Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 20

Bhuku raZvakazarurwa Rinoti Chii Chichaitika Kuvavengi vaMwari?

Bhuku raZvakazarurwa Rinoti Chii Chichaitika Kuvavengi vaMwari?

“Kutaura kwacho kwakaaunganidza kunzvimbo inonzi Amagedhoni muchiHebheru.”—ZVAK. 16:16.

RWIYO 150 Tsvaga Mwari Kuti Ununurwe

ZVICHADZIDZWA *

1. Bhuku raZvakazarurwa rinoratidzei nezvevanhu vaMwari?

 BHUKU raZvakazarurwa rinoratidza kuti Umambo hwaMwari huri kutonga kudenga uye kuti Satani akadzingwa kudenga. (Zvak. 12:1-9) Izvi zvakaita kuti kudenga kuve nerugare asi zvakakonzera matambudziko kwatiri. Nei zvakadaro? Nekuti Satani akatsamwira vaya vanoshumira Jehovha vakatendeka pano panyika.—Zvak. 12:12, 15, 17.

2. Chii chichatibatsira kuti tirambe takatendeka kuna Jehovha?

2 Tingaitei kuti tirambe takatendeka kuna Jehovha kunyange zvazvo tichirwiswa naSatani? (Zvak. 13:10) Kuziva zvichaitika mune ramangwana kunogona kutibatsira. Semuenzaniso, muna Zvakazarurwa muapostora Johani anorondedzera mamwe emakomborero atichawana munguva pfupi iri kuuya. Chimwe chikomborero chacho, kuparadzwa kuchaitwa vavengi vaMwari. Iye zvino ngationgororei kuti bhuku raZvakazarurwa rinotsanangura sei vavengi ava uye kuti chii chichaitika kwavari.

VAVENGI VAMWARI VANOTSANANGURWA ‘NEZVIRATIDZO’

3. Ndezvipi zvimwe zviratidzo zvinotaurwa mubhuku raZvakazarurwa?

3 Muvhesi yekutanga chaiyo, bhuku raZvakazarurwa rinotiudza kuti zvinhu zvatava kuda kuverenga nezvazvo zvakapiwa Johani achiita ‘zvekuratidzwa.’ (Zvak. 1:1) Tinozoverenga nezvezvikara zvakasiyana-siyana zvinomiririra vavengi vaMwari. Semuenzaniso, pane ‘chikara chinobuda mugungwa.’ Chikara ichi ‘chine nyanga gumi nemisoro minomwe.’ (Zvak. 13:1) Chikara chacho chinoteverwa ‘nechimwe chakabuda pasi pevhu.’ Chikara ichi chakabuda pasi pevhu chinotaura sedhiragoni uye chinoita kuti “moto udzike panyika uchibva kudenga.” (Zvak. 13:11-13) Tinobva taonazve chimwe chikara, “chikara chitsvuku” chakagarwa nepfambi. Zvikara zvitatu izvi zvinomiririra vavengi vava nenguva refu vachirwisa Jehovha Mwari neUmambo hwake. Saka zvinokosha kuti tizive kuti vavengi ava ndevapi.—Zvak. 17:1, 3.

MHUKA HURU INA

‘Dzinobuda mugungwa.’ (Dhan. 7:1-8, 15-17) Dzinomiririra hurumende dzaiva nesimba kupfuura dzimwe dzese panyika dzine zvinhu zvikuru zvadzakaita pavanhu vaMwari kutangira panguva yaDhanieri (Ona ndima 4, 7)

4-5. Zvinotaurwa pana Dhanieri 7:15-17, zvinotibatsira sei kunzwisisa zvinorehwa nezviratidzo izvi?

4 Tisati tadzidza kuti vavengi ava ndevapi, tinofanira kutanga taziva kuti zvikara zvacho nepfambi zvinomiririrei. Nzira yakanyanya kunaka inotibatsira kunzwisisa ndeyekurega Bhaibheri richitsanangura rega zvariri kutaura. Zviratidzo zvakawanda zviri mubhuku raZvakazarurwa zvakatotsanangurwa mune mamwe mabhuku eBhaibheri. Semuenzaniso, muprofita Dhanieri akarota ‘mhuka huru ina dzichibuda mugungwa.’ (Dhan. 7:1-3) Dhanieri anotiudza kuti mhuka idzi dzaimiririrei. Dzaimiririra “madzimambo” mana kana kuti hurumende ina. (Verenga Dhanieri 7:15-17.) Tsanangudzo iyi yakajeka inotibatsirawo kunzwisisa kuti zvikara zvinotaurwa muna Zvakazarurwa zvinofanirawo kunge zvichimiririra hurumende.

5 Ngationei zvimwe zviratidzo zvinotsanangurwa muna Zvakazarurwa. Patinenge tichidaro, tichaona kuti Bhaibheri rinotibatsira sei kunzwisisa kuti zviratidzo izvi zvinorevei. Tichakurukura nezvezvikara zvakasiyana-siyana. Tichatanga nekuona kuti zvinomiririrei. Tichabva taona kuti chii chichaitika kuzvikara izvi. Tichapedzisa nekukurukura kuti zviitiko izvi zvinorevei kwatiri.

VAVENGI VAMWARI VANOZIVIKANWA

CHIKARA CHINE MISORO MINOMWE

‘Chinobuda mugungwa’ uye chine misoro minomwe, nyanga gumi uye korona gumi. (Zvak. 13:1-4) Chinomiririra hurumende dzese dzatonga vanhu kusvika iye zvino. Misoro minomwe inomiririra hurumende nomwe dzaiva nesimba kupfuura dzimwe dzese panyika uye dzine zvinhu zvikuru zvadzakaita pavanhu vaMwari (Ona ndima 6-8)

6. Chikara chine misoro minomwe chinotaurwa pana Zvakazarurwa 13:1-4, chinomiririrei?

6 Chikara chine misoro minomwe chinomiririrei? (Verenga Zvakazarurwa 13:1-4.) Tinoona kuti chikara ichi chakaita sembada, asi tsoka dzacho dzakaita sedzemhuka inonzi bheya, uye muromo wacho wakaita seweshumba, uye chine nyanga gumi. Zvinhu zvese izvi zvinowanikawo pazvikara zvina zvinotaurwa muna Dhanieri chitsauko 7. Asi mubhuku raZvakazarurwa, zvinhu zvese izvi zvinowanika pachikara chimwe chete, kwete pazvikara zvina. Chikara ichi hachimiririri hurumende imwe chete kana kuti umambo humwe chete hunotonga pasi rese. Chinotaurwa nezvacho chichinzi chinotonga “pamusoro pemadzinza ese nevanhu nendimi nemarudzi.” Saka chinofanira kunge chiine simba kupfuura chero hurumende ipi zvayo. (Zvak. 13:7) Chikara ichi chinofanira kunge chichimiririra hurumende dzese dzatonga vanhu kusvika panguva ino. *Mup. 8:9.

7. Musoro mumwe nemumwe pamisoro minomwe yechikara unomiririrei?

7 Musoro mumwe nemumwe pamisoro minomwe yechikara unomiririrei? Zvakazarurwa chitsauko 17, inotibatsira kuwana mhinduro yacho nekuti inotaura nezvemufananidzo wechikara chinotaurwa muna Zvakazarurwa chitsauko 13. Pana Zvakazarurwa 17:10, tinoudzwa kuti: “Kune madzimambo manomwe: Mashanu akawa, mumwe aripo, uye mumwe haasati asvika; asi paachasvika anofanira kungoita nguva pfupi aripo.” Pahurumende dzese dzevanhu dzashandiswa naSatani, nomwe ndidzo dzinofananidzwa “nemisoro,” nekuti dzaiva nesimba rakawanda. Idzi ihurumende dzaiva nesimba kupfuura dzimwe uye dzine zvadzakaita pavanhu vaMwari. Pakazosvika nguva yakararama muapostora Johani, shanu dzacho dzakanga dzatotonga kare dzinoti: Ijipiti, Asiriya, Bhabhironi, Medhiya nePezhiya, uye Girisi. Johani paakaona chiratidzo ichi, hurumende yeRoma, iyo yaiva yechi6, ndiyo yakanga ichiri kutonga. Ihurumende ipi yaizova yechinomwe uye yekupedzisira pahurumende dzakava nesimba kupfuura dzimwe panyika?

8. Musoro wechinomwe wechikara unomiririrei?

8 Sezvatichaona, uprofita huri mubhuku raDhanieri hunotibatsira kuziva musoro wechinomwe uyo uri wekupedzisira pachikara. Umambo hupi hune simba kupfuura humwe hwese huri kutonga panguva ino yemugumo kana kuti “muzuva raShe”? (Zvak. 1:10) Umambo uhwu mubatanidzwa wehurumende yeBritain neAmerica. Saka tinogona kutaura kuti umambo uhwu ndihwo musoro wechinomwe wechikara chinotaurwa pana Zvakazarurwa 13:1-4.

CHIKARA CHINE NYANGA MBIRI DZAKAFANANA NEDZEGWAYANA

‘Chinobuda pasi pevhu’ uye chinotaura “sedhiragoni.” Chinoita kuti “moto udzike panyika uchibva kudenga” uye ‘semuprofita wenhema,’ chinoita zviratidzo. (Zvak. 13:11-15; 16:13; 19:20) Umambo hweBritain neAmerica uhwo hunomiririrwa nechikara chine nyanga mbiri, hunonziwo muprofita wenhema nekuti hunotsausa vanhu vanogara panyika uye hunovaudza kuti “vagadzire mufananidzo wechikara” chine misoro minomwe nenyanga gumi (Ona ndima 9)

9. Chikara chine “nyanga mbiri dzakafanana nedzegwayana” chinomiririrei?

9 Zvakazarurwa chitsauko 13 inotiudza kuti musoro uyu wechinomwe, kureva Britain neAmerica ndiwozve chikara chine “nyanga mbiri dzakafanana nedzegwayana, asi chakatanga kutaura sedhiragoni.” Chikara ichi “chinoita zviratidzo zvikuru, chichitoita kuti moto udzike panyika uchibva kudenga, vanhu vachizviona.” (Zvak. 13:11-15) Chinotaurwa nezvacho ‘semuprofita wenhema’ muna Zvakazarurwa chitsauko 16 ne19. (Zvak. 16:13; 19:20) Dhanieri akataura zvimwe zvinhu zvakada kufanana neizvi, kuti umambo hweBritain neAmerica ‘hwaizoparadza zvinotyisa.’ (Dhan. 8:19, 23, 24, mashoko emuzasi) Izvi ndizvo chaizvo zvakaitika paHondo yeNyika II. Mabhomba maviri akapedza hondo iyoyo akagadzirwa nemasaindisiti eBritain neeAmerica. Saka umambo hweBritain neAmerica hwakaita kuti “moto udzike panyika uchibva kudenga.”

CHIKARA CHITSVUKU

Pfambi inonzi Bhabhironi Guru yakagara pamusoro pacho. Chikara ichi chinotsanangurwa samambo wechisere. (Zvak. 17:3-6, 8, 11) Pakutanga pfambi yacho inoita zvainoda nechikara, asi inozoparadzwa nacho. Pfambi yacho inomiririra zvitendero zvese zvenhema. Mazuva ano chikara ichi chinomiririra Sangano Remubatanidzwa Wenyika Dzepasi Rese (United Nations), iro rinotsigira zvinodiwa nevezvematongerwo enyika pasi rese (Ona ndima 10, 14-17)

10. “Mufananidzo wechikara” unomiririrei? (Zvakazarurwa 13:14, 15; 17:3, 8, 11)

10 Tinobva taonazve chimwe chikara. Chikara ichi chakada kufanana nechikara chine misoro minomwe, asi zvakasiyana pakuti ichi chine ruvara rutsvuku. Chinonzi “mufananidzo wechikara” uye chinotsanangurwa ‘samambo wechisere.’ * (Verenga Zvakazarurwa 13:14, 15; 17:3, 8, 11.) “Mambo” uyu anotaurwa nezvake seaimbovapo, omboshayika uye ozovapo zvakare. Tsanangudzo iyi inonyatsoenderana neSangano Remubatanidzwa Wenyika Dzepasi Rese (United Nations) iro rinotsigira zvinodiwa nevezvematongerwo enyika pasi rese. Pakutanga rainzi Sangano Renyika Dzakabatana (League of Nations). Sangano iri rakabva ranyangarika muHondo Yenyika II. Rakazovapo zvakare rava zvariri iye zvino.

11. Zvikara zvinokurudzira vanhu kuitei uye nei tisingafaniri kuzvitya?

11 Zvichishandisa mashoko anotsausa, zvikara zvinokurudzira vanhu kuti vapikise Jehovha nevanhu vake. Zvinoita sekuti zviri kuunganidza “madzimambo enyika yese” kuhondo yeAmagedhoni inozivikanwa ‘sezuva guru raMwari Wemasimbaose.’ (Zvak. 16:13, 14, 16) Asi tichange tisina chekutya. Mwari wedu mukuru Jehovha achakurumidza kununura vese vanotsigira utongi hwake.—Ezek. 38:21-23.

12. Chii chichaitika kuzvikara zvese?

12 Chii chichaitika kuzvikara zvese? Zvakazarurwa 19:20 inopindura kuti: “Chikara chakabatwa, pamwe chete nemuprofita wenhema aiita zviratidzo pamberi pacho izvo zvaaitsausa nazvo vaya vakaiswa chiratidzo chechikara nevaya vanonamata mufananidzo wacho. Vese vari vaviri vakakandwa mugungwa remoto unopfutiswa nesarufa vari vapenyu.” Saka pavanenge vachiri kutonga, vavengi vaMwari ava vachaparadzwa zvachose.

13. Hurumende dzinogona kukonzera dambudziko ripi pavaKristu vese?

13 Izvi zvinorevei kwatiri? Sezvo tiri vaKristu, tinofanira kuvimbika kuna Mwari uye kuUmambo hwake. (Joh. 18:36) Kuti tidaro tinofanira kuramba tisina divi rezvematongerwo enyika ratinotsigira. Asi zvakaoma kuti tirambe tisina divi ratinotsigira nekuti hurumende dzinoda kuti tidzitsigire nezvatinotaura uye nezvatinoita. Vaya vanobvuma kumanikidzwa vanoiswa chiratidzo chechikara. (Zvak. 13:16, 17) Asi vaya vanoiswa chiratidzo ichocho havazofarirwi naJehovha uye havazowani upenyu husingaperi. (Zvak. 14:9, 10; 20:4) Saka zvinokosha kuti mumwe nemumwe wedu asatombova nedivi raanotsigira pasinei nekumanikidzwa kwatingaitwa nehurumende kuti tidzitsigire!

KUGUMA KUNONYADZISA KWEPFAMBI HURU

14. Chinhu chipi chinoshamisa chinoonekwa nemuapostora Johani sezvinotsanangurwa pana Zvakazarurwa 17:3-5?

14 Muapostora Johani anotaura kuti ‘akashamisika kwazvo’ nechimwe chinhu chaakaona. Akaonei? Akaona mukadzi ainge akagara pamusoro pechimwe chezvikara izvi. (Zvak. 17:1, 2, 6) Mukadzi uyu anoratidzwa ‘sepfambi huru’ uye anonzi “Bhabhironi Guru.” Anoita “upombwe nemadzimambo epanyika.”—Verenga Zvakazarurwa 17:3-5.   

15-16. Chii chinonzi “Bhabhironi Guru,” uye tinozviziva sei?

15 Chii chinonzi “Bhabhironi Guru”? Mukadzi uyu haagoni kumiririra sangano rezvematongerwo enyika nekuti anotaurwa nezvake seanoita upombwe nevatungamiriri vezvematongerwo enyika. (Zvak. 18:9) Kugara kwaanoita pamusoro pechikara kunoreva kuti anoedza kuva nesimba pavatongi ava. Uyewo haanganzi anomiririra vezvekutengeserana vemunyika yaSatani. Ava vanotaurwa pavo vega vachinzi “vanhu vanotengesa panyika.”—Zvak. 18:11, 15, 16.

16 MuBhaibheri shoko rekuti “pfambi” rinogona kureva vaya vanoti vanoshumira Mwari asi vachinamata zvidhori kana kuti vachiva shamwari dzenyika. (1 Mak. 5:25; Jak. 4:4) Kusiyana naizvozvo, vaya vanonamata Mwari vakatendeka vanotaurwa nezvavo ‘sevakachena’ kana kuti “semhandara.” (2 VaK. 11:2; Zvak. 14:4) Bhabhironi rekare raiva muzinda wekunamata kwenhema. Saka Bhabhironi Guru rinomiririra kunamata kwese kwenhema. Ndiro zvitendero zvese zvenhema zviri munyika.—Zvak. 17:5, 18; ona nyaya iri pajw.org inoti, “Chii Chinonzi Bhabhironi Guru?

17. Chii chichaitika kuBhabhironi Guru?

17 Chii chichaitika kuBhabhironi Guru? Zvakazarurwa 17:16, 17 inopindura mubvunzo iwoyo ichiti: “Nyanga gumi dzawaona, nechikara, zvichavenga pfambi uye zvichaiparadza nekuipfekenura, uye zvichadya nyama yayo uye zvichairoromesa nemoto. Nekuti Mwari akazviisa mumwoyo mavo kuti vaite zvaari kufunga.” Jehovha achaita kuti nyika dzishandise chikara chitsvuku, kureva Sangano Remubatanidzwa Wenyika Dzepasi Rese, kuti chirwise uye chiparadze zvitendero zvese zvenhema.—Zvak. 18:21-24.

18. Tingaitei kuti tive nechokwadi chekuti hatitombotsigiri Bhabhironi Guru?

18 Izvi zvinorevei kwatiri? Tinofanira kuita kuti ‘kunamata kwedu kurambe kwakachena uye kurambe kusina kusviba kuna Mwari wedu.’ (Jak. 1:27) Hatifaniri kutombokanganiswa nezvinhu zvinoitwa muBhabhironi Guru zvakadai sedzidziso dzenhema, mhemberero dzechihedheni, kusazvibata uye kuita zvemidzimu. Uye tinofanira kuramba tichiyambira vanhu kuti ‘vabude mariri,’ kuitira kuti vasava nemhosva yaro pamberi paMwari.—Zvak. 18:4.

KUTONGWA KWEMUVENGI MUKURU WAMWARI

DHIRAGONI INE RUVARA RWAKAITA SERIMI REMOTO

Satani anopa simba kuchikara. (Zvak. 12:3, 9, 13; 13:4; 20:2, 10) Satani ndiye muvengi mukuru waJehovha uye achakandwa mugomba rakadzika-dzika kwemakore 1 000. Pashure paizvozvo, Satani achakandwa “mugungwa remoto nesarufa.” (Ona ndima 19-20)

19. Ndiani “dhiragoni huru yaiva neruvara rwakaita serimi remoto”?

19 Bhuku raZvakazarurwa rinotaurawo ‘nezvedhiragoni huru yaiva neruvara rwakaita serimi remoto.’ (Zvak. 12:3) Dhiragoni iyi inorwa naJesu nengirozi dzake. (Zvak. 12:7-9) Inorwisa vanhu vaMwari uye inopa simba kuzvikara kana kuti hurumende dzevanhu. (Zvak. 12:17; 13:4) Dhiragoni iyi ndeipi? Ndiyo “nyoka yepakutanga, inonzi Dhiyabhorosi uye Satani.” (Zvak. 12:9; 20:2) Ndiye anokusvudzira vamwe vavengi vese vaJehovha.

20. Chii chichaitika kudhiragoni?

20 Chii chichaitika kudhiragoni? Zvakazarurwa 20:1-3 inotsanangura kuti ngirozi ichakanda Satani mugomba rakadzikadzika. Iroro richange rakaita sejeri kwaari. Paanenge ari mugomba iroro, Satani ‘haazokwanisi kutsausa marudzi zvakare kusvikira makore 1 000 apera.’ Pakupedzisira, Satani nemadhimoni ake vachaparadzwa zvachose. Izvozvo zvinomiririrwa nekukandwa kwavo “mugungwa remoto nesarufa.” (Zvak. 20:10) Fungidzira uchirarama munyika isina Satani nemadhimoni ake. Iyoyo ichange iri nguva yakazonaka chaizvo!

21. Nei zvataverenga mubhuku raZvakazarurwa zvichiita kuti tifare?

21 Zvinokurudzira chaizvo kunzwisisa zvinorehwa nezviratidzo zviri mubhuku raZvakazarurwa. Tadzidza kuti ndivanaani vavengi vaJehovha uyewo taona kuti chii chichaitika kwavari. Saka “anofara uyo anoverenga zvinonzwika nevaya vanonzwa mashoko euprofita uhwu.” (Zvak. 1:3) Asi kana vavengi vaMwari vabviswa, makomborero api achawanikwa nevanhu vakatendeka? Tichakurukura izvozvo munyaya yekupedzisira panyaya dzino dzinotevedzana.

RWIYO 23 Jehovha Anotanga Kutonga

^ Bhuku raZvakazarurwa rinoita kuti tizive vavengi vaMwari richishandisa zviratidzo. Bhuku raDhanieri rinotibatsira kunzwisisa kuti zviratidzo izvozvo zvinorevei. Munyaya ino tichaenzanisa humwe uprofita huri muna Dhanieri nehumwe uprofita hwahwakafanana nahwo huri muna Zvakazarurwa. Izvi zvichaita kuti tikwanise kuziva vavengi vaMwari. Tichabva takurukura zvichaitika kwavari.

^ Chimwewo chinoratidza kuti chikara chine misoro minomwe chinomiririra hurumende dzese dzevanhu, ndechekuti chine “nyanga gumi.” MuBhaibheri nhamba yechigumi inowanzoshandiswa ichimiririra kukwana kwezvinhu.

^ Kusiyana nechikara chekutanga, mufananidzo wechikara hauna “korona” panyanga dzawo. (Zvak. 13:1) Izvi zvakadaro nekuti unobva mumadzimambo manomwe uye unowana simba rawo kubva kwaari.—Ona nyaya iri pajw.org inoti, “Chikara Chitsvuku Chinotaurwa Pana Zvakazarurwa Chitsauko 17 Chinofananidzirei?