Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 23

Vabereki—Batsirai Vana Venyu Kuti Vade Jehovha

Vabereki—Batsirai Vana Venyu Kuti Vade Jehovha

“Ida Jehovha Mwari wako nemwoyo wako wese nemweya wako wese nepfungwa dzako dzese.”—MAT. 22:37.

RWIYO 134 Vana Makavachengeteswa naMwari

ZVICHADZIDZWA *

1-2. Nei mamwe mazano eBhaibheri achiwedzera kukosha kwatiri panochinja zvinhu muupenyu hwedu?

 VAVIRI pavanochata, kakawanda kacho vanoteerera hurukuro yeBhaibheri inotaura nezvewanano. Kanenge kasiri kekutanga kuti vanzwe mavhesi anenge achikurukurwa muhurukuro iyoyo. Asi kubva musi iwoyo zvichienda mberi, mashoko iwayo anowedzera kukosha kwavari. Nei zvakadaro? Nekuti vachange vava kuashandisa semurume nemudzimai.

2 Ndizvo zvinoitikawo murume nemudzimai vechiKristu pavanova nemwana. Vanogona kunge vakanzwa hurukuro dzakawanda dzinotaura nezvekurera vana. Asi iye zvino mazano ari muhurukuro idzodzo ava kuwedzera kukosha kwavari. Vanenge vava nemwana wavo wavanofanira kurera. Iroro ibasa rakakura! Saka panochinja zvinhu muupenyu hwedu, mamwe mazano eBhaibheri anowedzera kukosha kwatiri. Ichi ndicho chimwe chikonzero nei vanamati vaJehovha vachiverenga Magwaro vofungisisa nezvawo “mazuva ese” eupenyu hwavo, sezvakaudzwa madzimambo eIsraeri.—Dheut. 17:19.

3. Tichakurukurei munyaya ino?

3 Vabereki, kudzidzisa vana venyu nezvaJehovha ndeimwe yeropafadzo dzakakura dzinogona kuva nemuKristu. Asi hamungogumiri pakudzidzisa vana venyu nezvaMwari. Munoda kuvabatsira kuti vamude zvakadzama. Mungaitei kuti vana venyu vade Jehovha? Munyaya ino tichakurukura mazano mana eBhaibheri anogona kukubatsirai imi vabereki. (2 Tim. 3:16) Tichaonawo kuti vamwe vabereki vechiKristu vakabatsirwa sei nekushandisa zvinotaurwa neBhaibheri.

MAZANO MANA ANOGONA KUBATSIRA VABEREKI

Kugara uchitsvaga kutungamirirwa naJehovha uye kuratidza muenzaniso wakanaka kuvana vako kuchavabatsira sei? (Ona ndima 4, 8)

4. Izano ripi rinogona kubatsira vabereki kuti vabatsire vana vavo kuda Jehovha? (Jakobho 1:5)

4 Zano rekutanga: Tsvagai kutungamirirwa naJehovha. Kumbirai Jehovha kuti akupei uchenjeri hwekuti mukwanise kubatsira vana venyu kuti vamude. (Verenga Jakobho 1:5.) Pavanhu vanonyatsokwanisa kupa mazano, Jehovha ndiye anopfuura vese. Pane zvikonzero zvakawanda zvinoita kuti tidaro. Ngationei zviviri zvacho. Chekutanga, hapana ane ruzivo runopfuura rwaJehovha pakuva mubereki. (Pis. 36:9) Uye chechipiri, mazano euchenjeri aanopa agara achibatsira.—Isa. 48:17.

5. (a) Zvii zviri kubudiswa nesangano raJehovha kuti zvibatsire vabereki? (b) Sezvinoratidzwa muvhidhiyo, wadzidzei kubva pane zvakaitwa naHama naHanzvadzi Amorim pakurera vana vavo?

5 Achishandisa Shoko rake uye sangano rake, Jehovha ari kukupai zvekudya zvakawanda zvinobva muBhaibheri zvinogona kukubatsirai pakurera vana venyu kuti vade Jehovha. (Mat. 24:45) Semuenzaniso, unogona kuwana mazano anobatsira kubva munyaya dzaigara dzichibuda mumagazini yeMukai! dzine musoro unoti: “Mazano Ekubatsira Mhuri,” uye nyaya idzi dzava kuwanika pawebsite yedu. Uyewo mavhidhiyo akawanda anobudiswa pajw.org anogona kubatsira vabereki kuti vashandise mazano anobva kuna Jehovha pakurera vana vavo. *Zvir. 2:4-6.

6. Vamwe baba vanonzwa sei nezvemazano avanowana kusangano raJehovha?

6 Vabereki vakawanda vanotaura kuti vanotenda chaizvo rubatsiro rwavanopiwa naJehovha achishandisa sangano rake. Vamwe baba vanonzi Joe vakati: “Kurera vana vatatu muchokwadi hakusi nyore. Ini nemudzimai wangu tinogara tichinyengetera kuna Jehovha kuti atibatsire. Uye tinowanzonzwa sekuti imwe nyaya kana kuti vhidhiyo yakauya panguva chaiyo yakakodzera kuti itibatsire pane zvataisangana nazvo. Kutsvaga kutungamirirwa naJehovha kuri kutibatsira chaizvo.” Joe nemudzimai wake vakaona kuti nyaya idzi nemavhidhiyo zviri kubatsira vana vavo kuti vaswedere pedyo naJehovha.

7. Nei zvichikosha kuti vabereki vangwarire muenzaniso wavanoratidza vana vavo? (VaRoma 2:21)

7 Zano rechipiri: Ivai muenzaniso wakanaka. Vana vanonyatsotarisa zvinoitwa nevabereki vavo uye kakawanda kacho vanovatevedzera. Ichokwadi kuti hapana mubereki asingakanganisi. (VaR. 3:23) Kunyange zvakadaro, vabereki vakachenjera vanoita zvese zvavanogona kuti vave muenzaniso wakanaka kuvana vavo. (Verenga VaRoma 2:21.) Vachitaura nezvevana, vamwe baba vakati: “Vakaita semasiponji anonwirira zvinhu zvese.” Vanowedzera kuti: “Vana vanotiudza patinenge tisingaiti zvatinenge tichivadzidzisa.” Saka kana tichida kuti vana vedu vade Jehovha, kuda kwatinomuita kunofanira kunge kwakasimba uye kuchioneka.

8-9. Wadzidzei pane zvakataurwa naAndrew uye naEmma?

8 Kune nzira dzakawanda dzinogona kushandiswa nevabereki kuti vadzidzise vana vavo kuda Jehovha. Imwe hama ine makore 17 inonzi Andrew inoti: “Vabereki vangu vaigara vachindidzidzisa kuti kunyengetera kunokosha chaizvo. Usiku hwega hwega, baba vainyengetera neni, kunyange zvazvo ndainge ndatombonyengetera ndiri ndega. Vabereki vangu vaigara vachitiudza kuti: ‘Pese pamunonzwa muchida kutaura naJehovha munogona kutaura naye.’ Izvozvo zvakaita kuti ndikoshese chaizvo kunyengetera, uye iye zvino zviri nyore chaizvo kuti ndinyengetere kuna Jehovha, uye ndinzwe kuti ndiBaba vanondida.” Vabereki, garai muchiyeuka kuti kuda kwamunoita Jehovha kunogona kubatsira vana venyu kuti vamudewo.

9 Fungaiwo nezvemuenzaniso waEmma. Baba vake pavakasiya mhuri, vakasiyira amai vake zvikwereti zvakakura. Emma anoti: “Kakawanda amai vainge vasina mari inokwana kuriritira mhuri, asi vaigara vachitaura nezvekuti Jehovha anochengeta sei vashumiri vake. Ndaiona nemararamiro avaiita kuti vainyatsotenda izvozvo. Amai vaiita zvavaiparidza.” Tinodzidzei? Vabereki vanogona kudzidzisa nemuenzaniso kunyange zvinhu pazvinenge zvakaoma.—VaG. 6:9.

10. Vabereki vakawanda vechiIsraeri vaiva nemikana ipi yekukurukura nevana vavo? (Dheuteronomi 6:6, 7)

10 Zano rechitatu: Garai muchitaura nevana venyu. Jehovha akarayira vaIsraeri kuti vagare vachidzidzisa vana vavo nezvake. (Verenga Dheuteronomi 6:6, 7.) Vabereki ivavo vaiva nemikana yakawanda yekutaura nevana vavo muswere wese wezuva uye yekuvadzidzisa kuti vade Jehovha. Semuenzaniso, mukomana wechiIsraeri aigona kuita maawa akawanda achibatsira baba vake pakudyara kana kuti pakukohwa. Hanzvadzi yake yaigona kuita nguva yakawanda ichibatsira amai pakusona, pakuruka, uye pakuita mamwe mabasa epamba. Vabereki nevana pavaishanda pamwe chete, vaikwanisa kukurukura nyaya dzakawanda dzakasiyana-siyana dzinokosha. Semuenzaniso, vaigona kukurukura nezvekunaka kwaJehovha uye kuti aibatsira sei mhuri yacho.

11. Mukana upi une vabereki vechiKristu wekuti vataure nevana vavo?

11 Mazuva ano upenyu hwasiyana nezvahwaiva kare. Munyika dzakawanda, vabereki nevana havakwanisi kuswera vari vese. Vabereki vanogona kunge vari kubasa uye vana vanogona kunge vari kuchikoro. Saka vabereki vanofanira kutsvaga nguva yekutaura nevana vavo. (VaEf. 5:15, 16; VaF. 1:10) Kunamata kwemhuri kunovapa mukana iwoyo. Imwe hama yechidiki inonzi Alexander inoti: “Baba vangu vanogara vachironga kuti tiite kunamata kwemhuri uye havabvumiri chimwe chinhu kuti chititadzise kuva nenguva iyi tiri pamwe chete. Kana tapedza kudzidza, tinongotandara hedu tichikurukura.”

12. Musoro wemba anofanira kuyeukei pavanenge vachiita kunamata kwemhuri?

12 Kana uri musoro wemba, ungaitei kuti vana vako vanakidzwe nekunamata kwemhuri? Unogona kudzidza nevana vako bhuku redu idzva rakazonaka rinonzi Rarama Nekusingaperi Uchifara! Bhuku iri rinoita kuti zvive nyore kuti mukurukure zvakanaka. Unoda kuti vana vako vataure zvavanofunga uye zviri kuvanetsa, saka usashandisa nguva yekunamata kwemhuri kuti uvatsoropodze kana kuvatsiura. Uye usakurumidza kugumbuka kana vana vako vakataura chimwe chinhu chinoratidza kuti vane maonero anopesana neBhaibheri. Asi chitofara kuti vakuudza manzwiro avo, uye vakurudzire kuti vasununguke kutaura zvavanenge vachifunga. Kuti ukwanise kunyatsobatsira vana vako, unofanira kunge uchiziva manzwiro avo.

Vabereki vangashandisa sei zvinhu zvakasikwa kuti vadzidzise vana vavo nezvaJehovha? (Ona ndima 13)

13. Vabereki vane mimwe mikana ipi yekuti vabatsire vana vavo kuti vaswedere pedyo naJehovha?

13 Vabereki, tsvagai mikana yekubatsira vana venyu kuti vaswedere pedyo naJehovha. Hamufaniri kungomirira nguva yamunodzidza navo Bhaibheri kuti muvadzidzise nezvaMwari wedu ane rudo. Vamwe amai vanonzi Lisa vanoti: “Takabatsira vana vedu kuti vazive nezvaJehovha tichishandisa zvinhu zvakasikwa. Semuenzaniso, imbwa yedu payaiita chimwe chinhu chaiita kuti vana vaseke, taivaudza kuti izvi zvinoratidza kuti Jehovha ndiMwari anofara, uye akaitawo kuti tikwanise kufara uye tinakidzwe nezvinhu zvinosetsa.”

Vabereki, munoziva shamwari dzevana venyu here? (Ona ndima 14) *

14. Nei zvichikosha kuti vabereki vabatsire vana vavo kusarudza shamwari nekuchenjera? (Zvirevo 13:20)

14 Zano rechina: Batsirai vana venyu kuti vasarudze shamwari dzakanaka. Shoko raMwari rinoratidza zvakajeka kuti shamwari dzedu dzinogona kuita kuti zvinhu zvitinakire kana kuti zvitiipire. (Verenga Zvirevo 13:20.) Vabereki, munoziva shamwari dzevana venyu here? Makamboonana nadzo mukaita nguva muri mese here? Mungabatsira sei vana venyu kuti vashamwaridzane nevaya vanoda Jehovha? (1 VaK. 15:33) Munogona kubatsira vana venyu kuti vasarudze shamwari dzakanaka kana mukakoka vaya vari kuita zvakanaka pakunamata kuti vabatane nemi pane zvimwe zvinhu zvamunoita semhuri.—Pis. 119:63.

15. Vabereki vangaitei kuti vabatsire vana vavo kuti vave neshamwari dzakanaka?

15 Funga zvakaitwa nevamwe baba vanonzi Tony. Vanotaura zvavakaita pamwe nemudzimai wavo kuti vabatsire vana vavo kuti vave neshamwari dzakanaka. Vanoti: “Ini nemudzimai wangu tine makore akawanda tichikoka hama nehanzvadzi dzakasiyana-siyana, vakuru nevadiki, kuti vauye kumba kwedu. Tinodya pamwe chete navo uye tinoita tese kunamata kwemhuri. Iyi inzira yakanaka yekuzivana nevaya vanoda Jehovha uye vanomushumira vachifara. Takava nechikomborero chekugara nevatariri vematunhu, mamishinari, nevamwewo pamba pedu. Vana vedu vakadzidza zvakawanda kubva panyaya dzavaitaura, kushingaira kwavo, uye kushanda kwavakaita nesimba mubasa raJehovha. Zvese izvi zvakabatsira vana vedu kuti vaswedere pedyo naJehovha.” Vabereki, itai zvese zvamunogona kuti mubatsire vana venyu kuti vave neshamwari dzakanaka.

MUSARASA TARIRO!

16. Mungaitei kana mwana wenyu akati haadi kushumira Jehovha?

16 Asi ko kana zvikaitika kuti pasinei nekuti maedza zvese zvamunogona, mumwe mwana wenyu obva ati haadi kushumira Jehovha? Musafunga kuti makakundikana kuita basa renyu sevabereki. Jehovha akapa mumwe nemumwe wedu, kusanganisira mwana wenyu, chipo cherusununguko rwekusarudza kuti tichashumira Mwari here kana kuti kwete. Kana mwana wenyu akasarudza kusiya Jehovha, musarasa tariro yekuti rimwe zuva achadzoka. Yeukai mufananidzo wemwanakomana akarasika. (Ruka 15:11-19, 22-24) Mukomana iyeye akaita zvinhu zvakawanda zvakaipa, asi pakupedzisira akadzoka. Vamwe vangati, “Iwoyo unongova mufananidzo. Zvingaitika here muupenyu izvozvo?” Ehe, zvinogona kuitika! Ndizvo zvakatoitika kune mumwe mukomana anonzi Elie.

17. Wakurudzirwa sei nezvakaitika kuna Elie?

17 Achitaura nezvevabereki vake, Elie anoti: “Vakandidzidzisa nepavanogona napo kuti ndide Jehovha neShoko rake Bhaibheri. Zvisinei, pandakanga ndava kuyaruka ndakatanga kupanduka.” Elie akatanga kuita zvakaipa pachivande, uye airamba kubatsirwa kwaaiitwa nevabereki vake kuti ave neushamwari naJehovha. Paakabva pamba, akatowedzera kuita zvakaipa. Kunyange zvakadaro, aimbotaura nezveBhaibheri neimwe shamwari yake. Elie anoti: “Pandairamba ndichiudza shamwari yangu nezvaJehovha, zvaitoita kuti ndirambe ndichifunga nezvaJehovha. Zvishoma nezvishoma, mbeu dzechokwadi chemuBhaibheri dzakanga dzava nenguva refu dzadyarwa nevabereki vangu vachiita zvekutamburira dzakatanga kukura.” Nekufamba kwenguva, Elie akadzoka kuna Jehovha. * Fungidzira kufara kwakaita vabereki vake kuti vakanga vaedza kumudzidzisa achiri mudiki kuti ade Jehovha!—2 Tim. 3:14, 15.

18. Unoti kudii nezvevabereki vanoshanda nesimba pakudzidzisa vana vavo kuti vade Jehovha?

18 Vabereki, makapiwa ropafadzo yakakura yekurera chizvarwa chitsva chevanamati vaJehovha. (Pis. 78:4-6) Basa iroro harisi nyore, uye tinokutendai nemwoyo wese nekushanda nesimba kwamuri kuita kuti mubatsire vana venyu! Kana mukaramba muchiita zvese zvamunogona pakubatsira vana venyu kuti vade Jehovha uye muchivaranga nekuvarayira sezvaanoda, munogona kuva nechokwadi chekuti Baba vedu vekudenga vane rudo vachafadzwa nazvo.—VaEf. 6:4.

RWIYO 135 Chikumbiro chaJehovha Cherudo: ‘Mwanangu, Iva Akachenjera’

^ Vabereki vechiKristu vanoda vana vavo chaizvo. Vanoshanda nesimba pakuriritira vana vavo uye pakuita kuti vafare. Chinonyanya kukosha ndechekuti vabereki ivavo vanoita zvese zvavanogona kuti vabatsire vana vavo kuda Jehovha zvakadzama. Munyaya ino tichakurukura mazano mana eBhaibheri anogona kubatsira vabereki kuti vaite izvozvo.

^ Ona vhidhiyo iri pajw.org inonzi Jehovha Akatidzidzisa Kurera Vana Vedu.

^ Ona nyaya inoti “Bhaibheri Rinochinja Upenyu” iri muNharireyomurindi yaApril 1, 2012.

^ KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Vachiedza kuziva shamwari dzemwana wavo, baba vari kutamba basketball nemwanakomana wavo neshamwari yake.