Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Uri Kupotera Kuna Jehovha Here?

Uri Kupotera Kuna Jehovha Here?

“Jehovha anodzikinura mweya yevashumiri vake; pane vaya vanopotera kwaari hapana kana mumwe chete achanzi ane mhosva.”​—PIS. 34:22.

NZIYO: 8, 54

1. Nemhaka yechivi chatiinacho, vashumiri vaMwari vakatendeka vanowanzonzwa sei?

“NDIRI munhu wenhamo!” (VaR. 7:24) Vashumiri vaJehovha vakatendeka vakawanda vanova nemanzwiro akafanana neemuapostora Pauro. Tese tinotambura nechivi chatinoberekwa tiinacho, uye tinogona kuora mwoyo maitiro edu paasingaratidzi kuti tine chido chekufadza Jehovha. Vamwe vaKristu vakaita chivi chakakura vakatonzwa sekuti Mwari haazombovaregereri.

2. (a) Pisarema 34:22 inoratidza sei kuti vashumiri vaMwari havafaniri kunyanya kuzvipa mhosva? (b) Nyaya ino ichataura nezvei? (Ona bhokisi rakanzi “ Pane Zvidzidzo Here Kana Kuti Pane Zvazvinomiririra?”)

2 Kunyange zvakadaro, Magwaro anoita kuti tizive kuti vaya vanopotera kuna Jehovha havafaniri havo kunyanya kuzvipa mhosva. (Verenga Pisarema 34:22.) Kupotera kuna Jehovha kunosanganisirei? Matanho api atinofanira kutora kuti Jehovha atinzwire ngoni uye atiregerere? Tinowana mhinduro dzemibvunzo iyoyo nekuongorora urongwa hwemaguta ekupotera aiva muIsraeri. Urongwa ihwohwo hwaiva pasi pesungano yeMutemo, iyo yakatsiviwa paPendekosti ya33 C.E. Asi yeuka kuti Mutemo wakabva kuna Jehovha. Saka paurongwa hwemaguta ekupotera, tinodzidza kuti Jehovha anoona sei chivi, vatadzi uye kupfidza. Ngatitangei nekukurukura chinangwa chemaguta aya uye kushanda kwaaiita.

“ZVISARUDZIREI MAGUTA OKUTI MUPOTERE”

3. VaIsraeri vaibata sei nyaya dzevanhu vaiuraya vamwe nemaune?

3 Jehovha aiona nyaya dzese dzekuteura ropa muIsraeri sedzakakura chaizvo. Vanhu vaiuraya vamwe nemaune vaiurayiwa nehama yepedyosa yechirume yemunhu ainge aurayiwa, yaizivikanwa ‘semutsivi weropa.’ (Num. 35:19) Izvi zvaiita kuti ropa rainge rateurwa remunhu ainge asina mhosva riyananiswe. Kukurumidza kuita izvi kwaichengetedza Nyika Yakapikirwa kuti isasvibiswa, nekuti Jehovha akarayira kuti: “Musasvibisa nyika yamugere; nokuti [kuteura ropa remunhu ndiko kunosvibisa] nyika.”​—Num. 35:33, 34.

4. Nyaya dzekuteura ropa remunhu netsaona dzaibatwa sei muIsraeri?

4 Asi vaIsraeri vaibata sei nyaya dzekuteura ropa remunhu netsaona? Kunyange zvazvo zvainge zvaitika netsaona, muurayi wacho aiva nemhosva yekuteura ropa risina mhosva. (Gen. 9:5) Asi aibvumirwa kutizira kune rimwe remaguta 6 ekupotera kuti asaurayiwa nemutsivi weropa. Ikoko aigona kudzivirirwa. Muurayi wacho aifanira kugara muguta rekupotera kusvikira mupristi mukuru afa.​—Num. 35:15, 28.

5. Urongwa hwemaguta ekupotera hunotibatsira sei kunzwisisa Jehovha zviri nani?

5 Urongwa hwekuti maguta aya ave maguta ekupotera hahuna kutangwa nevanhu. Jehovha pachake ndiye akarayira Joshua kuti: “Taura nevanakomana vaIsraeri, uchiti, ‘Zvisarudzirei maguta okuti mupotere.’” Maguta acho akaitwa “matsvene.” (Josh. 20:1, 2, 7, 8) Saka urongwa hwemaguta aya ekupotera hunotibatsira sei kunzwisisa ngoni dzaJehovha zviri nani? Uye hunotidzidzisei nezvekupotera kwatingaita kwaari mazuva ano?

“ATAURE MASHOKO AKE VARUME VAKURU VEGUTA RACHO VACHINZWA”

6, 7. (a) Rondedzera zvaiitwa nevarume vakuru pakutonga nyaya yemunhu aiuraya mumwe netsaona. (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.) (b) Nei kwaiva kuchenjera kuti mupoteri ataure nevarume vakuru?

6 Pashure pekunge auraya munhu netsaona, mupoteri aifanira kutanga ‘ataura mashoko ake varume vakuru vachinzwa’ pagedhi reguta raainge apotera kwariri. Aifanira kugamuchirwa zvakanaka. (Josh. 20:4) Pashure pechinguva, aizoendeswa kuvakuru veguta raakaurayira munhu, uye vakuru ivavo ndivo vaitonga nyaya yacho. (Verenga Numeri 35:24, 25.) Mupoteri aizodzorerwa kuguta rekupotera pashure pekunge zvaonekwa kuti munhu wacho akaurayiwa netsaona.

7 Nei nyaya yacho yaitongwa nevarume vakuru? Vaifanira kuita kuti ungano yevaIsraeri irambe yakachena uye kuitira kuti uya ainge auraya netsaona anzwirwe ngoni naJehovha. Mumwe muongorori weBhaibheri akanyora kuti kana mupoteri akarega kuenda kuvarume vakuru, “zvaimuipira.” Akawedzera kuti: “Ropa rake raiva pamusoro wake, nekuti ainge asina kushandisa urongwa hwekumuchengetedza hwakaitwa naJehovha.” Munhu ainge auraya mumwe netsaona aigona kuwana rubatsiro, asi aitofanira kutsvaga rubatsiro rwacho obva arushandisa. Kana akasatsvaga kupotera mune rimwe remaguta akasarudzwa naJehovha, hama yepedyosa yemunhu waainge auraya yaigona kumuuraya.

8, 9. Nei muKristu akaita chivi chakakura achifanira kutaura nevakuru kuti abatsirwe?

8 Mazuva ano, muKristu anenge aita chivi chakakura anofanira kutsvaga kubatsirwa nevakuru vemuungano. Nei izvozvo zvichikosha chaizvo? Kutanga, urongwa hwekuti vakuru vabate nyaya dzakadaro dzezvivi zvakakura hunobva kuna Jehovha, sezviri muShoko rake. (Jak. 5:14-16) Chechipiri, urongwa uhwu hunoita kuti vatadzi vanenge vapfidza varambe vachifarirwa naMwari uye vasava netsika yekuita chivi. (VaG. 6:1; VaH. 12:11) Chechitatu, vakuru vakapiwa uye vakadzidziswa basa rekusimbisa vatadzi vanenge vapfidza, vachivabatsira kuti vasanyanya kurwadziwa uye kunzwa vaine mhosva. Jehovha anodana varume vakuru vakadaro kuti “nzvimbo yokuvanda dutu rine mvura.” (Isa. 32:1, 2) Haubvumirani nazvo here kuti urongwa uhwu hunoratidza kuti Mwari ane ngoni?

9 Vakawanda vevashumiri vaMwari vakaona kuzorodza kwazvinoita kana ukabatsirwa nevakuru. Semuenzaniso, imwe hama inonzi Daniel yakaita chivi chakakura asi kwemwedzi yakawanda yaizeza kuudza vakuru. Anoti: “Nekufamba kwakanga kwaita nguva, ndakafunga kuti pakanga pasisina zvaigona kuitwa nevakuru. Asi ndaigara ndichingonetseka kuti mumwe munhu aizoziva nezvechivi changu. Uye pese pandainyengetera kuna Jehovha, ndaiona sekuti ndaifanira kutanga ndareurura zvese zvandakanga ndaita.” Daniel akazotsvaga kubatsirwa nevakuru. Achifunga zvakaitika panguva yacho, anoti: “Chokwadi ndaitya kutaura navo. Asi pashure peizvi, zvakaita sekuti mumwe munhu ainge abvisa mutoro unorema pamapfudzi angu. Iye zvino ndava kunzwa ndakasununguka kutaura naJehovha pasina chinondikanganisa.” Iye zvino Daniel ane hana yakachena uye munguva ichangopfuura akagadzwa kuva mushumiri anoshumira.

“NGAATIZIRE KUNE RIMWE REMAGUTA AYA”

10. Munhu ainge auraya mumwe netsaona aifanira kukurumidza kuitei kuti anzwirwe ngoni?

10 Munhu ainge auraya mumwe munhu netsaona ane zvaaifanira kuita kuti anzwirwe ngoni. Aifanira kutizira kuguta rekupotera raiva pedyo. (Verenga Joshua 20:4.) Hatingafungidziri mupoteri achiita zvekutamba nenyaya yacho. Kuti achengetedze upenyu hwake aifanira kukurumidza kusvika muguta racho oramba arimo. Izvi zvinoreva kuti aifanira kurasikirwa nezvimwe zvinhu. Aitofanira kusiya basa rake, imba yake, uye aisazova nerusununguko rwekuenda kune dzimwe nzvimbo, kusvika mupristi mukuru afa. * (Num. 35:25) Asi zvaiva nani kurasikirwa nezvinhu izvozvo. Kana aizobuda muguta racho, mupoteri ainge achiratidza kusava nehanya neropa raakateura uye upenyu hwake hwaizova pangozi.

11. MuKristu anenge apfidza anofanira kuitei kuratidza kuti haasi kurerutsa ngoni dzaMwari?

11 Mazuva ano, vatadzi vanenge vapfidza vane zvavanofanirawo kuita kuti vanzwirwe ngoni naMwari. Tinofanira kusiya tsika yekuita zvivi, totizawo kunyange zvivi zvidiki izvo zvinowanzoita kuti tipedzisire taita zvivi zvakakura. Muapostora Pauro akafemerwa kunyora achirondedzera zvakaitwa nevaKristu vainge vapfidza vaiva muKorinde. Akanyora kuti: “Chinhu ichochi, iko kusuruvariswa kwenyu sezvinodiwa naMwari, . . . kwakaita kuti muve vomwoyo wose zvikuru sei, pakuzvichenesa kwenyu, pakutsamwa, pakutya, pakusuwa, pakushingaira, pakururamisa zvakaipa!” (2 VaK. 7:10, 11) Tikashanda nesimba kuti tisiye tsika yekuita zvivi, tinenge tichiratidza Jehovha kuti tinokoshesa urongwa hwake, tisingaoni sekuti Jehovha agara achangotinzwira ngoni.

12. Zvii zvingafanira kuregwa nemuKristu kuti arambe achinzwirwa ngoni naMwari?

12 MuKristu angafanira kurega zvinhu zvipi kuti arambe achinzwirwa ngoni naMwari? Anofanira kunge akagadzirira kurega kunyange zvinhu zvaanoda chaizvo kana zvichimuita kuti ave pangozi yekuita zvivi. (Mat. 18:8, 9) Kana dzimwe shamwari dzichikuisa pamuedzo wekuita zvinhu zvisingafadzi Jehovha, ucharega kushamwaridzana nadzo here? Kana zvichikuomera kuva nemwero pakushandisa zvinwiwa zvinodhaka, une chido here chekudzivisa mamiriro ezvinhu angaita kuti unwe zvakapfurikidza? Kana uri kurwisa chido chekuita unzenza hwepabonde, uri kudzivisa here mafirimu, mawebsite, kana zvimwe zvinhu zvingaita kuti utange kufunga zvinhu zvisina kuchena? Yeuka kuti kurasikirwa nezvinhu izvozvo tichiitira kuti tirambe takavimbika kuna Jehovha kushandira zviripo. Hapana chinorwadza kupfuura kunzwa sewasiyiwa naye. Asiwo hapana chinhu chinogutsa kupfuura kunzwa tichiratidzwa ‘rudo rwake rwakavimbika nekusingaperi.’​—Isa. 54:7, 8.

“AVE KWAMUNGAPOTERA”

13. Tsanangura kuti nei mupoteri aigona kunzwa akachengeteka, asina chekutya uye achifara ari muguta rekupotera.

13 Kana mupoteri angopinda muguta rekupotera, ainge achengeteka. Achitaura nezvemaguta iwayo, Jehovha akati: “Ave kwamungapotera.” (Josh. 20:2, 3) Jehovha aisada kuti muurayi wacho atongerwe nyaya yacho zvakare, kana kuti mutsivi weropa abvumirwe kupinda muguta racho ouraya mupoteri. Saka mupoteri aisafanira hake kutya kuti angatsiviwa. Paaingopinda muguta, aibva achengeteka pasi peurongwa hwaJehovha hunodzivirira. Guta iri raisava jeri rekupotera. Muguta macho, mupoteri aiva nemukana wekushanda, kubatsira vamwe uye kushumira Jehovha murugare. Aitogona kurarama upenyu hunofadza uye hunogutsa ari imomo!

Iva nechivimbo kuti Jehovha anoregerera (Ona ndima 14-16)

14. MuKristu anenge apfidza anogona kuva nechivimbo chei?

14 Vamwe vevanhu vaMwari vakaita zvivi zvakakura ndokupfidza vanonyanya kuzvipa mhosva zvekuti vanonzwa sekuti vari “mujeri,” kunyange kutonzwa sekuti Jehovha acharamba achivaona sevanhu vakasvibiswa nechivi chakakura chavakaita. Kana uchinzwa saizvozvo, iva nechokwadi chekuti Jehovha paanokuregerera, anonyatsokuregerera zvekuti haufaniri hako kuramba uchizvipa mhosva. Daniel ambotaurwa nezvake akaona kuti ichi ichokwadi. Pashure pekunge vakuru vamururamisa uye vamubatsira kuti avezve nehana yakachena, akati: “Ndakanzwa kurerukirwa chaizvo. Pashure pekunge nyaya yacho yabatwa zvakakodzera, handina kuzonzwa ndiine mhosva zvakare. Kana chivi charegererwa, chinenge chatoregererwa. Sekutaura kwaakaita, Jehovha anobvisa mitoro yako oiisa kure newe. Hauzomboioni zvakare.” Paaingopinda muguta rekupotera, mupoteri aisafanira kunetseka kuti mutsivi weropa aizomuuraya. Saizvozvowo, kana Jehovha aregerera chivi chedu, hatifaniri hedu kutya kuti pamwe Jehovha ari kutsvaga chikonzero chekuti afukunure chivi chacho kana kuti atitongere chivi chacho zvakare.​—Verenga Pisarema 103:8-12.

15, 16. Basa raJesu seMudzikinuri uye Mupristi Mukuru rinosimbisa sei chivimbo chako chekuti Mwari ane ngoni?

15 Chokwadi isu titori nechikonzero chakakura kudarika vaIsraeri chekuva nechivimbo chekuti Jehovha ane ngoni. Pashure pekunge Pauro ataura nezvekukundikana kwake kuteerera Jehovha zvakakwana, akati: “Mwari ngaaongwe nokuna Jesu Kristu Ishe wedu!” (VaR. 7:25) Saka pasinei nekurwisana nechivi kwaaiita uye zvinhu zvakaipa zvaainge amboita ndokupfidza, Pauro aiva nechivimbo chekuti Mwari aizomuregerera kuburikidza naJesu. SeMudzikinuri wedu, Jesu anochenesa hana dzedu uye anotipa rugare rwemwoyo. (VaH. 9:13, 14) SeMupristi wedu Mukuru, “anokwanisawo kuponesa zvakakwana vaya vanosvika kuna Mwari vachishandisa iye, nokuti anogara ari mupenyu kuti ateterere nokuda kwavo.” (VaH. 7:24, 25) Kana basa remupristi mukuru raiita kuti vaIsraeri vave nechokwadi chekuti zvivi zvavo zvaizoregererwa, basa reMupristi Mukuru, Jesu, rinotoita kuti tive nechivimbo chekuti tinogona ‘kunzwirwa ngoni uye kuitirwa mutsa usina kukodzera kuwanwa kuti tibatsirwe panguva yakakodzera.’​—VaH. 4:15, 16.

16 Saka kuti upotere kuna Jehovha, tenda muchibayiro chaJesu. Haisi nyaya yekungobvuma kuti rudzikinuro runobatsira vanhu vakawanda chaizvo. Asi iva nekutenda kuti rudzikinuro runoshanda kwauri. (VaG. 2:20, 21) Iva nekutenda kuti rudzikinuro ndirwo runoita kuti zvivi zvako zviregererwe. Iva nekutenda kuti rudzikinuro runoita kuti uve netariro yeupenyu husingaperi. Chibayiro chaJesu chipo chaJehovha kwauri.

17. Nei uchida kupotera kuna Jehovha?

17 Maguta ekupotera anoratidza ngoni dzaJehovha. Achishandisa urongwa uhwu, Mwari haana kungosimbisa nyaya yeutsvene hweupenyu chete, asi akaratidzawo kubatsirwa kwatinoitwa nevakuru, kuti kupfidza kwechokwadi kunosanganisirei uye kuti nei tingava nechivimbo chakazara chekuti Jehovha anoregerera. Uri kupotera kuna Jehovha here? Hakuna imwe nzvimbo yatingachengeteka zviri nani! (Pis. 91:1, 2) Munyaya inotevera, tichaona kuti maguta ekupotera angatibatsira sei kutevedzera muenzaniso wakakura waJehovha wekururamisira uye wengoni.

^ ndima 10 Maererano nemabhuku anotaura nezvechiJudha, mhuri yemunhu ainge auraya mumwe netsaona inofanira kunge yaizonogara naye kuguta rekupotera.