Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 18

RWIYO 1 Unhu hwaJehovha

Vimba ‘neMutongi Wenyika Yese’ Ane Tsitsi!

Vimba ‘neMutongi Wenyika Yese’ Ane Tsitsi!

“Mutongi wenyika yese angatadza kuita zvakarurama here?”GEN. 18:25.

ZVATICHADZIDZA

Tichawedzera kunzwisisa kwatinoita tsitsi dzaJehovha uye matongero ake akarurama panyaya ine chekuita nekumutswa kwevanhu vasina kururama.

1. Jehovha akaita kuti Abrahamu awane chidzidzo chipi chinonyaradza?

 MAKORE akawanda adarika, Mwari akashandisa ngirozi kuti audze Abrahamu kuti aizoparadza maguta eSodhomu neGomora. Izvi zvainge zvakaomera chaizvo Abrahamu kuti azvinzwisise kunyange zvazvo aiva nekutenda kwakasimba muna Mwari. Akabvunza kuti: “Mungaparadza vakarurama pamwe chete nevakaipa here? . . . Mutongi wenyika yese angatadza kuita zvakarurama here?” Jehovha akabatsira shamwari yake Abrahamu kuti inzwisise chidzidzo chinokosha chekuti: Mwari haazomboparadzi vanhu vakarurama. Chidzidzo ichi chinotibatsira uye chinotinyaradza tese mazuva ano.—Gen. 18:​23-33.

2. Chii chinoita kuti tive nechokwadi chekuti Jehovha anotonga zvakarurama uye zvine tsitsi?

2 Nei tingava nechokwadi chekuti Jehovha anotonga zvakarurama uye zvine tsitsi? Nekuti tinoziva kuti “Jehovha anoona zviri mumwoyo” mevanhu. (1 Sam. 16:7) Anotoziva “mwoyo wemunhu wese.” (1 Madz. 8:39; 1 Mak. 28:9) Ichocho ichokwadi chinoshamisa. Hatimbofi takanzwisisa zvizere matongero aJehovha. Ndosaka muapostora Pauro akafemerwa kuti ataure nezvaJehovha Mwari achiti: “Mitongo yake haigoni kuongororwa!”—VaR. 11:33.

3-4. Tingava nemibvunzo ipi uye tichakurukurei munyaya ino? (Johani 5:​28, 29)

3 Kunyange zvakadaro, dzimwe nguva tingava nemibvunzo seyaiva naAbrahamu. Tinganetseka kuti: ‘Pane tariro here yekuti mune remangwana vanhu vakaparadzwa naJehovha vakadai sevemuSodhomu neGomora vangararama zvakare? Vamwe vavo vangamutswawo here ‘pakumuka kwevasina kururama’?’—Mab. 24:15.

4 Ngatikurukurei zvatinonzwisisa nezverumuko. Munguva ichangopfuura takajekesa manzwisisiro atinoita zvinorehwa ‘nekumukira upenyu’ uye ‘kumukira kutongwa.’ a (Verenga Johani 5:​28, 29.) Kujekeswa uku kwaita kuti pave nezvimwe zvinoda kugadziriswa pamanzwisisiro edu. Izvi tichazvikurukura munyaya ino neinotevera. Panyaya ine chekuita nematongero aJehovha akarurama, tichatanga kukurukura zvatisingazivi, tozokurukura zvatinoziva.

ZVATISINGAZIVI

5. Mumabhuku edu takambotii nezvevaya vakaparadzwa muSodhomu neGomora?

5 Munguva yakapfuura, mabhuku edu akataura kuti vanhu vakaparadzwa naJehovha, sevaya vakaparadzwa muSodhomu neGomora havasi kuzomutswa mune remangwana. Asi pashure pekunyatsoongororazve nyaya iyi uye kunyengetera nezvayo, zviri pachena kuti hatigoni kutaura kuti havasi kuzomutswa. Nei tisingagoni kudaro?

6. Ndeipi mimwe mienzaniso yekutongwa kwakaitwa vanhu vasina kururama naJehovha, asi chii chatisingaudzwi neBhaibheri?

6 Funga nezvemimwe mienzaniso yemuBhaibheri. Pane nyaya dzemuBhaibheri dzakawanda dzinotaura nezvemitongo yaJehovha pavanhu vasina kururama. Panguva yeMafashamo, Jehovha akaparadza munhu wese kunze kwaNoa nemhuri yake. Akarayira vaIsraeri kuti vaparadze marudzi manomwe evanhu vaigara muNyika Yakapikirwa. Akashandisa ngirozi imwe chete kuti iuraye masoja 185 000 eAsiriya muusiku humwe chete. (Gen. 7:23; Dheut. 7:​1-3; Isa. 37:​36, 37) Panyaya idzi, Bhaibheri rinotipa here mashoko akakwana zvekuti tingatoti Jehovha akaparadza vanhu vese ivavo zvachose pasina tariro yekuzomutswa? Kwete, haritipi mashoko akadaro. Nei tichigona kutaura izvozvo?

7. Chii chatisingazivi nezvevanhu vakaparadzwa neMafashamo kana kuti vaya vakaparadzwa pakatorwa nyika yeKenani? (Ona mufananidzo uri pakavha.)

7 Mumienzaniso ichangobva kutaurwa, hatizivi kuti Jehovha akatonga sei munhu mumwe nemumwe, uyewo hatizivi kuti vaya vakaurayiwa vakanga vawana mukana wekudzidza nezvaJehovha uye wekupfidza here. Richitaura nezvevanhu vemunguva yeMafashamo, Bhaibheri rinoti Noa aiva “muparidzi wekururama.” (2 Pet. 2:5) Asi haritauri kuti paaivaka areka, aiedzawo kuparidzira munhu mumwe nemumwe aiva panyika uyo aizogona kuparadzwa neMafashamo. Saizvozvowo, kana ari marudzi emuKenani, hatizivi kuti vanhu vese ivavo, avo vainge vakaipa, vakawana here mukana wekudzidza nezvaJehovha uye wekuchinja mararamiro avo.

Noa nemhuri yake vari kuvaka areka yakakura. Hatizivi kana Noa nemhuri yake vakaita mushandirapamwe wekuparidzira munhu wese aiva panyika Mafashamo asati auya (Ona ndima 7)


8. Chii chatisingazivi nezvevanhu vemuSodhomu neGomora?

8 Zvakadii nevanhu vemuSodhomu neGomora? Pakati pavo paigara murume ainge akarurama ainzi Roti. Asi Roti akavaparidzira vese here? Aiwa. Zviri pachena kuti vaiva vanhu vakaipa, asi mumwe nemumwe wavo aiziva here kuti zvakarurama ndezvipi uye kuti zvakaipa ndezvipi? Yeuka kuti imwe mhomho yevarume vemuguta iroro yaida kubata chibharo vaenzi vaRoti. Bhaibheri rinoti mhomho iyoyo yaiva nevanhu vaibvira “pamukomana kusvikira kumukweguru.” (Gen. 19:4; 2 Pet. 2:7) Tingati here Mwari ane tsitsi, Jehovha, akasarudza kutonga mumwe nemumwe wavo kuti afe zvachose pasina tariro yerumuko? Kwete, hatigoni kudaro. Jehovha akaita kuti Abrahamu azive kuti muguta iroro mainge musina kunyange vanhu 10 vakarurama. (Gen. 18:32) Saka vainge vasina kururama, uye zvainge zvakakodzera kuti Jehovha avaparadze nemhaka yemabasa avo. Asi tinganyatsotaura here kuti hapana kana mumwe chete wavo achamuka ‘pakumuka kwevasina kururama’? Kwete, hatigoni hedu kunyatsotaura kudaro.

9. Chii chatisingazivi nezvaSoromoni?

9 Asi tinoverengawo muBhaibheri nezvevanhu vakarurama vakazova vasina kururama. Mambo Soromoni ndemumwe wavo. Akanyatsodzidziswa nzira dzaMwari, uye akakomborerwa zvikuru naJehovha; asi akazotanga kunamata vanamwari venhema. Zvivi zvake zvakaita kuti Jehovha atsamwe zvikuru uye aunze matambudziko akaramba aripo kwemazana emakore. Ichokwadi kuti Bhaibheri rinoti Soromoni ‘akaradzikwa pamwe chete nemadzitateguru ake,’ kusanganisira varume vakatendeka vakadai saMambo Dhavhidhi. (1 Madz. 11:​5-9, 43; 2 Madz. 23:13) Asi mavigirwo aakaitwa anoreva here kuti Jehovha achamumutsa? Bhaibheri haritauri izvozvo. Asi vamwe vangati, “uya anenge afa asunungurwa pachivi chake.” (VaR. 6:7) Ichocho ichokwadi, asi izvi hazvirevi kuti vese vakafa vachamutswa, sekunge kuti vane zvavakaita kuti vakodzere kuwana upenyu hutsva. Rumuko chipo chinobva kuna Mwari ane rudo. Anochipa vaya vaanoda kuti vave nemukana wekumushumira nekusingaperi. (Job. 14:​13, 14; Joh. 6:44) Soromoni achawana chipo ichocho here? Jehovha anoziva mhinduro yacho; isu hatiizivi. Asi tinoziva kuti Jehovha achaita zvakarurama.

ZVATINOZIVA

10. Jehovha anonzwa sei nezvekuparadza vanhu? (Ezekieri 33:11) (Onawo mufananidzo.)

10 Verenga Ezekieri 33:11. Panyaya yematongero aanoita vanhu, Jehovha anotiudza manzwiro ake. Muapostora Petro akadzokorora zvakanyorwa nemuprofita Ezekieri, kuti ‘Jehovha haana waanoda kuti aparadzwe.’ (2 Pet. 3:9) Mashoko aya anotinyaradza. Tinoziva kuti Jehovha haazoparadzi mumwe munhu zvachose kunze kwekunge paine chikonzero chakanaka chekuti adaro. Azere netsitsi, uye anodziratidza pese pazvinenge zvakakodzera.

Pakumuka kwevasina kururama, vanhu vakasiyana-siyana vachapiwa mukana wekudzidza nezvaJehovha (Ona ndima 10)


11. Ndivanaani vasingazomutswi, uye tinozviziva sei izvozvo?

11 Tinozivei nezvevanhu vasiri kuzomutswa? Bhaibheri rinongotaura mienzaniso mishomanana. b Jesu akaratidza kuti Judhasi Iskariyoti haasi kuzomutswa. (Mako 14:21; onawo Johani 17:12 uye study note.) Judhasi akaita zvinopesana nezvaidiwa naJehovha Mwari neMwanakomana wake achiziva hake. (Ona Mako 3:29 uye mastudy notes.) Saizvozvowo, Jesu akati vamwe vatungamiriri vechitendero vainge vamupikisa vaizofa vasina tariro yekumuka. (Mat. 23:33; ona Johani 19:11 uye study note inoti the man.”) Muapostora Pauro akayambira kuti vanhu vanenge vatsauka pakutenda vasingapfidzi havazomutswi.—VaH. 6:​4-8; 10:29.

12. Chii chatinoziva nezvetsitsi dzaJehovha? Taura mienzaniso.

12 Asi chii chatinoziva nezvetsitsi dzaJehovha? Akaratidza sei kuti ‘haana waanoda kuti aparadzwe’? Funga nezvetsitsi dzaakaratidza vanhu vakaita zvivi zvakakura. Mambo Dhavhidhi akaita zvivi zvakakura zvakawanda zvaisanganisira upombwe uye kuuraya munhu. Asi Dhavhidhi akapfidza, saka Jehovha akamunzwira tsitsi ndokumuregerera. (2 Sam. 12:​1-13) Mambo Manase aiita zvinhu zvakaipa chaizvo kwemakore akawanda muupenyu hwake. Asi pasinei naizvozvo, Jehovha akaratidza tsitsi uye akakanganwira Manase nekuti akanga apfidza. (2 Mak. 33:​9-16) Mienzaniso iyi inotiyeuchidza kuti Jehovha anoratidza tsitsi pese paanoona paine chikonzero chekuti adaro. Achamutsa vanhu vakadaro nekuti vakaziva kuti vakanga vaita zvivi zvakakura vachibva vapfidza.

13. (a) Nei Jehovha akanzwira tsitsi vaNinivhi? (b) Jesu akazotii nezvevaNinivhi?

13 Tinozivawo nezvetsitsi dzaJehovha kuvaNinivhi. Mwari akaudza Jona kuti: “Ndaona zvakaipa zviri kuitwa nevanhu vacho.” Asi pavakapfidza zvivi zvavo, Jehovha akavaregerera. Aiva netsitsi chaizvo kupfuura Jona. Mwari aitofanira kuyeuchidza muprofita wake ainge akatsamwa kuti vaNinivhi ivavo ‘vaisaziva musiyano wezvakanaka nezvakaipa.’ (Jona 1:​1, 2; 3:10; 4:​9-11) Pave paya, Jesu akashandisa muenzaniso iwoyo kuti adzidzise nezvematongero aJehovha akarurama uye tsitsi dzake. Jesu akati vaNinivhi vainge vapfidza “vachamuka pakutongwa.”—Mat. 12:41.

14. VaNinivhi vachava nemukana upi ‘pavachamukira kutongwa’?

14 Zvinorevei kuti vaNinivhi “vachamuka pakutongwa”? Jesu akati pane vanhu “vachamukira kutongwa.” (Joh. 5:29) Aitaura nezveMakore 1 000 Ekutonga kwake, pachamutswa “vakarurama nevasina kururama.” (Mab. 24:15) Vasina kururama “vachamukira kutongwa.” Izvi zvinoreva kuti kana vamutswa, Jehovha naJesu vachange vachitarisa vanhu ava vachiona kuti vari kuteerera uye kushandisa zvinhu zvavanenge vachidzidza here. Kana muNinivhi anenge amutswa akaramba kunamata Jehovha, haazosiyiwi achirarama. (Isa. 65:20) Asi vese vachasarudza kunamata Jehovha vakatendeka vachava nemukana wekurarama nekusingaperi!—Dhan. 12:2.

15. (a) Nei tisingafaniri kutaura kuti pavanhu vakaparadzwa muSodhomu neGomora hapana kana achamutswa? (b) Judha airevei nemashoko ari pana Judha 7? (Ona bhokisi rakanzi “ Judha Airevei?”)

15 Paaitaura nezvevanhu vemuSodhomu neGomora, Jesu akati zvaizoitika kwavari “paZuva Rekutongwa” zvaizova nani pane zvaizoitika kuvanhu vakamuramba uye vakaramba dzidziso dzake. (Mat. 10:​14, 15; 11:​23, 24; Ruka 10:12) Airevei? Tingati here Jesu aiwedzeredza kuti aratidze kuti vanhu vepanguva yake vainge vakaipa kupfuura vanhu vemuSodhomu neGomora? Yeuka kuti Jesu paakati vaNinivhi “vachamuka pakutongwa” aisawedzeredza asi aireva zvaaitaura. Saka zvinoita sekuti Jesu aireva zvaaitaura nezvevanhu vemuSodhomu neGomora. “Zuva Rekutongwa” raaitaura nezvaro pazviitiko zviviri izvi rakafanana. Vanhu vemuSodhomu neGomora vaiita zvakaipa sezvaiita vaNinivhi. Asi vaNinivhi vakava nemukana wekupfidza. Uye yeuka zvakataurwa naJesu ‘nezvekumukira kutongwa.’ Kuchasanganisira “vaya vaiita zvakaipa.” (Joh. 5:29) Saka zvinoita sekuti panogona kuva netariro pavanhu vemuSodhomu neGomora. Zvinoita kuti titi vamwe vevanhu ivavo vanogona kumutswa, uye tinogona kuwana mukana wekuvadzidzisa nezvaJehovha naJesu Kristu.

16. Chii chatinoziva nezvekusarudza kuchaita Jehovha kumutsa vamwe vanhu? (Jeremiya 17:10)

16 Verenga Jeremiya 17:10. Vhesi iyoyo inotibatsira kuti titaure muchidimbu zvatinoziva nezvaJehovha zvekuti: Jehovha agara ari iye ‘anonzvera mwoyo, achiongorora pfungwa dzakadzama.’ Kana pari panyaya yekumutswa kuchaitwa vanhu, Jehovha achaita zvaagara achiita, ‘achapa mumwe nemumwe zvinoenderana nenzira dzake.’ Jehovha achapa mutongo wakasimba pazvinenge zvakakodzera kuti adaro, asi achanzwirawo tsitsi pese pazvinenge zvakakodzera kuti adaro. Saka hatifaniri kutaura kuti hapana tariro yekuti mumwe munhu achamutswa kunze kwekunge tichiziva kuti ndizvo zvinotaurwa neBhaibheri!

“MUTONGI WENYIKA YESE ACHAITA ZVAKARURAMA”

17. Chii chichaitika kuvanhu vakafa?

17 Kubva panguva iyo Adhamu naEvha vakabatana naSatani ndokupandukira Jehovha Mwari, pafa mabhiriyoni evanhu. ‘Muvengi wedu rufu’ aparadza vanhu vakawanda! (1 VaK. 15:26) Chii chichaitika kuvanhu vese ivavo? Pavateveri vaKristu vakatendeka, vashoma vavo, 144 000, ndivo vachamutsirwa kudenga kwavachararama vasingatombofi. (Zvak. 14:1) Varume nevakadzi vakawanda chaizvo vakatendeka avo vaida Jehovha vachavawo pakati ‘pevakarurama vachamutswa,’ uye vachararama nekusingaperi panyika kana vakaramba vakarurama muMakore 1 000 Ekutonga kwaKristu uye pamuedzo wekupedzisira. (Dhan. 12:13; VaH. 12:1) Uyewo muMakore 1 000 Ekutonga kwaKristu, “vasina kururama,” kureva vaya vasina kumbobvira vashumira Jehovha kana kuti “vaiita zvakaipa” vachapiwa mukana wekuchinja mararamiro avo, vova vashumiri vaJehovha vakatendeka. (Ruka 23:​42, 43) Asi pane vamwe vanhu vainge vakaipa chaizvo, vachitoda kupandukira Jehovha nezvinangwa zvake. Jehovha akasarudza kuti vanhu ivavo havasi kuzomutswa zvachose.—Ruka 12:​4, 5

18-19. (a) Nei tichigona kuvimba nematongero akaita Jehovha vaya vakafa? (Isaya 55:​8, 9) (b) Tichakurukurei munyaya inotevera?

18 Tinogona kuva nechokwadi chakazara here chekuti Jehovha paanotonga vanhu nguva dzese anoita chisarudzo chakakodzera? Hongu! Sekunyatsonzwisisa kwakaita Abrahamu, Jehovha ndiye “Mutongi wenyika yese” akakwana, akachenjera kupfuura vamwe vese uye ane tsitsi. Akadzidzisa Mwanakomana wake uye akamupa basa rese rekutonga. (Joh. 5:22) Vese vari vaviri, Baba neMwanakomana, vanogona kuona zviri mumwoyo memunhu mumwe nemumwe. (Mat. 9:4) Saka pavachatonga munhu mumwe nemumwe vachaita “zvakarurama”!

19 Ngativimbei naJehovha uye nezvisarudzo zvake zvese. Tinoziva kuti hatina kukodzera kutonga, asi iye akakodzera! (Verenga Isaya 55:​8, 9.) Saka tinosiyira kutonga kwese kwaari neMwanakomana wake, Mambo anonyatsoratidza matongero akarurama uye tsitsi dzaBaba vake. (Isa. 11:​3, 4) Asi tingatii nezvematongero aMwari aachaita pakutambudzika kukuru? Zvii zvatisingazivi? Uye zvii zvatinoziva? Nyaya yedu inotevera ichapindura mibvunzo iyoyo.

RWIYO 57 Kuparidzira Vanhu Vemarudzi Ese