NYAYA YEKUDZIDZA 21
Jehovha Anopindura Sei Minyengetero Yedu?
“Tinoziva kuti tichawana zvinhu zvatinokumbira, nekuti tinenge tamukumbira zvinhu zvacho.”—1 JOH. 5:15.
RWIYO 41 Inzwaiwo Munyengetero Wangu
ZVICHADZIDZWA a
1-2. Tinganetseka nezvei panyaya yeminyengetero yedu?
UNOMBONETSEKA kuti Jehovha ari kupindura minyengetero yako here? Kana zvakadaro, hausi wega. Hama nehanzvadzi dzakawanda dzakataura kuti dzinombonetsekawo nazvo, kunyanya padzinenge dziri mumatambudziko. Kana tiri kutambura, isuwo zvingatiomera kuti tione kuti Jehovha ari kupindura sei minyengetero yedu.
2 Ngationei kuti nei tichigona kuva nechivimbo chekuti Jehovha anopindura minyengetero yevanamati vake. (1 Joh. 5:15) Tichapindurawo mibvunzo iyi inoti: Nei dzimwe nguva zvichiita sekuti Jehovha haasi kupindura minyengetero yedu? Jehovha ari kupindura minyengetero yedu munzira dzipi mazuva ano?
JEHOVHA ANGASAPINDURA NENZIRA YATINOTARISIRA
3. Nei Jehovha achida kuti tinyengetere kwaari?
3 Bhaibheri rinoita kuti tive nechokwadi chekuti Jehovha anotida zvikuru uye kuti tinokosha kwaari. (Hag. 2:7; 1 Joh. 4:10) Ndosaka achitiudza kuti tinyengetere kwaari tichikumbira kubatsirwa. (1 Pet. 5:6, 7) Anoda kutibatsira kuti tirambe tiri pedyo naye uye kuti titsungirire matambudziko atiri kusangana nawo.
4. Tinoziva sei kuti Jehovha anopindura minyengetero yevanamati vake? (Onawo mufananidzo.)
4 MuBhaibheri tinowanzoverenga kuti Jehovha akapindura minyengetero yevanamati vake. Pane muenzaniso waungafunga nezvawo here? Mumwe muenzaniso ndiMambo Dhavhidhi. Muupenyu hwake aiva nevavengi vakawanda vaigona kumuuraya, uye aiwanzonyengetera achikumbira kubatsirwa naJehovha. Pane imwe nguva akateterera achiti: “Haiwa Jehovha, inzwai munyengetero wangu; teererai kuteterera kwangu kuti ndibatsirwe. Ndipindurei mukutendeka kwenyu uye mukururama kwenyu.” (Pis. 143:1) Jehovha akapindura minyengetero yaDhavhidhi yekuti anunurwe. (1 Sam. 19:10, 18-20; 2 Sam. 5:17-25) Dhavhidhi aigona kutaura nechivimbo kuti: “Jehovha ari pedyo nevanhu vese vanodana kwaari.” Isuwo tinogona kuva nechivimbo ichocho.—Pis. 145:18.
5. Minyengetero yevanamati vaJehovha vekare yaigara ichipindurwa nenzira yavaitarisira here? Taura muenzaniso. (Onawo mufananidzo.)
5 Jehovha angasapindura minyengetero yedu nenzira yatinotarisira. Izvozvo ndizvo zvakaitika kumuapostora Pauro. Akakumbira Mwari kuti amubvisire “munzwa munyama.” Katatu, Pauro akanyengetera nezvedambudziko iri rainge rakaoma. Jehovha akapindura minyengetero iyoyo here? Hongu, asi kwete nenzira yaitarisirwa naPauro. Pane kubvisa dambudziko racho, Jehovha akamupa simba raaida rekuti arambe achimushumira akatendeka.—2 VaK. 12:7-10.
6. Dzimwe nguva, nei tingaona sekuti Jehovha haasi kupindura minyengetero yedu?
6 Isuwo dzimwe nguva tingapindurwa nenzira yakasiyana neyatinotarisira. Tinogona kuva nechokwadi chekuti Jehovha anoziva nzira yakanyatsonaka yekutibatsira nayo. “Anogona kuita zvinopfuura nekure kure zvese zvatinokumbira kana zvatingafungidzira.” (VaEf. 3:20) Nekuda kwechikonzero ichocho, mhinduro yake kuminyengetero yedu inogona kuuya panguva kana kuti nenzira yatisingatarisiri.
7. Nei tingafanira kuchinja zvatinonyengeterera? Taura muenzaniso.
7 Pamwe pacho tingafanira kuchinja zvatinonyengeterera patinowedzera kunzwisisa kuda kwaJehovha. Funga nezvaHama Martin Poetzinger. Vachangobva kuchata, Hama Poetzinger vakasungwa ndokuiswa mujeri reNazi. Pakutanga, vakakumbira Jehovha kuti aite kuti vabude mujeri kuitira kuti vakwanise kuchengeta mudzimai wavo uye kuenderera mberi nebasa rekuparidza. Asi pashure pemavhiki maviri, vakaona pasina chiratidzo chekuti Jehovha aizoita kuti vasunungurwe. Saka vakatanga kunyengetera vachiti: “Jehovha, ndiratidzeiwo zvamunoda kuti ndiite.” Vakabva vatanga kufunga zvaisangana nedzimwe hama dzaiva mujeri racho. Vakawanda vavo vainetseka nezvemadzimai avo nevana. Hama Poetzinger vakabva vanyengetera vachiti: “Jehovha, ndinokutendai nebasa rangu idzva. Ndibatsirei kuti ndisimbise uye ndikurudzire hama dzangu.” Vakaita makore 9 akatevera vari mumajeri akasiyana-siyana vachiita izvozvo chaizvo.
8. Ndechipi chinhu chinokosha chatinofanira kuyeuka patinenge tichinyengetera?
8 Tinofanira kuyeuka kuti Jehovha ane chinangwa uye achachizadzisa panguva yaakasarudza. Chinangwa chacho chinosanganisira kubvisa zvachose matambudziko ese ari kuita kuti vanhu vatambure mazuva ano, akadai senjodzi dzinongoitika dzega, kurwara, uye kufa. Jehovha achazadzisa chinangwa chake achishandisa Umambo hwake. (Dhan. 2:44; Zvak. 21:3, 4) Asi panguva ino, Jehovha ari kubvumira kuti Satani atonge nyika. b (Joh. 12:31; Zvak. 12:9) Kudai Jehovha aizogadzirisa matambudziko evanhu iye zvino, zvaizoita sekuti kutonga kwaSatani kuri kubudirira. Kunyange zvazvo tichifanira kumirira Jehovha kuti azadzise dzimwe vimbiso, izvi hazvirevi kuti haatibatsiri. Ngationei dzimwe nzira dzinoshandiswa naJehovha pakutibatsira.
JEHOVHA ANOPINDURA SEI MINYENGETERO YEDU MAZUVA ANO?
9. Jehovha anotibatsira sei patinenge tichida kuita zvisarudzo? Taura muenzaniso.
9 Anotipa uchenjeri. Jehovha anovimbisa kutipa uchenjeri hwatinoda kuti tiite zvisarudzo zvakanaka. Tinonyanya kuda uchenjeri hwaMwari patinoita zvisarudzo zvinochinja upenyu hwedu hwese, zvakadai sekuroora kana kuroorwa. (Jak. 1:5) Funga zvakaitika kune imwe hanzvadzi isina kuroorwa inonzi Maria. c Aishumira achifara sapiyona wenguva dzese paakaonana neimwe hama. Anoti: “Kuwedzera kwaiita ushamwari hwedu, ndiko kwaiitawo manzwiro ataiva nawo kune mumwe nemumwe. Ndaiziva kuti ndaifanira kuita chisarudzo chakanaka. Ndakanyengetera kwenguva yakareba uye zvakadzama nezvenyaya yacho. Ndaida kutungamirirwa naJehovha, asiwo ndaiziva kuti Jehovha aisazondiitira chisarudzo.” Maria anoona sekuti Jehovha akapindura minyengetero yake yekukumbira uchenjeri. Sei achidaro? Paakatsvakurudza mumabhuku edu, akawana nyaya dzakamubatsira kupindura mibvunzo yake. Akateererawo zano reuchenjeri raakapiwa naamai vake. Zano iroro rakabatsira Maria kuti aongorore manzwiro ake. Saka akazokwanisa kuita chisarudzo chekuchenjera.
10. Maererano naVaFiripi 4:13, Jehovha achaitei kuti abatsire vanamati vake? Taura muenzaniso. (Onawo mufananidzo.)
10 Anotipa simba rekutsungirira. Sezvaakaita kune muapostora Pauro, Jehovha achatipawo simba rekuti titsungirire matambudziko edu. (Verenga VaFiripi 4:13.) Ona kuti Jehovha akabatsira sei hama inonzi Benjamin kuti itsungirire matambudziko. Kwemakore akawanda paaiva mudiki, Benjamin nemhuri yake vaigara munzvimbo dzinogara vapoteri muAfrica. Benjamin anoti: “Ndaigara ndichinyengetera kuna Jehovha ndichimukumbira kuti andipe simba rekuita zvinhu zvinomufadza. Jehovha akapindura minyengetero yangu nekundipa rugare rwemupfungwa, ushingi hwekuti ndirambe ndichiparidza, uye mabhuku aindibatsira kuramba ndakasimba pakunamata.” Anoenderera mberi achiti: “Kuverenga zvakaitika kune zvimwe Zvapupu uye kudzidza kuti Jehovha akavabatsira sei kuti vatsungirire, kwakasimbisa chido changu chekuramba ndakatendeka.”
11-12. Jehovha angasarudza sei kushandisa hama nehanzvadzi dzedu kuti apindure minyengetero yedu? (Onawo mufananidzo.)
11 Anoshandisa hama nehanzvadzi dzedu. Usiku hwekupedzisira asati apa upenyu hwake sechibayiro, Jesu akanyengetera nemwoyo wese. Akakumbira Jehovha kuti asarega vanhu vachimuona semunhu anomhura. Pane kuti Jehovha aite izvozvo, akabatsira Jesu nekutuma ngirozi kuti imusimbise. (Ruka 22:42, 43) Jehovha anogona kutibatsirawo achishandisa hama nehanzvadzi dzedu kuti dzitifonere dzichitikurudzira kana kuti dzitishanyire. Tese tinogona kutsvaga mikana yekuudza vatinonamata navo “shoko rakanaka.”—Zvir. 12:25.
12 Funga zvakaitika kuhanzvadzi inonzi Miriam. Mavhiki mashomanana pashure pekufa kwemurume wake, Miriam aiva pamba ari ega achinzwa asina tariro uye akaora mwoyo. Aichema zvisingaiti uye aida mumwe munhu wekutaura naye. Anoti: “Ndaisava nesimba rekufonera chero ani zvake, saka ndakanyengetera kuna Jehovha. Pandakanga ndichiri kuchema uye ndichinyengetera, foni yangu yakarira. Aiva mumwe mukuru uyo aiva shamwari yepedyo.” Miriam akanyaradzwa nemukuru iyeye nemudzimai wake. Ane chokwadi chekuti Jehovha akaita kuti hama iyi ifone.
13. Taura muenzaniso unoratidza kuti Jehovha anogona kushandisa vaya vasingamunamati kuti apindure minyengetero yedu.
13 Anogona kushandisa vanhu vasingamunamati. (Zvir. 21:1) Dzimwe nguva Jehovha anopindura minyengetero yevanhu vake nekuita kuti vanhu vasingatendi vavabatsire. Semuenzaniso, akaita kuti Mambo Atashasta abvumire Nehemiya kudzokera kuJerusarema kuti anobatsira pakuvakazve guta racho. (Neh. 2:3-6) Mazuva ano Jehovha anogonawo kuita kuti kunyange vaya vasingamunamati vatibatsire patinenge tichida rubatsiro.
14. Chii chawafarira pane zvakaitika kuna Soo Hing? (Onawo mufananidzo.)
14 Hanzvadzi inonzi Soo Hing inonzwa sekuti Jehovha akaibatsira achishandisa chiremba wayo. Mwanakomana wayo ane matambudziko akati kuti eutano hwepfungwa. Paakaita tsaona yakakura chaizvo, Soo Hing nemurume wake vakasiya basa kuti vamuchengete. Izvi zvakaita kuti vave nedambudziko remari. Soo Hing anoti akanzwa sekuti akanga asingachakwanisi kutsungirira. Akadurura mwoyo wake kuna Jehovha achimukumbira rubatsiro. Chiremba airapa mwanakomana wavo akatsvaga nzira yekuvabatsira nayo. Izvi zvakaita kuti vawane rubatsiro rwehurumende uye pekugara pasingadhuri. Pave paya, Soo Hing akati: “Takaona ruoko rwaJehovha panyaya iyi. Zvechokwadi, iye ndiye ‘Munzwi wemunyengetero.’”—Pis. 65:2.
ZVINODA KUTENDA KUTI TITSVAGE UYE TIGAMUCHIRE MHINDURO YAJEHOVHA
15. Chii chakabatsira imwe hanzvadzi kuti ione kuti minyengetero yayo yakanga ichipindurwa?
15 Minyengetero yedu haiwanzopindurwi nenzira dzinoshamisa. Asi mhinduro dzatinowana ndidzo chaidzo dzatinenge tichida kuti tirambe takavimbika kuna Baba vedu vekudenga. Saka gara uchitsvaga mhinduro dzeminyengetero yako. Hanzvadzi inonzi Yoko yainzwa sekuti Jehovha akanga asiri kupindura minyengetero yayo, asi yakabva yatanga kunyora pasi zvayainge yakumbira Jehovha. Papera kanguva, Yoko akatarisa mubhuku rake ndokuona kuti Jehovha akanga apindura minyengetero yake yakawanda, kunyange mimwe yaakanga akanganwa. Zvakanaka kuti tipote tichiwana nguva yekufunga kuti Jehovha ari kupindura sei minyengetero yedu.—Pis. 66:19, 20.
16. Tingaratidza sei kutenda panyaya yekunyengetera? (VaHebheru 11:6)
16 Tinoratidza kutenda patinonyengetera kuna Jehovha uyewo patinogamuchira mhinduro yake pasinei nekuti inouya yakaita sei. (Verenga VaHebheru 11:6.) Funga zvakaitika kuna Mike nemudzimai wake, Chrissy. Vaiva nechinangwa chekushumira paBheteri. Mike anoti: “Kwemakore akawanda tainyorera kuti tinoshanda paBheteri uye takanyengetera tanyengeterazve kuna Jehovha nezvechinangwa ichi, asi hatina kumbobvira takokwa.” Mike naChrissy vakaramba vaine chivimbo chekuti Jehovha aiziva kuti angavashandisa sei zvakanyatsonaka mubasa rake. Vakaramba vachiita zvese zvavaigona, vachishumira semapiyona enguva dzese kwaidiwa vaparidzi vakawanda uye vachitsigira mabasa ekuvaka zvivakwa zvesangano. Iye zvino vari mubasa redunhu. Mike anoti: “Hapasi pese panopindurwa minyengetero yedu nenzira yatinotarisira, asi Jehovha anoipindura nenzira dzakatonaka kupfuura dzatinofungidzira.”
17-18. Maererano naPisarema 86:6, 7, chii chatinogona kuva nechokwadi nacho?
17 Verenga Pisarema 86:6, 7. Munyori wemapisarema Dhavhidhi aiva nechokwadi chekuti Jehovha ainzwa uye aipindura minyengetero yake. Unogona kuvawo nechivimbo chakadaro. Mienzaniso yatakurukura munyaya ino inoita kuti tive nechokwadi chekuti Jehovha anogona kutipa uchenjeri nesimba ratinoda kuti titsungirire. Anogona kushandisa hama nehanzvadzi dzedu kunyange vaya vasingamunamati panguva ino kuti atibatsire nedzimwe nzira.
18 Kunyange zvazvo Jehovha asingagari achipindura minyengetero yedu nenzira yatinotarisira, tinoziva kuti achaipindura. Achatipa zvatinoda chaizvo uye panguva chaiyo yatinozvida. Saka ramba uchinyengetera uine kutenda, uine chivimbo chekuti Jehovha achakuchengeta iye zvino, uye kuti ‘achagutsa zvido zvezvinhu zvese zvipenyu’ munyika itsva iri kuuya.—Pis. 145:16.
RWIYO 46 Tinokutendai, Jehovha
a Jehovha anotivimbisa kuti achapindura minyengetero yedu kana ichienderana nekuda kwake. Patinenge tiri mumatambudziko, tinogona kuva nechivimbo chekuti achatibatsira kuti tirambe takatendeka kwaari. Ngationei kuti Jehovha anopindura sei minyengetero yedu.
b Kuti uone kuti nei Jehovha achibvumira Satani kuti atonge nyika, ona nyaya inoti “Ramba Wakaisa Pfungwa Dzako Panyaya Inokosha,” iri muNharireyomurindi yaJune 2017.
c Mamwe mazita akachinjwa.
d KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Amai nemwanasikana wavo vasvika mune imwe nyika vari vapoteri. Hama nehanzvadzi dzavo dzinovagamuchira nemaoko maviri uye dzinovabatsira.