Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 19

Bhuku raZvakazarurwa Ringakubatsira Sei Mazuva Ano?

Bhuku raZvakazarurwa Ringakubatsira Sei Mazuva Ano?

“Anofara uyo anoverenga zvinonzwika . . . mashoko euprofita uhwu.”—ZVAK. 1:3.

RWIYO 15 Rumbidzai Dangwe raJehovha!

ZVICHADZIDZWA *

1-2. Ndechipi chimwe chezvikonzero zvinoita kuti tifarire bhuku raZvakazarurwa?

 WAKAMBONZI nemumwe munhu utarise mapikicha ake here? Paunenge uchiatarisa, unoona kuti vanhu vakawanda vari pamapikicha acho hausi kuvaziva. Asi unoona imwe pikicha yaunobva waramba wakatarisa. Nei uchiramba wakaitarisa? Nekuti uripowo papikicha yacho. Paunoramba wakaitarisa, unoedza kufunga kuti yakatorwa riini uye yakatorerwa kupi. Unoedzawo kuona kuti ndivanaani vamwe vari papikicha yacho. Pikicha iyoyo inokosha chaizvo kwauri.

2 Bhuku raZvakazarurwa rakaita sepikicha iyoyo. Nei tichidaro? Pane zvikonzero zviviri zvinoita kuti tidaro. Chekutanga, bhuku iri reBhaibheri rakanyorerwa isu. Muvhesi yekutanga yebhuku racho tinoverenga kuti: “Zvakazarurwa naJesu Kristu, zvaakapiwa naMwari, kuti aratidze varanda vake zvinhu zvinofanira kukurumidza kuitika.” (Zvak. 1:1) Saka zvakanyorwa mubhuku iri hazvisi zvevanhu vese vese. Asi ndezvedu isu vashumiri vaMwari vakazvitsaurira. Sezvo tiri vanhu vaMwari, hatifaniri kushamiswa kuti tiri kubatanidzwawo pakuzadzika kweuprofita hunowanika mubhuku iri. Saka patinoverenga bhuku raZvakazarurwa, tinenge tichiverenga nezvezvinhu zvinobatabata upenyu hwedu.

3-4. Maererano nebhuku raZvakazarurwa, uprofita huri mariri hwaizozadziswa riini, uye izvi zvinofanira kuita kuti mumwe nemumwe wedu aitei?

3 Chikonzero chechipiri chine chekuita nenguva yaizozadziswa uprofita uhwu. Muapostora Johani uyo ainge akwegura, akataura nezvenguva yaizozadziswa uprofita ihwohwo paakati: “Ndakafemerwa ndikava muzuva raShe.” (Zvak. 1:10) Johani paakanyora mashoko iwayo munenge muna 96 C.E., “zuva raShe” rakanga richiri kure chaizvo. (Mat. 25:14, 19; Ruka 19:12) Asi maererano neuprofita hweBhaibheri, zuva iroro rakatanga muna 1914, Jesu paakagadzwa saMambo kudenga. Kubva mugore iroro zvichienda mberi, uprofita huri muna Zvakazarurwa uhwo hune chekuita nevanhu vaMwari hwakatanga kuzadziswa. Saka zvechokwadi tiri kurarama “muzuva raShe”!

4 Sezvo tiri kurarama munguva iyi iri kuitika zvinhu zvakawanda, tinofanira kunyatsoteerera zano rakanaka riri pana Zvakazarurwa 1:3 rinoti: “Anofara uyo anoverenga zvinonzwika nevaya vanonzwa mashoko euprofita uhwu uye vanoita zvinhu zvakanyorwa mahuri, nekuti nguva yakasarudzwa yava pedyo.” Saka tinofanira ‘kuverenga zvinonzwika,’ ‘kunzwa mashoko euprofita uhwu,’ uye ‘kuita zviri mahuri.’ Ndeapi mamwe emashoko atinofanira kuteerera?

IVA NECHOKWADI CHEKUTI KUNAMATA KWAKO KUNOGAMUCHIRWA NAJEHOVHA

5. Bhuku raZvakazarurwa rinoratidza sei kukosha kwazvakaita kuti tive nechokwadi chekuti kunamata kwedu kunogamuchirwa naJehovha?

5 Kubva muchitsauko chekutanga chaZvakazarurwa, tinodzidza kuti Jesu anonyatsoziva zviri kuitika muungano dzevanhu vake. (Zvak. 1:12-16, 20; 2:1) Mashoko aJesu aakatumira kuungano nomwe dzemuAsia Minor anoratidza izvozvo. Mumashoko iwayo, akapa mirayiridzo yakananga kuti abatsire vaKristu vepanguva iyoyo kuti vave nechokwadi chekuti kunamata kwavo kwaigamuchirwa naJehovha. Uye mashoko iwayo anoshanda kuvanhu vaMwari vese mazuva ano. Tinodzidzei? Mutungamiriri wedu Kristu Jesu, anonyatsoziva zvakaita ushamwari hwedu naJehovha. Anotitungamirira nekutidzivirira, uye anoona zvinhu zvese. Anoziva zvatinofanira kuita kuitira kuti tirambe tichifarirwa naJehovha. Mazano api aakataura atinofanira kuteerera mazuva ano?

6. (a) Maererano nemashoko aJesu ari pana Zvakazarurwa 2:3, 4, idambudziko ripi rakakura raiva neungano yaiva muEfeso? (b) Tinodzidzei pane izvi?

6 Verenga Zvakazarurwa 2:3, 4. Hatifaniri kusiya rudo rwataiva narwo naJehovha pakutanga. Zvakataurwa naJesu kune vaya vaiva muungano yeEfeso zvinoratidza kuti vaitsungirira uye kuti vakaramba vachishumira Jehovha pasinei nematambudziko avaisangana nawo. Kunyange zvakadaro, vakanga vasiya rudo rwavaiva narwo pakutanga. Vaifanira kumutsidzira rudo irworwo, kuitira kuti kunamata kwavo kugamuchirwe. Mazuva anowo hatifaniri kungogumira pakutsungirira. Tinofanira kuva nezvikonzero zvakanaka zvekutsungirira. Mwari wedu ane hanya nezvatinoita uye kuti tinozviitirei. Vavariro dzedu dzinokosha kwaari nekuti anoda kuti timunamate zvichibva pakuti tinomuda zvakadzama uye tinomuonga.—Zvir. 16:2; Mako 12:29, 30.

7. (a) Sezvinoratidzwa pana Zvakazarurwa 3:1-3, idambudziko ripi rakaonekwa naJesu pane vaya vaiva muSadhisi? (b) Tinofanira kuitei?

7 Verenga Zvakazarurwa 3:1-3. Tinofanira kuramba takamuka. Vanhu vemuungano yaiva muSadhisi vaiva neravowo dambudziko. Kunyange zvazvo vaimboshumira Jehovha zvakanaka, vakanga vava kurembedza maoko. Ndosaka Jesu akavaudza kuti ‘vamuke.’ Iyambiro ipi yatinowana? Ichokwadi kuti Jehovha haazokanganwi basa redu. (VaH. 6:10) Asi hatifaniri kufunga kuti kana taimboshumira Jehovha zvakanaka, hatifaniri hedu kuramba tichidaro. Kunyange zvazvo tingadaro tisingachakwanisi kuita zvakawanda sezvataimboita, tinofanira kuramba tichiita “basa raShe,” tichiramba takamuka kusvikira kumugumo.—1 VaK. 15:58; Mat. 24:13; Mako 13:33.

8. Chidzidzo chipi chatinowana pamashoko akaudzwa hama dzaiva muRaodhikiya ari pana Zvakazarurwa 3:15-17?

8 Verenga Zvakazarurwa 3:15-17. Tinofanira kushingaira uye kunamata Jehovha nemwoyo wese. Zvakataurwa naJesu kune vaya vaiva muRaodhikiya, zvakaratidza rimwewo dambudziko. ‘Vaidziya’ pakunamata kwavo. Nemhaka yezvavaiva, Jesu akavaudza kuti ‘vaisiririsa uye vainzwisa tsitsi.’ Vaifanira kushingaira chaizvo pakunamata Jehovha. (Zvak. 3:19) Tinodzidzei? Kana tikaona kuti hatichashingairi, tinofanira kuwedzera kuonga kwatinoita zvinhu zvese zvakanaka zvatinoitirwa naJehovha nesangano rake. (Zvak. 3:18) Hatitombofaniri kurega chido chekurarama upenyu hwemutambarakede chichititsausa zvekuti kunamata Jehovha kunenge kwava panzvimbo yechipiri.

9. Mashoko aJesu kuvaKristu vaiva muPegamo uye Tiyatira anoratidza kuti zvinhu zvipi zvatinofanira kutambira kure nazvo?

9 Tinofanira kuramba dzidziso dzevakatsauka pakutenda. Jesu akatsiura vamwe vaiva muPegamo nekuti vaiita kuti muungano muve nemapoka. (Zvak. 2:14-16) Akarumbidza vanhu vaiva muTiyatira vaitambira kure ‘nezvinhu zvakadzama zvaSatani,’ uye akavakurudzira kuti ‘vabatisise’ chokwadi. (Zvak. 2:24-26) VaKristu vasina kusimba vaiva muungano idzodzo avo vakanga vanyengerwa nedzidziso dzenhema vaifanira kupfidza. Zvakadii nesu mazuva ano? Tinofanira kuramba dzidziso dzese dzinopesana nemafungiro aJehovha. Vakatsauka pakutenda “vanoita sekunge vanonamata Mwari,” asi havaiti “zvinoenderana nekunamata kwacho.” (2 Tim. 3:5) Zviri nyore kuti tizive uye tirambe dzidziso dzenhema, kana tichinyatsodzidza Shoko raMwari.—2 Tim. 3:14-17; Jud. 3, 4.

10. Ndezvipi zvimwe zvatinodzidza pane zvakataurwa naJesu kuungano yemuPegamo neyemuTiyatira?

10 Tinofanira kuramba marudzi ese eunzenza. Hama dzemuPegamo nedzemuTiyatira dzaiva nerimwezve nedambudziko. Jesu akatsiura vamwe vaiva muungano idzodzo nekuti vaisavenga unzenza. (Zvak. 2:14, 20) Tinodzidzei? Hatitarisiri kuti Jehovha apembedze chero unzenza hwatingaita kunyange kana tamushumira kwemakore akawanda uye pari zvino tiine ropafadzo dzakawanda. (1 Sam. 15:22; 1 Pet. 2:16) Anoda kuti tirambe tichiteerera zvaanotiudza panyaya yekuzvibata pasinei nekuora kwaita tsika munyika.—VaEf. 6:11-13.

11. Zvii zvatadzidza kusvika pari zvino? (Onawo bhokisi rakanzi, “ Zvatinodzidza Mazuva Ano.”)

11 Tadzidzei kusvika pari zvino? Taona kuti tinofanira kuva nechokwadi chekuti kunamata kwedu kunogamuchirwa naJehovha. Kana tiine chimwe chinhu chatiri kuita chingaita kuti kunamata kwedu kusagamuchirwa, tinofanira kukurumidza kugadzirisa kuitira kuti tifarirwe naMwari. (Zvak. 2:5, 16; 3:3, 16) Asi tine zvimwe zvatinowana mumashoko aJesu, aakataura kuungano dzacho. Zvii izvozvo?

IVA NECHIDO CHEKUTSUNGIRIRA KUTAMBUDZWA

Kubvira paakadzingwa kudenga, Satani ari kurwisa sei vanhu vaMwari? (Ona ndima 12-16)

12. Tinodzidzei pane zvakataurwa naJesu kuhama dzaiva muSimina nemuFiradhefiya? (Zvakazarurwa 2:10)

12 Iye zvino ngationgororei zvakataurwa naJesu kuungano yeSimina neyeFiradhefiya. Akaudza vaKristu vaiva muungano idzodzo kuti vasatya kutambudzwa, nekuti vaizopiwa mubayiro kana vakaramba vakatendeka. (Verenga Zvakazarurwa 2:10; 3:10) Tinodzidzei? Tinofanira kutarisira kutambudzwa uye tinofanira kuva nechido chekutsungirira. (Mat. 24:9, 13; 2 VaK. 12:10) Nei chiyeuchidzo ichi chichikosha?

13-14. Zviitiko zvinotaurwa muna Zvakazarurwa chitsauko 12 zvinobatabata sei vanhu vaMwari?

13 Bhuku raZvakazarurwa rinotiudza kuti vanhu vaMwari vaizotambudzwa “muzuva raShe,” kureva nguva yatiri kurarama iye zvino. Zvakazarurwa chitsauko 12 inotaura kuti hondo yakaitika kudenga, Jesu achangogadzwa kuva Mambo. Mikaeri, uyo anova Jesu Kristu, pamwe chete nengirozi dzake, vakarwisa Satani nemadhimoni. (Zvak. 12:7, 8) Vavengi vaMwari ivavo vakakundwa uye vakakandwa panyika pavari kukonzera kutambura kwakanyanya pavanhu. (Zvak. 12:9, 12) Asi izvi zviri kuguma nei pavanhu vaMwari?

14 Bhuku raZvakazarurwa rinobva ratiudza zvinozoitwa naSatani. Haachakwanisi kuenda kudenga, saka anopedzera hasha dzake pane vakazodzwa vachiri panyika, avo vanomiririra Umambo hwaMwari uye “vane basa rekupupura nezvaJesu.” (Zvak. 12:17; 2 VaK. 5:20; VaEf. 6:19, 20) Uprofita uhwu huri kuzadzika sei?

15. Ndivanaani vanomiririrwa ‘nezvapupu zviviri’ zvinotaurwa muna Zvakazarurwa chitsauko 11, uye chii chakaitika kwavari?

15 Satani akaita kuti vavengi vaMwari varwise hama dzakazodzwa dzaitungamirira pabasa rekuparidza Umambo. ‘Zvapupu zviviri’ zvakaurayiwa zvinotaurwa mubhuku raZvakazarurwa, zvinomiririra varume ivavo. * (Zvak. 11:3, 7-11) Muna 1918, hama 8 dzaitungamirira musangano, dzakapomerwa zvenhema uye mumwe nemumwe wavo akatongerwa kugara mujeri kwenguva yakareba. Vanhu vakawanda vakafunga kuti basa revakazodzwa ava rakanga ramiswa.

16. Chii chaisatarisirwa chakaitika muna 1919, asi Satani ari kuramba achiitei kubva panguva iyoyo?

16 Uprofita huri muna Zvakazarurwa chitsauko 11 hunotaurawo kuti ‘zvapupu zviviri’ izvi zvaizomutswa pashure penguva pfupi. Uprofita ihwohwo hwakazadzika nenzira inoshamisa pasati patombopera gore hama idzi dzaiswa mujeri. Gore ra1919 richangotanga, hama idzodzo dzakazodzwa dzakabudiswa mujeri uye dzakazonzi hadzina mhosva. Hama dzacho dzakabva dzakurumidza kutungamirirazve pabasa rekuparidza Umambo. Asi izvozvo hazvina kuita kuti Satani arege kurwisa vanhu vaMwari. Kubvira panguva iyoyo, Satani ari kubudisa “rwizi” rwekutambudza vanhu vaMwari vese. (Zvak. 12:15) Chokwadi ‘apa ndipo panoda kuti mumwe nemumwe wedu atsungirire uye ave nekutenda.’—Zvak. 13:10.

ITA ZVESE ZVAUNOGONA MUBASA RATAKAPIWA NAJEHOVHA

17. Vanhu vaMwari vanowana rubatsiro rupi rusingatarisirwi, kunyange zvazvo vachirwiswa naSatani?

17 Zvakazarurwa chitsauko 12 inobva yaratidza kuti vanhu vaMwari vaizowana rubatsiro kubva kwavaisatarisira. Zvaizoita sekuti “nyika” iri kumedza “rwizi” rwekutambudzwa. (Zvak. 12:16) Izvi ndizvo chaizvo zviri kuitika. Dzimwe nguva zvikamu zvenyika yaSatani, zvakadai semamwe matare edzimhosva, zvinonunura vanhu vaMwari. Kakawanda, vashumiri vaJehovha vakahwina nyaya mumatare zvichiita kuti vambowana rusununguko. Vanoshandisa sei rusununguko irworwo? Vanonyatsoshandisa nguva iyoyo zvakanaka pakuita basa ravakapiwa naJehovha. (1 VaK. 16:9) Basa iroro rinosanganisirei?

Mashoko api ari kuziviswa nevanhu vaMwari? (Ona ndima 18-19)

18. Basa redu guru nderipi mumazuva ano ekupedzisira?

18 Jesu akaprofita kuti vanhu vake vaizozivisa “mashoko akanaka eUmambo” hwaMwari munyika yese mugumo usati wasvika. (Mat. 24:14) Pavanenge vachiparidza, vanobatsirwa neboka rengirozi kana kuti nengirozi inotsanangurwa seyaiva “nemashoko akanaka anogara nekusingaperi ekuzivisa kuvanhu vanogara panyika, kumarudzi ese nemadzinza nendimi nevanhu.”—Zvak. 14:6.

19. Ndeapi mamwe mashoko anofanira kuparidzwa nevaya vanoda Jehovha?

19 Mashoko akanaka eUmambo handiwo ega anofanira kuziviswa nevanhu vaMwari. Vanofanirawo kutsigira basa rengirozi dzinotaurwa muna Zvakazarurwa chitsauko 8 kusvika ku10. Ngirozi idzi dzinozivisa matambudziko akakura achawira vaya vanoramba Umambo hwaMwari. Saka Zvapupu zvaJehovha zviri kuzivisa mashoko ekutongwa, ayo anofananidzwa “nechimvuramabwe nemoto,” uye mashoko acho anotaura nezvemitongo yaMwari pazvikamu zvakasiyana-siyana zvenyika yaSatani. (Zvak. 8:7, 13) Vanhu vanofanira kuziva kuti mugumo wava pedyo kuitira kuti vachinje mararamiro avo, vopona pazuva rekutsamwa kwaJehovha. (Zef. 2:2, 3) Asi mashoko aya haafarirwi nevakawanda. Zvinoda ushingi kuti tiazivise. Pakutambudzika kukuru, mashoko ekutongwa kwekupedzisira kuchaitwa vanhu achagumbura vanhu zvakanyanya.—Zvak. 16:21.

TEERERA MASHOKO EUPROFITA HWACHO

20. Tichakurukurei munyaya mbiri dzinotevera?

20 Tinotofanira kuteerera “mashoko euprofita uhwu” nekuti tinobatanidzwa pakuzadzika kwezvatinoverenga mubhuku raZvakazarurwa. (Zvak. 1:3) Asi tingaitei kuti tirambe tichitsungirira kutambudzwa toramba tichizivisa neushingi mashoko aya? Tichasimbiswa nezvinhu zviviri: chekutanga, nezvinotaurwa mubhuku raZvakazarurwa nezvevavengi vaMwari, uye chechipiri, nezvemakomborero achawanikwa nevaya vanoramba vakatendeka. Tichakurukura izvozvo munyaya mbiri dzinotevera.

RWIYO 32 Tsigira Jehovha!

^ Tiri kurarama panguva iri kuitika zvinhu zvakawanda. Uprofita huri mubhuku raZvakazarurwa huri kuzadzika mazuva ano. Uprofita ihwohwo hunotibatsira sei? Nyaya ino nedzimwe nyaya mbiri dzinotevera dzichatibatsira kuona zvimwe zvinhu zviri mubhuku raZvakazarurwa. Dzichatiratidza kuti tingaramba sei tichiita kuti kunamata kwedu kugamuchirwe naJehovha Mwari nekuteerera zvinhu zvakanyorwa mubhuku iroro.

^ Ona “Mibvunzo Inobva Kuvaverengi,” muNharireyomurindi yaNovember 15, 2014, peji 30.