashoma kana tichivaenzanisa nevanhu vese vari panyika, hurumende dzinowanzoti nangananga navo. Nei dzichidaro? Nekuti chinangwa chikuru chaSatani nenyika yake ndechekuparadza vaya vanoshumira Jehovha naJesu. (Verenga Genesisi 3:15 uye Zvakazarurwa 11:7; 12:17.) Tinodawo kuyeuka kuti uprofita hwakanyorwa naDhanieri hunofanira kupindirana nehumwe uprofita huri muShoko raMwari. Tinofanira kutarisa dzimwe ndima dziri muBhaibheri kuti tinyatsonzwisisa uprofita huri muna Dhanieri.

3. Tichakurukurei munyaya ino neinotevera?

3 Munyaya ino tichaongorora Dhanieri 11:25-39. Tichaona kuti ndiani aiva mambo wekuchamhembe uye mambo wekumaodzanyemba kubva muna 1870 kusvika muna 1991, uye tichaona kuti nei zvakakodzera kuti tigadzirise manzwisisiro atinoita chimwe chikamu cheuprofita uhwu. Munyaya inotevera, tichaongorora Dhanieri 11:40–12:1, uye tichajekesa manzwisisiro atinoita zvinotaurwa neuprofita ihwohwo nezvenguva inotangira muna 1991 kusvika pahondo yeAmagedhoni. Paunenge uchidzidza nyaya mbiri idzi, uchabatsirwawo nekuongorora chati yakanzi “Madzimambo Anokwikwidzana Munguva Yekuguma.” Asi tinoda kutanga taziva kuti madzimambo maviri anotaurwa muuprofita uhwu ndivanaani.

TINGAZIVA SEI MAMBO WEKUCHAMHEMBE NAMAMBO WEKUMAODZANYEMBA?

4. Zvinhu zvipi zvitatu zvinotibatsira kuziva mambo wekuchamhembe namambo wekumaodzanyemba?

4 Pakutanga, mazita ekuti “mambo wekuchamhembe” uye “mambo wekumaodzanyemba” aipiwa vanhu vaitonga nyika dzaiva kuchamhembe uye kumaodzanyemba kwenyika yeIsraeri. Nei tichidaro? Ona mashoko akaudzwa Dhanieri nengirozi. Yakati: “Ndauya kuzoita kuti unzwisise zvichaitika kuvanhu vekwako.” (Dhan. 10:14) VaIsraeri ndivo vaiva vanhu vaMwari kusvika paPendekosti ya33 C.E. Asi kubvira ipapo zvichienda mberi, Jehovha akaita kuti zvive pachena kuti aiona vadzidzi vaJesu vakatendeka sevanhu vake. Saka chikamu chakakura cheuprofita huri muna Dhanieri chitsauko 11 hachitauri nezverudzi rwevaIsraeri, asi vateveri vaKristu. (Mab. 2:1-4; VaR. 9:6-8; VaG. 6:15, 16) Uye pane hurumende dzakasiyana-siyana dzakatonga samambo wekuchamhembe uye samambo wekumaodzanyemba. Kunyange zvakadaro, pane zvinhu zvainge zvakafanana pamadzimambo iwayo. Chekutanga, madzimambo acho akatonga nyika dzaiva nevanhu vaMwari vakawanda kana kuti akatambudza vanhu vaMwari. Chechipiri, mabatiro aaiita vanhu vaMwari akaratidza kuti aivenga Mwari wechokwadi, Jehovha. Chechitatu, madzimambo maviri aya akaratidzana masimba.

5. Kubva mugore ra100 C.E. kusvika muna 1870 paiva namambo wekuchamhembe namambo wekumaodzanyemba here? Tsanangura.

5 Pane imwe nguva mumakore ekuma100 C.E., ungano yevaKristu vechokwadi yakatanga kuzara vaKristu venhema, avo vakanga vava kudzidzisa nhema vachivanza chokwadi chiri muShoko raMwari. Kubva panguva iyoyo kusvika makore ekuma1800 ava kunopera, panyika pakanga pasina sangano revashumiri vaMwari. VaKristu venhema vakaramba vachiwanda semasora ari mumunda, saka zvakanga zvisisiri nyore kuona kuti vaKristu vechokwadi ndevapi. (Mat. 13:36-43) Nei zvichikosha kuziva izvi? Nekuti zvinoratidza kuti kubva mugore ra100 C.E. kusvika muna 1870 pakanga pasina aigona kunzi mambo wekuchamhembe kana kuti mambo wekumaodzanyemba. Pakanga pasina sangano revashumiri vaMwari rekuti varwise. * Asi gore ra1870 richangopfuura zvakanga zvava kukwanisika zvakare kuziva mambo wekuchamhembe namambo wekumaodzanyemba. Sei tichidaro?

6. Sangano revanhu vaMwari rakatanga kuvapozve riini? Tsanangura.

6 Kubva muna 1870 zvichienda mberi pakatanga kuva nesangano revanhu vaMwari. Mugore iroro Charles T. Russell nevamwe vake vakatanga kirasi yekudzidza Bhaibheri. Hama Russell nevamwe vavo vakava nhume yakanga yataurwa kuti ‘yaizovhura nzira,’ Umambo hwaMesiya husati hwagadzwa. (Mar. 3:1) Pakanga pavazve nesangano revanhu vaMwari. Mumakore iwayo, pakanga pava nehurumende dzaizotambudza vashumiri vaMwari here? Ngationei.

MAMBO WEKUMAODZANYEMBA NDIANI?

7. Ndiani aiva mambo wekumaodzanyemba kusvika panguva yairwiwa hondo yenyika yekutanga?

7 Pakasvika gore ra1870, Britain yakanga yava kutonga munyika dzakawanda uye yakanga yava neuto rine simba kupfuura dzimwe nyika dzese. Hurumende yeBritain ndiyo inofananidzwa nenyanga diki yakakunda dzimwe nyanga nhatu dzinomiririra nyika dzinoti: France, Spain, neNetherlands. (Dhan. 7:7, 8) Uye Britain ndiyo yaiva mambo wekumaodzanyemba kusvika panguva yairwiwa hondo yenyika yekutanga. Panguva iyoyo, United States of America yakanga yava neupfumi hwakawanda kupfuura dzimwe nyika uye yakatanga kubatana neBritain.

8. Ndiani mambo wekumaodzanyemba mumazuva ano ekupedzisira?

8 Pairwiwa Hondo Yenyika I, America neBritain dzakarwa dzakabatana uye dzakabva dzava nesimba rakakura chaizvo. Panguva iyoyo, Britain neAmerica dzakava nesimba kupfuura dzimwe nyika dzese. Sezvakataurwa naDhanieri, mambo uyu akava ‘neuto rine simba uye rakakura kwazvo.’ (Dhan. 11:25) Mumazuva ano ekupedzisira, nyika mbiri idzi, Britain neAmerica, ndidzo mambo wekumaodzanyemba. * Asi ndiani akava mambo wekuchamhembe?

MAMBO WEKUCHAMHEMBE ANOVAPO ZVAKARE

9. Mambo wekuchamhembe akavapo zvakare riini, uye Dhanieri 11:25 yakazadzika sei?

9 Muna 1871, Hama Russell nevamwe vavo pavakanga vava negore vatanga kudzidza Bhaibheri vari pamwe chete, mambo wekuchamhembe akavapo zvakare. Mugore iroro, Otto von Bismarck akabatanidza nharaunda dzakasiyana-siyana, dzikabva dzava umambo hune simba hweGermany. Mambo Wilhelm I wenharaunda yePrussia ndiye akava wekutanga kutonga Germany yese, uye akagadza Bismarck kuti ave mutungamiriri wehurumende. * Mumakore akatevera, Germany yakatanga kutonga dzimwe nyika dzemuAfrica nedzemuPacific Ocean, uye yakatanga kukwikwidzana neBritain. (Verenga Dhanieri 11:25.) Germany yakava neuto rine simba chaizvo zvekutoda kuenzana nereBritain. Yakashandisa uto iroro kurwisa vavengi vayo muhondo yenyika yekutanga.

10. Dhanieri 11:25b, 26 yakazadzika sei?

10 Dhanieri akabva ataurawo zvaizoitika kuhurumende yeGermany neuto rayo. Uprofita hwacho hwakataura kuti mambo wekuchamhembe “haazomiri.” Nei aizotadza kumira? ‘Nekuti vaizomurongera mazano. Uye vaya vaidya machikichori ake ndivo vaizoita kuti awe.’ (Dhan. 11:25b, 26a) Mumazuva aDhanieri, vaya vaidya “machikichori aidyiwa namambo” vaisanganisira vanhu vaiva nezvinzvimbo zvepamusoro ‘vaishandira mambo.’ (Dhan. 1:5) Ndivanaani vari kutaurwa nezvavo muuprofita uhwu? Huri kutaura nezvevanhu vaiva nezvinzvimbo zvepamusoro muhurumende yeGermany, avo vane zvavakaitawo kuti hurumende yacho iparare. Vanhu ava vaisanganisira vakuru-vakuru vemauto, uye vanachipangamazano vemauto vaishanda vari pasi pamambo. * Uprofita uhwu hwakataurawo zvaizoitika paizorwisana mambo wekuchamhembe namambo wekumaodzanyemba. Huchitaura nezvamambo wekuchamhembe, hunoti: “Kana riri uto rake, richatsvairwa, uye vazhinji vachati katakata vafa.” (Dhan. 11:26b) Muhondo yenyika yekutanga, uto reGermany ‘rakatsvairwa’ uye vakawanda vakafa sezvakanga zvataurwa. Pahondo dzese dzainge dzarwiwa kusvika panguva iyoyo, hapana hondo yakanga yauraya vanhu vakawanda kupfuura iyi.

11. Mambo wekuchamhembe namambo wekumaodzanyemba vakaitei?

11 Dhanieri 11:27, 28 inotaura zvinhu zvaizoitika Hondo Yenyika I isati yatanga ichiti mambo wekuchamhembe namambo wekumaodzanyemba ‘vaizogara patafura imwe chete vachinyeperana.’ Inotiwo mambo wekuchamhembe aizounganidza “zvinhu zvizhinji kwazvo.” Izvi ndizvo zvakanyatsoitika. Nyika yeGermany neyeBritain dzakaudzana kuti dzaida runyararo, asi uku kwaiva kunyeperana, nekuti dzakazorwisana muna 1914. Uye gore iri risati rasvika, Germany yakanga yava neupfumi hwakawanda zvekuti yakava yechipiri panyika dzaiva neupfumi hwakawanda. Germany yakabva yarwa namambo wekumaodzanyemba asi yakakundwa zvichizadzisa mashoko ari pana Dhanieri 11:29 uye chikamu chekutanga chevhesi 30.

MADZIMAMBO ACHO ANORWISA VANHU VAMWARI

12. Mambo wekuchamhembe newekumaodzanyemba vakaitei muhondo yenyika yekutanga?

12 Kubvira muna 1914, madzimambo maviri aya akawedzera kurwisana kwaaiita uye kurwisa vanhu vaMwari. Semuenzaniso, muhondo yenyika yekutanga, hurumende yeGermany uye yeBritain dzakatambudza vashumiri vaMwari avo vairamba kuenda kuhondo. Uye hurumende yeAmerica yakakanda mujeri vaya vaitungamirira basa rekuparidza. Kutambudzwa uku kwakazadzisa uprofita huri muna Zvakazarurwa 11:7-10.

13. Mambo wekuchamhembe akaitei kuma1930 uye muhondo yenyika yechipiri?

13 Mambo wekuchamhembe akarwisa vanhu vaMwari zveutsinye kuma1930 uye kunyanya muhondo yenyika yechipiri. Germany payakatanga kutongwa nebato reNazi, Hitler nevatsigiri vake vakarambidza vanhu vaMwari kuita basa ravo. Mambo wekuchamhembe uyu akauraya vanhu vaJehovha vangasvika 1 500 uye zvimwe zviuru zvakawanda zvakaendeswa mumisasa yevasungwa. Zviitiko izvozvo zvakanga zvataurwa naDhanieri. Mambo wekuchamhembe akakwanisa ‘kusvibisa nzvimbo tsvene’ uye ‘kubvisa chibayiro chinogara chichipiwa’ paakaita kuti vashumiri vaMwari vasava nerusununguko rwekuita basa rekuparidza. (Dhan. 11:30b, 31a) Mutungamiriri weGermany, Hitler, akatopika kuti aizouraya vanhu vese vaMwari vaiva muGermany.

MAMBO MUTSVA WEKUCHAMHEMBE

14. Ndiani akava mambo wekuchamhembe pakapera hondo yenyika yechipiri? Tsanangura.

14 Pakapera hondo yenyika yechipiri, hurumende yeSoviet Union yakatanga kutonga nharaunda dzayainge yatorera Germany, ikabva yava mambo wekuchamhembe. Kungofanana nehurumende yeNazi iyo yaiva neudzvinyiriri, Soviet Union yaitambudza munhu wese aikoshesa kunamata Mwari wechokwadi kupfuura kuteerera hurumende.

15. Mambo wekuchamhembe akaitei pakapera Hondo Yenyika II?

15 Hondo Yenyika II ichangopera, mambo mutsva wekuchamhembe, kureva Soviet Union nenyika dzaiitsigira, akarwisa vanhu vaMwari. Zvakazarurwa 12:15-17 inofananidza kutambudzwa kwevanhu vaMwari ‘nerwizi.’ Maererano neuprofita uhwu, mambo wekuchamhembe akarambidza basa redu rekuparidza, ndokumanikidza zviuru zvevanhu vaJehovha kuenda kuSiberia. Saka kubva pakatanga mazuva ekupedzisira, mambo wekuchamhembe ari kuramba achitambudza vanhu vaMwari, asi haana kumbokwanisa kumisa basa ravo. *

16. Soviet Union yakazadzisa sei Dhanieri 11:37-39?

16 Verenga Dhanieri 11:37-39. Achizadzisa uprofita uhwu, mambo wekuchamhembe haana kuva ‘nebasa naMwari wemadzibaba ake.’ Akazviratidza sei? Hurumende yeSoviet Union yakaedza kuita kuti zvitendero zvishaye simba iine chinangwa chekuti munyika yacho musaitwa zvekunamata. Yakanga yatobvira kare ichida kuzadzisa chinangwa ichi zvekuti kubvira muna 1918 yakapa murayiro wakazoita kuti muzvikoro mudzidziswe kuti hakuna Mwari. Mambo wekuchamhembe ‘akakudza sei mwari wenhare’? Soviet Union yakashandisa mari yakawanda kusimbisa uto rayo uye kugadzira zvombo zvenyukireya zvakawanda chaizvo kuti iwedzere kuva nesimba. Mambo wekuchamhembe uye wekumaodzanyemba vakazopedzisira vava nezvombo zvakawanda chaizvo zvaikwanisa kuuraya mabhiriyoni evanhu!

MADZIMAMBO MAVIRI ANOSHANDA PAMWE CHETE

17. “Chinhu chinonyangadza chinoparadza zvinhu zvese” chii?

17 Mambo wekuchamhembe newekumaodzanyemba vakabatana pakuita chinhu chimwe chete. Vakaita kuti pave ‘nechinhu chinonyangadza chinoparadza zvinhu zvese.’ (Dhan. 11:31) “Chinhu chinonyangadza” ichocho iSangano Remubatanidzwa Wenyika Dzepasi Rese (United Nations).

18. Nei Sangano Remubatanidzwa Wenyika Dzepasi Rese richinzi “chinhu chinonyangadza”?

18 Sangano Remubatanidzwa Wenyika Dzepasi Rese rinonzi “chinhu chinonyangadza” nekuti rinozviti rinokwanisa kuunza runyararo panyika, asi izvozvo zvinongokwaniswa neUmambo hwaMwari chete. Uprofita hwacho hunoti sangano iri ndiro chinhu ichi chinonyangadza “chinoparadza zvinhu zvese” nekuti ndiro richarwisa uye richaparadza chitendero chenhema.​—Ona chati yakanzi “Madzimambo Anokwikwidzana Munguva Yekuguma.”

NEI TICHIFANIRA KUZIVA NHOROONDO IYI?

19-20. (a) Nei tichifanira kuziva nhoroondo iyi? (b) Mubvunzo upi watichapindura munyaya inotevera?

19 Tinofanira kuziva nhoroondo iyi nekuti inoratidza kuti kubva kuma1870 kusvika mugore ra1991, uprofita hwaDhanieri uhwo hunotaura nezvamambo wekuchamhembe newekumaodzanyemba hwakazadzika. Saka tine chokwadi chekuti chimwe chikamu chasara cheuprofita hwacho chichazadzikawo.

20 Muna 1991, Soviet Union yakaparara. Saka iye zvino mambo wekuchamhembe ndiani? Nyaya inotevera ichapindura mubvunzo uyu.

RWIYO 128 Kutsungirira Kusvika Kumugumo

^ ndima 5 Tiri kuona uchapupu hwekuti uprofita hwaDhanieri uhwo hunotaura ‘nezvamambo wekuchamhembe’ uye “mambo wekumaodzanyemba” huri kuramba huchizadzika. Tingava sei nechokwadi nazvo? Uye nei tichifanira kunzwisisa kuti uprofita uhwu hunotaura nezvei?

^ ndima 5 Zvataurwa pano zvinoratidza kuti hazvichaiti kuti titi mutongi weRoma ainzi Aurelian uyo akatonga muna 270 C.E kusvika muna 275 C.E. aiva “mambo wekuchamhembe” kana kuti Mambokadzi Zenobia uyo akatonga muna 267 C.E. kusvika muna 272 C.E. aiva “mambo wekumaodzanyemba.” Izvi zvinogadzirisa mashoko ari muzvitsauko 13 ne14 zvebhuku rinonzi Fungisisa Uprofita hwaDhanieri!

^ ndima 9 Muna 1890, Mambo Wilhelm II akabvisa Bismarck pachigaro.

^ ndima 10 Vanhu ava vane zvakawanda zvavakaita zvakakonzera kuti hurumende yavo ikurumidze kuparara. Semuenzaniso, vakanga vasingachatsigiri mambo, vakabudisa mashoko aisafanira kuzivikanwa nevamwe ane chekuita nehondo, uye vakamanikidza mambo kuti abve pachigaro.

^ ndima 15 Sezvinoratidzwa pana Dhanieri 11:34, mambo wekuchamhembe akambomira kutambudza vaKristu. Semuenzaniso, izvi zvakaitika pakaparara Soviet Union muna 1991.