Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 20

Kuvandudza Minyengetero Yedu

Kuvandudza Minyengetero Yedu

“Dururai mwoyo yenyu pamberi pake.”—PIS. 62:8.

RWIYO 45 Kufungisisa Kwemwoyo Wangu

ZVICHADZIDZWA a

Tinogona kunyengetera kuna Jehovha nguva dzese tichimukumbira kuti atitungamirire pane zvese zvatinoita muupenyu hwedu (Ona ndima 1)

1. Jehovha anoudza vanamati vake kuti vaitei? (Onawo mufananidzo.)

 TINGAENDA kuna ani kana tichida kunyaradzwa kana kutungamirirwa? Tinoziva mhinduro yemubvunzo iwoyo. Tinogona kunyengetera kuna Jehovha Mwari. Jehovha anotiudza kuti tiite izvozvo. Anoda kuti ‘tirambe tichinyengetera.’ (1 VaT. 5:17) Tinogona kunyengetera kwaari tichimukumbira kuti atitungamirire pane zvese zvatinoita muupenyu hwedu. (Zvir. 3:5, 6) Sezvo ari Mwari anopa zvikuru, Jehovha haana kuisa miganhu panyaya yekuwanda kweminyengetero yatinogona kupa.

2. Tichakurukurei munyaya ino?

2 Tinokoshesa chipo chekunyengetera. Asi sezvo tiine zvakawanda zvekuita, zvingatiomera kuti tiwane nguva yekunyengetera. Uyewo tinganzwa sekuti tinofanira kuvandudza minyengetero yedu. Tinoonga chaizvo kuti muBhaibheri tinowana mashoko anotikurudzira uye anotitungamirira. Munyaya ino tichakurukura kuti tinodzidzei pana Jesu nezvekuwana nguva yekunyengetera. Tichakurukurawo zvatingaita kuti tivandudze minyengetero yedu kuburikidza nekutaura nezvezvinhu zvishanu zvinokosha.

JESU AIWANA NGUVA YEKUNYENGETERA

3. Jesu ainzwisisei nezvekunyengetera?

3 Jesu ainzwisisa kuti Jehovha anokoshesa chaizvo minyengetero. Asati auya panyika, akaona Baba vake vachipindura minyengetero yevarume nevakadzi vakatendeka. Semuenzaniso, Jesu aiva padivi paBaba vake pavakapindura minyengetero yaibva pamwoyo yaHana, Dhavhidhi, Eriya, uye vamwe vashumiri vakatendeka. (1 Sam. 1:10, 11, 20; 1 Madz. 19:4-6; Pis. 32:5) Ndosaka Jesu akadzidzisa vadzidzi vake kuti vanyengetere kakawanda uye vaine chivimbo chekuti vachanzwiwa.—Mat. 7:7-11.

4. Tinodzidzei paminyengetero yaJesu?

4 Jesu paainyengetera kuna Jehovha, akaratidza vadzidzi vake muenzaniso wekutevedzera. Paaiita ushumiri hwake, Jesu akanyengetera kakawanda. Aitofanira kutsvaga nguva yekunyengetera nekuti kazhinji kacho ainge akabatikana uye vanhu vakawanda vaigara vachiuya kwaari. (Mako 6:31, 45, 46) Aimuka mangwanani-ngwanani kuitira kuti awane nguva yekuva ega kuti anyengetere. (Mako 1:35) Pane imwe nguva, akanyengetera usiku hwese asati aita chisarudzo chinokosha. (Ruka 6:12, 13) Uye Jesu akanyengetera kakawanda usiku hwekupedzisira asati afa paaifunga nezvekupedza chikamu chainge chakanyanya kuoma chebasa rake repanyika.—Mat. 26:39, 42, 44.

5. Tingatevedzera sei Jesu patinonyengetera?

5 Zvaiitwa naJesu zvinotidzidzisa kuti pasinei nekuti takabatikana zvakadii, tinofanira kutsvaga nguva yekunyengetera. Kufanana naJesu, tingafanira kuronga nguva yekunyengetera. Kuti tiite izvi tinogona kuti kasikei kumuka kana kuti nonokei kurara. Patinoita izvozvo, tinoratidza Jehovha kuti tinoonga chipo ichi chinokosha. Hanzvadzi inonzi Lynne inoyeuka kubayiwa mwoyo kwayakaitwa payakatanga kuziva nezveropafadzo yekunyengetera. Inoti, “Pandakaziva kuti ndaigona kutaura naJehovha chero nguva, zvakandibatsira kuti ndimuone seShamwari yangu yepedyo uye ndide kuvandudza minyengetero yangu.” Vakawanda vedu tinonzwa saizvozvo. Ngatikurukurei zvinhu zvishanu zvinokosha zvatinogona kutaura nezvazvo muminyengetero yedu.

ZVINHU ZVISHANU ZVINOKOSHA ZVEKUNYENGETERA NEZVAZVO

6. Maererano naZvakazarurwa 4:10, 11, Jehovha akakodzera kugamuchirei?

6 Rumbidza Jehovha. Pane zvaakaratidzwa, muapostora Johani akaona vakuru 24 vari kudenga vachinamata Jehovha. Vakarumbidza Mwari, uye vakati akakodzera kuti agamuchire “kukudzwa nekuremekedzwa nesimba.” (Verenga Zvakazarurwa 4:10, 11.) Ngirozi dzakatendeka dzinewo zvikonzero zvakawanda zvekurumbidza uye kukudza Jehovha. Dziri kudenga pamwe chete naye uye dzakasvika pakunyatsomuziva. Dzinoona unhu hwake huchiratidzwa pane zvaanoita. Padzinoona Jehovha achishanda, dzinobva dzamurumbidza.—Job. 38:4-7.

7. Tinogona kurumbidza Jehovha nezvei?

7 Tinofanirawo kurumbidza Jehovha patinonyengetera. Tinoita izvozvo nekumuudza zvinhu zvinoita kuti timude uye zvatinoyemura paari. Paunoverenga uye kudzidza Bhaibheri, edza kuona unhu hunoratidzwa naJehovha kunyanya huya hunokubaya mwoyo. (Job. 37:23; VaR. 11:33) Chibva waudza Jehovha kuti unonzwa sei nezveunhu ihwohwo. Tinogonawo kurumbidza Jehovha nezvaakatiitira uye zvaanoitira vashumiri vake vese. Anogara achitichengeta uye achitidzivirira.—1 Sam. 1:27; 2:1, 2.

8. Ndezvipi zvimwe zvezvikonzero zvakawanda zvekuti titende Jehovha? (1 VaTesaronika 5:18)

8 Tenda Jehovha. Tine zvikonzero zvakawanda zvekutenda Jehovha patinonyengetera. (Verenga 1 VaTesaronika 5:18.) Tinogona kumutenda nekuda kwechero chii zvacho chakanaka chatiinacho, nekuti zvipo zvese zvakanaka zvinobva kwaari. (Jak. 1:17) Semuenzaniso, tinogona kutaura kuonga kwatinoita kunaka kwakaita nyika uye zvinhu zvinoshamisa zvaakasika. Tinogonawo kutaura kuonga kwatinoita upenyu hwedu, mhuri yedu, shamwari dzedu, uye tariro yedu. Uye tinoda kutenda Jehovha nekutibvumira kuti tive neushamwari hunokosha naye.

9. Nei tingafanira kushanda nesimba kuti tionge Jehovha?

9 Tingafanira kushanda nesimba kuti tifunge nezvezvikonzero zvatiinazvo zvekuti titende Jehovha. Tiri kurarama munyika ine vanhu vakawanda vasingatendi. Vanhu vanowanzoisa pfungwa pazvinhu zvavanoda pane kuti vadziise pane zvavanogona kuita kuti varatidze kuti vanoonga zvavainazvo. Kana tikava nemafungiro akadaro, minyengetero yedu inogona kungova yekukumbira chete. Kuti izvozvo zvisaitika, tinofanira kuramba tichishanda nesimba kuti tive vanhu vanoonga zvese zvatinoitirwa naJehovha uye timuudze nezvazvo.—Ruka 6:45.

Kugara tichitenda Jehovha nezvaakatiitira kunogona kutibatsira kutsungirira (Ona ndima 10)

10. Kuva munhu anoonga kwakabatsira sei imwe hanzvadzi kuti itsungirire? (Onawo mufananidzo.)

10 Kuva vanhu vanoonga kunogona kutibatsira kuti titsungirire matambudziko. Funga nezvenyaya yaKyung-sook, inowanika muNharireyomurindi yaJanuary 15, 2015. Akabatwa chirwere chekenza yemumapapu. Anoti, “Chirwere ichi chaiita kuti ndiore mwoyo zvikuru. Ndainzwa sekuti ndakanga ndarasikirwa nezvinhu zvese, uye ndaitya chaizvo.” Chii chakamubatsira kutsungirira? Anoti manheru ega ega asati arara, aienda pamusoro pemba onyengetera zvinonzwika nezvezvinhu zvishanu zvaaionga zuva iroro. Izvi zvaiita kuti asanyanye kuzvidya mwoyo uye zvaiita kuti ataure nezvekuda kwaaiita Jehovha. Akaona kutsigira kunoita Jehovha vashumiri vake vakatendeka pavanenge vari mumatambudziko, uye akasvika pakuona kuti muupenyu hwedu mune makomborero akawanda kupfuura matambudziko. Kufanana naKyung-sook, tine zvikonzero zvakawanda zvekuti titende Jehovha, kunyange patinenge tiri mudambudziko. Kunyengetera tichionga Jehovha nezvaanotiitira kunogona kutibatsira kuti titsungirire uye tirambe takadzikama.

11. Nei vadzidzi vaJesu vaifanira kuva neushingi pashure pekunge Jesu adzokera kudenga?

11 Kumbira Jehovha kuti akupe ushingi muushumiri. Asati adzokera kudenga, Jesu akayeuchidza vadzidzi vake nezvebasa ravo rekupupura nezvake “muJerusarema, muJudhiya mese nemuSamariya, uye kusvikira kunzvimbo dziri kure dzenyika.” (Mab. 1:8; Ruka 24:46-48) Pashure penguva pfupi, vatungamiriri vechiJudha vakasunga muapostora Petro nemuapostora Johani ndokuvaendesa pamberi peSanihedrini. Vakaudza varume ava vakatendeka kuti varege kuparidza, uye vakatovatyisidzira. (Mab. 4:18, 21) Petro naJohani vakaita sei?

12. Maererano naMabasa 4:29, 31, vadzidzi vakaitei?

12 Vachipindura kutyisidzirwa kwavainge vaitwa nevatungamiriri vechitendero chechiJudha, Petro naJohani vakati: “Kana muchifunga kuti zvakarurama pamberi paMwari kuti titeerere imi panzvimbo paMwari, zviri kwamuri. Asi kana tiri isu, hatingaregi kutaura pamusoro pezvinhu zvatakaona nezvatakanzwa.” (Mab. 4:19, 20) Petro naJohani pavakasunungurwa, vadzidzi vakanyengetera kuna Jehovha vachitaura nezvekuita kuda kwake. Vakanyengetera vachiti: “Muite kuti varanda venyu varambe vachitaura shoko renyu neushingi.” Jehovha akapindura munyengetero iwoyo waibva pamwoyo.—Verenga Mabasa 4:29, 31.

13. Tinogona kudzidzei pamuenzaniso waJin-hyuk?

13 Tinogona kutevedzera vadzidzi vaJesu nekuramba tichiparidza kunyange hurumende ikarayira kuti tirege kuparidza. Funga nezvemuenzaniso waJin-hyuk, hama yakasungwa nekuti yakaramba kupinda muchiuto. Paaiva mujeri, akapiwa basa rekuona nezvevamwe vasungwa vainge vakavharirwa mavo vega, asi aisabvumidzwa kutaura navo nezvechimwe chinhu chisinei nebasa iroro, kusanganisira Bhaibheri. Akanyengeterera ushingi uye unyanzvi hwekutaura chokwadi pese paaiwana mukana. (Mab. 5:29) Anoti: “Jehovha akapindura minyengetero yangu nekundipa ushingi uye uchenjeri hwekutanga zvidzidzo zveBhaibheri zvakawanda zvandaiitisa kwemaminitsi mashanu pasero rega rega. Usiku ndaibva ndanyora tsamba dzandaizopa vasungwa mangwana acho.” Isuwo tinogona kuva nechivimbo chekuti Jehovha achatibatsira kuti tiite ushumiri hwedu. Sezvakaitwa naJin-hyuk, tinogona kunyengetera tichikumbira ushingi neuchenjeri.

14. Chii chingatibatsira patinenge tiri mumatambudziko? (Pisarema 37:3, 5)

14 Kumbira Jehovha kuti akubatsire kutsungirira matambudziko. Vakawanda vedu tiri kutambura pamusana pekurwara kana kuti zvimwe zvinhu zvinotishungurudza, zvakadai sekufirwa, matambudziko emhuri, kutambudzwa, kana kuti mamwewo matambudziko. Uye zvinhu zvakadai sezvirwere zvinopararira uye hondo zvakaita kuti matambudziko akadai awedzere kuoma. Durura mwoyo wako kuna Jehovha. Muudze nezvedambudziko rako sekuudza kwawaizoita shamwari yepedyo. Iva nechokwadi chekuti Jehovha “achagadzirisa zvinhu.”—Verenga Pisarema 37:3, 5.

15. Kunyengetera kunogona kutibatsira sei kuti ‘titsungirire pakutambudzika’? Taura muenzaniso.

15 Kuramba tichinyengetera kuchatibatsira kuti ‘titsungirire pakutambudzika.’ (VaR. 12:12) Jehovha anoziva zviri kusangana nevanamati vake. “Anonzwa kuchemera kwavo kubatsirwa.” (Pis. 145:18, 19) Mumwe piyona ane makore 29 anonzi Kristie, akaona kuti ichocho ichokwadi. Akaerekana ava nematambudziko akakura eutano. Izvi zvakaita kuti aore mwoyo chaizvo. Pava paya, amai vake vakabatwa chirwere chaigona kuvauraya. Kristie anoti: “Ndakanyengetera nemwoyo wese kuna Jehovha kuti andipe simba rekuti nditsungirire zuva rimwe nerimwe. Ndakaedza kuramba ndichiita zvinhu zvekunamata zvakadai sekupinda misangano uye kudzidza ndiri ndega.” Anowedzera kuti: “Kunyengetera kwakandibatsira kuti nditsungirire nguva dzakaoma. Ndaiziva kuti Jehovha ainge aripo nguva dzese uye izvozvo zvaindinyaradza zvikuru. Kunyange zvazvo matambudziko angu eutano asina kubva angopera, Jehovha aipindura minyengetero yangu nekuita kuti ndive nerugare uye mwoyo wakadzikama.” Ngatisambokanganwa kuti “Jehovha anoziva nzira yekununura nayo mumuedzo vanhu vakazvipira kwaari.”—2 Pet. 2:9.

Kuti urwise muedzo, (1) nyengeterera kubatsirwa naJehovha, (2) ita zvinoenderana neminyengetero yako, uye (3) simbisa ushamwari hwako naJehovha (Ona ndima 16-17)

16. Nei tichida kubatsirwa naJehovha kuti tirwise muedzo?

16 Kumbira Jehovha kuti akubatsire kurwisa muedzo. Sezvo tiri vanhu vane chivi, tinogara tichirwisa miedzo yekuita zvakaipa. Satani ari kuita zvese zvaanogona kuti zvitiomere kuti tiirwise. Chimwe chinhu chaanoedza kuita kuti akanganise mafungiro edu kushandisa varaidzo isina kuchena. Varaidzo yakadaro inogona kuita kuti pfungwa dzedu dzizare nemafungiro asina kuchena, ayo anoita kuti tive vanhu vasina kuchena kuna Jehovha uye mafungiro iwayo anogona kutungamirira kuchivi chakakura.—Mako 7:21-23; Jak. 1:14, 15.

17. Pashure pekunyengetera tichikumbira kubatsirwa, tinofanira kuitei kuti tisapinda mumuedzo? (Onawo mufananidzo.)

17 Tinoda kubatsirwa naJehovha kuti tikurire muedzo wekuita zvakaipa. Jesu akataura nezvechikumbiro chinotevera mumunyengetero wemuenzaniso. Akati: “Musatipinza mumuedzo, asi tinunurei pane akaipa.” (Mat. 6:13) Jehovha anoda kutibatsira, asi tinofanira kumukumbira kuti atibatsire. Tinofanirawo kuita zvinoenderana neminyengetero yedu. Tinogona kutora matanho ekuti tideredze mikana yekuva nemafungiro akaipa anofarirwa nevakawanda munyika yaSatani. (Pis. 97:10) Tinogona kuita kuti pfungwa dzedu dzive nezvinhu zvakanaka kana tikaverenga uye kudzidza Bhaibheri. Kupinda misangano uye kuita ushumiri kuchachengetedzawo mafungiro edu. Uye Jehovha anotovimbisa kuti haazotiregi tichiedzwa kupfuura zvatinogona kutsungirira.—1 VaK. 10:12, 13.

18. Panyaya yekunyengetera, tese tinofanira kuitei?

18 Mumwe nemumwe wedu anofanira kuwedzera kunyengetera kuitira kuti tirambe takatendeka kuna Jehovha mumazuva ano akaoma ekupedzisira. Zuva rega rega, iva nenguva yekunyengetera nemwoyo wese. Jehovha anoda kuti patinonyengetera ‘tidurure mwoyo yedu pamberi pake.’ (Pis. 62:8) Rumbidza Jehovha uye mutende nekuda kwezvese zvaanoita. Mukumbire kuti akubatsire kuva neushingi muushumiri. Mukumbirewo kuti akubatsire kutsungirira chero dambudziko uye kuti urwise chero muedzo waungadaro uri kutarisana nawo. Usarega chero chii zvacho kana ani zvake achikutadzisa kugara uchinyengetera kuna Jehovha. Asi Jehovha anopindura sei minyengetero yedu? Tichakurukura mubvunzo iwoyo unokosha munyaya inotevera.

RWIYO 42 Munyengetero Wemushumiri waMwari

a Tinoda kuti minyengetero yedu iite setsamba dzatinonyorera shamwari yepedyo. Asi hapasi pese pazviri nyore kuti tiwane nguva yekunyengetera. Uyewo zvinogona kuoma kuti tizive zvekunyengetera nezvazvo. Nyaya ino ichataura nezvezvinhu zviviri izvi zvinokosha.