Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 22

Uchenjeri Hwekutitungamirira Muupenyu

Uchenjeri Hwekutitungamirira Muupenyu

“Jehovha pachake anopa uchenjeri.”—ZVIR. 2:6.

RWIYO 89 Teerera, Uzviite, Ukomborerwe

ZVICHADZIDZWA *

1. Nei tese tichifanira kuva neuchenjeri hunobva kuna Mwari? (Zvirevo 4:7)

 KANA kuri kuti pane pawaifanira kuita chisarudzo chinokosha, zviri pachena kuti wakanyengeterera uchenjeri nekuti waiziva kuti unohuda. (Jak. 1:5) Mambo Soromoni akati: “Uchenjeri ndihwo hunokosha kupfuura zvimwe zvese.” (Verenga Zvirevo 4:7.) Zviri pachena kuti Soromoni akanga asiri kutaura nezveuchenjeri hwese hwese. Aitaura nezveuchenjeri hunobva kuna Jehovha Mwari. (Zvir. 2:6) Asi uchenjeri hunobva kuna Mwari hungatibatsira kukunda matambudziko atiri kusangana nawo mazuva ano here? Ehe, hunogona kutibatsira sezvatichaona munyaya ino.

2. Ndechipi chimwe chinhu chatingaita kuti tive neuchenjeri hwechokwadi?

2 Chimwe chinhu chatingaita kuti tive neuchenjeri hwechokwadi kudzidza uye kushandisa zvakataurwa nevarume vaviri vaiva neuchenjeri. Tichatanga kutaura nezvaSoromoni. Bhaibheri rinoti “Mwari akapa Soromoni uchenjeri neungwaru hwakakura chaizvo.” (1 Madz. 4:29) Tichazokurukura nezvaJesu uyo ainge akachenjera kupfuura vanhu vese vepanyika. (Mat. 12:42) Isaya akaprofita nezvaJesu achiti: “Mweya waJehovha uchagara paari, mweya weuchenjeri uye wekunzwisisa.”—Isa. 11:2.

3. Tichakurukurei munyaya ino?

3 Vachishandisa uchenjeri hwavakapiwa naMwari, Soromoni naJesu vakatipa mazano pazvinhu zvinokosha kwatiri tese. Munyaya ino tichakurukura zvitatu zvacho zvinoti: Kuva nemaonero akanaka panyaya dzemari, basa, uye pamaonero atinozviita.

MAONERO AKANAKA PANYAYA DZEMARI

4. Musiyano upi waiva pakati paSoromoni naJesu panyaya yepfuma?

4 Soromoni aiva shoroma uye airarama upenyu hweumbozha. (1 Madz. 10:7, 14, 15) Asi Jesu akanga aine zvinhu zvishoma uye akanga asina musha wake pachake. (Mat. 8:20) Kunyange zvakadaro, vese vari vaviri vaiva nemaonero akanaka panyaya yepfuma nekuti uchenjeri hwavo hwaibva kuna Jehovha Mwari.

5. Soromoni aiva nemaonero api akanaka panyaya dzemari?

5 Soromoni akataura kuti mari ‘inodzivirira.’ (Mup. 7:12) Kana tiine mari, tinokwanisa kuwana zvinhu zvinokosha pakurarama uyewo zvimwe zvinhu zvatinongofarirawo hedu. Kunyange zvazvo aiva neupfumi hwakawanda, Soromoni aiziva kuti pane zvimwe zvinhu zvinokosha kupfuura mari. Semuenzaniso, akanyora kuti: “Zita rakanaka [kana kuti “mukurumbira wakanaka”] rinofanira kusarudzwa panzvimbo pepfuma zhinji.” (Zvir. 22:1; mashoko emuzasi) Soromoni akaonawo kuti kashoma kuti vanhu vanoda mari vafare nezvavainazvo. (Mup. 5:10, 12) Uye akayambira kuti hatifaniri kufunga kuti mari ndiyo inonyanya kukosha, nekuti chero mari yatiinayo inogona kungonyangarika.—Zvir. 23:4, 5.

Maonero atinoita zvinhu zvinodiwa pakurarama anotitadzisa kuisa Umambo pekutanga muupenyu hwedu here? (Ona ndima 6-7) *

6. Jesu aiva nemaonero api akanaka panyaya yezvinhu zvinodiwa pakurarama? (Mateu 6:31-33)

6 Jesu aiva nemaonero akanaka panyaya yezvinhu zvinodiwa pakurarama. Ainakirwa nekudya uye kunwa. (Ruka 19:2, 6, 7) Pane imwe nguva akagadzira waini yemhando yepamusoro, icho chaiva chishamiso chake chekutanga. (Joh. 2:10, 11) Uye musi waakafa, ainge akapfeka nguo inodhura chaizvo. (Joh. 19:23, 24) Asi Jesu haana kuita kuti zvinhu zvinodiwa pakurarama zvive izvo zvinonyanya kukosha muupenyu hwake. Akaudza vateveri vake kuti: “Hapana munhu anogona kushandira vanatenzi vaviri . . . Hamungagoni kushandira Mwari pamwe chete nePfuma.” (Mat. 6:24) Jesu akadzidzisa kuti kana tikatanga kutsvaga Umambo, Jehovha achava nechokwadi chekuti tawana zvinokosha pakurarama.—Verenga Mateu 6:31-33.

7. Imwe hama yakabatsirwa sei nekuva nemaonero akanaka panyaya dzemari?

7 Hama nehanzvadzi dzedu dzakawanda dzakabatsirwa nekushandisa mazano euchenjeri anobva kuna Jehovha panyaya dzemari. Funga nezvemuenzaniso weimwe hama isina kuroora inonzi Daniel. Inoti: “Pandaiva mumakore ekuyaruka, ndakasarudza kuti kushumira Jehovha kuve chinhu chinonyanya kukosha muupenyu hwangu.” Sezvo akaita kuti upenyu hwake husava netwakawandawanda, Daniel akakwanisa kushandisa nguva yake uye unyanzvi hwake pakuita zvakawanda mubasa raJehovha. Anowedzera kuti: “Handimbodembi zvandakasarudza. Ndaigona kunge ndakaita mari yakawanda kudai ndakaita kuti izvozvo zvive chinhu chinonyanya kukosha muupenyu hwangu. Asi ndingadai ndisina kuwana shamwari dzakanaka dzandiinadzo iye zvino. Kudai ndakanyanya kukoshesa mari, ndingadai ndisina kuwana mufaro wandiinawo iye zvino unobva pakuziva kuti ndiri kuisa Umambo pekutanga. Hapana mari inogona kuenzana nemakomborero andakapiwa naJehovha.” Izvi zvinoratidza kuti tinobatsirwa kana tikanyanya kukoshesa kushumira Jehovha, kwete mari.

MAONERO AKANAKA PANYAYA YEBASA

8. Tinoziva sei kuti Soromoni aiva nemaonero akanaka panyaya yebasa? (Muparidzi 5:18, 19)

8 Soromoni akataura nezvemufaro watinowana kubva pakushanda nesimba achiti “chipo chaMwari.” (Verenga Muparidzi 5:18, 19.) Akanyora kuti: “Kushanda zvakaoma kwese kune zvakunobatsira.” (Zvir. 14:23) Soromoni aiziva zvaaitaura. Aishanda nesimba! Akavaka dzimba, akadyara minda yemizambiringa uye akagadzira mapindu nemadziva emvura. Akavakawo maguta. (1 Madz. 9:19; Mup. 2:4-6) Akashanda nesimba uye zviri pachena kuti izvozvo zvakaita kuti agutsikane. Asi Soromoni aiziva kuti kana achida kunyatsofara, ane zvimwe zvaaifanira kuita. Anewo zvinhu zvakawanda zvaakaitira Jehovha. Semuenzaniso, akatungamirira pabasa rekuvaka temberi yakanaka chaizvo yaishandiswa pakunamata Jehovha, iyo yakaita makore 7 ichivakwa! (1 Madz. 6:38; 9:1) Pashure pekunge Soromoni aita zvinhu zvakawanda zvakasiyana-siyana, akasvika pakuona kuti kushumira Jehovha ndicho chinhu chinonyanya kukosha chingaitwa nemunhu. Akanyora kuti: “Iyi ndiyo mhedziso yenyaya yacho pashure pekunge zvese zvanzwikwa: Itya Mwari wechokwadi uchengete mirayiro yake.”—Mup. 12:13.

9. Jesu akaita sei kuti basa rake rirambe riri panzvimbo yaro?

9 Jesu aishanda nesimba. Achiri mudiki, aiva muvezi. (Mako 6:3) Zviri pachena kuti vabereki vake vaitenda kubatsira kwaaivaita sezvavaishanda nesimba pakuriritira mhuri yavo yainge yakakura. Sezvo ainge akakwana, Jesu aikwanisa kuita basa remhando yepamusoro, saka vanhu vakawanda vaigona kunge vaida zvinhu zvaaigadzira. Anofanira kunge ainakidzwa nebasa rake. Kunyange zvazvo aishanda nesimba pabasa rake, Jesu aivawo nenguva yaaiita zvinhu zvekunamata. (Joh. 7:15) Paakanga ava mushumiri wenguva yakazara, akaudza vateereri vake kuti: “Musashandira zvekudya zvinoparara, asi shandirai zvekudya zvinoramba zviripo kweupenyu husingaperi.” (Joh. 6:27) Uye muMharidzo Yepagomo, Jesu akati: “Zviunganidzirei pfuma kudenga.”—Mat. 6:20.

Tingaitei kuti basa redu risakanganisa zvatinoita pakunamata Jehovha? (Ona ndima 10-11) *

10. Vamwe vangasangana nedambudziko ripi mumabasa avo?

10 Uchenjeri hunobva kuna Mwari hunotibatsira kuti tive nemaonero akanaka panyaya yebasa redu. SevaKristu, tinodzidziswa ‘kushanda nesimba, tichiita basa rakanaka.’ (VaEf. 4:28) Vanhu vatinoshandira vanowanzoona kutendeseka kwedu uye kushanda nesimba kwatinoita uye vangatiudza kuti vanofara nemashandiro atinoita. Izvi zvingaita kuti titange kushanda kwemaawa akawanda, tichiitira kuti munhu watiri kushandira awedzere kufarira Zvapupu zvaJehovha. Asi patinodaro, tinogona kuzoona tisisina nguva yakakwana yekuva nemhuri dzedu kana yekushumira Jehovha. Tinofanira kuchinja, kuitira kuti tive nenguva yakawanda yekuita zvinhu zvinonyanya kukosha.

11. Imwe hama yakadzidzei nezvekuva nemaonero akanaka panyaya yebasa?

11 Imwe hama yechidiki inonzi William yakazvionera yega kukosha kwazvakaita kuti basa rirambe riri panzvimbo yaro. Achitaura nezvemumwe mukuru waaimboshandira, William anoti: “[Mukuru uyu] anoratidza muenzaniso wakanaka pamashandiro aanoita. Anoshanda nesimba, anowirirana nemakasitoma ake nekuti anoita basa rake nemazvo. Asi panopera zuva, apedza basa rake, anoziva kuti anofanira kumbosiya zvekubasa ofunga nezvemhuri yake uye kunamata kwake. Asi pane chimwe chinhu chandakacherechedza paari. Murume iyeye anofara zvechokwadi!” *

HATIFANIRI KUZVIKUDZA UYEWO HATIFANIRI KUZVITARISIRA PASI

12. Pakutanga Soromoni akaratidza sei kuti aisazvikudza, asi izvozvo zvakazochinja sei?

12 Soromoni paaiva munamati waJehovha akatendeka, aisazvikudza. Achiri mudiki akabvuma kuti ane zvaaisakwanisa kuita uye akakumbira Jehovha kuti amutungamirire. (1 Madz. 3:7-9) Achangotanga kutonga, Soromoni aizivawo zvakaipira kuzvikudza. Akanyora kuti: “Kuzvikudza kunotangira kuparara, uye kuzvitutumadza kunotangira kugumburwa.” (Zvir. 16:18) Zvinosuruvarisa kuti Soromoni akazotadza kushandisa zano rake. Pashure pemakore ari mambo, akazvikudza ndokurega kuteerera mitemo yaMwari. Mumwe wemitemo yacho waitaura kuti mambo wechiHebheru haafaniri “kutora madzimai akawanda, kuti mwoyo wake urege kutsauka.” (Dheut. 17:17) Soromoni haana kuteerera mutemo iwoyo uye akava nemadzimai 700 nevarongo 300 uye vakawanda vacho vaisanamata Jehovha. (1 Madz. 11:1-3) Zvimwe Soromoni aiona sekuti hapana chakaipa nezvaaiita. Asi nekufamba kwenguva, Soromoni akasangana nematambudziko akakonzerwa nekusateerera Jehovha.—1 Madz. 11:9-13.

13. Tinodzidzei patinofungisisa nezvekuzvininipisa kwaJesu?

13 Jesu akaramba achizvininipisa. Asati auya panyika, akaita zvinhu zvakawanda zvinoshamisa mubasa raJehovha. Pachishandiswa Jesu, “zvimwe zvinhu zvese zvakasikwa kudenga nepanyika.” (VaK. 1:16) Jesu paakabhabhatidzwa, anogona kunge akayeuka zvinhu zvakawanda zvaakanga aita achiri naBaba vake. (Mat. 3:16; Joh. 17:5) Asi kuyeuka izvozvo hakuna kuita kuti Jesu azvikudze. Haana kumboita chinhu chairatidza kuti aizviona seari nani pane vamwe. Akaudza vadzidzi vake kuti akanga asina kuuya panyika “kuzoshumirwa, asi kuzoshumira nekupa upenyu hwake kuti adzikinure vanhu vazhinji.” (Mat. 20:28) Akataurawo kuti aisagona kuita chinhu chaanozvitangira ega. (Joh. 5:19) Jesu aizvininipisa chaizvo! Akatiratidza muenzaniso wakanaka chaizvo wekutevedzera.

14. Tinodzidzei pane zvakataurwa naJesu panyaya yekuzviona neziso rakanaka?

14 Jesu akadzidzisa vateveri vake kuti vazvione neziso rakanaka. Pane imwe nguva akavaudza kuti: “Bvudzi remusoro wenyu rakaverengwa rese.” (Mat. 10:30) Mashoko aya anotinyaradza chaizvo kunyanya kana tichimbozvitarisira pasi. Izvi zvinoreva kuti Baba vedu vekudenga vane hanya nesu, kureva kuti vanotikoshesa. Kana Jehovha achiona takakodzera kuva vanamati vake uye kuwana upenyu munyika itsva hatifaniri kufunga kuti maonero ake haana kururama.

Kutadza kuzviona neziso rakanaka kungatitadzisa kuwana mikana ipi uye makomborero api? (Ona ndima 15) *

15. (a) Nharireyomurindi yakati maonero api akanaka atinofanira kuva nawo? (b) Sezviri kuratidzwa pamifananidzo iri papeji 24, tinorasikirwa nei kana tikanyanya kuzvikoshesa?

15 Makore anenge 15 apfuura, Nharireyomurindi yakatikurudzira kuti tizvione neziso rakanaka ichiti: “Chokwadi, hatidi kuzvionera pamusoro zvekuti tinosvika pakuzvikudza, asiwo hatidi kuzvitarisira pasi zvekuti tinosvika pakuora mwoyo. Pane kudaro tinofanira kuedza kuzviona neziso rakanaka, kureva kuti tinonzwisisa kuti tine zvatinogona nezvatisingagoni. Imwe hanzvadzi yechiKristu yakazvitaura ichiti: ‘Handisi munhu akanyanya kuipa, uyewo handisi munhu akanaka kupfuura vamwe vese. Ndine zvandinogona nezvandinokanganisawo sezvinongoita munhu wese.’” * Uri kuona here kubatsira kwazvinoita kuti tizvione neziso rakanaka?

16. Nei Jehovha achitipa mazano euchenjeri?

16 Achishandisa Shoko rake, Jehovha anotipa mazano euchenjeri. Anotida uye anoda kuti tifare. (Isa. 48:17, 18) Chisarudzo chakanakisisa chatingaita uye chingaita kuti tinyatsofara ndechekuramba tichiita zvinhu zvinoita kuti Jehovha afare. Patinodaro, tinonzvengana nematambudziko akawanda anosangana nevaya vanonyanya kukoshesa mari, basa, uye vanonyanya kuzvikoshesa ivo pachavo. Dai mumwe nemumwe wedu akaramba achiratidza kuti akachenjera uye achifadza mwoyo waJehovha!—Zvir. 23:15.

RWIYO 94 Kuonga Shoko raMwari

^ Soromoni naJesu vainge vakachenjera chaizvo. Uchenjeri ihwohwo hwaibva kuna Jehovha Mwari. Munyaya ino tichaona kuti tingadzidzei pamazano akafemerwa aSoromoni uye aJesu pakuva nemaonero akanaka panyaya dzemari, basa uye maonero atinozviita. Tichaonawo kuti vamwe vatinonamata navo vakabatsirwa sei nekushandisa mazano eBhaibheri panyaya idzodzo.

^ Ona nyaya inoti, “Zvaungaita Kuti Ufarire Kushanda Nesimba” iri muNharireyomurindi yaFebruary 1, 2015.

^ Ona nyaya inoti, “Bhaibheri Rinogona Kukubatsira Kuti Ufare” iri muNharireyomurindi yaAugust 1, 2005.

^ KUTSANANGURWA KWEMIFANANIDZO: John naTom ihama mbiri dzechidiki dziri muungano imwe chete. John anopedza nguva yakawanda achichengetedza mota yake. Tom anotakura vamwe nemota yake vachienda kuushumiri uye kumisangano yeungano.

^ KUTSANANGURWA KWEMIFANANIDZO: John ari kushanda ovhataimu kubasa kwake. Haadi kugumbura waanoshandira. Saka pese paanokumbirwa newaanoshandira kuti anonoke kupedza basa, John anobvuma. Manheru iwayo, Tom, uyo anoshumira semushumiri weungano, aperekedza mumwe mukuru kunofudza imwe hanzvadzi. Tom akagara audza waanoshandira kuti ane mamwe manheru emukati mevhiki aanoshandisa pakunamata Jehovha.

^ KUTSANANGURWA KWEMIFANANIDZO: John ari kuita zvakangomunakira. Tom, uyo anokoshesa zvekunamata kupfuura zvaanoda iye, anowana shamwari dzakawanda paanobatsira pakugadziridza Imba Yemagungano.