Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ungaita Sei Kuti Ujaire Ungano Yaunenge Watamira?

Ungaita Sei Kuti Ujaire Ungano Yaunenge Watamira?

“NDAITYA kutamira kuno,” anodaro Allen. * “Ndaisaziva kuti ndaizokwanisa kuva neshamwari here kana kugamuchirwa nevamwe.” Allen ari kujairana neungano itsva iri makiromita anodarika 1 400 kubva kumba kwavo.

Kana wakatamira kune imwe ungano, unogonawo kunge uchitya. Chii chinogona kukubatsira kuti ujaire? Ungaita sei kana zvauri kuita kuti ujaire zvakaoma kupfuura zvawaitarisira? Asiwo, kana usina kutama, ungaita sei kuti vanenge vatama varerukirwe nekujairana neungano yenyu?

UNGAITA SEI KUTI UJAIRE UYE UBUDIRIRE?

Funga nezvemuenzaniso uyu: Miti painodzurwa ichinodyarwa pane imwe nzvimbo, inogona kumbosvava. Muti paunodzurwa muvhu, midzi yawo yakawanda inodimburwa kuti zvive nyore kuutakura. Kana wangodyarwa pane imwe nzvimbo, muti wacho unofanira kukurumidza kuva nemidzi mitsva. Saizvozvowo, kutamira kune imwe ungano kunogona kuita kuti unetseke. Muungano yawakabva, wakanga wava “nemidzi” sezvawakanga wava neushamwari hwakasimba nevamwe uye wajaira purogiramu yako yekushumira Jehovha. Iye zvino wava kufanira kuva nemidzi mitsva kuitira kuti ubudirire uri munzvimbo itsva. Chii chichakubatsira kuita izvozvo? Kushandisa mazano ari muMagwaro. Ngationei mamwe acho.

Munhu anogara achiverenga Shoko raMwari akaita “somuti wakadyarwa pedyo nehova dzemvura, unobereka michero yawo mumwaka wawo uye une mashizha asingasvavi, uye zvose zvaanoita zvichabudirira.”​Pis. 1:1-3.

Sezvo muti uchifanira kugara uchitora mvura pasi kuti urambe wakasvibirira, muKristu anofanira kugara achiverenga Shoko raMwari kuti arambe aine ushamwari hwakasimba naJehovha. Saka ramba uchiverenga Bhaibheri zuva nezuva uye gara uchipinda misangano yeungano. Ramba uchiita kunamata kwemhuri uye kudzidza uri wega. Zvese zvawaiita kuti urambe uine ushamwari hwakasimba naJehovha, unofanira kuzviitawo iye zvino kuti hurambe hwakasimba.

“Anodiridza vamwe kwazvo achadiridzwawo kwazvo.”​Zvir. 11:25.

Uchawana simba uye uchakurumidza kujaira kana ukaita basa reushumiri zvizere. “Chakanyanya kutibatsira ini nemudzimai wangu kwaiva kuita upiyona hwebetsero tichangosvika muungano yedu itsva,” anodaro mumwe mukuru anonzi Kevin. “Takakurumidza kuziva hama, mapiyona, uye ndima yacho.” Roger uyo akatamira kunzvimbo iri makiromita anodarika 1 600 kubva kwaaigara, anoti: “Nzira yakanakisisa yekuti ukurumidze kujaira ungano itsva ndeyekuenda kunoparidza kakawanda sezvaunokwanisa. Uyewo, ita kuti vakuru vazive kuti wakagadzirira kuita chero chinenge chichidiwa, zvichida kuchenesa Imba yeUmambo, kuita zvikamu zvemisangano kana anofanira kuchiita asipo, kana kuti kutakura mumwe munhu kuuya kumisangano. Hama nehanzvadzi padzinoona munhu mutsva anozvipira, zvinova nyore kuti dzishamwaridzane naye.”

“Wedzerai.”​2 VaK. 6:13.

Wedzera kuda kwaunoita hama dzako. Pashure pekunge Melissa nemhuri yake vatamira kune imwe ungano, vakashanda nesimba pakutsvaga shamwari itsva. “Taikurukura nevamwe paImba yeUmambo misangano isati yatanga uye yapera,” anodaro. “Izvozvo zvakaita kuti tikwanise kukurukura zvakawanda pane kungokwazisana chete.” Izvi zvakabatsirawo mhuri iyi kuti ikurumidze kuziva mazita evamwe. Zvakaitawo kuri vawedzere kuda hama dzavo kuburikidza nekukoka vamwe, izvo zvakasimbisa ushamwari hwavo nevamwe. Anowedzera kuti, “Takapanana manhamba emafoni, saka vamwe vaigona kutifonera uye taigona kubatanidzwawo pakuita zvinhu zvemuungano nezvimwewo.”

Kana uchiona kutaura nevamwe sekwakaoma, unogona kutanga nekuita zvinhu zvidiki. Semuenzaniso, nyemwerera kunyange pakutanga uchinzwa usingadi kuita izvozvo. Kunyemwerera kuchaita kuti vamwe vave pedyo newe. Ndosaka zvichinzi, “kupenya kwemaziso kunofadza mwoyo.” (Zvir. 15:30) Rachel, uyo akatamira kure chaizvo nekwaakakurira anoti, “Ndagara ndiri munhu anonyara zvisingaiti. Dzimwe nguva ndinotofanira kuzvimanikidza kutaura nehama nehanzvadzi dzemuungano yangu itsva. Ndinotsvaga munhu akagara pasi muImba yeUmambo anenge asina waari kutaura naye. Munhu akadaro anogona kunge achinyarawo seni.” Iva nechinangwa chekutaura nemunhu mutsva musangano mumwe nemumwe usati watanga kana kuti paunopera.

Asiwo unogona kunakidzwa nekuonana nevanhu vatsva kwemavhiki mashomanana ekutanga. Asi izvozvo zvinogona kupera nekufamba kwenguva. Panguva yakadaro, ungafanira kushanda nesimba kuti urambe uchiumba ushamwari nevamwe.

Miti inodzurwa ichinodyarwa pane imwe nzvimbo inombosvava, asi painenge yangodyarwa inotanga kumera mimwe midzi

ZVIPE NGUVA YEKUTI UJAIRE

Mimwe miti inotora nguva yakareba kudarika mimwe kuti inyatsobata panzvimbo itsva. Saizvozvowo, nguva inotorwa nevanhu kuti vajaire ungano itsva inosiyana. Kana wakatamira kune imwe ungano asi uchiri kutamburira kuti ujaire, kushandisa mazano emuBhaibheri anotevera kunogona kukubatsira:

“Tisarega kuita zvakanaka, nokuti mumwaka wakakodzera tichakohwa kana tisinganeti.”​VaG. 6:9.

Kuti ujaire, zvipe nguva yakawanda kupfuura yawaitarisira. Semuenzaniso, mamishinari akawanda, ayo akapinda Chikoro cheGiriyedhi anogara kunyika dzaanenge atamira kwemakore anoverengeka asati ashanya kunyika dzaakabva. Izvi zvinoabatsira kuti ave neushamwari hwakasimba nehama dzeko uye ajaire dzimwe tsika.

Alejandro, uyo akatama kanoverengeka, anoziva kuti kujaira imwe nzvimbo hakuitiki zvechimbichimbi. Anoti: “Patakapedzisira kutama, mudzimai wangu akati, ‘Shamwari dzangu dzese dziri kuungano yatakabva!’” Alejandro akamuyeuchidza kuti pavakapedzisira kutama makore maviri akanga adarika, akataura mashoko iwayo chaiwo. Asi mumakore maviri iwayo, akaratidza kuti anoda vamwe uye vanhu vaakanga asingazivi vakava shamwari dzepedyo.

“Usati: ‘Nei mazuva ekare aiva nani pane aya?’ nokuti kubvunza kwako pamusoro peizvi kushaya uchenjeri.”​Mup. 7:10.

Usaenzanisa ungano yako itsva neyawaimbopinda nayo. Semuenzaniso, hama dzemuungano yako itsva dzinogona kunge dzichinyara kana kuti dzichitaura kupfuura zvawakajaira. Isa pfungwa pane zvakanaka zvavanoita sezvaunoda kuti vaitewo kwauri. Vamwe vakatamira kune dzimwe nzvimbo vakashamisika kuti kutama kwacho kwakaita kuti vazvibvunze kuti, ‘Ndinonyatsoda “sangano rose rehama” here?’​—1 Pet. 2:17.

“Rambai muchikumbira, uye muchazvipiwa.”​Ruka 11:9.

Ramba uchinyengeterera rubatsiro. “Usaedza kutsungirira uri wega,” anodaro mumwe mukuru anonzi David. “Zvakawanda zvatinokwanisa kuita, tinongokwanisa kuzviita chete tichibatsirwa naJehovha. Nyengetera nezvazvo!” Rachel, ambotaurwa nezvake anobvumirana nazvo. Anoti, “Kana ini nemurume wangu tikanzwa sekuti tava kure neungano, tinonyengetera kuna Jehovha nezvazvo tichiti, ‘Tibatsireiwo kuti tizive kana paine chatiri kuita chiri kukonzera kuti vamwe vasatifarira.’ Tinobva taedza kuita nguva yakawanda nehama nehanzvadzi.”

Vabereki, kana vana venyu vachitamburira kuti vajaire, wanai nguva yekunyengetera navo nezvenyaya yacho. Vabatsirei kuti vave nedzimwe shamwari kuburikidza nekuronga mikana yekuti vakurudzirane nevamwe.

ITA KUTI VATSVA VAONE KUTI VARI KUGAMUCHIRWA

Ungaita sei kuti ubatsire vatsva vakatamira muungano yako? Ita zvaunogona kuti uve shamwari yechokwadi kubva pekutanga. Kuti udaro, edza kufungidzira kuti zvii zvawaizoda kuitirwa kudai waiva mutsva, uye ita izvozvo. (Mat. 7:12) Vakoke pakunamata kwenyu kwemhuri kana kuti pakuona purogiramu yemwedzi nemwedzi yeJW Broadcasting. Vakumbire kuti mubude mese muushumiri. Kana ukavakoka kuzodya, vacharamba vachiyeuka kuvagamuchira kwaunenge waita. Zvii zvimwe zvaungabatsira nazvo vatsva?

Carlos anoti, “Patakatamira muungano yedu itsva, imwe hanzvadzi yakatipa mazita ezvitoro zvine mitengo iri nani. Izvi zvakatibatsira chaizvo.” Vaya vanenge vabva kunzvimbo dzine mamiriro ekunze akasiyana needu vangafara chaizvo kana tikavabatsira kuziva zvavangapfeka pakunenge kuchipisa, kuchitonhora, kana kuti kuchinaya. Unogonawo kuvabatsira kuti vabudirire muushumiri kuburikidza nekuvaudza nhoroondo yenzvimbo yenyu kana kuvatsanangurira zvinotendwa nevanhu veko.

KUEDZA KUJAIRA UNGANO ITSVA HAKUSI KUSHANDIRA PASINA

Allen, uyo ataurwa patangira nyaya ino ange ari muungano yake itsva kwerinodarika gore. Anoti: “Pakutanga ndaitofanira kushanda nesimba kuti ndizivane nehama nehanzvadzi. Asi iye zvino vava kutoita semhuri yangu, uye ndiri kufara.” Allen akaona kuti kutama kwaakaita hakuna kuita kuti arasikirwe neshamwari. Panzvimbo pezvo, akatowana shamwari itsva, idzo dzinogona kuramba dziri shamwari dzake kweupenyu hwese.

^ ndima 2 Mamwe mazita akachinjwa.