Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 24

Unogona Kuzadzisa Zvinangwa Zvako Pakushumira Jehovha

Unogona Kuzadzisa Zvinangwa Zvako Pakushumira Jehovha

“Ngatisarega kuita zvakanaka, nekuti panguva yakakodzera tichakohwa kana tisinganeti.”—VAG. 6:9.

RWIYO 84 Kuwedzera Basa Redu

ZVICHADZIDZWA a

1. Vakawanda vedu tinotambura nei?

 WAKAMBOVA nechinangwa pakunamata asi uchitamburira kuchizadzisa here? b Kana zvakadaro, hausi wega. Chimbofunga nezvaPhilip. Aida kuvandudza minyengetero yake uye kuwanda kwayo, asi zvaimushupa kuti awane nguva yekunyengetera. Erika aiva nechinangwa chekubata nguva yemusangano webasa remumunda, asi aingoramba achinonoka kusvika. Tomáš akaedza kakawanda kuverenga Bhaibheri rese. Anoti: “Ndaisanakidzwa nekuriverenga. Ndakaedza katatu, asi pese pandairiverenga ndaingogumira mubhuku raRevhitiko.”

2. Nei tisingafaniri kuora mwoyo kana tiine chinangwa chekunamata chatisati tazadzisa?

2 Kana uine chinangwa chauinacho chausati wazadzisa, usaora mwoyo. Kunyange kuzadzisa chinangwa chiri nyore kakawanda kacho kunotoda nguva uye kushanda nesimba. Chido chauinacho chekuzadzisa chinangwa chako chinoratidza kuti unokoshesa ushamwari hwako naJehovha uye unoda kumupa zvakanakisisa. Jehovha anokoshesa zvaunoedza kuita uyewo haatarisiri kuti uite zvinopfuura zvaunokwanisa. (Pis. 103:14; Mika 6:8) Saka chinangwa chako chinofanira kuenderana nemamiriro ako ezvinhu. Paunenge wasarudza chinangwa chaunoda kuzadzisa, ungaitei kuti uchizadzise? Ngatikurukurei mamwe mazano.

KUVA NECHIDO KUNOKOSHA

Nyengetera kuti uwedzere kuva nechido (Ona ndima 3-4)

3. Nei kuva nechido kuchikosha?

3 Chido chinokosha chaizvo pakuzadzisa zvinangwa zvekunamata. Kana uine chido chakasimba chekuzadzisa chinangwa chako, uchashanda nesimba kuti uchizadzise. Tinogona kufananidza chido nemhepo inosunda chikepe chakananga kwachiri kuenda. Kana mhepo ikaramba ichivhuvhuta, mutyairi wechikepe anogona kusvika kwaari kuenda. Uye kana mhepo yacho yakasimba, angatokurumidza kusvika. Saizvozvowo, kana chido chedu chakakura, kazhinji kacho tinokwanisa kuzadzisa zvinangwa zvedu. Hama yekuEl Salvador inonzi David inoti: “Kana uine chido unoedza kushanda nesimba. Unoedza kusabvumira chero chii zvacho kuti chikutadzise kuzadzisa chinangwa chako.” Saka ungaitei kuti uwedzere kuva nechido?

4. Chii chatinogona kunyengeterera? (VaFiripi 2:13) (Onawo mufananidzo.)

4 Nyengetera uchikumbira kuti chido chako chiwedzere. Jehovha anogona kukubatsira kuti uzadzise chinangwa chako achishandisa mweya wake. (Verenga VaFiripi 2:13.) Dzimwe nguva tinova nezvinangwa nekuti tinoziva kuti ndizvo zvatinofanira kuita, uye izvozvowo zvakanaka. Asi tinogona kunge tisina chido chekuzadzisa chinangwa chacho. Izvi ndizvo zvakaitika kune imwe hanzvadzi yekuUganda inonzi Norina. Aiva nechinangwa chekuitisa chidzidzo cheBhaibheri, asi aisava nechido, nekuti aifunga kuti aisava mudzidzisi akanaka. Chii chakamubatsira? Anoti: “Ndakatanga kukumbira Jehovha mazuva ese kuti andibatsire kuwedzera chido changu chekuitisa chidzidzo cheBhaibheri. Uyewo ndaivandudza unyanzvi hwangu hwekudzidzisa. Pashure pemwedzi mishoma ndakaona kuti chido changu chakanga chawedzera. Gore iroro ndakatanga kudzidza Bhaibheri nevanhu vaviri.”

5. Kuti tiwedzere chido chekuzadzisa chinangwa chedu tinofanira kufunga nezvei?

5 Funga zvawakaitirwa naJehovha. (Pis. 143:5) Muapostora Pauro aifunga nezvenyasha dzaakaratidzwa naJehovha, uye izvi zvakaita kuti ashandire Jehovha nesimba. (1 VaK. 15:9, 10; 1 Tim. 1:12-14) Saizvozvowo, paunofunga zvawakaitirwa naJehovha unova nechido chakasimba chekuzadzisa chinangwa chako. (Pis. 116:12) Funga zvakabatsira imwe hanzvadzi yekuHonduras kuti izadzise chinangwa chayo chekuva piyona wenguva dzese. Inoti: “Ndaifunga nezvekudiwa kwandinoitwa naJehovha. Akaita kuti ndive pakati pevanhu vake. Ane hanya neni uye anondidzivirira. Kufungisisa izvi kwakaita kuti ndiwedzere kumuda, uye kwakaita kuti chido changu chekupayona chiwedzere.”

6. Chii chimwe chingatibatsira kuti tiwedzere kuva nechido chekuzadzisa chinangwa chedu?

6 Ramba uchifunga kuti kuzadzisa chinangwa chako kwakanakirei. Ona zvakabatsira Erika ambotaurwa, kuti azadzise chinangwa chake chekubata nguva. Anoti: “Ndakaona kuti kunonoka kwandaiita muushumiri kwaiita kuti ndirasikirwe nezvakawanda. Asi ndakaona kuti kana ndikakurumidza kusvika, ndinokwanisa kumhoresa hama nehanzvadzi uye kuita nguva nadzo. Ndinokwanisawo kunzwa mazano anondibatsira kuti ndivandudze ushumiri hwangu uye ndinakidzwe nahwo.” Erika akaramba achifunga zvakanakira kubata nguva, uye akazadzisa chinangwa chake. Zvinhu zvipi zvakanaka zvaunofanira kufunga nezvazvo? Kana chinangwa chako chiri chekuverenga Bhaibheri kana kunyengetera, funga kuti zvichasimbisa sei ushamwari hwako naJehovha. (Pis. 145:18, 19) Kana chinangwa chako chiri chekuva nehumwe unhu hwechiKristu, funga kuti zvichakubatsira sei kuti uve neushamwari nevamwe. (VaK. 3:14) Unogona kunyora pasi zvikonzero zvese zvinoita kuti ude kuzadzisa chinangwa chako. Gara uchitarisa zvawakanyora. Tomáš, ambotaurwa anoti: “Pandinova nezvikonzero zvakawanda zvekuti ndizadzise chinangwa changu, kashoma kuti ndirege kuchizadzisa.”

7. Chii chakabatsira Julio nemudzimai wake kuti vazadzise chinangwa chavo?

7 Shamwaridzana nevaya vanogona kukukurudzira kuti uzadzise chinangwa chako. (Zvir. 13:20) Ona zvakabatsira Julio nemudzimai wake kuti vazadzise chinangwa chavo chekuwedzera ushumiri hwavo. Julio anoti: “Takasarudza shamwari dzaitsigira chinangwa chedu, uye taikurukura nadzo nezvechinangwa chedu. Vakawanda vavo vakanga vatombozadzisa zvinangwa zvakada kudaro, saka vaigona kutipa mazano anobatsira. Shamwari dzedu dzaitibvunzawo kuti zvatainge takaronga zvaifamba sei uye dzaitikurudzira pataida kukurudzirwa.”

PATINENGE TISINA CHIDO

Shanda kuti uzadzise chinangwa chako (Ona ndima 8)

8. Chii chinogona kuitika kudai taingoshandira chinangwa chedu patinenge tiine chido chete? (Onawo mufananidzo.)

8 Tese tine mazuva atinenge tichinzwa tisingadi kuita chimwe chinhu. Izvi zvinoreva here kuti hatikwanisi kushandira chinangwa chedu? Aiwa. Tinogona kuzvienzanisira seizvi: Mhepo inokwanisa kusunda chikepe chakananga kwachiri kuenda. Asi kuvhuvhuta kwemhepo kunosiyana-siyana, uye mamwe mazuva kunenge kusiri kutombovhuvhuta zvachose. Izvi zvinoreva here kuti mutyairi haakwanisi kuramba achifamba? Hazvirevi hazvo kudaro. Semuenzaniso, pazvikepe zvinofambiswa nemhepo, zvimwe zvine injini, uye zvimwe zvine zvikwasviso. Mutyairi anogona kushandisa zvinhu izvi kuti arambe achifamba akananga kwaari kuenda. Chido chedu chinogona kufananidzwa nemhepo. Pamwe pacho chinenge chakasimba kupfuura mamwe mazuva. Uye mamwe mazuva tingasanzwa tiine chido chekushandira chinangwa chedu. Saka kana tichizongoshandira chinangwa chedu patinenge tiine chido, tingasambofa takachizadzisa. Asi sezvo mutyairi wechikepe achitsvaga dzimwe nzira dzekusvika kwaari kuenda, tinogona kuramba tichishandira chinangwa chedu kunyange dzimwe nguva tichinzwa tisina chido. Kunyange zvazvo izvi zvisiri nyore, uchafara pauchazadzisa chinangwa chako. Tisati takurukura zvatingaita, ngatikurukurei mubvunzo ungamuka.

9. Zvakaipa here kuramba tichishandira chinangwa chedu patinenge tichinzwa tisingadi kuita izvozvo? Tsanangura.

9 Jehovha anoda kuti timushumire tichifara uye tichida. (Pis. 100:2; 2 VaK. 9:7) Saka tinofanira here kuramba tichishandira chinangwa chekunamata kana tisinganzwi tichida kuita izvozvo? Ona zvakaitwa nemuapostora Pauro. Akati: “Ndinoranga muviri wangu ndichiuita semuranda.” (1 VaK. 9:25-27, mashoko emuzasi evhesi 27) Pauro akazvimanikidza kuita zvakarurama kunyange paainzwa asingadi kuita izvozvo. Jehovha akafarira kushumira kwaiita Pauro here? Hongu! Uye Jehovha akakomborera zvaaiita.—2 Tim. 4:7, 8.

10. Zvinobatsirei kuti tishandire chinangwa chedu kunyange patinonzwa tisina chido?

10 Saizvozvowo, Jehovha anofadzwa paanoona tichishandira chinangwa chedu kunyange patinenge tichinzwa tisingadi kudaro. Anofadzwa nekuti anoziva kuti kunyange zvazvo pasiri pese patinoda zvatinenge tichiita, tinozviita nekuti tinomuda. Jehovha achakomborera zvatinoita sekukomborera kwaakaita Pauro. (Pis. 126:5) Uye patinoona kuti Jehovha ari kutikomborera zvingaita kuti titotange kuva nechido. Imwe hanzvadzi yekuPoland inonzi Lucyna inoti: “Dzimwe nguva ndinenge ndisingadi kubuda muushumiri kunyanya pandinenge ndakaneta. Kunyange zvakadaro, mufaro wandinonzwa pashure pekunge ndabuda muushumiri, chipo chinoshamisa.” Saka ngationei zvatinogona kuita patinonzwa tisina chido.

11. Jehovha anotibatsira sei kuti tiwedzere kuzvidzora?

11 Nyengeterera kuzvidzora. Munhu anozvidzora anokwanisa kudzora manzwiro ake uye zvaanoita. Shoko rekuti kuzvidzora rinowanzoshandiswa richireva kurega kuita zvakaipa. Asi tinodawo kuzvidzora kuti tiite zvakanaka, kunyanya kana zvatiri kuita zvakaoma, kana kuti patinonzwa tisina chido. Yeuka kuti kuzvidzora chimwe chezvibereko zvemweya, saka kumbira Jehovha kuti akupe mweya mutsvene kuti ukubatsire kuwedzera kuzvidzora. (Ruka 11:13; VaG. 5:22, 23) David ambotaurwa anotsanangura kuti kunyengetera kwakamubatsira sei. Aida kuti wedzerei kudzidza kwaaiita ari ega. Anoti: “Ndaikumbira Jehovha kuti andibatsire kuzvidzora. Ndichibatsirwa naJehovha, ndakatanga kuva nepurogiramu yakanaka yekudzidza uye kugara ndichiitevedzera.”

12. Muparidzi 11:4 inotibatsira sei kuti tizadzise zvinangwa zvedu?

12 Usamirira kuti pave nemamiriro ezvinhu akanyatsonaka. Munyika ino, tingasafa takawana mamiriro ezvinhu akanyatsonaka. Kana tikada kumirira izvozvo, tingasatombozadzisa chinangwa chedu. (Verenga Muparidzi 11:4.) Hama inonzi Dayniel inoti: “Hapana mamiriro ezvinhu anonzi aya ndiwo anonyatsoita. Tinoita kuti pave nemamiriro ezvinhu akanakisisa patinongotanga.” Imwe hama iri kuUganda inonzi Paul inotaura chimwe chikonzero nei tisingafaniri kuverengera ichiti: “Kana tikangotanga, kunyange zvakaoma, Jehovha anotibatsira.”—Mar. 3:10.

13. Zvakanakirei kutanga nezvinangwa zvidiki?

13 Tanga nekuita zvinhu zvidiki. Tingashaya chido nekuti chinangwa chedu chinogona kuita sechakaoma kuzadzisa. Kana zvakadaro, chinangwa chako unogona kuchiita zvidimbu zvidimbu. Kana chinangwa chako chiri chekuva nehumwe unhu, tanga nekushandira kuratidza unhu ihwohwo munzira diki. Kana chinangwa chako chiri chekuverenga Bhaibheri rese, unogona kutanga nekuronga kuriverenga kwenguva pfupi. Tomáš, ambotaurwa kwatangira nyaya ino ainetseka nekuzadzisa chinangwa chake chekuverenga Bhaibheri mugore rimwe chete. Anoti: “Ndakaona kuti ndainge ndasarudza kuverenga chikamu chakakura munguva pfupi, uye izvozvo ndaisazvikwanisa. Saka ndakasarudza kuedza zvekare, asi ndichironga kuverenga ndima shomanana zuva rimwe nerimwe uye kufungisisa nezvadzo. Izvi zvakaita kuti nditange kunakidzwa nekuverenga kwandaiita.” Tomáš’ paaiwedzera kunakidzwa nekuverenga, akatanga kuwedzera nguva yaaiverenga. Akazoverenga Bhaibheri rese. c

USAORA MWOYO KANA PAKAVA NEZVINOKUVHIRINGIDZA

14. Zvinhu zvipi zvingaita kuti tiomerwe nekuzadzisa chinangwa chedu?

14 Pasinei nekuti tine chido kana kuti tinozvidzora zvakadii, tinogona kuva nezvinhu zvinotivhiringidza. Semuenzaniso ‘zvinhu zvatisingatarisiri’ zvinogona kutidyira nguva yataida kuzoshandisa pakuzadzisa chinangwa chedu. (Mup. 9:11) Tinogona kusangana nedambudziko rinotisiya taora mwoyo kana kuti tiine simba shoma. (Zvir. 24:10) Nyama yedu ine chivi inogona kuita kuti tiite zvinhu zvisingatibatsiri pakuzadzisa chinangwa chedu. (VaR. 7:23) Kana kuti tinogona kungonzwa takaneta. (Mat. 26:43) Chii chinogona kutibatsira kuti tikunde chinhu chinotivhiringidza?

15. Kana tikava nezvinhu zvinotivhiringidza, zvinoreva here kuti tatokundikana zvachose? Tsanangura. (Pisarema 145:14)

15 Yeuka kuti kana pakava nechinhu chinokuvhiringidza pakuzadzisa chinangwa chako hazvirevi kuti watokundikana zvachose. Bhaibheri rinotaura kuti tinogona kuramba tichisangana nematambudziko. Asi rinojekesawo kuti tinogona kusimuka zvekare, kunyanya tichibatsirwa naJehovha. (Verenga Pisarema 145:14.) Hama inonzi Philip yambotaurwa inoti: “Kubudirira kwangu hakubvi pakuti ndatadza kuzadzisa chinangwa changu kangani. Asi kunobva pakuti ndasimuka kangani kuti nditange zvekare kushandira kuti ndizadzise chinangwa changu.” David ambotaurwa anoti: “Ndinoedza kuona zvinhu zvinondivhiringidza uyewo mazuva ekuti zvinhu zvinenge zvisina kumira zvakanaka semikana yekuratidza Jehovha kuti ndinomuda zvakadini.” Paunoramba uchienderera mberi pasinei nezvinhu zvinokuvhiringidza, unoratidza Jehovha kuti unoda kumufadza. Jehovha anofanira kunge achifara chaizvo paanokuona uchienderera mberi nekuedza kuzadzisa chinangwa chako!

16. Tinodzidzei patinenge tisina kukwanisa kuzadzisa chinangwa chedu?

16 Dzidza pazvinhu zvakakutadzisa kuzadzisa chinangwa chako sezvawakanga wakaronga. Funga kuti chii chakaitika, wobva wazvibvunza kuti, ‘Pane chandingachinja here kuitira kuti izvi zvisaitika zvakare?’ (Zvir. 27:12) Asi dzimwe nguva paunokundikana kuzadzisa chinangwa chako, unogona kuona kuti chinangwa chacho chaisaenderana nemamiriro ako ezvinhu. Kana uchinzwa sekuti ndizvo zvakaitika kwauri, ongororazve chinangwa chako kuti uone kana chichiri kuenderana nezvaunokwanisa. d Jehovha haazokuoni semunhu akundikana zvachose kana watadza kuzadzisa chinangwa chako chaisaenderana nemamiriro ako ezvinhu.—2 VaK. 8:12.

17. Nei tichifanira kuramba tichifunga nezvezvinangwa zvatakatozadzisa?

17 Ramba uchifunga zvawakabudirira kuita. Bhaibheri rinoti “Mwari haasi munhu asina kururama; saka haangakanganwi basa renyu.” (VaH. 6:10) Newewo haufaniri kukanganwa zvawakaita. Funga nezvezvinangwa zvawakatozadzisa. Unogona kunge wakatozadzisa chinangwa chakadai sekuva neushamwari naJehovha, kuudza vamwe nezvake, kana kuti kubhabhatidzwa. Sezvawakaita pakuzadzisa zvinangwa zvawaiva nazvo kare, unogona kuramba uchishanda kuti uzadzise zvinangwa zvauinazvo iye zvino.—VaF. 3:16.

Nakidzwa nerwendo rwacho (Ona ndima 18)

18. Unofanira kuyeukei paunenge uchishanda kuti uzadzise chinangwa chako? (Onawo mufananidzo.)

18 Uchibatsirwa naJehovha, unogona kuzadzisa chinangwa chako, kungofanana nemutyairi wechikepe anenge asvika kwaari kuenda. Asi yeuka kuti vatyairi vakawanda vezvikepe vanonakidzwawo nerwendo rwacho. Saizvozvowo, gara uchiedza kuona kuti Jehovha ari kukubatsira sei uye uchanakidzwa nekuona kubatsirwa kwaunenge uchiitwa naJehovha uye kukukomborera kwaanenge achiita. (2 VaK. 4:7) Kana ukaramba uchishanda nesimba, uchatowana makomborero akakura.—VaG. 6:9.

RWIYO 126 Rambai Makamuka Uye Mirai Makasimba

a Tinogara tichikurudzirwa kuti tive nezvinangwa pakushumira kwatinoita Jehovha. Asi tingaita sei kana kuri kuti titori nezvinangwa zvatiinazvo asi tichitadza kuzvizadzisa? Nyaya ino ichatipa mazano akasiyana-siyana ezvatingaita kuti tizadzise zvinangwa zvedu.

b KUTSANANGURWA KWEMASHOKO: Chinangwa pakunamata chinogona kusanganisira chero chinhu chaunoshanda nesimba kuti uvandudze kana kuti uve nacho kuitira kuti ukwanise kushumira Jehovha zvizere uye umufadze. Semuenzaniso, unogona kuva nechinangwa chekuva neunhu hwechiKristu, kana kuvandudza chimwe chinhu chaunoita pakushumira Jehovha chakadai sekuverenga Bhaibheri, kudzidza uri wega, kana kuti ushumiri.

c Ona bhuku rinonzi Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri, mapeji 10-11, ndima 4.

d Kuti uone mamwe mashoko ona nyaya yakanzi “Ita Zvinoenderana Nezvaunokwanisa Kuti Ufare” iri muNharireyomurindi yaJuly 15, 2008.