Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 22

Ramba Uchifamba ‘muNzira yeUtsvene’

Ramba Uchifamba ‘muNzira yeUtsvene’

“Pachava nemugwagwa mukuru, . . . Nzira yeUtsvene.”—ISA. 35:8.

RWIYO 31 Famba naMwari!

ZVICHADZIDZWA a

1-2. Chisarudzo chipi chinokosha chaifanira kuitwa nevaJudha vaigara muBhabhironi? (Ezra 1:2-4)

 SHOKO rakanga raziviswa. VaJudha avo vainge vava nemakore anenge 70 vari nhapwa muBhabhironi vakanga vava nerusununguko rwekudzokera kunyika yavo yeIsraeri. (Verenga Ezra 1:2-4.) Jehovha chete ndiye aigona kuita kuti izvi zviitike. Nei tingataura kudaro? Bhabhironi yaisawanzosunungura nhapwa dzayo. (Isa. 14: 4, 17) Asi yakanga yakundwa, uye mambo mutsva akanga audza vaJudha kuti vaigona kubuda munyika yacho. Saka muJudha mumwe nemumwe, kunyanya misoro yemhuri, aifanira kuita chisarudzo chekuti obuda muBhabhironi here kana kuti oramba arimo. Chisarudzo ichocho chaigona kunge chisiri nyore kuita. Nei zvakadaro?

2 Vamwe vainge vakura zvekuti zvaizovaomera kuita rwendo rwacho. Uye sezvo vaJudha vakawanda vakanga vaberekerwa muBhabhironi, ndiyo chete nyika yavaiziva. Kwavari, Israeri yaiva nyika yemadzitateguru avo. Kunenge kuti vamwe vaJudha vakanga vabudirira chaizvo muBhabhironi, saka vanogona kunge vakaomerwa kusiya dzimba dzakanaka kana kuti mabhizinesi avo vonogara munyika yavasina kujaira.

3. Chikomborero chipi chaizowanikwa nevaJudha vakatendeka vaizodzokera kuIsraeri?

3 VaJudha vakatendeka, vaiziva kuti makomborero ekudzokera kuIsraeri aipfuura nekure chero chii zvacho chavaizosiya. Chikomborero chakanyanya kukura chaiva nechekuita nekunamata kwavo. Kunyange zvazvo muBhabhironi maiva netemberi dzechihedheni dzinopfuura 50, muguta iroro maisava netemberi yaJehovha. Mainge musina atari yaigona kushandiswa nevaIsraeri pakupa zvibayiro zvaidiwa neMutemo waMozisi, uye mainge musina vapristi vaigona kupa zvibayiro izvozvo. Kuwedzera pane izvozvo, vanhu vaJehovha vaiva vashoma chaizvo kana vachienzaniswa nevarume nevakadzi vechihedheni vaisaremekedza Jehovha kana mitemo yake. Saka zviuru zvevaJudha vaitya Mwari zvaitarisira kudzokera kunyika yavo kwavaigona kudzorera kunamata kwakachena.

4. Jehovha akavimbisa kuti aizobatsira sei vaJudha vaidzokera kuIsraeri?

4 Rwendo rwekubva kuBhabhironi kuenda kuIsraeri rwainge rwakaoma, uye rwaigona kuita mwedzi mina. Asi Jehovha akavimbisa kuti aizobvisa chero chii zvacho chaigona kuvatadzisa kudzokera. Isaya akanyora kuti: “Vhurai nzira yaJehovha! Gadzirirai Mwari wedu mugwagwa mukuru wakati twasu unopfuura nemugwenga. . . . Nyika isina kuenzana inofanira kuti sandara, uye nzvimbo isina kuenzana ngaive bani.” (Isa. 40:3, 4) Chimbofungidzira mugwagwa unopfuura nemugwenga, munharaunda yakati sandara iri pakati pemakomo. Ichocho chinofanira kunge chaiva chikomborero chaicho kuvanhu vaifamba! Zvaizova nyore chaizvo kwavari kuti vafambe mumugwagwa wakati twasu pane kufamba vachikwira makomo uye vachidzika mumipata. Vaizokasikawo kusvika.

5. Mugwagwa wekufananidzira waibva kuBhabhironi uchienda kuIsraeri wakapiwa zita rekutii?

5 Mazuva ano, migwagwa yakawanda inoshevedzwa nezita kana kuti nenhamba. Mugwagwa wekufananidzira wakanyorwa nezvawo naIsaya waivawo nezita. Tinoverenga kuti: “Pachava nemugwagwa mukuru, iyo nzira inonzi Nzira yeUtsvene. Munhu asina kuchena haazofambi nayo.” (Isa. 35:8) Vimbiso iyi yairevei kuvaIsraeri vakararama panguva iyoyo? Uye inorevei kwatiri mazuva ano?

“NZIRA YEUTSVENE” PANGUVA YEVAISRAERI UYE MAZUVA ANO

6. Nei mugwagwa uyu wainzi mutsvene?

6 Zita rakapiwa mugwagwa uyu rekuti “Nzira yeUtsvene” rakazonaka chaizvo! Nei mugwagwa uyu wakanzi mutsvene? “Munhu asina kuchena,” kureva chero muJudha upi zvake aiita unzenza, kunamata zvidhori kana kuita zvimwe zvivi zvakakura aisabvumirwa pakati pevaIsraeri. VaJudha vaidzokera kunyika yavo vaifanira kuva “rudzi rutsvene” kuna Mwari wavo. (Dheut. 7:6) Asi izvi zvaisareva kuti vaya vaibuda muBhabhironi havana zvavaifanira kuchinja kuitira kuti vafadze Jehovha.

7. Zvinhu zvipi zvaifanira kuchinjwa nevamwe vaJudha? Taura muenzaniso.

7 Sezvambotaurwa, vaJudha vakawanda vakaberekerwa muBhabhironi uye kunenge kuti vakawanda vainge vajairana nemafungiro uye maitiro evaBhabhironi. Makumi emakore pashure pekunge vaJudha vekutanga vadzokera kuIsraeri, Ezra akaona kuti vamwe vaJudha vakanga varoora vakadzi vechihedheni. (Eks. 34:15, 16; Ezra 9:1, 2) Pave paya, Gavhuna Nehemiya akashamiswa paakaona kuti vana vainge vaberekerwa muIsraeri vakanga vasina kutombodzidza mutauro wevaJudha. (Dheut. 6:6, 7; Neh. 13:23, 24) Vana ivavo vaizodzidza sei kuda Jehovha uye kumunamata kana vaisakwanisa kunzwisisa chiHebheru, mutauro mukuru wainge washandiswa pakunyora Shoko raMwari? (Ezra 10:3, 44) Saka vaJudha ivavo vaiva nezvinhu zvakakura zvavaifanira kuchinja. Asi zvainge zviri nyore kwavari kuti vachinje zvinhu izvozvo muIsraeri umo maidzorerwa kunamata kwechokwadi zvishoma nezvishoma.—Neh. 8:8, 9.

Kubva muna 1919 C.E., mamiriyoni evarume, vakadzi nevana akabuda muBhabhironi Guru, akatanga kufamba ‘muNzira yeUtsvene’ (Ona ndima 8)

8. Zvakaitika kare kare zvine zvazvinoreva here kwatiri mazuva ano? (Ona mufananidzo uri pakavha.)

8 Vamwe vangabvunza kuti, ‘Zvakaitika kuvaJudha kare kare ikako zvine zvazvinoreva here kwatiri mazuva ano?’ Hongu zvine chekuita nesu nekuti zvatiri kuita zvinogona kufananidzwa nekufamba ‘muNzira yeUtsvene.’ Tingava vakazodzwa kana kuti ‘vemamwe makwai,’ tinofanira kuramba tiri ‘muNzira yeUtsvene’ iyo inopfuura nemuparadhiso yemweya yakananga kumakomborero achaunzwa neUmambo. b (Joh. 10:16) Kubva muna 1919 C.E., mamiriyoni evarume, vakadzi nevana, akasiya Bhabhironi Guru kureva zvitendero zvese zvenhema, uye akatanga kufamba mumugwagwa iwoyo wekufananidzira. Unogona kunge uri mumwe wavo. Kunyange zvazvo mugwagwa wacho wakavhurwa anenge makore 100 apfuura, basa rekuugadzira rakanga ratanga mazana emakore ainge apfuura.

KUGADZIRA MUGWAGWA

9. Maererano naIsaya 57:14, basa rekugadzira “Nzira yeUtsvene” rakaitwa sei?

9 Kuti vaJudha vaibuda muBhabhironi vafambe zvakanaka Jehovha akaita kuti zvinopiringisha zvibviswe. (Verenga Isaya 57:14.) Zvakadii ‘neNzira yeUtsvene’ yemazuva ano? Kwemazana emakore 1919 asati asvika, Jehovha akashandisa varume vaitya Mwari kuti vabatsire pakuvhura nzira kuti vanhu vabude muBhabhironi Guru. (Enzanisa naIsaya 40:3.) Vakaita basa rekugadzira nzira iyi kuitira kuti vanhu vane mwoyo yakanaka vakwanise kubuda muBhabhironi Guru vopinda muparadhiso yemweya makadzorerwa kunamatwa kwakachena kwaJehovha. Basa iri rekugadzira mugwagwa raisanganisirei? Funga zvimwe zvakaitwa pabasa iri.

Kwemazana emakore, varume vaitya Mwari vakabatsira pakuvhura nzira yekuti vanhu vabude muBhabhironi Guru (Ona ndima 10-11)

10-11. Kuprinda uye kushandura Bhaibheri kwakabatsira sei pakuparadzira ruzivo rweBhaibheri? (Onawo mufananidzo.)

10 Kuprinda. Kusvika munenge mugore ra1450, vanhu vaikopa Bhaibheri vachiita zvekunyora nemaoko. Basa racho raitora nguva yakareba, uye makopi eBhaibheri aiva mashoma uye aidhura chaizvo. Asi pakagadzirwa michina yekuprinda, zvakanga zvava nyore kugadzira maBhaibheri uye kuaparadzira.

11 Kushandura. Kwemazana emakore, Bhaibheri rainyanya kuwanika riri muchiLatin icho chaingonzwisiswa nevanhu vakanyatsodzidza. Asi kuprinda pakwainge kwava kunyanya kuitwa, vanhu vaitya Mwari vakawedzera basa rekushandura Bhaibheri mumitauro yaitaurwa nevanhu vakawanda. Iye zvino vaverengi veBhaibheri vakanga vava kukwanisa kuenzanisa zvavaidzidziswa nevafundisi nezvainyatsodzidziswa neBhaibheri.

Varume vaitya Mwari vakabatsira pakuvhura nzira yekuti vanhu vabude muBhabhironi Guru (Ona ndima 12-14) c

12-13. Taura muenzaniso unoratidza kuti vamwe vanhu vaidzidza Bhaibheri nemwoyo wese mumakore ekuma1800 vakatanga sei kufumura dzidziso dzenhema dzezvitendero.

12 Mabhuku anobatsira pakudzidza Bhaibheri. Vaya vainyatsoongorora Bhaibheri vakadzidza zvinhu zvakawanda pane zvavaiverenga muShoko raMwari. Asi vafundisi vakagumbuka vadzidzi veBhaibheri pavakatanga kuudza vamwe zvavainge vadzidza. Semuenzaniso, kubva munenge muna 1835 varume vakawanda vaida chokwadi vakatanga kubudisa maturakiti aifumura dzidziso dzenhema dzemachechi.

13 Munenge muna 1835, mumwe murume aitya Mwari ainzi Henry Grew akabudisa turakiti raitaura zvinonyatsoitika kana munhu afa. Muturakiti racho akashandisa Magwaro kuratidza kuti kusafa chipo chinobva kuna Mwari kwete kuti munhu anoberekwa aine mweya usingafi sezvaidzidziswa nemachechi akawanda. Muna 1837 mumwe mushumiri ainzi George Storrs akawana turakiti racho paaiva muchitima. Akariverenga uye akagutsikana kuti akanga awana chokwadi chinokosha. Akasarudza kuudzawo vamwe zvaainge adzidza. Muna 1842 akatanga kufamba achipa hurukuro yaiva nemusoro unoti, “Mubvunzo—Vakaipa Vanorarama Nekusingaperi Here?” Mumwe munhu akadzidza zvinyorwa zvaGeorge Storrs aiva jaya rainzi Charles Taze Russell.

14. Hama Russell nevamwe vavo vakabatsirwa sei nebasa rekugadzira mugwagwa wekunamata rakanga raitwa nevamwe? (Onawo mufananidzo.)

14 Hama Russell nevamwe vavo vakabatsirwa sei nebasa rekugadzira “Nzira yeUtsvene” rainge raitwa nevamwe munguva yainge yapfuura? Pakudzidza kwavaiita, vaikwanisa kutarisa mune mamwe mabhuku anotsanangura Bhaibheri uye shanduro dzakasiyana-siyana dzeBhaibheri zvainge zvabudiswa vasati vatanga basa ravo. Vakabatsirwawo netsvakurudzo dzeBhaibheri dzainge dzaitwa nevarume vakadai saHenry Grew, George Storrs, nevamwe. Hama Russell nevamwe vavo vane zvavakaitawo pabasa rekugadzira mugwagwa wacho nekubudisa mabhuku nematurakiti akawanda aikurukura zvinodzidziswa neBhaibheri.

15. Zvinhu zvipi zvinokosha zvakaitika muna 1919?

15 Muna 1919, Bhabhironi Guru rakanga risisina simba pavanhu vaMwari. Mugore iroro, “muranda akatendeka, akangwara” akavapo panguva chaiyo yaifanira kugamuchirwa vanhu vaida chokwadi ‘muNzira yeUtsvene’ yainge ichangovhurwa. (Mat. 24:45-47) Vaya vakatanga kufamba mumugwagwa iwoyo vaikwanisa kuwedzera ruzivo rwavo pamusoro pezvinangwa zvaJehovha nekuti paiva nezvainge zvaitwa nevanhu vakatendeka “vaigadzira mugwagwa.” (Zvir. 4:18) Vaikwanisawo kuita kuti upenyu hwavo huenderane nezvaidiwa naJehovha. Jehovha haana kumbobvira atarisira kuti vanhu vake vachinje zvese zvinofanira kuchinjwa panguva imwe chete. Asi ari kunatsa vanhu vake zvishoma nezvishoma. (Ona bhokisi rinonzi “ Jehovha Anonatsa Vanhu Vake Zvishoma Nezvishoma.”) Tichafara chaizvo tese patichakwanisa kufadza Mwari wedu pane zvese zvatinoita!—VaK. 1:10.

“NZIRA YEUTSVENE” ICHAKAVHURWA

16. Kubva muna 1919, ibasa ripi rekugadzirisa ranga richiitwa ‘muNzira yeUtsvene’? (Isaya 48:17; 60:17)

16 Mugwagwa mumwe nemumwe unoda kugara uchigadziriswa. Kubva muna 1919, basa rekugadzirisa “Nzira yeUtsvene” riri kuenderera mberi nechinangwa chekuita kuti vanhu vakawanda vakwanise kusiya Bhabhironi Guru. Muranda akatendeka akangwara uyo ainge achangogadzwa akatanga kuita basa, uye muna 1921 akabudisa bhuku rinobatsira pakudzidza Bhaibheri rainge rakaitirwa kubatsira vatsva kuti vadzidze chokwadi cheBhaibheri. Bhuku iroro rinonzi The Harp of God rakaprindwa makopi anenge 6 miriyoni mumitauro 36, uye vanhu vakawanda vakadzidza chokwadi kubva mariri. Munguva ichangopfuura takava nebhuku idzva rekushandisa pakuitisa zvidzidzo zveBhaibheri rinonzi Rarama Nekusingaperi Uchifara! Mumazuva ano ekupedzisira, Jehovha ari kushandisa sangano rake kuti arambe achitipa zvekudya zvekunamata kuti atibatsire tese kuramba tichifamba ‘muNzira yeUtsvene.’—Verenga Isaya 48:17; 60:17.

17-18. “Nzira yeUtsvene” inotisvitsa kupi?

17 Tinogona kuti munhu paanobvuma kudzidza Bhaibheri anenge aine mukana wekupinda ‘muNzira yeUtsvene.’ Vamwe vanongofamba zvishoma mumugwagwa wacho vobva vausiya. Vamwe vanoramba vari mumugwagwa wacho kusvikira vasvika kwavari kuenda. Vanenge vachienda kupi?

18 Kana vari vaya vane tariro yekudenga, “Nzira yeUtsvene” inovasvitsa ‘kuparadhiso yaMwari’ kudenga. (Zvak. 2:7) Kana vari vaya vane tariro yepanyika, nzira iyoyo ichavasvitsa pakuguma kwemakore 1 000 ekutonga kwaKristu, munhu wese paanenge asisina chivi. Kana uri kufamba mumugwagwa iwoyo mazuva ano usatarisa shure uye usausiya kusvika wapedza rwendo rwako munyika itsva! Tinoti, “famba zvakanaka.”

RWIYO 24 Uyai Kugomo raJehovha

a Jehovha akadana mugwagwa wekufananidzira waibva kuBhabhironi uchienda kuIsraeri kuti “Nzira yeUtsvene.” Jehovha akavhurirawo here vanhu vake nzira mazuva ano? Hongu. Kubva muna 1919 C.E., mamiriyoni evanhu ari kubuda muBhabhironi Guru achitanga kufamba ‘muNzira yeUtsvene.’ Tese tinofanira kuramba tiri mairi kusvikira tasvika kwatiri kuenda.

b Ona Uprofita HwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose II, mapeji 56-57.

c KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Hama Russell nevamwe vavo vakashandisa mabhuku anotsanangura Bhaibheri akabudiswa ivo vasati vatanga kuita basa