Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

‘Munhu Ane Rupo Achakomborerwa’

‘Munhu Ane Rupo Achakomborerwa’

ZVIBAYIRO zvakabvira kare zvichikosheswa pakunamata kwechokwadi. VaIsraeri vaipa zvibayiro zvemhuka, uye vaKristu vagara vachizivikanwa nekupa “chibayiro chokurumbidza.” Asi pane zvimwe zvibayiro zvinofadza Mwari zvikuru. (VaH. 13:15, 16) Zvibayiro izvi zvinounza mufaro nemakomborero sezvinoratidzwa nemienzaniso inotevera.

Hana, mushumiri waJehovha ainge akatendeka, aida chaizvo kuva nemwanakomana asi aisakwanisa kubereka vana. Akanyengetera achipika kuna Jehovha kuti kana akabereka mwanakomana, ‘aizomupa Jehovha mazuva ese eupenyu hwake.’ (1 Sam. 1:10, 11) Hana akazova nepamuviri ndokubereka mwanakomana ainzi Samueri. Samueri paakarumurwa, Hana akamuendesa kutebhenekeri sezvaakanga apika. Jehovha akakomborera kuzvipira kwaHana. Hana akava nevamwe vana 5, uye Samueri akava muprofita uye munyori weBhaibheri.​—1 Sam. 2:21.

Kufanana naHana naSamueri, mazuva ano vaKristu vane ropafadzo yekushandisa upenyu hwavo pakushumira Musiki wavo. Jesu akavimbisa kuti chero kuzvipira kwatinoita kuti tinamate Jehovha kuchakomborerwa.​—Mako 10:28-30.

Panguva yevaKristu vekutanga, mumwe mukadzi wechiKristu ainzi Dhokasi aizivikanwa chaizvo ‘nemabasa akanaka ekupa zvipo zvekunzwira ngoni.’ Asi akarwara ndokufa, uye izvi zvakaita kuti ungano yacho isuruvare zvikuru. Vadzidzi pavakanzwa kuti Petro aiva munharaunda yacho, vakamukumbira kuti akurumidze kuuya. Fungidzira kufara kwavakaita Petro paakauya akamutsa Dhokasi. Urwu ndirwo rumuko rwekutanga runozivikanwa rwakaitwa nemuapostora. (Mab. 9:36-41) Mwari akanga asina kukanganwa kuzvipira kwaDhokasi. (VaH. 6:10) Mabasa ake erupo akanyorwa muShoko raMwari semuenzaniso wekuti titevedzere.

Muapostora Pauro akaratidzawo muenzaniso wakanaka zvikuru pakushandisa nguva yake uye pakuratidza kuti aiva nehanya nevamwe. Paainyorera hama dzake dzaiva muKorinde, Pauro akati: “Ini ndichafara kwazvo kushandisa zvinhu zvose uye kushandiswa zvizere nokuda [kwenyu].” (2 VaK. 12:15) Pauro akadzidza pane zvakaitika kwaari kuti kana munhu akazvipira achiitira vamwe zvakanaka anogutsikana zvikuru uye chinonyanya kukosha ndechekuti anokomborerwa uye anofarirwa naJehovha.​—Mab. 20:24, 35.

Zviri pachena kuti Jehovha anofadzwa nazvo patinoshandisa nguva yedu uye simba redu pakutsigira Umambo uye kubatsira vatinonamata navo. Asi pane dzimwe nzira here dzekutsigira nadzo basa rekuparidza Umambo? Hongu! Kuwedzera pamabasa anoratidza rudo, tinogona kukudza Mwari nekupa zvipo. Zvipo izvi zvinoshandiswa pakutsigira basa rekuparidza rinoitwa pasi rese, iro rinosanganisira kutsigira mamishinari uye vamwe vashumiri chaivo venguva yakazara. Uyewo kugadzirwa nekushandurwa kwemabhuku nemavhidhiyo, kubatsira panoitika njodzi, uye kuvakwa kweDzimba dzeUmambo, zvese zvinotsigirwa nezvipo zvatinopa. Tinogona kuva nechokwadi chekuti ‘munhu anopa achakomborerwa.’ Uyewo patinopa zvinhu zvedu zvinokosha kuna Jehovha, tinenge tichimukudza.​—Zvir. 3:9; 22:9.