Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 22

Ratidza Kuti Unokoshesa Zvipo Zvisingaoneki

Ratidza Kuti Unokoshesa Zvipo Zvisingaoneki

‘Ramba wakatarisa zvinhu zvisingaoneki. Nekuti zvinhu zvinooneka ndezvenguva diki, asi zvinhu zvisingaoneki ndezvekusingaperi.’​—2 VAK. 4:18.

RWIYO 45 Kufungisisa Kwemwoyo Wangu

ZVICHADZIDZWA *

1. Jesu akati chii nezvepfuma yekudenga?

HAZVISI zvipo zvese zvinooneka. Zvipo zvinonyanya kukosha hazvioneki nemaziso. MuMharidzo yepaGomo, Jesu akataura nezvepfuma yekudenga iyo inokosha chaizvo kupfuura yepanyika. Akabva azoti: “Pane pfuma yako, ndipo pachavawo nemwoyo wako.” (Mat. 6:19-21) Kana tikaona chimwe chinhu sechinonyanya kukosha, tichaita zvese zvatinogona kuti tichiwane. Kuti tizviunganidzire “pfuma kudenga” tinofanira kuva nezita rakanaka naMwari. Jesu akataura kuti hapana chinogona kuparadza pfuma iyi kana kuiba.

2. (a) Maererano na2 VaKorinde 4:17, 18, Pauro anotikurudzira kuti tiise pfungwa dzedu pachii? (b) Tichakurukurei munyaya ino?

2 Muapostora Pauro anotikurudzira kuti ‘tirambe takatarisa zvinhu zvisingaoneki.’ (Verenga 2 VaKorinde 4:17, 18.) Zvinhu izvi zvisingaoneki zvinosanganisira makomborero atichawana munyika itsva yaMwari. Munyaya ino tichadzidza nezvezvipo zvina zvisingaoneki zvatiinazvo zvinoti: kuva neushamwari naMwari, chipo chemunyengetero, kubatsirwa kwatinoitwa nemweya mutsvene waMwari, uye kutsigirwa kwatinoitwa muushumiri naJehovha, Jesu uye ngirozi. Tichaonawo kuti tingaratidza sei kuti tinokoshesa zvipo izvi zvisingaoneki.

USHAMWARI NAJEHOVHA

3. Ndechipi chipo chikuru chatisingakwanisi kuona nemaziso edu, uye nei zvichiita kuti tikwanise kuva nacho?

3 Kuva neushamwari naJehovha Mwari ndicho chipo chikuru pane zvese zvatisingakwanisi kuona nemaziso. (Pis. 25:14) Nei zvichiita kuti Mwari ave neushamwari nevanhu vane chivi asi achiramba ari mutsvene? Nekuti chibayiro cherudzikinuro chaJesu ‘chinobvisa chivi chenyika.’ (Joh. 1:29) Jehovha aiziva nechekare kuti chinangwa chake chekuponesa vanhu achishandisa Jesu chaizobudirira. Ndokusaka Mwari aikwanisa kuva neushamwari nevanhu vakararama Kristu asati afa.​—VaR. 3:25.

4. Taura mienzaniso yevarume vakava shamwari dzaMwari, Jesu asati auya panyika.

4 Funga nezvevarume vakararama kare Jesu asati auya panyika, avo vakava shamwari dzaMwari. Abrahamu akaratidza kuti aiva nekutenda kwakasimba. Kunyange zvazvo akanga ava nemakore anopfuura 1 000 afa, Jehovha akamuti “shamwari yangu.” (Isa. 41:8) Saka kunyange rufu harugoni kuparadzanisa Jehovha neshamwari dzake dzepedyo. Kuna Jehovha, Abrahamu mupenyu. (Ruka 20:37, 38) Mumwe akava shamwari yaJehovha ndiJobho. Ngirozi dzese padzainge dzakaungana, Jehovha akataura nezvaJobho achiratidza kuti aivimba naye. Jehovha akamuti aiva “murume akarurama uye asina chaanopomerwa, anotya Mwari uye anosiyana nezvakaipa.” (Job. 1:6-8) Jehovha aionawo sei Dhanieri uyo akamushumira akatendeka kwemakore angasvika 80 munyika yevanhu vaisanamata Mwari? Murume uyu ainge akwegura akaudzwa nengirozi katatu kuti ‘aikosha chaizvo’ kuna Mwari. (Dhan. 9:23; 10:11, 19) Tinogona kuva nechokwadi chekuti Jehovha anonyatsoda kumutsa shamwari dzake dzakafa.​—Job. 14:15.

Ndedzipi dzimwe nzira dzatinoratidza nadzo kuti tinokoshesa zvipo zvisingaoneki? (Ona ndima 5) *

5. Vanhu vanofanira kuitei kuti vave neushamwari hwepedyo naJehovha?

5 Mazuva ano pane vanhu vakawanda sei vane ushamwari naJehovha? Pane mamiriyoni. Tinoziva izvi nekuti pasi rese pane vanhu vakawanda chaizvo, varume, vakadzi uye vana vari kuratidza nemararamiro avo kuti vanoda kuva shamwari dzaMwari. Jehovha “ishamwari yepedyo yevakarurama.” (Zvir. 3:32) Vanhu vanokwanisa kuva neushamwari hwepedyo naJehovha kana vachitenda muchibayiro cherudzikinuro chaJesu. Chibayiro ichocho chinoita kuti tikwanise kuzvitsaurira kuna Jehovha, tobhabhatidzwa. Patinotora matanho iwayo, tinobatana nemamiriyoni evaKristu vakazvitsaurira uye vakabhabhatidzwa vane ‘ushamwari hwepedyo’ naJehovha.

6. Tingaratidza sei kuti tinokoshesa ushamwari hwedu naMwari?

6 Tingaratidza sei kuti tinokoshesa ushamwari hwedu naMwari? Sezvakaita Abrahamu naJobho, avo vakaramba vakatendeka kuna Mwari kwemakore anopfuura 100, tinofanirawo kuramba takatendeka pasinei nekuti tava nemakore akawanda tichishumira Jehovha munyika ino. Tichitevedzera Dhanieri, tinofanira kukoshesa ushamwari hwedu naMwari kupfuura upenyu hwedu. (Dhan. 6:7, 10, 16, 22) Jehovha anogona kutibatsira kuti titsungirire miedzo yese yatinosangana nayo, toramba tiri shamwari dzake dzepedyo.​—VaF. 4:13.

CHIPO CHEMUNYENGETERO

7. (a) Maererano naZvirevo 15:8, Jehovha anonzwa sei patinonyengetera? (b) Jehovha anopindura sei minyengetero yedu?

7 Munyengetero ndicho chimwe chipo chatisingaoni nemaziso edu. Shamwari dzepedyo dzinoudzana zvadzinofunga uye manzwiro adzinoita. Izvozvo ndizvo zvatinoita naJehovha. Jehovha anotaura nesu achishandisa Shoko rake, uye imomo ndimo maanotiudza mafungiro ake nemanzwiro ake. Tinotaura naye patinonyengetera uye tinogona kumuudza zvese zviri pasi pemwoyo wedu. Jehovha anofarira kuteerera minyengetero yedu. (Verenga Zvirevo 15:8.) Sezvo ari Shamwari ine rudo, Jehovha anoteerera minyengetero yedu uye anoipindura. Dzimwe nguva mhinduro yacho inokurumidza kuuya. Pamwe pacho tingatofanira kuramba tichinyengeterera chimwe chinhu. Kunyange zvakadaro, tinogona kuva nechokwadi chekuti mhinduro yacho ichauya panguva yakakodzera. Mhinduro yaMwari inogona kusiyana nezvatinenge tichitarisira. Semuenzaniso, pane kuti atibvisire muedzo, anogona kutipa simba neuchenjeri ‘kuti tikwanise kuutsungirira.’​—1 VaK. 10:13.

(Ona ndima 8) *

8. Tingaratidza sei kuti tinokoshesa chipo chemunyengetero?

8 Tingaratidza sei kuti tinokoshesa chipo ichi chemunyengetero? Tinozviita nekuteerera murayiro waMwari wekuti, “Rambai muchinyengetera.” (1 VaT. 5:17) Jehovha haatimanikidzi kunyengetera. Asi anoda kuti tisarudze tega zvatinoda kuita uye anotikurudzira kuti ‘tirambe tichinyengetera.’ (VaR. 12:12) Saka tinogona kuratidza kuti tinokoshesa chipo ichi nekunyengetera kakawanda pazuva. Tinofanirawo kunyengetera tichitenda Jehovha uye tichimurumbidza.​—Pis. 145:2, 3.

9. Imwe hama inotii nezvekunyengetera uye iwe unotiwo chii nezvekunyengetera?

9 Patinoshumira Jehovha kwenguva yakareba tichiona kupindura kwaanoita minyengetero yedu, tinowedzera kukoshesa chipo chemunyengetero. Funga nezveimwe hama inonzi Chris, yava nemakore 47 iri mubasa renguva yakazara. Inoti: “Zvinondifadza chaizvo kumuka mangwanani-ngwanani kuti ndinyengetere kuna Jehovha. Ndinofadzwa nekutaura naJehovha nguva iyoyo uye kuona dova richipenyeswa nezuva. Izvi zvinoita kuti ndimutende nezvipo zvese zvaakatipa, kusanganisira ropafadzo yekunyengetera. Pandinozonyengetera ndava kurara, ndinonzwa ndiine rugare mupfungwa.”

CHIPO CHEMWEYA MUTSVENE

10. Nei tichifanira kukoshesa mweya mutsvene waMwari?

10 Mweya mutsvene ndiwo chimwe chipo chisingaoneki chatinofanira kukoshesa. Jesu akatikurudzira kuti tirambe tichikumbira mweya mutsvene. (Ruka 11:9, 13) Achishandisa mweya wake mutsvene, Jehovha anotipa “simba rakawedzerwa pane ratagara tiinaro.” (2 VaK. 4:7; Mab. 1:8) Mweya mutsvene waMwari unogona kutibatsira kutsungirira chero muedzo watinenge tichisangana nawo.

(Ona ndima 11) *

11. Mweya mutsvene unotibatsira sei?

11 Mweya mutsvene unotibatsira pamabasa atinoita pakushumira Mwari. Unotibatsira kuti tiwedzere unyanzvi hwedu. Tinoziva kuti kubudirira kwatinoita mubasa raJehovha kunobva pakubatsirwa kwatinoitwa nemweya mutsvene.

12. Maererano naPisarema 139:23, 24, tinogona kunyengeterera mweya mutsvene kuti utibatsire kuitei?

12 Imwe nzira yatinoratidza nayo kuti tinokoshesa mweya mutsvene waMwari ndeyekunyengetera kuti utibatsire kuona kana tiine mafungiro asina kunaka kana zvido zvakaipa mumwoyo medu. (Verenga Pisarema 139:23, 24.) Kana tikakumbira mweya mutsvene, Jehovha anoushandisa kuti tizive kana tiine mafungiro asina kunaka kana kuti zvido zvakaipa. Kana tava kuziva dambudziko redu, tinofanira kunyengetera tichikumbira kuti Mwari atipe simba rekurwisa mafungiro iwayo kana kuti chido ichocho. Tikadaro Jehovha achaona kuti hatidi kuita chero chii zvacho chingaita kuti arege kutibatsira nemweya wake mutsvene.​—VaEf. 4:30.

13. Tingaitei kuti tiwedzere kukoshesa kwatinoita mweya mutsvene?

13 Tinowedzera kukoshesa kwatinoita mweya mutsvene kana tikafunga zvauri kuita mazuva ano. Jesu asati adzokera kudenga akaudza vadzidzi vake kuti: “Muchagamuchira simba pachauya mweya mutsvene pamusoro penyu, uye muchava zvapupu zvangu . . . kusvikira kunzvimbo dziri kure dzenyika.” (Mab. 1:8) Izvi ndizvo chaizvo zviri kuitika mazuva ano. Mweya mutsvene wakabatsira vanhu vanopfuura 8,5 miriyoni pasi rese kuti vave vashumiri vaJehovha. Uyewo tiri kunamata takabatana nehama dzedu nekuti mweya mutsvene uri kutibatsira kuti tive neunhu hwakanaka hwakadai serudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, mutsa, kuva akanaka, kutenda, unyoro, uye kuzvidzora. Izvi ndizvo “zvibereko zvemweya.” (VaG. 5:22, 23) Saka mweya mutsvene chipo chinokosha chaizvo.

KUWANA RUBATSIRO RUNOBVA KUDENGA MUUSHUMIRI HWEDU

14. Ndivanaani vatisingaoni vanotitsigira patinenge tichiita ushumiri?

14 Chimwe chipo chatiinacho chisingaoneki ‘ndechekushanda pamwe chete’ naJehovha nechikamu chekudenga chesangano rake. (2 VaK. 6:1) Pese patinoita basa rekuita kuti vanhu vave vadzidzi tinenge tichishanda naJehovha, Jesu uye ngirozi. Pauro akati iye nevaaishanda navo mubasa iri ‘vaishanda pamwe chete naMwari.’ (1 VaK. 3:9) Patinoita ushumiri hwedu hwechiKristu tinenge tichitoshandawo naJesu. Paakanga apedza kupa vadzidzi vake murayiro wekuti “endai munoita kuti vanhu vemarudzi ese vave vadzidzi,” Jesu akati: “Ndichange ndiinemi.” (Mat. 28:19, 20) Ko ngirozi dzinotibatsirawo sei? Dzinotitungamirira patinenge tichizivisa “mashoko akanaka anogara nekusingaperi ekuzivisa kuvanhu vanogara panyika.”​—Zvak. 14:6.

15. Taura muenzaniso wemuBhaibheri unoratidza kukosha kwezvinoitwa naJehovha muushumiri hwedu.

15 Kutsigirwa uku kwatiri kuitwa naJehovha, naJesu, uye nengirozi kuri kuita kuti tikwanise kuitei? Patinodyara mashoko eUmambo, dzimwe mbeu dzinowira pamwoyo yakanaka uye dzinokura. (Mat. 13:18, 23) Ndiani anoita kuti mbeu iyoyo yechokwadi ikure uye ibereke? Jesu akati hapana munhu anogona kuva muteveri wake kana ‘Baba vasina kumuunza kwaari.’ (Joh. 6:44) MuBhaibheri mune muenzaniso unoratidza izvi. Funga zvakaitika Pauro paakaparidzira vakadzi vaiva kunze kweguta reFiripi. Bhaibheri rinotaura nezvemumwe wavo ainzi Ridhiya richiti: “Jehovha akanyatsovhura mwoyo wake kuti ateerere zvaitaurwa naPauro.” (Mab. 16:13-15) Jehovha ari kuita kuti mamiriyoni evanhu aende kwaari sezvaakaita pana Ridhiya.

16. Ndiani anofanira kurumbidzwa kana tabudirira muushumiri?

16 Ndiani anofanira kurumbidzwa kana tabudirira muushumiri? Pauro akapindura mubvunzo iwoyo mumashoko aakanyorera ungano yeKorinde. Akati: “Ini ndakadyara, Aporo akadiridza, asi Mwari akaita kuti zvikure, saka anodyara kana anodiridza haasi chinhu, asi Mwari anoita kuti zvikure.” (1 VaK. 3:6, 7) Tichitevedzera zvakaitwa naPauro, kana tabudirira muushumiri tinofanira kuita kuti Jehovha arumbidzwe.

17. Tingaratidza sei kuti tinokoshesa ropafadzo ‘yekushanda pamwe chete’ naMwari, Kristu uye ngirozi?

17 Tingaratidza sei kuti tinokoshesa ropafadzo ‘yekushanda pamwe chete’ naMwari, Kristu uye ngirozi? Tinodaro nekuita zvese zvatinogona kuti tiudze vamwe mashoko akanaka. Pane nzira dzakawanda dzekuita izvi dzakadai sekuparidza “paruzhinji nepaimba neimba.” (Mab. 20:20) Vakawanda vanonakidzwawo nekuparidza zvisina kurongwa. Pavanosangana nemunhu wavasingazivi, vanomukwazisa zvine ushamwari, voedza kutanga kukurukura naye. Kana munhu wacho achida zvekutaura, vanobva vatsvaga nzira yakanaka yekumuudza mashoko eUmambo.

(Ona ndima 18) *

18-19. (a) Tinodiridza sei mbeu yechokwadi? (b) Taura muenzaniso unoratidza kubatsirwa kwakaitwa mumwe mudzidzi weBhaibheri naJehovha.

18 Sezvo ‘tichishanda pamwe chete naMwari,’ hatifaniri kungogumira pakudyara mbeu yechokwadi, asi tinofanirawo kuidiridza. Kana munhu akaratidza kufarira, tinofanira kudzokera kunomuona kana kuronga kuti mumwe munhu aende kunomuona nechinangwa chekutanga chidzidzo cheBhaibheri. Patinoramba tichidzidza Bhaibheri nemunhu, tinofara patinoona Jehovha achimubatsira kuchinja upenyu hwake.

19 Funga nezvemumwe murume aimboita zveun’anga kuSouth Africa. Akatanga kudzidza Bhaibheri, uye akafarira zvaaidzidziswa. Asi zvakanga zvakamuomera chaizvo kuti abvume zvinotaurwa neShoko raMwari pamusoro pekutaura nevakafa. (Dheut. 18:10-12) Zvishoma nezvishoma, akabvuma kuti Mwari aumbe mafungiro ake. Akazosiya zveun’anga kunyange zvazvo riri iro rega basa raimupa mari. Iye zvino ava nemakore 60 uye anoti: “Ndinotenda Zvapupu zvaJehovha nekuti zvakandibatsira mune zvakawanda. Ndinonyanya kutenda Jehovha nekundibatsira kwaakaita kuchinja upenyu hwangu, zvekuti iye zvino ndava kukwanisa kuparidza seChapupu chake chakabhabhatidzwa.”

20. Unoda kuramba uchiitei?

20 Munyaya ino takurukura zvipo zvina zvatisingagoni kuona nemaziso. Chipo chinopfuura zvese ndechekuva neushamwari hwepedyo naJehovha. Ndicho chinoita kuti tikwanise kubatsirwa nezvimwe zvipo zvatisingaoni zvinoti: kunyengetera kwaari, kubatsirwa nemweya wake mutsvene, uye kuwana rubatsiro runobva kudenga muushumiri hwedu. Ngatirambei tichikoshesa zvipo izvi zvisingaoneki. Uye ngatirambei tichitenda Jehovha nekuti ndiye Shamwari yedu yakanakisisa.

RWIYO 145 Vimbiso yaMwari yeParadhiso

^ ndima 5 Munyaya yakapfuura, takakurukura nezvezvipo zvakasiyana-siyana zvinooneka zvatakapiwa naMwari. Nyaya ino ichataura nezvezvipo zvatisingaoni uye kuti tingaratidza sei kuti tinozvikoshesa. Ichatibatsirawo kuti tiwedzere kuonga Jehovha Mwari, uyo anotipa zvipo izvi.

^ ndima 58 KUTSANANGURWA KWEMIFANANIDZO: (1) Pairi kunakidzwa nekuona zvinhu zvakasikwa, hanzvadzi inofungisisa nezveushamwari hwayo naJehovha.

^ ndima 60 KUTSANANGURWA KWEMIFANANIDZO: (2) Hanzvadzi yacho inokumbira Jehovha kuti aibatsire kuparidza.

^ ndima 62 KUTSANANGURWA KWEMIFANANIDZO: (3) Mweya mutsvene unobatsira hanzvadzi yacho kuti ive neushingi hwekuparidza mashoko eUmambo zvisina kurongwa.

^ ndima 64 KUTSANANGURWA KWEMIFANANIDZO: (4) Hanzvadzi yacho yava kudzidza Bhaibheri nemunhu wayakaparidzira zvisina kurongwa. Hanzvadzi iyi inoita basa rekuparidza nekuita kuti vanhu vave vadzidzi ichitsigirwa nengirozi.