Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 21

Bhuku raZvakazarurwa Rinotii Nezveramangwana Rako?

Bhuku raZvakazarurwa Rinotii Nezveramangwana Rako?

“Ameni! Uyai Ishe Jesu.”—ZVAK. 22:20.

RWIYO 142 Kubatisisa Tariro Yedu

ZVICHADZIDZWA *

1. Chisarudzo chipi chinokosha chinofanira kuitwa nevanhu vese?

 VANHU vari kurarama mazuva ano vane chisarudzo chinokosha chavanofanira kuita. Vachatsigira Jehovha Mwari here seMutongi akakodzera kutonga zvinhu zvese, kana kuti vachatsigira muvengi wake ane utsinye, Satani Dhiyabhorosi? Hazviiti kuti munhu asava nedivi raari. Zvavachasarudza zvichaita kuti vararame nekusingaperi kana kuti kwete. (Mat. 25:31-33, 46) ‘Pakutambudzika kukuru,’ vachaiswa chiratidzo chekuti vapone kana chekuti vaparadzwe.—Zvak. 7:14; 14:9-11; Ezek. 9:4, 6.

2. (a) VaHebheru 10:35-39 inotikurudzira kuitei? (b) Bhuku raZvakazarurwa ringatibatsira sei?

2 Verenga VaHebheru 10:35-39. Kana wakasarudza kutsigira utongi hwaJehovha wakaita chisarudzo chakanaka. Iye zvino unoda kubatsira vamwe kuti vaite chisarudzo chakanaka. Unogona kushandisa zviri mubhuku raZvakazarurwa kuti uvabatsire. Bhuku iroro rinoratidza zvichaitika kune vaya vanopikisa Jehovha, asi rinotaurawo makomborero achawanikwa nevaya vanoramba vachitsigira utongi hwake vakatendeka. Tinofanira kudzidza chokwadi ichi chinokosha. Izvozvo zvichaita kuti tiwedzere kuva nechido chekuramba tichishumira Jehovha. Uyewo tinogona kushandisa zvatakadzidza kuti tibatsire vamwe kuti vasarudze kushumira Jehovha voramba vachimushumira.

3. Tichakurukurei munyaya ino?

3 Munyaya ino tichakurukura mibvunzo inoti: Chii chichaitika kune vaya vanotsigira utongi hwaMwari? Chii chichaitika kune vaya vanosarudza kutsigira chikara chitsvuku chinotaurwa mubhuku raZvakazarurwa?

CHII CHICHAITIKA KUNE VAKATENDEKA?

4. Iboka ripi rinoonekwa nemuapostora Johani riina Jesu kudenga?

4 Pane zvaanoratidzwa, muapostora Johani anoona mapoka maviri anotsigira utongi hwaJehovha owana makomborero eupenyu husingaperi. Boka rekutanga rine vanhu 144 000. (Zvak. 7:4) Vanotorwa panyika kuti vanoumba hurumende, kana kuti Umambo, vaina Jesu kudenga. Vanotonga panyika vari pamwe chete naye. (Zvak. 5:9, 10; 14:3, 4) Pane zvaanoratidzwa, Johani anovaona vakamira naJesu paGomo reZiyoni kudenga.—Zvak. 14:1.

5. Munguva pfupi iri kutevera, chii chichaitika kune ve144 000 vachiri panyika?

5 Kubva panguva yevaapostora kusvika iye zvino, pane zviuru zvevanhu vakasarudzwa kuti vave muboka revane 144 000. (Ruka 12:32; VaR. 8:17) Asi Johani anoudzwa kuti vashomanana vavo chete ndivo vachange vari vapenyu panyika mumazuva ekupedzisira. ‘Vanenge vasara’ ava vachaiswa “chisimbiso” chavo chekupedzisira chinoratidza kuti Jehovha anovafarira, uye chichaiswa kutambudzika kukuru kusati kwatanga. (Zvak. 7:2, 3; 12:17) Pane imwe nguva kutambudzika kukuru kwatanga, vanenge vasara ava vachatorwa kuti vaende kudenga vonobatana nevamwe vese ve144 000 vakafa vakatendeka. Vachanotonga pamwe chete naJesu muUmambo hwaMwari.—Mat. 24:31; Zvak. 5:9, 10.

6-7. (a) Nderipi rimwe boka rinoonekwa naJohani, uye tinodzidzei nezvaro? (b) Nei vakazodzwa vachiri panyika uye ‘veboka guru’ vachifarira mashoko ari muna Zvakazarurwa chitsauko 7?

6 Pashure pekuona boka rekudenga, Johani anoona “boka guru.” Kusiyana neve144 000, vanhu vari boka iri havaverengeki. (Zvak. 7:9, 10) Tinodzidzei nezvevanhu vemuboka iri? Johani anoudzwa kuti: “Ava ndivo vanobuda mukutambudzika kukuru, uye vakageza nguo dzavo refu, vakadziita chena muropa reGwayana.” (Zvak. 7:14) Pashure pekunge vanhu ‘vemuboka guru’ vapona pakutambudzika kukuru, vachararama pano panyika uye vachawana makomborero anoshamisa.—Pis. 37:9-11, 27-29; Zvir. 2:21, 22; Zvak. 7:16, 17.

7 Pasinei nekuti takasarudzwa kuti tichaenda kudenga here kana kuti ticharamba tiri pano panyika, tinozvionawo here tiri pakati pevanhu vanotaurwa nezvavo muna Zvakazarurwa chitsauko 7? Tinofanira kuzviona tiripo. Iyoyo ichange iri nguva inofadza chaizvo kumapoka acho maviri evashumiri vaMwari! Tichafara chaizvo kuti takasarudza kutsigira utongi hwaJehovha. Zvii zvimwe zvatinoudzwa mubhuku raZvakazarurwa nezvekutambudzika kukuru?—Mat. 24:21.

CHII CHICHAITIKA KUNE VAYA VANOPIKISA MWARI?

8. Kutambudzika kukuru kuchatanga sei, uye vanhu vakawanda vachaita sei?

8 Sezvakataurwa munyaya yakapfuura, munguva pfupi iri kuuya, vezvematongerwo enyika vacharwisa Bhabhironi Guru, zvitendero zvese zvenhema. (Zvak. 17:16, 17) Uku ndiko kuchava kutanga kwekutambudzika kukuru. Asi izvi zvichaita here kuti vanhu vakawanda vatange kushumira Jehovha? Aiwa. Zvakazarurwa chitsauko 6 inoratidza kuti panguva iyoyo, vanhu vanenge vasiri kushumira Jehovha vachatsvaga kudzivirirwa nezvematongerwo enyika uye zvekutengeserana izvo zvinofananidzwa nemakomo. Sezvo vanhu ivavo vasingazotsigiri Umambo hwaMwari, Jehovha achavaona sevanhu vanomupikisa.—Ruka 11:23; Zvak. 6:15-17.

9. Pakutambudzika kukuru, vanhu vaJehovha vacharatidza sei kuti vakasiyana nevamwe vanhu uye chii chichabva chaitika kwavari?

9 Vashumiri vaJehovha vakatendeka vacharatidza kuti vakasiyana nevamwe vanhu panguva iyoyo yekutambudzika. Ndivo vega vachange vachishumira Jehovha Mwari panyika uye vachiramba kutsigira “chikara.” (Zvak. 13:14-17) Kuramba vakatendeka kwavachaita kuna Jehovha kuchaita kuti vaya vanopikisa Jehovha vagumbuke chaizvo. Izvi zvichabva zvaita kuti nyika dzinenge dzabatana dzirwise vanhu vaMwari pasi rese. Bhaibheri rinotaura nezvekurwisa uku richiti kurwisa kwaGogi weMagogi.—Ezek. 38:14-16.

10. Sezvinotaurwa pana Zvakazarurwa 19:19-21, Jehovha achaita sei nekurwiswa kuchaitwa vanhu vake?

10 Jehovha achaita sei nekurwiswa uku kuchaitwa vanhu vake? Anotiudza kuti: “Hasha dzangu dzichatutuma.” (Ezek. 38:18, 21-23) Zvakazarurwa chitsauko 19 inorondedzera zvichabva zvaitika. Jehovha achatuma Mwanakomana wake kuti adzivirire vanhu vake uye achakunda vavengi vavo. Pakurwisa uku, Jesu achange aine “mauto ekudenga,” kureva ngirozi dzakatendeka pamwe chete neve144 000. (Zvak. 17:14; 19:11-15) Pachapera hondo iyi, zvinhu zvichange zvamira sei? Vanhu vese nemasangano ese anopikisa Jehovha zvichange zvaparadzwa!—Verenga Zvakazarurwa 19:19-21.

KANA HONDO YAPERA, PACHAVA NEMUCHATO

11. Chiitiko chipi chinonyanya kukosha chinotaurwa mubhuku raZvakazarurwa?

11 Fungidzira kuti vanhu vakatendeka vachange vari panyika vachanzwa sei nekupona kwavanenge vaita pachaparadzwa vavengi vaMwari vese! Iyoyo ichange iri nguva yekupemberera! Kunyange zvazvo pachava nemufaro mukuru kudenga pachaparadzwa Bhabhironi Guru, pane chimwezve chinhu chichatoita kuti pave nemufaro unopfuura ipapo. (Zvak. 19:1-3) Ichocho ndicho chiitiko chinonyanya kukosha chinotaurwa mubhuku raZvakazarurwa, “muchato weGwayana.”—Zvak. 19:6-9.

12. Sezvinoratidzwa pana Zvakazarurwa 21:1, 2, muchato weGwayana uchaitwa riini?

12 Muchato uyu uchaitwa riini? Nguva pfupi Amagedhoni isati yatanga, ve144 000 vese vachange vava kudenga. Asi iyoyo handiyo nguva ichaitwa muchato weGwayana. (Verenga Zvakazarurwa 21:1, 2.) Muchato weGwayana uchaitwa hondo yeAmagedhoni yapera, uye vavengi vese vaMwari vaparadzwa.—Pis. 45:3, 4, 13-17.

13. Chii chichaitika pamuchato weGwayana?

13 Chii chichaitika pamuchato weGwayana? Sezvo muchato uchibatanidza murume nemudzimai, muchato uyu wekufananidzira unobatanidza Mambo, Jesu Kristu, ‘nemwenga’ wake, ve144 000. Chiitiko ichi chinokosha chichaita kuti pave nehurumende itsva ichatonga nyika kwemakore 1 000.—Zvak. 20:6.

GUTA RINOBWINYA UYE RAMANGWANA RAKO

Zvakazarurwa chitsauko 21 inoratidza guta reJerusarema Idzva rekufananidzira “richiburuka kubva kudenga kuna Mwari.” Mumakore 1 000 Ekutonga kwaKristu, richaita kuti vanhu vanoteerera vawane makomborero akawanda (Ona ndima 14-16)

14-15. Zvakazarurwa chitsauko 21 inofananidza ve144 000 nechii? (Ona mufananidzo uri pakavha.)

14 Zvakazarurwa chitsauko 21 inobva yafananidza ve144 000 neguta rakanaka chaizvo rinonzi “Jerusarema Idzva.” (Zvak. 21:2, 9) Guta iri rine matombo 12 efaundesheni akanyorwa “mazita 12 evaapostora 12 veGwayana.” Nei Johani akafadzwa nekuona izvi? Nekuti akaona zita rake rakanyorwa pane rimwe rematombo iwayo. Iyi iropafadzo yakakura!—Zvak. 21:10-14; VaEf. 2:20.

15 Guta iri rekufananidzira harina rimwe rarakafanana naro. Rine mugwagwa mukuru wegoridhe rakanatswa, magedhi 12 emaparera, masvingo nefaundesheni zvakashongedzwa nematombo anokosha, uye rakanyatsoyerwa zvakanaka. (Zvak. 21:15-21) Asi Johani akaona kuti pane chimwe chinhu chakanga chisipo. Akabva ataura kuti: “Handina kuona temberi mariri, nekuti Jehovha Mwari Wemasimbaose neGwayana ndivo temberi yaro. Guta racho haridi chiedza chezuva kana mwedzi, nekuti raivhenekerwa nekubwinya kwaMwari, uye Gwayana ndiro raiva rambi raro.” (Zvak. 21:22, 23) Vaya vanoumba Jerusarema Idzva vachange vaina Jehovha. (VaH. 7:27; Zvak. 22:3, 4) Saka Jehovha naJesu ndivo temberi yacho muguta iroro.

Ndivanaani vachawana makomborero anomiririrwa ‘nerwizi’ uye “nemiti”? (Ona ndima 16-17)

16. Chii chichaitika kuvanhu Mumakore 1 000 Ekutonga kweUmambo hwaMwari?

16 Vakazodzwa vanofara chaizvo pavanofunga nezveguta iri. Asi vaya vane tariro yekurarama panyika vanewo chikonzero chekuti varifarire. Mumakore 1 000 Ekutonga kweUmambo hwaMwari, Jerusarema Idzva richaunza makomborero akawanda panyika. Johani anoona makomborero aya achiyerera ‘serwizi rwemvura yeupenyu.’ Uye kumativi erwizi rwacho kune “miti yeupenyu” ine mashizha “ekurapa marudzi.” (Zvak. 22:1, 2) Vanhu vese vachange vachirarama panguva iyoyo vachava nemukana wekubatsirwa nezvinhu izvozvo zvakanaka. Zvishoma nezvishoma, vanhu vese vanoteerera Jehovha vachasvika pakuva vanhu vakakwana. Pachange pasisina kurwara, pasisina kurwadziwa, uye pasisina misodzi yekurwadziwa.—Zvak. 21:3-5.

17. Sezvinoratidzwa pana Zvakazarurwa 20:11-13, ndivanaani vachawana makomborero Mukutonga kwaKristu Kwemakore 1 000?

17 Ndivanaani vachawana makomborero aya? Vachatanga kuawana iboka guru rinenge rapona paAmagedhoni nevana vangangoberekwa munyika itsva. Asi Zvakazarurwa chitsauko 20 inovimbisawo kuti vakafa vachamutswa. (Verenga Zvakazarurwa 20:11-13.) “Vakarurama” avo vakafa kare, pamwe chete “nevasina kururama,” avo vasina kuwana mukana wakakwana wekudzidza nezvaJehovha, vachamutsirwa panyika. (Mab. 24:15; Joh. 5:28, 29) Izvi zvinoreva here kuti munhu wese achamutswa pano panyika Mukutonga kwaKristu Kwemakore 1 000? Aiwa. Vanhu vakaipa vainyatsoramba vega kushandisa mukana wavaiva nawo wekushumira Jehovha vasati vafa havasi kuzomutswa. Vakawana mukana wavo uye vakaratidza kuti havakodzeri kurarama muParadhiso pasi pano.—Mat. 25:46; 2 VaT. 1:9; Zvak. 17:8; 20:15.

MUEDZO WEKUPEDZISIRA

18. Zvinhu zvichange zvamira sei panyika pachapera makore 1 000?

18 Pachapera makore 1 000, vese vanenge vari panyika vachange vava vanhu vakakwana. Hapana anenge achakanganiswa nechivi chakabva kuna Adhamu. (VaR. 5:12) Kutukwa kwakakonzerwa nechivi chaAdhamu kunenge kwabviswa zvachose. Saka izvozvo zvinoreva kuti vaya vachange vari panyika “vachava vapenyu” nekuti vanenge vava vanhu vakakwana pachapera makore 1 000.—Zvak. 20:5.

19. Nei pachifanira kuva nemuedzo wekupedzisira?

19 Tinoziva kuti Jesu akakunda zvese zvaiedza kuitwa naSatani kuti amutadzise kuramba akaperera kuna Jehovha. Akaramba akatendeka paaiedzwa. Asi vanhu vese vakakwana vacharamba vakatendeka kuna Jehovha here Satani paachapiwa mukana wekuvaedza? Mumwe nemumwe achakwanisa kuzvipindurira mubvunzo uyu Satani paanenge asunungurwa mugomba rakadzika-dzika pachapera makore 1 000. (Zvak. 20:7) Vaya vanenge varamba vakatendeka pamuedzo uyu wekupedzisira vachapiwa upenyu husingaperi uye vachava nerusununguko rwechokwadi. (VaR. 8:21) Vaya vachapanduka vachaparadzwa zvachose pamwe chete naDhiyabhorosi nemadhimoni ake.—Zvak. 20:8-10.

20. Unonzwa sei nezveuprofita huri mubhuku raZvakazarurwa?

20 Unonzwa sei pashure pekuongorora muchidimbu zviri mubhuku raZvakazarurwa? Hazvikufadzi here paunofungidzira uchirarama panguva ichazadzika uprofita uhwu? Izvi zvichaita kuti ude kukoka vamwe kuti vabatane nesu pakunamata kwakachena kwatinoita Mwari wedu. (Zvak. 22:17) Sezvo takurukura zvinhu izvi zvichaitika mune ramangwana, tiri kufara chaizvo uye tinoda kutaura sezvakaita muapostora Johani kuti: “Ameni! Uyai Ishe Jesu.”—Zvak. 22:20.

RWIYO 27 Kuratidzwa Kwevanakomana vaMwari

^ Iyi ndiyo nyaya yekupedzisira panyaya nhatu dzinotevedzana dzinotaura nezvebhuku raZvakazarurwa. Sezvatichaona munyaya ino, vaya vanoramba vakatendeka kuna Jehovha vachava neupenyu hunofadza, asi vaya vanopikisa utongi hwaMwari vachava nemugumo unonyadzisa.