Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Imba Nemufaro!

Imba Nemufaro!

“Zvakanaka kuimbira Mwari wedu.”​—PIS. 147:1.

NZIYO: 10, 2

1. Kuimba kunoita kuti tikwanise kuitei?

MUMWE munyori wenziyo akakurumbira akamboti: “Kunzwa mashoko, kunoita kuti ufunge. Kunzwa mumhanzi kunoita kuti uve nemanzwiro aunoita. Asi paunoimba, mashoko acho anosvika pamwoyo.” Patinoimba nziyo dzedu tinenge tichirumbidza Baba vedu vekudenga Jehovha, uye tinenge tichiratidza kuti tinovada. Nziyo dzacho dzinotiswededza pedyo navo. Ndokusaka kuimba chiri chikamu chinokosha pakunamata kwakachena, tingava tichiimba tiri tega kana kuti neungano yevanhu vaMwari.

2, 3. (a) Vamwe vanganzwa sei nezvekuimba zvinonzwika pamwe chete neungano? (b) Tichakurukura mibvunzo ipi?

2 Asi unonzwa sei nezvekuimba zvinonzwika pamwe chete neungano? Unonyara nazvo here? Mune dzimwe nzvimbo varume vanganzwa vasina kusununguka kuimba paruzhinji. Izvi zvinogona kukanganisa ungano yese kunyanya kana vaya vari kutungamirira vachiva nezvikonzero zvekurega kuimba kana kuti vachiita zvimwe zvinhu ungano painenge ichiimba.​—Pis. 30:12.

3 Kana tichiona kuimba sechikamu chekunamata kwedu, hatingadi kubuda kana kusavapo pachikamu ichi chepurogiramu yemusangano. Saka mumwe nemumwe wedu anofanira kuzvibvunza kuti: ‘Ndinoona sei kuimba kwatinoita pamisangano yedu yekunamata? Ndingakunda sei kutya chero kupi zvako kunganditadzisa kuimba ndichifara? Uye ndingaitei kuti ndinyatsobudisa manzwiro ari munziyo dzatinoimba?’

KUIMBA KUNOKOSHA PAKUNAMATA KWECHOKWADI

4, 5. Urongwa hwekuimba patemberi hwainge hwakaita sei panguva yevaIsraeri?

4 Kubvira kare vashumiri vaJehovha vakatendeka vaishandisa mumhanzi pakurumbidza Jehovha. VaIsraeri pavaishumira Jehovha vakatendeka, kuimba kwaikosheswa chaizvo pakunamata kwavo. Semuenzaniso, paaigadzirira basa repatemberi, Mambo Dhavhidhi akaronga vaRevhi 4 000 kuti varidze mimhanzi yekurumbidza. Pavanhu ava paiva ne288 ‘vakadzidziswa kuimbira Jehovha, vose vari nyanzvi.’​—1 Mak. 23:5; 25:7.

5 Pakatsaurirwa temberi, mumhanzi uye kuimba zvaiva chikamu chinokosha. Bhaibheri rinotiudza kuti: “Varidzi vemabhosvo nevaimbi pavakangoita kuti inzwi ravo rinzwike somunhu mumwe chete vachirumbidza nokuonga Jehovha, pavakangoridzisa mabhosvo nemakwakwakwa esimbi nezviridzwa vachirumbidza Jehovha, . . . kubwinya kwaJehovha [kwakabva] kwazadza imba yaMwari wechokwadi.” Chiitiko ichocho chinofanira kunge chakasimbisa kutenda kwevaIsraeri.​—2 Mak. 5:13, 14; 7:6.

6. Rondedzera zvainge zvakaita urongwa hwekuimba paitonga Nehemiya sagavhuna muJerusarema.

6 Nehemiya paakatungamirira vaIsraeri vakatendeka pakuvaka masvingo eJerusarema, akarongawo vaimbi verudzi rwaRevhi vaitsigirwa nevamwe vairidza zviridzwa zvakasiyana-siyana. Masvingo ainge avakwazve paakatsaurirwa, mumhanzi wakaridzwa wakaita kuti chiitiko chacho chiwedzere kunakidza. Panguva iyi paiva ‘nemapoka makuru maviri evaimbi ekuonga.’ Mapoka acho akafamba akananga kwakasiyana ndokuzonosangana pamadziro pedyo nenzvimbo yetemberi kuti abudise mutinhimira waigona kunzwika kure. (Neh. 12:27, 28, 31, 38, 40, 43) Hapana mubvunzo kuti Jehovha akafadzwa nekunzwa vanamati vake vachiimba nechido nziyo dzekumurumbidza.

7. Jesu akaratidza sei kukosha kwekuimba pakunamata kwechiKristu?

7 Pakatanga ungano yechiKristu, mumhanzi wakaramba uri chikamu chinokosha pakunamata kwechokwadi. Pausiku hunokosha zvikurusa munhoroondo yevanhu, pashure pekunge atanga Kudya kwaShe Kwemanheru, Jesu nevaapostora vake vakaimba nziyo.​—Verenga Mateu 26:30.

8. VaKristu vepakutanga vakaratidza sei muenzaniso wekurumbidza Mwari nenziyo?

8 VaKristu vepakutanga vakaratidza muenzaniso wekurumbidza Mwari pamwe chete kuburikidza nekuimba nziyo. Kunyange zvazvo vaiwanzonamatira mudzimba dzehama, izvozvo hazvina kuderedza chido chavo chekuimbira Jehovha. Achifemerwa naMwari, muapostora Pauro akarayira hama dzake dzechiKristu kuti: “Rambai muchidzidzisana uye muchirayirana nemapisarema, nziyo dzokurumbidza Mwari, nziyo [dzemweya] nenyasha, muimbire Jehovha mumwoyo menyu.” (VaK. 3:16) Nziyo dziri mubhuku redu renziyo ‘inziyo dzemweya’ dzatinofanira kuimba tichionga Jehovha. Dzinobatanidzwawo pazvekudya zvekunamata zvatinopiwa ‘nemuranda akatendeka, akangwara.’​—Mat. 24:45.

ZVAUNGAITA KUTI USATYA KUIMBA

9. (a) Chii chingatadzisa vamwe kuti vaimbe nemufaro pamisangano nepamagungano edu? (b) Tinofanira kuimba sei nziyo dzekurumbidza Jehovha, uye ndiani anofanira kuva pamberi? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

9 Ko kana mumhuri menyu, kwamunogara, kana kuti kwamunobva musingawanzoimbi? Uchishandisa zvinhu zviriko mazuva ano unogona kunakidzwa nekuteerera vaimbi vane unyanzvi. Asi unganyara kana kuora mwoyo paunoenzanisa inzwi rako nezvaunonzwa mumimhanzi yakarekodhwa. Zvisinei, izvozvo hazvifaniri kukutadzisa kuita zvaunofanira kuita zvekuimbira Jehovha uchimurumbidza. Pane kudaro bata bhuku rako renziyo wakariisa nechepamusoro, wosimudza musoro, woimba zvichibva pamwoyo. (Ezra 3:11; verenga Pisarema 147:1.) Mazuva ano muDzimba dzeUmambo dzakawanda, mashoko enziyo dzacho anoratidzwa pamaTV, zvichitibatsira kuti tinyatsoimba. PaChikoro Choushumiri hwoUmambo chevakuru pava kuimbwa nziyo dzeUmambo. Izvi zvinoratidza kuti vakuru vanofanira kuva pamberi panyaya dzekuimba pamisangano.

10. Chii chatinofanira kuyeuka kana kutya kuchititadzisa kuimba zvinonzwika?

10 Vakawanda vanotya kuimba zvinonzwika nekuti vanofunga kuti vangazonyaudza vamwe kana kuti havana inzwi rakanaka. Zvisinei, tinofanira kuyeuka kuti patinotaura, “tose tinokanganisa kazhinji.” (Jak. 3:2) Asi izvozvo hazviiti kuti tirege kutaura. Saka tisarega manzwi edu achiita kuti tirege kuimba tichirumbidza Jehovha.

11, 12. Ndeapi mamwe mazano anotibatsira kuti tivandudze maimbiro edu?

11 Zvimwe tinotya kuimba nekuti hatinyatsozivi kuti tinofanira kuimba sei. Kunyange zvakadaro, tinogona kuvandudza maimbiro edu nekushandisa mazano ari nyore. *

12 Unogona kuimba nesimba uye nenzwi riri pamusoro kuburikidza nekudzidza kufema zvakanaka. Sezvinoita magetsi anobatidza girobho, kufema kunoita kuti inzwi rako rive nesimba paunotaura kana kuimba. Unofanira kuimba zvinonzwika sezvaunoita pakutaura kana kutopfuura ipapo. (Ona mazano anowanika mubhuku raBatsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri, mapeji 181 kusvika ku184 pasi pekamusoro kanoti “Fema Zvakanaka.”) Pakuimba nziyo dzekurumbidza, dzimwe nguva Magwaro anorayira vanamati vaJehovha kuti ‘vashevedzere nemufaro.’​—Pis. 33:1-3.

13. Tsanangura kuti tingawedzera sei kuva nechivimbo pakuimba.

13 Pakunamata kwemhuri kana kuti kunyange uri wega, edza zvinotevera: Sarudza imwe yenziyo dzaunofarira kubva mubhuku redu renziyo. Verenga mashoko acho zvinonzwika nenzwi rakasimba rine chivimbo. Zvadaro uchishandisa vhoriyamu yakafanana, verenga mashoko mashoma ane zvaanoreva usati wafema kechipiri. Chibva waimba mashoko acho, uchishandisa inzwi rine simba saizvozvo. (Isa. 24:14) Inzwi rako richanyatsobuda uye izvozvo zvakanaka. Usatya kana kunyara!

14. (a) Kunyatsovhura muromo wedu kunotibatsira sei pakuimba? (Ona bhokisi rakanzi “ Ungavandudza Sei Maimbiro Ako?”) (b) Mazano api awakaona kuti anobatsira kukunda matambudziko enzwi?

14 Kuti uimbe nenzwi rakasimba, nyatsovhura muromo wako kupfuura zvaunowanzoita paunenge uchitaura. Saka unofanira kuitei kana uchiona sekuti une inzwi risina simba kana kuti rakanyanya kutetepa? Unogona kuwana mazano anobatsira ari mubhuku raBatsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri, peji 184, mubhokisi rakanzi “Kukurira Zvinetso Zvinonyatsozivikanwa.”

IMBA NZIYO DZEKURUMBIDZA NEMWOYO WESE

15. (a) Chii chakaziviswa pamusangano wepagore wa2016? (b) Ndezvipi zvimwe zvikonzero zvakaita kuti bhuku renziyo ridzokororwe?

15 Vanhu vakapinda musangano wepagore wa2016 weWatch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania vakanzwa manyukunyuku Hama Stephen Lett veDare Rinotungamirira pavakazivisa kuti pasina nguva paizova nebhuku idzva renziyo rinonzi ‘Imbira Jehovha Uchifara.’ Hama Lett vakatsanangura kuti chimwe chinangwa chekudzokorora bhuku iri chaiva chekuti nziyo dzacho dzienderane neShanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene yakadzokororwa. Izvi zvaida kuti nziyo dzine mashoko asisawaniki muShanduro yeNyika Itsva ya2013 dzidzokororwe. Mubhuku iri mavawo nenziyo itsva dzinotaura nezvebasa redu rekuparidza uye dzinotaura nezvekuonga kwatinoita rudzikinuro. Uyewo nemhaka yekuti kuimba kunokosha pakunamata kwedu, Dare Rinotungamirira raida kugadzira bhuku remhando yepamusoro rine kavha yakaita seyeShanduro Yenyika Itsva yakadzokororwa.

16, 17. Zvii zvakachinja mubhuku idzva renziyo?

16 Kuti bhuku racho rive nyore pakushandisa, nziyo dzacho dzakarongwa maererano nezvadzinotaura. Semuenzaniso, nziyo 12 dzekutanga dzinotaura nezvaJehovha, nziyo 8 dzinotevera dzinotaura nezvaJesu uye rudzikinuro, zvichingodaro. Pane indekisi ichabatsira zvikuru pazvinhu zvakadai sekusarudza rwiyo rwehurukuro yavose.

17 Kuti zvive nyore kuti munhu wese akwanise kuimba nemwoyo wese, mamwe mashoko akagadziriswa kuti pfungwa dzacho dzinyatsojeka uye mashoko asingachashandiswi nevakawanda akabviswa. Musoro wekuti “Mudzimu Mutsvene​—Chipo Chinobva Kuna Mwari” wava kuti “Chipo chaMwari cheMweya Mutsvene.” Zvakanga zvakakodzera kuti musoro wekuti “Chengetedza Mwoyo Wako” uchinjwe uchinzi “Tinorinda Mwoyo Yedu.” Nemhaka yei? Nekuti pakuimba mashoko erwiyo urwu, munhu ainge achiudza vamwe zvekuita. Izvi zvaigona kuomera vamwe vakadai sevatsva, vechidiki uye hanzvadzi, vanenge vari pamisangano yedu nepamagungano. Saka musoro wacho nemashoko acho zvakachinjwa.

Dzidzirai nziyo pakunamata kwemhuri (Ona ndima 18)

18. Nei tichifanira kujairana nenziyo dziri mubhuku redu idzva renziyo? (Ona mashoko emuzasi.)

18 Nziyo dzakawanda dziri muna ‘Imbira Jehovha Uchifara’ dzakaita seminyengetero. Uchishandisa nziyo idzi unogona kuratidza Jehovha manzwiro aunoita. Dzimwe nziyo dzichaita kuti “tikurudzirane kuva norudo nemabasa akanaka kwazvo.” (VaH. 10:24) Tinoda chaizvo kujairana nemitinhimira uye mashoko zvenziyo dzedu. Unogona kuita izvozvo nekuteerera nziyo dzemashoko dziri pajw.org. Ukadzidzira nziyo dzacho uri kumba, unogona kusvika pakudziimba nechivimbo uye nemwoyo wese. *

19. Vese vari muungano vangabatana sei pakunamata Jehovha?

19 Yeuka kuti kuimba chikamu chinokosha chekunamata kwedu. Inzira inokosha chaizvo yekuti tiratidze kuti tinoda Jehovha uye tinomuonga. (Verenga Isaya 12:5.) Kana ukaimba uchifara, uchakurudzira vamwe kuti vaimbe nechivimbo. Chokwadi, vese vari muungano, vechidiki, vakura, uye vatsva, vanogona kubatana pachikamu ichi chekunamata Jehovha. Saka usazeza kuimba nemwoyo wese. Pane kuti uzeze, teerera murayiro wakafemerwa munyori wepisarema wekuti: “Imbirai Jehovha”! Saka, imba nemufaro!​—Pis. 96:1.

^ ndima 11 Kuti uwane mimwe mirayiridzo yekuvandudza inzwi rako pakuimba, ona purogiramu yemwedzi nemwedzi yeJW Broadcasting yaDecember 2014 yeChirungu (chikamu chemavhidhiyo chakanzi KUBVA MUSTUDIO MEDU).

^ ndima 18 Kuti tibatsirwe kuva nechido chekuimba, chikamu chega chega chepurogiramu yegungano chinotanga nemimhanzi inoridzwa kwemaminitsi 10. Mimhanzi iyi yakaridzwa nechinangwa chekutibatsira kugadzirira mwoyo yedu nepfungwa kuti tizoteerera purogiramu yacho. Saka tinokurudzirwa kuti tinge tagara pasi kubva panotanga mimhanzi iyi kuti tinyatsoiteerera.